Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ida Muvakidzani Wako Sezvaunozviita”

“Ida Muvakidzani Wako Sezvaunozviita”

“[Murayiro] wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’”—MAT. 22:39.

1, 2. (a) Jesu akati murayiro mukuru wechipiri ndeupi? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

MUMWE muFarisi akaedza Jesu nokumubvunza kuti: “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru paMitemo yose?” Sezvatakaona munyaya yakapfuura, Jesu akapindura kuti “murayiro mukuru pane yose uye wokutanga” ndewokuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” Jesu akawedzera kuti: “Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’”—Mat. 22:34-39.

2 Jesu akati tinofanira kuda muvakidzani wedu sekuda kwatinozviita. Saka tinofanira kuzvibvunza kuti: Muvakidzani wangu anombova ani? Tingaratidza sei kuti tinoda muvakidzani?

MUVAKIDZANI WEDU ANOMBOVA ANI?

3, 4. (a) Jesu akashandisa mufananidzo upi kupindura mubvunzo wokuti: “Muvakidzani wangu anombova ani”? (b) MuSamariya akabatsira sei murume ainge abirwa, arohwa uye asiyiwa ava kuda kufa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Tinowanzofunga kuti muvakidzani munhu anogara pedyo  nesu. (Zvir. 27:10) Asi funga zvakataurwa naJesu paakabvunzwa nomumwe murume azviita akarurama kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” Jesu akabva ataura mufananidzo wemuSamariya akanaka. (Verenga Ruka 10:29-37.) Mupristi wechiIsraeri uye muRevhi vaifanira kunge vakabatsira murume wechiJudha wavakaona abirwa nematsotsi, akarohwa uye akasiyiwa ava kuda kufa. Zvisinei, vakangopfuura vasina kana chavakaita. Murume wacho akazobatsirwa nemuSamariya. VaSamariya vairemekedza Mutemo waMosesi, asi panguva iyoyo vaJudha nevaSamariya vaisadyidzana.—Joh. 4:9.

4 MuSamariya wacho akadira mafuta uye waini pamaronda emurume ainge akuvadzwa kuti akurumidze kupora. Akazopa muchengeti weimba yevanenge vari parwendo madhinari maviri uye mari iyoyo yaienzana neyaitambirwa nemushandi pamazuva maviri. (Mat. 20:2) Saka zviri nyore kuona kuti ndiani aiva muvakidzani womurume ainge arohwa nematsotsi. Chokwadi mufananidzo waJesu unotidzidzisa kuti tinofanira kuda muvakidzani wedu uye kumunzwira tsitsi.

Vashumiri vaJehovha vanoratidza kuti vanoda muvakidzani nokukurumidza kubatsira vamwe (Ona ndima 5)

5. Vashumiri vaJehovha vakaratidza sei kuti vanoda muvakidzani pashure pokunge paitika njodzi?

5 Hazvisi nyore kuwana vanhu vane tsitsi vakaita semuSamariya akanaka. Izvi zvakatonyanya ‘mumazuva ano okupedzisira’ nokuti vanhu vakawanda havana rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vanotyisa uye havadi zvakanaka. (2 Tim. 3:1-3) Somuenzaniso, zvinhu zvinogona kuoma kana pakaitika njodzi. Funga zvakaitika kuNew York City muna October 2012, pakaitika rimwe dutu rinonzi Hurricane Sandy. Mune imwe nzvimbo yainge yasakadzwa nedutu iri, vanhu vakawanda vainge vava kutambura nokuti vainge vasisina magetsi, vachitonhorwa uye vasina zvimwewo zvinhu zvinokosha. Asi zvinorwadza kuti vamwe vanhu vaiuya vachibira vanhu ivavo vaitambura. Munzvimbo iyoyo, Zvapupu zvaJehovha zvakaronga kuti zvibatsirane uye zvibatsirewo vamwe vasiri zvapupu. VaKristu vanobatsira vamwe nokuti vanoda muvakidzani wavo. Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuratidza kuti tinoda muvakidzani?

KURATIDZA KWATINGAITA KUTI TINODA MUVAKIDZANI

6. Basa redu rokuparidza rinoratidza sei kuti tinoda vavakidzani?

6 Batsira vanhu pakunamata. Tinoita izvi nokuvaratidza mashoko ‘anonyaradza anobva muMagwaro.’ (VaR. 15:4) Patinoudza vamwe chokwadi chiri muBhaibheri tinenge tichitoratidza kuti tiri vavakidzani vakanaka. (Mat. 24:14) Chokwadi tine ropafadzo yakakura yokuzivisa mashoko oUmambo anobva kuna “Mwari anopa tariro”!—VaR. 15:13.

7. Izano ripi rakataurwa naJesu uye tinokomborerwa sei kana tikaritevedzera?

7 Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo. Jesu paaipa Mharidzo yake yepaGomo akapa zano rokuti: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo; izvi, chokwadi, ndizvo zvinorehwa noMutemo neZvakanyorwa nevaprofita.” (Mat. 7:12) Kana tikabata vamwe sezvakataurwa naJesu, tinenge tichiita zvinoenderana nechinangwa cho“Mutemo” (Genesisi kusvika Dheuteronomio) “neZvakanyorwa nevaprofita” (mabhuku ouprofita eMagwaro echiHebheru). Mabhuku iwayo eBhaibheri anoratidza kuti Mwari anokomborera vaya vanoratidza rudo kune vamwe. Somuenzaniso, muna Isaya, Jehovha anoti: “Ruramisirai, uye itai zvakarurama . . . Anofara munhuwo zvake anoita izvi.” (Isa. 56:1, 2) Chokwadi takakomborerwa nokuti tinobata vamwe zvakanaka uye tinovaratidza rudo.

8. Nei tichifanira kuda vavengi vedu, uye chii chinogona kuitika kana tikavada?

 8 Ida vavengi vako. Jesu akati: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida muvakidzani wako uvenge muvengi wako.’ Zvisinei, ini ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga.” (Mat. 5:43-45) Muapostora Pauro akataurawo zvakafanana paakati: “Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe.” (VaR. 12:20; Zvir. 25:21) Mutemo waMosesi waitaura kuti munhu aifanira kubatsira muvengi wake kusunungura mhuka yake kana yatsitsirirwa nomutoro wayo. (Eks. 23:5) Kushanda pamwe chete saizvozvo kwaigona kuita kuti vanhu vaimbovengana vapedzisire vava shamwari. Kuratidza rudo kwatinoita sevaKristu kwakaita kuti vavengi vedu vakawanda vapedzisire vava kutifarira. Tinofara chaizvo kana tikaona vaya vaititambudza zvakanyanya vava vaKristu vechokwadi.

9. Jesu akati chii nezvokuva norugare nehama yedu?

9 ‘Tevera rugare nevanhu vose.’ (VaH. 12:14) Kuva nerugare nevanhu vose kunosanganisirawo hama dzedu, nokuti Jesu akati: “Kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.” (Mat. 5:23, 24) Mwari achatikomborera kana tikaratidza kuti tinoda hama yedu tokurumidza kuita kuti tive norugare nayo.

10. Nei tisingafaniri kutonga vamwe?

10 Usatonga vamwe. Jesu akati: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo; nokuti nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako; uye nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho. Saka, unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako? Kana ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu muziso rako’; asi, tarira! danda riri muziso rako? Munyengeri! Tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.” (Mat. 7:1-5) Nemashoko aya, Jesu aisimbisa  kuti hatifaniri kutsoropodza tuzvikanganiso twevamwe asi isu tiine zvakatokura.

NZIRA YAKANYANYA KUNAKA YOKURATIDZA KUTI TINODA MUVAKIDZANI

11, 12. Inzira ipi yakanyanya kunaka yokuratidza kuti tinoda muvakidzani wedu?

11 Pane nzira dzakawanda dzatingaratidza nadzo kuti tinoda muvakidzani. Asi Jesu akatidzidzisa kuti nzira yakanyanya kunaka ndeyokuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Ruka 8:1) Jesu akapa vateveri vake basa rokuita “kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mat. 28:19, 20) Patinoita basa iroro, tinobatsira vamwe kuti vasiye mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa votanga kufamba mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu. (Mat. 7:13, 14) Hapana mubvunzo kuti Jehovha anokomborera basa iroro.

12 Sezvaiitwa naJesu, tinobatsira vanhu kuti vazive kuti vane chido chokunamata. (Mat. 5:3) Patinovaudza “mashoko akanaka aMwari,” tinenge tichigutsa chido ichocho chavanacho. (VaR. 1:1) Vaya vanogamuchira mashoko oUmambo vanoyananiswa naMwari pachishandiswa Jesu Kristu. (2 VaK. 5:18, 19) Chokwadi kuudza vanhu mashoko akanaka inzira inokosha chaizvo yokuratidza kuti tinoda muvakidzani.

13. Unonzwa sei nokuita basa rinokosha rokuzivisa Umambo?

13 Kunyatsogadzirira kunoona vanhu vanofarira uye vatinodzidza navo Bhaibheri, kunoita kuti tikwanise kuvabatsira kuteerera mirayiro yaMwari yakarurama. Izvi zvinogona kuita kuti vatinodzidza navo Bhaibheri vachinje mararamiro avo. (1 VaK. 6:9-11) Chokwadi zvinofadza chaizvo kuona kubatsira kunoita Mwari vaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi” kuti vachinje mararamiro avo vova neukama hwepedyo naye. (Mab. 13:48) Pavanotanga kudzidza Bhaibheri, vaya vanenge vasina tariro vanotanga kufara uye vanenge vaine zvinovadya mwoyo vanopedzisira vava kuvimba naBaba vedu vokudenga. Zvinofadza chaizvo kuona vatsva vachifambira mberi pakunamata! Haubvumi here kuti tine ropafadzo yakakura yokuratidza kuti tinoda muvakidzani wedu nokuzivisa mashoko oUmambo?

KUTSANANGURWA KUNOITWA RUDO MUBHAIBHERI

14. Pauro akatsanangura sei zvakaita rudo pana 1 VaKorinde 13:4-8?

14 Kana tikaratidza rudo kumuvakidzani wedu sezvakataurwa naPauro, hatizovi nematambudziko akawanda. Tichafara uye tichakomborerwa naMwari. (Verenga 1 VaKorinde 13:4-8.) Ngatimboongororai zvakataurwa naPauro nezverudo toona kuti tingashandisa sei mashoko ake kumuvakidzani wedu.

15. (a) Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu uye kunzwira vamwe tsitsi? (b) Nei tisingafaniri kuzvikudza uye kuva negodo?

15 “Rudo rune mwoyo murefu.” Mwari anoratidza mwoyo murefu uye anonzwira tsitsi vanhu vane zvivi. Isu tinofanirawo kuita saizvozvo kune vamwe pavanotitadzira kana kuti pavanotiitira zvinhu zvisina kunaka. “Rudo haruna godo,” saka kana tiine rudo rwechokwadi hatizochivi zvinhu zvevamwe kana kuti ropafadzo dzavo muungano. Uyewo, kana tiine rudo hatizvikudzi kana kuzvitutumadza. Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha anovenga vaya vane “maziso anozvikudza nomwoyo unozvitutumadza.”—Zvir. 21:4.

16, 17. Tingaita sei zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 13:5, 6?

16 Rudo ruchaita kuti tibate muvakidzani wedu zvakakodzera. Hatizomunyeperi, hatizomubiri kana kuita chimwe chinhu chisingaenderani nemitemo yaJehovha. Rudo ruchaitawo kuti tisava nehanya  nezvinhu zvatinoda isu chete asi tive nehanya nezvinodiwawo nevamwe.—VaF. 2:4.

17 Munhu ane rudo rwechokwadi haakurumidzi kugumbuka uye ‘haachangeti mafi.’ Haaiti seane kabhuku kaanochengeta achinyora pasi zvose zvaanenge akanganisirwa. (1 VaT. 5:15) Kana tikaramba takagumbuka hatizofarirwi naMwari uye tinenge tichiita setiri kuregerera moto unogona kuzopedzisira wakura zvokuti unokuvadza isu nevamwe. (Revh. 19:18) Rudo runofara nechokwadi, asi haruzoiti kuti ‘tifarire zvisina kururama,’ kunyange patinoona muvengi wedu achitambudzwa kana kuti achibatwa zvisina kunaka.—Verenga Zvirevo 24:17, 18.

18. Tinodzidzei nezverudo pana 1 VaKorinde 13:7, 8?

18 Funga zvimwe zvakataurwa naPauro nezverudo. Akati rudo “runoshivirira zvinhu zvose.” Kana mumwe munhu akatigumbura asi okumbira ruregerero, rudo runoita kuti timuregerere. Rudo “runotenda zvinhu zvose” zviri muShoko raMwari uye runoita kuti tionge zvokudya zvokunamata zvatinopiwa. Rudo “rune tariro pazvinhu zvose” zvakanyorwa muBhaibheri uye runoita kuti tiudze vamwe chikonzero chetariro yedu. (1 Pet. 3:15) Patinosangana nematambudziko tinonyengetera uye tinotarisira kuti zvinhu zvichanaka. Rudo “runotsungirira zvinhu zvose” kungava kutadzirwa, kutambudzwa kana mimwewo miedzo. Uyewo, “rudo harumboperi.” Rucharatidzwa nevanhu vanoteerera nokusingaperi.

RAMBA UCHIDA MUVAKIDZANI WAKO SEZVAUNOZVIITA

19, 20. Izano ripi romuMagwaro rinotikurudzira kuti tirambe tichida muvakidzani wedu?

19 Kana tikashandisa zvinotaurwa neBhaibheri, ticharamba tichida muvakidzani wedu. Rudo irworwo ruchaita kuti tide vanhu vose kwete vorudzi rwedu chete. Tinofanirawo kuyeuka kuti Jesu akati: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mat. 22:39) Mwari naKristu vanotarisira kuti tide muvakidzani wedu. Pose patinoomerwa nokuratidza rudo kumuvakidzani wedu tinogona kunyengetera kuti Mwari atitungamirire achishandisa mudzimu mutsvene. Kuita izvi kuchaita kuti tikomborerwe naJehovha uye kuchatibatsira kuti tiitire muvakidzani wedu zvakanaka.—VaR. 8:26, 27.

20 Murayiro wokuda muvakidzani sezvatinozviita unonzi “mutemo wamambo.” (Jak. 2:8) Pashure pokunge ataura nezvemirayiro iri muMutemo waMosesi, Pauro akati: “Mimwe mirayiro yose iripo, inobatanidzwa mushoko iri rokuti, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa; naizvozvo rudo kuzadzika kwomutemo.” (VaR. 13:8-10) Saka tinofanira kuramba tichida muvakidzani.

21, 22. Nei tichifanira kuda Mwari nomuvakidzani?

21 Patinenge tichifungisisa kuti nei tichifanira kuda muvakidzani wedu, zvakanaka kufunga nezvemashoko aJesu okuti Baba vake “vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.” (Mat. 5:43-45) Tinofanira kuratidza rudo kumuvakidzani wedu pasinei nokuti akarurama here kana kuti haana. Sezvataona, nzira inokosha yokuratidza kuti tinoda muvakidzani wedu ndeyokumuudza mashoko oUmambo. Chokwadi muvakidzani wedu achawana makomborero kana akagamuchira mashoko akanaka nemwoyo wose!

22 Tine zvikonzero zvakawanda zvokuda Jehovha nemwoyo wose. Kunewo nzira dzakawanda dzokuratidza kuti tinoda muvakidzani wedu. Kana tichida Mwari nomuvakidzani, tinenge tichiratidza kuti tinoteerera Jesu. Kupfuura zvose, tinenge tichifadza Baba vedu vokudenga, Jehovha.