Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unozviona Sei?

Unozviona Sei?

Unozviona Sei?

AIVA murume aidada. Akwidziridzwa pachinzvimbo chepamusoro muhurumende, akafungisisa nezvekukwidziridzwa kwacho nokuyemurwa kwazvo kwaaiitwa. Asi zvichiita kuti atsamwe kwazvo, mumwe mukuru mukuru akaramba kumupa rukudzo rwakadaro. Achitsiva, mukuru mukuru aidada akaronga kuparadza vanhu vose vaiva muumambo hwacho vorudzi rumwe neakanga amutadzira wacho. Ipfungwa yakaipa zvakadini yokuzvikoshesa!

Akaronga izvozvo aiva Hamani, mukuru mukuru mudare raMambo wePersia Ahashveroshi. Uye waakanga akatsamwira? MuJudha ainzi Mordhekai. Kunyange zvazvo chiito chaHamani chokuda kuparadza rudzi rwose chaiva chakanyanyisa, chinoratidzira ngozi nemigumisiro inokuvadza zvokudada. Pfungwa yake yokudada haina kungokonzera njodzi kune vamwe chete asiwo yakaita kuti anyadziswe pane vanhu ndokuita kuti afe pakupedzisira.—Estere 3:1-9; 5:8-14; 6:4-10; 7:1-10.

Vanamati Vechokwadi Vanogona Kubatwawo Nokudada

Jehovha anoda kuti ‘tifambe tichizvininipisa pamberi paMwari wedu.’ (Mika 6:8) Bhaibheri rine nhoroondo dzakasiyana-siyana dzevanhu vakatadza kuramba vane pfungwa yokuzvininipisa. Izvozvo zvakavaunzira zvinetso nemarwadzo. Kufunga nezvemimwe yemienzaniso iyi kungatibatsira kuona kuipa nengozi yokufunga kusina kunaka.

Kufunga kwomuprofita waMwari Jona kwakava kusina kunaka paakaedza kutiza apiwa basa naMwari rokunyevera vanhu vakaipa veNinevhe nezvorutongeso rwaJehovha pavari. (Jona 1:1-3) Gare gare, basa rake rokuparidza parakanga rabudirira mukuita kuti vanhu veNinevhe vapfidze, Jona akaramwa. Akanga ane hanya kwazvo nemukurumbira wake somuprofita zvokuti upenyu hwevanhu vane zviuru veNinevhe hwaikosha zvishoma kwaari kana hwaisakosha. (Jona 4:1-3) Kana tichinyanya kuzvikoshesa zvisina mwero, tingazviwana zvakaoma kuramba tichifunga tisingasaruri uye zvakarurama nezvevanhu nezvinoitika zvakatipoteredza.

Chimbofungawo nezvaUzia, akanga ambova mambo akanaka waJudha. Paakarega kufunga zvakanaka, akaedza kubvuta mamwe mabasa oupristi achizvitutumadza. Nemhaka yezviito zvake zvokusava nemwero uye zvokuzvikudza kwazvo, zvakaguma nokusava kwake noutano hwakanaka uye kusatenderwa naMwari.—2 Makoronike 26:3, 16-21.

Kufunga kusina kunaka kwakanga kwoda kubata vaapostora vaJesu mumusungo. Vakava nehanya kwazvo nembiri yavo uye simba. Nguva yokuedzwa kukuru payakasvika, vakasiya Jesu ndokutiza. (Mateu 18:1; 20:20-28; 26:56; Mako 9:33, 34; Ruka 22:24) Kushaiwa kwavo kuva nemwero nepfungwa dzavo dzokuzvikoshesa zvakanga zvoda kutovaita kuti vasaone chinangwa chaJehovha nechebasa ravo maererano nokuda kwake.

Migumisiro Inokuvadza Yokuzvikoshesa

Kuzviona kusina kunaka kungakonzera marwadzo uye kungakanganisa ukama hwedu nevamwe. Somuenzaniso, tingave takagara zvedu mumba uye tingaona vaviri vachizevezerana vachiseka. Kana tichizvifunga chete, tingafunga zvisina kururama kuti vari kutiseka nokuti vari kutaurira pasi pasi. Pfungwa yedu ingasatibvumira kufunga nezvechimwe chikonzero chingaita kuti vadaro. Kunyange zvakadaro, vangave vari kutaura nezvaani? Tingatsamwa ndokusarudza kusambotaurazve nevaviri vacho. Nenzira iyoyo kuona kusina kunaka kukosha kwedu kungatungamirira kukusanzwanana nokukanganisa ukama hwedu neshamwari, nhengo dzemhuri, nevamwe.

Vaye vanonyanya kuzvikoshesa vangazvitutumadza, vachipfuurira kuzvitutumadza nezvezvipo zvavo zvikuru, mabasa avo, kana zvinhu zvavo zvavanazvo. Kana kuti vanganyanyotaurisa ivo, nguva dzose vachitaura chimwe chinhu chine chokuita navo pachavo. Kutaura kwakadaro kunoratidza kushaiwa rudo rwechokwadi uye kungatsamwisa kwazvo. Saka, vanozvikudza vakadaro vanowanzozviparadzanisa nevamwe.—1 VaKorinde 13:4.

SeZvapupu zvaJehovha, tingasekwa ndokurambwa muushumiri hwedu hunoitirwa vose. Tinoda kuyeuka kuti kushorwa kwakadaro chaizvoizvo kuri kunangidzirwa, kwete kwatiri pachedu, asi kuna Jehovha, Kunobva shoko redu. Zvisinei, kuona zvisina kunaka kukosha kwedu kungatungamirira kumigumisiro ine ngozi. Makore akati apfuura, imwe hama yakafunga kuti kutukwa nasaimba kwaiitirwa iyo ikabva yatukawo saimba wacho. (VaEfeso 4:29) Zvadaro, hama iyoyo haina kuzomboendazve muushumiri hwepaimba neimba. Hungu, kudada kungatiita kuti titadze kuzvidzora patinenge tichiparidza. Ngatiedze kusambobvumira izvozvo kuitika. Asi, nokuzvininipisa ngatitsvakei kubatsirwa naJehovha kuti tirambe tichionga zvakafanira ropafadzo yokuita ushumiri hwechiKristu.—2 VaKorinde 4:1, 7; 10:4, 5.

Kuva nepfungwa yokuzvikoshesa kungatidzivisawo kugamuchira zano rinodiwa zvikuru. Makore akati apfuura mune imwe nyika yokuCentral America, mumwe mukomana wechiduku akapa hurukuro muChikoro Chokutonga Kunoitwa naMwari muungano yechiKristu. Mutariri wechikoro paakamupa zano raiita serakananga, muduku wacho akashatirwa akakanda Bhaibheri rake pasi ndokubuda kunze kweHoro yoUmambo nepfungwa yokusamboda kudzoka. Asi papera mazuva mashomanana, akazvininipisa, uye akayanana nomutariri wechikoro, ndokubvuma zano rake nokuzvininipisa. Nokufamba kwenguva, jaya iri rakakura muukuru hwechiKristu.

Kusava nemwero uye kuzvikoshesa kungatungamirira kukukuvadza ukama hwedu naMwari. Zvirevo 16:5 inonyevera kuti: “Mumwe nomumwe, unomwoyo unozvikudza, unonyangadza Jehovha.”

Kuzviona Zvakanaka

Zviri pachena kuti, hatifaniri kunyanya kuzvikoshesa. Zvechokwadi, izvi hazvirevi kuti hatifaniri kukoshesa zvatinoita kana zvatinotaura. Bhaibheri rinoratidza kuti vatariri, vashumiri vanoshumira—chokwadika, vose vari muungano—vanofanira kuva vemwoyo wose pane zvavanoita. (1 Timoti 3:4, 8, 11; Tito 2:2) Saka vaKristu vangatanga sei uye ndokuramba vachizviona zvine mwero, zvakanaka, uye zvokusazvikoshesa?

Bhaibheri rinopa mienzaniso yakawanda inokurudzira yevanhu vakaramba vachizviona zvakanaka. Mukuru ndiwo muenzaniso wokuzvininipisa waJesu Kristu. Kuti aite kuda kwaBaba vake uye kuti aponese vanhu, Mwanakomana waMwari akasiya nzvimbo yake yokudenga ine mbiri nokuzvidira ndokuva munhu akaderera pasi pano. Pasinei zvapo nokutukwa, kubatwa zvisina kufanira, norufu runonyadzisa, akaramba aine kuzvidzora kwake norukudzo. (Mateu 20:28; VaFiripi 2:5-8; 1 Petro 2:23, 24) Jesu akagona sei kuita izvozvi? Akavimba naJehovha zvakakwana uye akanga akatsunga kuita kuda kwaMwari. Jesu aidzidza Shoko raMwari nokushingaira, ainyengetera kwazvo, uye aizvishandisa nesimba muushumiri. (Mateu 4:1-10; 26:36-44; Ruka 8:1; Johani 4:34; 8:28; VaHebheru 5:7) Kutevedzera muenzaniso waJesu kungatibatsira kutanga uye kuramba tichizviona zvakanaka.—1 Petro 2:21.

Chimbofungawo nezvomuenzaniso wakaisvonaka waJonatani mwanakomana waMambo Sauro. Nemhaka yokusateerera kwababa vake, Jonatani akarasikirwa nomukana wokutsiva Sauro samambo. (1 Samueri 15:10-29) Jonatani akava noruvengo here nemhaka yezvaakarasikirwa nazvo? Akaitira here Dhavhidhi shanje, murume muduku aizofanira kutonga panzvimbo pake? Kunyange zvazvo Jonatani aiva mukuru zvikuru uye zvichida aiziva kwazvo kupfuura Dhavhidhi, nemwero nokuzvininipisa akabvumirana negadziriro yaJehovha ndokutsigira Dhavhidhi nokuvimbika. (1 Samueri 23:16-18) Kunyatsoona zvinoda Mwari nokuda kwazvo kuzviisa pasi pazvo kuchatibatsira ‘kusazvifunga zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga.’—VaRoma 12:3.

Jesu akadzidzisa kukosha kwokuratidzira mwero nokuzvininipisa. Akaenzanisira izvozvi nokutaura kuti vadzidzi vake pavanenge vari pamutambo womuchato, havafaniri “kuzvisarudzira . . . nzvimbo dzepamusoro kupfuura dzose” nokuti mumwe munhu anokudzwa kuvapfuura angauya uye vanganyara sezvo vachifanira kuzoenda kunogara panzvimbo yakaderera kupfuura dzose. Achiita kuti chidzidzo chacho chinyatsojeka, Jesu akawedzera kuti: “Nokuti munhu wose anozvikudza achaninipiswa uye anozvininipisa achakudzwa.” (Ruka 14:7-11) Kuchenjera kana tikateerera zano raJesu ndo‘kuzvipfekedza pfungwa dzinozvidukupisa.’—VaKorose 3:12; 1 VaKorinde 1:31.

Zvikomborero Zvokuzviona Zvakanaka

Kuva nepfungwa ine mwero neinozvininipisa kunogonesa vashumiri vaJehovha kuwana mufaro wechokwadi muushumiri hwavo. Vakuru vanotaurika navo nyore pava‘nobata boka nounyoro’ nokuzvininipisa. (Mabasa 20:28, 29) Ipapo vose vari muungano vanonzwa vasununguka kutaura navo uye kutsvaka kubatsirwa navo. Saka ungano ichaswededzwa pedyo pamwe chete murudo, ushamwari, nokuvimbana.

Kusanyanya kuzvikoshesa kuchatigonesa kuita shamwari dzakanaka. Kuva nemwero nokuzvininipisa kuchatidzivirira kusatanga pfungwa yemakwikwi nokuedza kuda kupfuura vamwe mumabasa kana kuti muzvinhu. Unhu uhwu hwaMwari huchatibatsira kuti tinyatsofunga vamwe, uye somugumisiro tichakwanisa zviri nani kunyaradza nokutsigira vaya vanoshaiwa. (VaFiripi 2:3, 4) Vanhu pavanoororwa norudo nomutsa, vanowanzoita zvakanaka. Uye ukama hwakadaro husina udyire hahuvi here nheyo inovakirwa ushamwari hwakasimba? Chikomborero chakadini chokuva nemwero pakusanyanya kuzvikoshesa!—VaRoma 12:10.

Kuzviona zvakanaka kunoitawo kuti zvive nyore kuti tibvume zvikanganiso zvedu kana tatadzira mumwe munhu. (Mateu 5:23, 24) Izvi zvinoguma noukama huri nani, zvichibvumira kuyanana nokuremekedzana kukuru. Kana vachizvininipisa uye vane mwero, vaya vane nzvimbo dzokutarisira, vakadai sevakuru vechiKristu, vane mukana wokuitira vamwe zvakanaka kwazvo. (Zvirevo 3:27; Mateu 11:29) Munhu anozvininipisa achawanawo zviri nyore kukanganwira vamwe vanomutadzira. (Mateu 6:12-15) Haazokurumidzi kutsamwa pane zvinhu zviduku duku zvinofungidzirwa uye achavimba naJehovha kuti agadzirise zvinhu zviya zvisingagoni kugadziriswa nechero nzira ipi zvayo.—Pisarema 37:5; Zvirevo 3:5, 6.

Chikomborero chikuru kwazvo chokuzviona zvine mwero uye nokuzvininipisa ndechokuwana nyasha netendero zvaJehovha. “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5) Ngatisambofa tawira mumusungo wokufunga kuti tiri nani kupfuura zvatiri chaizvo. Asi, nokuzvininipisa ngatizivei nzvimbo yedu mumarongero anoita Jehovha zvinhu. Zvikomborero zvakaisvonaka zvakachengeterwa vose vanoita zvaanoda ‘zvokufamba nokuzvininipisa pamberi paMwari.’

[Mufananidzo uri papeji 22]

Jonatani akatsigira Dhavhidhi nokuzvininipisa