Zvirevo 25:1-28
25 Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni,+ zvakanyorwa* nevarume vaHezekiya+ mambo weJudha:
2 Kukudzwa kwaMwari kuri mukuita kuti nyaya isazivikanwa,+Uye kukudzwa kwemadzimambo kuri mukunyatsoongorora nyaya.
3 Sekukwirira kwakaita denga uye kudzika kwakaita nyika,Mwoyo yemadzimambo haiongororeki.
4 Bvisa tsvina pasirivha,Ibude yanyatsochena.+
5 Bvisa munhu akaipa pamberi pamambo,Chigaro chake chinyatsosimbiswa mukururama.+
6 Usazvikwidziridza pamberi pamambo,+Uye usagara pakati pevanoremekedzwa,+
7 Nekuti zviri nani kuti iye ati kwauri, “Kwira kuno,”
Pane kuti akunyadzise pamberi pegurukota.+
8 Usamhanyirira kuendesa nyaya kumatare,Nekuti unozoita sei kana muvakidzani wako akakunyadzisa?+
9 Pedzerana nemuvakidzani wako,+Asi usabudisa zvaunenge waudzwa pachivande,*+
10 Kuti anenge akateerera asazokunyadzisaWaparadzira mashoko akaipa* ausingazogoni kudzora.
11 Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzeraRakafanana nemaapuro egoridhe ari mundiro dzesirivha.+
12 Mashoko emunhu akachenjera kana achitsiura nzeve inoteereraAkafanana nemhete yegoridhe uye chishongo chegoridhe rakanatswa.+
13 Sezvinoita kutonhorera kwechando pazuva rekukohwaNdizvo zvakaita nhume yakatendeka kuvaya vakaituma,Nekuti inozorodza tenzi* wayo.+
14 Sezvinoita makore nemhepo zvisinganayisi mvuraNdizvo zvinoita munhu anozvirumbidza nezvechipo chaasina kumbopa.*+
15 Munhu anotungamirira anogona kunyengetedzwa nemwoyo murefu,Uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.+
16 Kana wawana uchi, idya hwakakukwanira,Nekuti ukadya hwakawandisa, unogona kuzohurutsa.+
17 Tsoka yako ngaisanyanya kutsika mumba memuvakidzani wako,Kuti arege kuneta newe okuvenga.
18 Munhu anopa uchapupu hwenhema achiroverera muvakidzani wakeAkafanana netsvimbo yehondo nebakatwa nemuseve wakapinza.+
19 Kuvimba nemunhu asina kuvimbika* panguva yedambudzikoKwakafanana nezino rakameduka kana kuti tsoka inokamhina.
20 Munhu anoimbira mwoyo wakasuwaAkafanana nemunhu anobvisa hembe kuchitonhoraUye akafanana nevhiniga inodirwa musoda.+
21 Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvekudya;Kana aine nyota, mupe mvura yekunwa,+
22 Nekuti unenge uchitutira mazimbe emoto pamusoro wake,*+Uye Jehovha achakupa mubayiro.
23 Mhepo yekuchamhembe inounza mvura zhinji,Uye rurimi rune makuhwa runounza chiso chakashatirwa.+
24 Zviri nani kugara pakona yedenga rembaPane kugara mumba mumwe chete nemukadzi anogara achipopota.*+
25 Mashoko akanaka anobva kunyika iri kureAkaita semvura inotonhorera kumweya* waneta.+
26 Munhu akarurama anobvuma zvinoda munhu akaipa*Akafanana nechitubu chakazara madhaka uye tsime rakashatiswa.
27 Kudya uchi hwakawandisa hakuna kunaka,+Uye hazvina kunakawo kuti munhu azvitsvagire kukudzwa.+
28 Munhu asingadzori hasha dzakeAkafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “zvakanyorwa zvikaunganidzwa.”
^ Kana kuti “usafumura nyaya dzevamwe.”
^ Kana kuti “makuhwa.”
^ Kana kuti “mweya watenzi.”
^ ChiHeb., “nezvechipo chemanyepo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nemunhu anonyengera.”
^ Kureva kuti unenge uchipfavisa munhu wacho uchinyungudutsa kuoma kwaanenge akaita.
^ Kana kuti “anonetsa.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “anodzedzereka pamberi peakaipa.”