Zvirevo 25:1-28

  • Kusabudisa nyaya dzakataurwa pachivande (9)

  • Mashoko akanyatsofungwa (11)

  • Kusanyanya kuenda kumba kwemumwe (17)

  • Kututira mazimbe pamusoro wemuvengi (21, 22)

  • Mashoko akanaka akafanana nemvura inotonhorera (25)

25  Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni,+ zvakanyorwa* nevarume vaHezekiya+ mambo weJudha:   Kukudzwa kwaMwari kuri mukuita kuti nyaya isazivikanwa,+Uye kukudzwa kwemadzimambo kuri mukunyatsoongorora nyaya.   Sekukwirira kwakaita denga uye kudzika kwakaita nyika,Mwoyo yemadzimambo haiongororeki.   Bvisa tsvina pasirivha,Ibude yanyatsochena.+   Bvisa munhu akaipa pamberi pamambo,Chigaro chake chinyatsosimbiswa mukururama.+   Usazvikwidziridza pamberi pamambo,+Uye usagara pakati pevanoremekedzwa,+   Nekuti zviri nani kuti iye ati kwauri, “Kwira kuno,” Pane kuti akunyadzise pamberi pegurukota.+   Usamhanyirira kuendesa nyaya kumatare,Nekuti unozoita sei kana muvakidzani wako akakunyadzisa?+   Pedzerana nemuvakidzani wako,+Asi usabudisa zvaunenge waudzwa pachivande,*+ 10  Kuti anenge akateerera asazokunyadzisaWaparadzira mashoko akaipa* ausingazogoni kudzora. 11  Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzeraRakafanana nemaapuro egoridhe ari mundiro dzesirivha.+ 12  Mashoko emunhu akachenjera kana achitsiura nzeve inoteereraAkafanana nemhete yegoridhe uye chishongo chegoridhe rakanatswa.+ 13  Sezvinoita kutonhorera kwechando pazuva rekukohwaNdizvo zvakaita nhume yakatendeka kuvaya vakaituma,Nekuti inozorodza tenzi* wayo.+ 14  Sezvinoita makore nemhepo zvisinganayisi mvuraNdizvo zvinoita munhu anozvirumbidza nezvechipo chaasina kumbopa.*+ 15  Munhu anotungamirira anogona kunyengetedzwa nemwoyo murefu,Uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.+ 16  Kana wawana uchi, idya hwakakukwanira,Nekuti ukadya hwakawandisa, unogona kuzohurutsa.+ 17  Tsoka yako ngaisanyanya kutsika mumba memuvakidzani wako,Kuti arege kuneta newe okuvenga. 18  Munhu anopa uchapupu hwenhema achiroverera muvakidzani wakeAkafanana netsvimbo yehondo nebakatwa nemuseve wakapinza.+ 19  Kuvimba nemunhu asina kuvimbika* panguva yedambudzikoKwakafanana nezino rakameduka kana kuti tsoka inokamhina. 20  Munhu anoimbira mwoyo wakasuwaAkafanana nemunhu anobvisa hembe kuchitonhoraUye akafanana nevhiniga inodirwa musoda.+ 21  Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvekudya;Kana aine nyota, mupe mvura yekunwa,+ 22  Nekuti unenge uchitutira mazimbe emoto pamusoro wake,*+Uye Jehovha achakupa mubayiro. 23  Mhepo yekuchamhembe inounza mvura zhinji,Uye rurimi rune makuhwa runounza chiso chakashatirwa.+ 24  Zviri nani kugara pakona yedenga rembaPane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.*+ 25  Mashoko akanaka anobva kunyika iri kureAkaita semvura inotonhorera kumweya* waneta.+ 26  Munhu akarurama anobvuma zvinoda munhu akaipa*Akafanana nechitubu chakazara madhaka uye tsime rakashatiswa. 27  Kudya uchi hwakawandisa hakuna kunaka,+Uye hazvina kunakawo kuti munhu azvitsvagire kukudzwa.+ 28  Munhu asingadzori hasha dzakeAkafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “zvakanyorwa zvikaunganidzwa.”
Kana kuti “usafumura nyaya dzevamwe.”
Kana kuti “makuhwa.”
Kana kuti “mweya watenzi.”
ChiHeb., “nezvechipo chemanyepo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nemunhu anonyengera.”
Kureva kuti unenge uchipfavisa munhu wacho uchinyungudutsa kuoma kwaanenge akaita.
Kana kuti “anonetsa.”
ChiHeb., “anodzedzereka pamberi peakaipa.”