Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Izvi Ndizvo Zvaida Mwari Here?

Izvi Ndizvo Zvaida Mwari Here?

VERENGA chero pepanhau ripi zvaro. Tarira terevhizheni, kana kuti teerera redhiyo. Kune nyaya dzakawanda dzokuparwa kwemhosva, hondo, uye ugandanga! Funga nezvematambudziko ako. Zvichida kurwara kana kuti kufirwa nomudiwa wako kuri kukurwadza zvikuru. Unganzwa sezvakaita murume akanga akanaka Jobho, uyo akataura kuti akanga ati “chakwata nenhamo.”—Jobho 10:15, The Holy Bible in the Language of Today.

Zvibvunze kuti:

  • Izvi ndizvo zvaida Mwari kuti zviitike kwandiri uye kune vamwe vanhu vose here?

  • Ndokupi kwandingawana rubatsiro rwokuti ndikunde matambudziko angu?

  • Pane tariro here yokuti tichazomboona rugare panyika?

Bhaibheri rinopa mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi.

BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI MWARI ACHAITA KUTI ZVINHU IZVI ZVICHINJE PASI PANO

  • “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:4

  • “Munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono.”—Isaya 35:6

  • “Maziso emapofu achasvinudzwa.”—Isaya 35:5

  • “Vaya vose vari mumakuva vachayeukwa . . . vobuda.”—Johani 5:28, 29

  • “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24

  • “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo.”—Pisarema 72:16

BATSIRWA NEZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

Usakurumidza kuramba zviri kuratidzwa pamapeji apfuura sezvinhu zvinongodiwawo zvazvo nepfungwa. Mwari akapikira kuti achaunza zvinhu zvakadaro, uye Bhaibheri rinotsanangura kuti achazviita sei.

Asi Bhaibheri rinoita zvinopfuura izvozvo. Ndiro rinoita kuti uve noupenyu hunogutsa zvechokwadi kunyange iye zvino. Chimbofunga kwekanguva pamusoro pezvinokudya mwoyo uye matambudziko ako. Zvingava kushaya mari, matambudziko emhuri, utano husina kunaka, kana kuti kufa kwomudiwa. Bhaibheri rinogona kukubatsira kugadzirisa matambudziko nhasi, uye rinogona kukuzorodza nokupindura mibvunzo yakadai seiyi:

  • Nei tichitambura?

  • Tingararama sei nezvinhu zvoupenyu zvinoita kuti tizvidye mwoyo?

  • Tingaita sei kuti upenyu hwemhuri yedu huve hunofadza?

  • Chii chinoitika kwatiri patinofa?

  • Tichazomboonazve vadiwa vedu vakafa here?

  • Tingava sei nechokwadi chokuti Mwari achazadzisa zvipikirwa zvake zvenguva yemberi?

Kuverenga kwauri kuita bhuku rino kunoratidza kuti ungada kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri. Bhuku rino richakubatsira. Ona kuti ndima dzacho dzine mibvunzo inoenderana nadzo iri pazasi pepeji yacho. Mamiriyoni evanhu anonakidzwa paanokurukura Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha pachiita zvokubvunzwa mibvunzo uye ichipindurwa. Tinovimba kuti iwe uchanakidzwawo. Zvino chikomborero chaMwari ngachive newe sezvaunodzidza zvinhu chaizvo zvinodzidziswa neBhaibheri zvinonakidza uye zvinogutsa!