Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mutambudzi Anoona Chiedza Chikuru

Mutambudzi Anoona Chiedza Chikuru

Mutambudzi Anoona Chiedza Chikuru

SAURO akanga akafufutirwa nehasha pavateveri vaJesu. Asina kugutsikana nokutambudzwa kwavakanga vatoitwa muJerusarema, kubatanidza kutakwa kwaStefano nematombo, zvino akatsvaka kuti kudzvinyirira kwacho kupararire. “Achine shungu dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi, [Sauro] akaenda kumupristi mukuru akamukumbira tsamba dzokuenda kumasinagogi eDhamasiko, kuti aunze vakasungwa kuJerusarema vapi nevapi vaaizowana vaiva veNzira Iyi, varume nevakadzi.”—Mabasa 9:1, 2.

Sauro sezvaaifamba akananga Dhamasiko, anofanira kuva aifungisisa kuti aizoita sei murayiro wake zvinobudirira kwazvo. Pasina mubvunzo chiremera chaakanga apiwa nomupristi mukuru chaizowana kushandira pamwe kwevatungamiriri venzanga huru yechiJudha vaiva muguta iroro. Sauro aizotsvaka kubatsirwa navo.

Sauro anofanira kuva ainzwa manyemwe akanyanya sezvaaiswedera pedyo kwaaienda. Rwendo rwokubva kuJerusarema kuenda kuDhamasiko—mufambo wemazuva manomwe kana masere wemakiromita anenge 220—rwainetesa. Kamwe kamwe panenge pakati pemasikati, chiedza chinopfuura zuva kupenya chakapenyera Sauro kumativi ose, ndokubva awira pasi. Akanzwa inzwi muchiHebheru richiti kwaari: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei? Kuramba uchikava zvibayiso kunoita kuti zvikuomere.” “Ndimi ani, Ishe?,” akabvunza kudaro Sauro. “Ndini Jesu, wauri kutambudza,” yakadaro mhinduro yacho. “Kunyange zvakadaro, simuka umire netsoka dzako. Nokuti ndazviita kuti ndioneke kwauri, kuti ndikusarudze somubatiri nechapupu chezvinhu zvose zvawaona nezvinhu zvandichaita kuti uone pamusoro pangu; ndichikununura pavanhu ava nepamamwe marudzi, andiri kukutumira kwaari.” “Ndoitei, Ishe?,” akabvunza Sauro. “Simuka, upinde muDhamasiko, imomo uchaudzwa zvinhu zvose zvawakatemerwa kuti uite.”—Mabasa 9:3-6; 22:6-10; 26:13-17.

Vaya vaifamba naSauro vakanzwa kutaura, asi havana kuona aitaura kana kunzwisisa zvaakataura. Nemhaka yokupenya kwechiedza, Sauro akanga asingachaoni paakasimuka uye aifanira kufamba akabatwa ruoko. “Kwemazuva matatu haana kuona kana chinhu, uye haana kudya kana kunwa.”—Mabasa 9:7-9; 22:11.

Mazuva Matatu Okufungisisa

Sauro akagamuchirwa nomutsa naJudhasi, aigara mumugwagwa wainzi Wakarurama. * (Mabasa 9:11) Mugwagwa uyu—wainzi Darb al-Mustaqim muchiArabhu—nanhasi ndiwo mugwagwa mukuru muDhamasiko. Fungidzira kuti Sauro akafungei paaiva mumusha maJudhasi. Chiitiko chacho chakanga chasiya Sauro ava bofu uye chamutyisa. Zvino pakanga pava nenguva yokufungisisa zvachaireva.

Mutambudzi wacho akanga asangana nezvaakanga abvisa mupfungwa achiti hazvina basa. Ishe Jesu Kristu akaroverwa—akapiwa mhosva nechiremera chikuru chevaJudha no‘kuzvidzwa nokuraswa nevanhu’—akanga ari mupenyu. Chokwadi, akatomira atenderwa kuruoko rwaMwari rworudyi “muchiedza chisingasvikiki”! Jesu akanga ari Mesiya. Stefano nevamwe vakanga vakarurama. (Isaya 53:3; Mabasa 7:56; 1 Timoti 6:16) Sauro akanga asina kururama chose, nokuti Jesu akatozvizivisa sevaya vaitambudzwa naSauro! Pasinei zvapo nouchapupu hwacho, Sauro aigona sei kuramba a“chikava zvibayiso”? Kunyange handira yakasindimara inozongomanikidzirwa kutevera gwara rinodiwa nomuridzi wayo. Saka, nokuramba kuita maererano nokukurudzira kwaJesu, Sauro aizongozvikuvadza.

SaMesiya, Jesu haaizopiwa mhosva naMwari. Asi, Jehovha akamubvumira kutambura rufu runonyadzisa kwazvo uye kutongwa noMutemo wokuti: “Munhu wakasungirirwa wakatukwa naMwari.” (Dheuteronomio 21:23) Jesu akafa akarembera padanda rokutambudzira. Akatukirwa, kwete zvivi zvake, nokuti akanga asina chivi, asi zvivi zvevanhu. Gare gare Sauro akatsanangura kuti: “Vose vanovimba nemabasa omutemo vakatukwa; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Munhu wose asingarambiri muzvinhu zvose zvakanyorwa mumupumburu woMutemo kuti azviite akatukwa.’ Zvakare, zviri pachena kuti hapana anonzi naMwari akarurama nomutemo . . . Kristu nokutitenga akatisunungura pakutuka kwoMutemo nokuva akatukwa panzvimbo pedu, nokuti zvakanyorwa kuti: “‘Munhu wose anoturikwa padanda akatukwa.’”—VaGaratiya 3:10-13.

Chibayiro chaJesu chaiva nokukosha kworudzikinuro. Nokubvuma chibayiro ichocho, Jehovha nenzira yokufananidzira akarovera Mutemo nokutuka kwawo padanda. Anzwisisa chokwadi ichocho, Sauro aigona kutaura nezvedanda rokutambudzira rakanga riri ‘chisakiso chokugumbuka kuvaJudha’ se“uchenjeri hwaMwari.” (1 VaKorinde 1:18-25; VaKorose 2:14) Saka, kana ruponeso rwakanga rwusingaitwi kuti rwuvepo nemabasa omutemo asi nokuratidza kwaMwari mutsa usina kufanirwa kuvatadzi vakadai saSauro pachake, zvaibvirawo kuti rwakanga rwuchiwanika kune vaya vaisava pasi poMutemo. Uye Jesu akanga ari kutumira Sauro kune Vemarudzi.—VaEfeso 3:3-7.

Hatizivi kuti Sauro akanzwisisa zvakawanda sei nezvazvo panguva yaakatendeuka. Jesu aifanira kutaurazve naye, zvichida kanopfuura kamwe, nezvebasa rake kune vemarudzi. Uyezve, makore akawanda akapfuura Sauro asati anyora zvose izvi achifuridzirwa naMwari. (Mabasa 22:17-21; VaGaratiya 1:15-18; 2:1, 2) Zvisinei, mazuvawo zvawo akapfuura Sauro asati agamuchira mimwe mirayiridzo kubva kuna Ishe wake mutsva.

Kushanyirwa naAnaniyasi

Aoneka kuna Sauro, Jesu akazvionesawo kuna Ananiyasi, achimutaurira kuti: “Enda kumugwagwa unonzi Wakarurama, uye tsvaka murume anonzi Sauro anobva Taso, pamba paJudhasi. Nokuti, tarira! ari kunyengetera, uye muchiono aona munhu anonzi Ananiyasi achipinda akaisa maoko ake paari kuti aonezve.”—Mabasa 9:11, 12.

Sezvo Ananiyasi aiziva nezvaSauro, kushamiswa kwake nemashoko aJesu kunonzwisisika. Akati: “Ishe, ndakanzwa nevakawanda pamusoro pomurume uyu, kuti zvinhu zvakawanda sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema. Nomuno ane simba rakabva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodana pazita renyu.” Zvisinei, Jesu akaudza Ananiyasi kuti: “Chienda hako, nokuti kwandiri murume uyu mudziyo wakasarudzwa kuti aende nezita rangu kumamwe marudzi nokumadzimambo nevanakomana vaIsraeri.”—Mabasa 9:13-15.

Avimbiswazve, Ananiyasi akaenda kunzira yaakanga audzwa naJesu. Awana Sauro nokumukwazisa, Ananiyasi akaisa maoko ake paari. “Uye pakarepo,” inodaro nhoroondo yacho, “mumaziso [aSauro] makadonha zvinenge mafunurwa, uye akaonazve.” Sauro akanga agadzirira zvino kuteerera. Mashoko aAnaniyasi akasimbisa zvingave zvakanzwisiswa naSauro nemashoko aJesu okuti: “Mwari wemadzitateguru edu akusarudza kuti usvike pakuziva kuda kwake uye kuti uone Akarurama uye kuti unzwe inzwi romuromo wake, nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvinhu zvawaona nokunzwa. Uye zvino uri kunonokerei? Simuka, bhabhatidzwa ubvise zvivi zvako nokudana pazita rake.” Zvakaguma nei? Sauro “akasimuka akabhabhatidzwa, uye akadya zvokudya akawana simba.”—Mabasa 9:17-19; 22:12-16.

Apedza basa rake, Ananiyasi akatendeka akabva panzvimbo yacho nokukurumidza sokusvika kwaakanga aita, uye hatizoudzwizve nezvake. Asi Sauro akashamisa vose vakamunzwa! Aichimbova mutambudzi, akanga auya kuDhamasiko kuzosunga vadzidzi vaJesu, akatanga kuparidza mumasinagogi nokuratidza kuti Jesu anga ari Kristu.—Mabasa 9:20-22.

“Muapostora Kumamwe Marudzi”

Zvakasangana naSauro munzira inoenda Dhamasiko zvakaita kuti mutambudzi arege basa rake. Aziva kuti Mesiya ndiani, Sauro aigona kushandisa pfungwa nouprofita hwakawanda hweMagwaro echiHebheru kutaura nezvaJesu. Kuziva kuti Jesu akanga azvionesa kwaari uye ‘amubata’ nokumupa basa rokuva “muapostora kumamwe marudzi” kwakachinja upenyu hwaSauro kwazvo. (VaFiripi 3:12; VaRoma 11:13) Zvino somuapostora Pauro, akanga ane ropafadzo nechiremera zvaizochinja kwete mazuva ake ose chete pasi pano asiwo nhau yechiKristu yose.

Makore akati gare gare, pakaitiranwa nharo nezvokuva kwaPauro muapostora, akadzivirira chiremera chake nokutaura nezvezviya zvakaitika munzira inoenda Dhamasiko. “Handisi muapostora here? Handina kuona Jesu Ishe wedu here?,” akabvunza kudaro. Uye ataura kuoneka kwakaita Jesu akamutswa kune vamwe, Sauro (Pauro) akati: “Asi pakupedzisira akaonekawo kwandiri sokunge kune akaberekwa nguva isati yakwana.” (1 VaKorinde 9:1; 15:8) Zvaiita sokunge Sauro, nokuona mbiri yaJesu yokudenga, akanga apiwa rukudzo rwokuberekwa, kana kuti rwokumutsirwa, kuupenyu hwomudzimu nguva isati yakwana.

Sauro akabvuma ropafadzo yake uye akaedza nepaaigona napo kurarama maererano nayo. “Ndiri muduku pavaapostora vose, uye handina kukodzera kunzi muapostora, nokuti ndakatambudza ungano yaMwari,” akanyora kudaro. “Asi . . . mutsa [waMwari] usina kufanirwa waakandiitira hauna kuva pasina, asi ndakashanda kuvapfuura [vamwe vaapostora vose].”—1 VaKorinde 15:9, 10.

Zvichida kufanana naSauro unoyeuka nguva yawakaziva kuti, kuti Mwari akuitire nyasha, waifanira kugadzirisa pfungwa dzechitendero dzawaiva nadzo kwenguva refu. Pasina mubvunzo wakaonga kwazvo kuti Jehovha akakubatsira kuti uwane chokwadi. Sauro paakaona chiedza nokuziva zvaaifanira kuita, haana kuzeza kuzviita. Akaramba achizviita nokushingaira nokutsunga kwoupenyu hwake hwose hwepasi. Muenzaniso wakanaka sei kune vose vanoda kuwana nyasha dzaJehovha nhasi!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Imwe nyanzvi inofunga kuti Judhasi angave aiva mutungamiriri wenzanga yechiJudha yomunzvimbo yacho kana kuti muridzi weimba yevaeni nokuda kwevaJudha.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Mugwagwa unonzi Wakarurama muDhamasiko yamazuva ano

[Kwazvakatorwa]

Photo by ROLOC Color Slides