Bhuku Rekutanga raSamueri 15:1-35

  • Sauro anorega kuteerera osiya Agagi ari mupenyu (1-9)

  • Samueri anotsiura Sauro (10-23)

    • “Kuteerera kunokunda chibayiro” (22)

  • Sauro anorambwa pakuva mambo (24-29)

  • Samueri anouraya Agagi (30-35)

15  Samueri akabva ati kuna Sauro: “Jehovha akandituma kuzokuzodza kuti uve mambo wevanhu vake vaIsraeri;+ saka inzwa zviri kutaurwa naJehovha.+ 2  Zvanzi naJehovha wemauto: ‘Ndichatonga vaAmareki nemhaka yezvavakaitira vaIsraeri pavakavarwisa vachibva kuIjipiti.+ 3  Saka enda unouraya vaAmareki,+ wovaparadza+ pamwe chete nezvese zvavainazvo. Hapana waunofanira kusiya ari mupenyu;* unofanira kuvauraya,+ varume nevakadzi, vana nevanoyamwa, mombe nemakwai, ngamera nemadhongi.’”+ 4  Sauro akashevedza vanhu, akavaverenga muTeraimu: Paiva nevarwi 200 000 vaifamba netsoka uye varume 10 000 vekwaJudha.+ 5  Sauro akaenda akanosvika kuguta revaAmareki, akahwandira mubani.* 6  Sauro akabva ati kuvaKeni:+ “Endai, ibvai pakati pevaAmareki, kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo.+ Nekuti makaratidza vaIsraeri mutsa nerudo+ panguva yavakabuda muIjipiti.” Saka vaKeni vakabva pakati pevaAmareki. 7  Pashure paizvozvo Sauro akauraya vaAmareki+ kubvira kuHavhira+ kusvikira kuShuri,+ iri pedyo neIjipiti. 8  Akabata Agagi+ mambo wevaAmareki ari mupenyu, asi akaparadza vamwe vanhu vese nebakatwa.+ 9  Zvisinei, Sauro nevanhu vakasiya Agagi ari mupenyu,* nezvipfuwo zvakanaka kupfuura zvese pamakwai nemombe, nemhuka dzakakodzwa, nemakondohwe, nezvese zvakanga zvakanaka.+ Havana kuda kuzviparadza. Asi zvinhu zvese zvisingakoshi uye zvisingadiwi ndizvo zvavakaparadza. 10  Shoko raJehovha rakabva rasvika kuna Samueri richiti: 11  “Ndinozvidemba* kuti ndakaita kuti Sauro ave mambo, nekuti atsauka pakunditevera, uye haana kuita zvandakataura.”+ Samueri akarwadziwa chaizvo uye akaramba achichema kuna Jehovha usiku hwese.+ 12  Samueri paakafumomuka mangwanani kuti anoonana naSauro, Samueri akaudzwa kuti: “Sauro akaenda kuKameri+ uye akazvivakira shongwe ikoko.+ Akabva atendeuka, akadzika kuGirigari.” 13  Samueri paakazosvika kwaiva naSauro, Sauro akati kwaari: “Jehovha ngaakukomborerei. Ndakaita zvakataurwa naJehovha.” 14  Asi Samueri akati: “Saka kuchema kwemakwai uku kuri munzeve dzangu ndekwei, nekukuma kwemombe kwandiri kunzwa?”+ 15  Sauro akabva ati: “Zvakabva kuvaAmareki, nekuti vanhu havana kuuraya* zvipfuwo zvakanaka pamakwai nemombe kuti vazvibayire kuna Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvese takazviparadza.” 16  Samueri akabva ati kuna Sauro: “Mira! Rega ndikuudze zvandakaudzwa naJehovha usiku hwapfuura.”+ Saka akati kwaari: “Taurai!” 17  Samueri akati: “Hauna here kuzviti haukoshi+ pawakaitwa mutungamiriri wemadzinza aIsraeri uye pawakazodzwa naJehovha kuti uve mambo weIsraeri?+ 18  Jehovha akazokutuma achiti, ‘Enda unoparadza vatadzi, ivo vaAmareki.+ Varwise kusvikira wavaparadza vese.’+ 19  Saka nei usina kuteerera inzwi raJehovha? Pane kudaro, wakamhanyira kupamba zvinhu uchiita makaro,+ ukaita zvakaipa pamberi paJehovha!” 20  Zvisinei, Sauro akati kuna Samueri: “Asi ndakateerera inzwi raJehovha! Ndakaenda kunoita basa randakatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wevaAmareki, uye ndakaparadza vaAmareki.+ 21  Asi vanhu vakapamba makwai nemombe zvaiva zvakanaka kupfuura zvese pane zvaifanira kuparadzwa, kuti vazvibayire kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.”+ 22  Samueri akabva ati: “Jehovha anofarira mipiro inopiswa nezvibayiro+ sekufarira kwaanoita kuteerera inzwi raJehovha here? Chinzwa! Kuteerera kunokunda chibayiro,+ uye kunzwa kunokunda mafuta+ emakondohwe; 23  nekuti kupanduka+ kwakafanana nechivi chekushopera,+ uye kuita zvinhu uchizvikudza kwakafanana nekushandisa simba remashiripiti nekunamata zvidhori.* Sezvo wakaramba shoko raJehovha,+ iye akurambawo kuti uve mambo.”+ 24  Sauro akabva ati kuna Samueri: “Ndakatadza, nekuti handina kuteerera murayiro waJehovha nemashoko enyu, nekuti ndakatya vanhu ndikateerera zvavakataura. 25  Ndapota, ndiregerereiwo chivi changu, mudzokere neni kuti ndinokotamira Jehovha.”+ 26  Asi Samueri akati kuna Sauro: “Handisi kuzodzokera newe, nekuti wakaramba shoko raJehovha, uye Jehovha arambawo kuti urambe uri mambo weIsraeri.”+ 27  Samueri paakatendeuka kuti aende, Sauro akabata mupendero wenguo yake isina maoko, asi yakabvaruka. 28  Samueri akabva ati kwaari: “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva pauri nhasi, uye achahupa mumwe wako ari nani panewe.+ 29  Uyewo, Changamire weIsraeri+ haazorevi nhema+ kana kuchinja pfungwa dzake,* nekuti iye haasi munhu zvekuti angachinja pfungwa dzake.”*+ 30  Iye akabva ati: “Ndakatadza. Asi ndapota, ndikudzei pamberi pevakuru vevanhu vangu uye pamberi pevaIsraeri. Dzokerai neni uye ndichakotamira Jehovha Mwari wenyu.”+ 31  Saka Samueri akadzokera naSauro, uye Sauro akakotamira Jehovha. 32  Uye Samueri akati: “Unzai Agagi mambo wevaAmareki pedyo neni.” Agagi akabva aenda kwaari asingadi,* nekuti Agagi akambenge achizviudza kuti: ‘Chokwadi iye zvino havachandiurayi.’ 33  Zvisinei, Samueri akati: “Bakatwa rako zvarakaita kuti vakadzi varwadziwe nekufirwa nevana, amai vako vacharwadziwawo nekufirwa kupfuura vamwe vakadzi vese.” Samueri akabva atema-tema Agagi kuita zvidimbu pamberi paJehovha paGirigari.+ 34  Samueri akabva aenda kuRama, uye Sauro akakwidza kumba kwake kuGibhiya yaSauro. 35  Samueri haana kuzoonazve Sauro kusvikira pazuva rekufa kwake, nekuti Samueri akanetseka kwazvo pamusoro paSauro.+ Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo weIsraeri.+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “kunzwira tsitsi.”
^ Kana kuti “vakanzwira tsitsi Agagi.”
^ Kana kuti “Ndiri kurwadziwa chaizvo.”
^ Kana kuti “vakanzwira tsitsi.”
^ ChiHeb., “terafimu,” kureva, vanamwari vemumba.
^ Kana kuti “kuzvidemba.”
^ Kana kuti “angazvidemba.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “asingatombovhunduki.”