Isaya 53:1-12
53 Ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri?*+
Uye kana ruri ruoko rwaJehovha,+ rwakaratidzwa kuna ani?+
2 Achabuda sekabazi+ pamberi pake,* semudzi munyika yakaoma.
Haana chimiro chinoyemurika, kana kubwinya;+Uye patinomuona, chimiro chake hachiiti kuti timufarire.*
3 Akazvidzwa uye akarambwa nevanhu,+Munhu ainzwisisa marwadzo* uye aiziva kurwara.
Zvaiita sekuti chiso chake chakanga chakahwandiswa kuti tisachiona.*
Akazvidzwa, uye takamuona seasingakoshi.+
4 Chokwadi iye akatakura zvirwere zvedu,+Uye akatakura marwadzo edu.+
Asi isu takamuona seari kutambura nechirwere, seakarohwa naMwari uye seakarwadziswa.
5 Asi iye akabayiwa+ nekuda kwekudarika kwedu;+Akapwanyiwa nekuda kwekukanganisa kwedu.+
Akabvuma kurangwa kuti tive nerugare,+Uye maronda ake akaita kuti tiporeswe.+
6 Isu tese tadzungaira semakwai,+Mumwe nemumwe atsaukira kunzira yake,Uye Jehovha aita kuti kukanganisa kwedu tese kuve paari.+
7 Akadzvinyirirwa+ uye akabvuma kutambudzwa,+Asi aisashama muromo wake.
Akaunzwa segwai kuzourayiwa,+Senhunzvi yegwai yakanyarara pamberi pevaveuri vayo,Uye aisashama muromo wake.+
8 Iye akabviswa nemhaka yekutongwa zvisina kunaka;*Uye ndiani achafunga nezvemashoko edzinza rake?*
Nekuti iye akabviswa panyika yevapenyu;+Akarohwa* nekuda kwekudarika kwevanhu vangu.+
9 Paakafa akapiwa nzvimbo yekuvigwa* pamwe chete nevakaipa+Uye pamwe chete nevapfumi,*+Kunyange zvazvo pasina chakaipa chaakanga* aitaUye pasina mashoko eunyengeri aakambotaura.+
10 Asi Jehovha aida* kuti apwanyiwe, uye akamurega achirwara.
Kana mukapa upenyu hwake* sechibayiro chemhosva,+Achaona vana* vake, achawedzera mazuva ake,+Uye pachishandiswa iye, zvinofarirwa naJehovha zvichabudirira.*+
11 Nemhaka yemarwadzo ake akanyanya,* iye achaona, ogutsikana.
Achishandisa ruzivo rwake, mushumiri wangu akarurama+Achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama,+Uye achatakura kukanganisa kwavo.+
12 Nekuda kweizvi ndichamupa mugove pakati pevazhinji,Uye achagovana nevane simba zvinhu zvinenge zvapambwa,Nekuti akadurura upenyu hwake* kunyange kusvikira parufu+Uye akaverengwa pamwe chete nevadariki;+Akatakura chivi chevanhu vakawanda,+Uye akareverera vadariki.+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “zvatakanzwa?”
^ “Pake” anogona kunge achireva chero mumwe munhu anenge achiona, kana kuti Mwari.
^ Kana kuti “hapana chinoshamisa pachimiro chake zvekuti tingamuda.”
^ Kana kuti “akaitirwa marwadzo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Akanga akaita semunhu anopirwa makotsi nevanhu.”
^ Kana kuti “Akarohwa akafa.”
^ Kana kuti “nezvemararamiro ake?”
^ ChiHeb., “yekudzvinyirirwa uye kutongwa.”
^ Kana kuti “Paachafa pane achamupa nzvimbo yekuti avigwe.”
^ ChiHeb., “nemupfumi.”
^ Kana kuti “mhirizhonga yaakanga.”
^ Kana kuti “mweya wake.”
^ Kana kuti “kuda kwaJehovha kuchabudirira; zvakanaka zvinofadza Jehovha zvichabudirira.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ Kana kuti “akafarira.”
^ Kana kuti “yekunetseka kwemweya wake.”
^ Kana kuti “mweya wake.”

