Isaya 52:1-15
52 Muka! Muka! Pfeka simba,+ haiwa iwe Ziyoni!+
Pfeka nguo dzako dzakanaka,+ haiwa iwe Jerusarema, guta dzvene!
Nekuti munhu asina kuchecheudzwa uye asina kuchena haazopindizve mauri.+
2 Zunza guruva, simuka ugare pachigaro, haiwa iwe Jerusarema.
Sunungura zvisungo zviri mumutsipa mako, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni akatapwa.+
3 Nekuti zvanzi naJehovha:
“Makatengeswa pasina mubhadharo,+Uye muchadzikinurwa pasina mari.”+
4 Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
“Pakutanga vanhu vangu vakadzika kuIjipiti kuti vagare ikoko vari vatorwa;+Asiriya yakabva yavadzvinyirira pasina chikonzero.”
5 “Zvino ndoita sei?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Nekuti vanhu vangu vakatorwa pasina mubhadharo.
Vaya vari kuvatonga vanoramba vachishevedzera nekuda kwekukunda kwavo,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Uye nguva dzese, muswere wese, zita rangu harisi kuremekedzwa.+
6 Nekuda kwaizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu;+Nekuda kwaizvozvo, pazuva iroro vachaziva kuti ndini ndiri kutaura.
Inzwai, ndini!”
7 Dzakanaka sei mumakomo tsoka dzeuya ari kuuya nemashoko akanaka,+Iye ari kuzivisa rugare,+Iye ari kuuya nemashoko akanaka ezvinhu zvakanaka,Iye ari kuzivisa ruponeso,Iye ari kuti kuZiyoni: “Mwari wako ava Mambo!”+
8 Teerera! Varindi vako vanoshevedzera.
Vanoshevedzera pamwe chete vachifara,Nekuti vachanyatsozviona, Jehovha paachaunganidzazve Ziyoni.
9 Farai, shevedzerai nemufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema,+Nekuti Jehovha anyaradza vanhu vake;+ adzikinura Jerusarema.+
10 Jehovha aisa ruoko rwake rutsvene pachena pamberi pemarudzi ese;+Migumo yese yenyika ichaona mabasa eruponeso aMwari* wedu.+
11 Ibvai, ibvai, budai imomo,+ musabata chinhu chisina kuchena!+
Budai mariri,+ rambai makachena,Imi muri kutakura midziyo yaJehovha.+
12 Nekuti hamuzovhunduki pamuchabuda,Uye hamuzofaniri henyu kutiza,Nekuti Jehovha achakutungamirirai,+Uye Mwari waIsraeri achava murindi wenyu weshure.+
13 Inzwai! Mushumiri wangu+ achaita zvinhu nenjere.
Achakwidziridzwa pamusoro,Achaiswa pamusoro uye achakwidziridzwa kwazvo.+
14 Vazhinji zvavakaramba vakamutarisa vachishamiswa,Nekuti chiso chake chakanga chakakanganisika kupfuura vamwe vanhu veseUye chimiro chake chakanaka chakanga chakakanganisika kupfuura chevanhu,
15 Saizvozvowo achavhundutsa marudzi mazhinji.+
Madzimambo achavhara miromo yawo* pamberi pake,+Nekuti iwo achaona zvaasina kumboudzwa,Uye achafunga nezvezvinhu zvaakanga asina kumbonzwa.+

