Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanofara Vaya Vanoshumira “Mwari Anofara”

Vanofara Vaya Vanoshumira “Mwari Anofara”

“Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!”—PIS. 144:15.

NZIYO: 44, 125

1. Nei vanamati vaJehovha vari vanhu vanofara? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA vanhu vanofara chaizvo. Kana vari pamisangano yavo nepamagungano uye pavanoungana vachitandara vanenge vachifara uye vachiseka. Chii chinoita kuti vafare zvakadaro? Chikonzero chikuru ndechekuti vanoziva, vanoshumira, uye vanoedza kutevedzera Jehovha, “Mwari anofara.” (1 Tim. 1:11; Pis. 16:11) Sezvo mufaro uchibva kwaari, Mwari anoda kuti tifare, uye anotipa zvakawanda zvinoita kuti tifare.—Dheut. 12:7; Mup. 3:12, 13.

2, 3. (a) Chii chinonzi mufaro? (b) Chii chingaita kuti kuwana mufaro kuome?

2 Ko iwewe? Uri kufara here? Mufaro wako unogona here kuwedzera? Kufara kunoreva kugutsikana neupenyu kana kudekara mupfungwa. Bhaibheri rinoratidza kuti vaya vakakomborerwa naJehovha ndivo vanofara zvechokwadi. Asi mazuva ano kuwana mufaro kunogona kuoma. Nemhaka yei?

3 Zvinhu zvakadai sekufirwa, kudzingwa kwemunhu watinoda, kurambana, kana kupererwa nebasa zvinogona kutitorera mufaro. Zvinogonawo kutiomera kuti tifare kana pamba pasina rugare uye pachirwiwa. Zvinhu zvakadai sekusekwa nevatinoshanda navo kana vatinodzidza navo, kutambudzirwa zvatinotenda, kana kusungwa zvinogona kutitadzisa kufara. Tinogonawo kushayiswa mufaro nezvinhu zvakadai sekudzikira kweutano, urwere husingaperi kana kuva nechirwere chedepression. Kunyange zvakadaro, Jesu Kristu, uyo “anofara, iye oga Mutongi Ane Simba,” aifarira kunyaradza vanhu uye kuita kuti vafare. (1 Tim. 6:15; Mat. 11:28-30) MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akataura nezveunhu hwakanaka hunoita kuti tifare pasinei nematambudziko enyika yaSatani.

TINOFANIRA KUVA NEUSHAMWARI HWAKASIMBA NAJEHOVHA KUTI TIFARE

4, 5. Tingawana sei mufaro toramba tiinawo?

4 Chinhu chakatanga kutaurwa naJesu ndicho chinonyanya kukosha. Akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo [zvemweya], nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” (Mat. 5:3) Tinoratidza sei kuti tinoziva zvinodiwa zvedu zvemweya? Tinoita izvozvo nekudzidza Bhaibheri, kuteerera mirayiro yaMwari, uye kuisa zvine chekuita nekunamata pekutanga muupenyu hwedu. Kana tikatora matanho iwayo, mufaro wedu uchawedzera. Kutenda kwedu kuti zvakavimbiswa naMwari zvichazadzika kuchawedzera kusimba. Uye tichakurudzirwa ‘netariro inofadza’ inowanikwa muShoko raMwari nevanamati vechokwadi.—Tito 2:13.

5 Kana tichida kuramba tichifara tinofanira kuva neushamwari hwakasimba naJehovha. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Garai muchifara munaShe [Jehovha]. Ndinotizve, Farai!” (VaF. 4:4) Kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha tinofanira kuva neuchenjeri hunobva kwaari. Shoko rake rinoti: “Munhu anowana uchenjeri ndiye anofara, nomunhu anowana ungwaru. Ihwo muti woupenyu kune vaya vanohubata, uye vaya vanohubata zvakasimba vachanzi vanofara.”—Zvir. 3:13, 18.

6. Kuti tirambe tichifara tinofanira kuitei?

6 Kuti tirambe tichifara, zvinokosha kuti tisangoperera pakuverenga Bhaibheri asi tishandise zvatinenge taverenga. Jesu akaratidza kuti kushandisa zvatinodzidza kunokosha paakati: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.” (Joh. 13:17; verenga Jakobho 1:25.) Izvi zvinokosha kana tichida kugutsa zvinodiwa zvedu zvemweya uye kana tichida kufara nekusingaperi. Asi tingafara sei ipo paine zvinhu zvakawanda zvinogona kutitadzisa kufara? Ngationei zvimwe zvakataurwa naJesu muMharidzo yepaGomo.

UNHU HUPI HUNOITA KUTI TIFARE?

7. Vaya vanochema vangafara sei?

7 “Vanofara vaya vanochema, nokuti vachanyaradzwa.” (Mat. 5:4) Vamwe vanganetseka kuti, ‘Vaya vanochema vangafara sei?’ Jesu aisataura nezvevanhu vese vanochema. Kunyange vanhu vakaipa vanochema nematambudziko ‘emunguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.’ (2 Tim. 3:1) Asi kuchema kwekuti vanenge vachingoda zvinhu zvakavanakira hakuvaswededzi pedyo naJehovha, saka hakuiti kuti vafare. Jesu aitaura nezvevanhu vanoziva zvinodiwa zvavo zvemweya. Vanochema nekuti vanoona kuti vanhu vakawanda chaizvo vakaramba Mwari kana kuti havararami maererano nezvaanoda. Vanozivawo kuti ivo pachavo vane chivi, uye vanoona zvinhu zvakaipa chaizvo zvichiitika munyika ino. Jehovha anocherechedza vanhu vakadaro uye anovanyaradza neShoko rake uye anoita kuti vafare.—Verenga Ezekieri 5:11; 9:4.

8. Tsanangura kuti kuva munyoro kunoita sei kuti munhu afare.

8 “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mat. 5:5) Kuva munyoro kunoita sei kuti munhu afare? Vamwe vanhu vanochinja pavanoziva chokwadi. Vanogona kunge vaimbova neutsinye kana kuti vaipopotedzana nevamwe. Asi iye zvino vakapfeka “unhu hutsva” uye vava kuratidza “rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.” (VaK. 3:9-12) Saka iye zvino vava vanhu vane rugare, vane rudo uye vanofara. Uyewo Shoko raMwari rinoti vanhu vakadaro “vachagara nhaka yenyika.”—Pis. 37:8-10, 29.

9. (a) Vanyoro “vachagara nhaka yenyika” pakudii? (b) Nei vaya “vane nzara nenyota yokururama” vachifara?

9 Vanyoro “vachagara nhaka yenyika” pakudii? Vadzidzi vaJesu vakazodzwa nemweya vachagara nhaka yenyika pavachatonga nyika semadzimambo nevapristi. (Zvak. 20:6) Vamwe vadzidzi vanosvika mamiriyoni vasina tariro yekuenda kudenga vachagara nhaka yenyika pavachagara pasi pano nekusingaperi vasina chivi uye vaine rugare nemufaro. Vanhu ava ndivo vanofara nekuti “vane nzara nenyota yokururama.” (Mat. 5:6) Chido chavo chekuti pave nekururama chichanyatsogutswa munyika itsva. (2 Pet. 3:13) Mwari paachabvisa uipi hwese, mufaro wevakarurama hauzombokanganiswi nezvinhu zvakashata zvinoitwa nevanhu vakaipa.—Pis. 37:17.

10. Kuva nengoni kunorevei?

10 “Vanofara vane ngoni, nokuti vachanzwirwa ngoni.” (Mat. 5:7) Shoko rechiHebheru rine chekuita nengoni rinoreva kunzwira tsitsi vanhu vari kutambura. Shoko rechiGiriki rinosanganisirawo pfungwa yekunzwira vamwe tsitsi. Asi munhu ane ngoni haangogumiri pakunzwira vamwe tsitsi. Bhaibheri rinodzidzisa kuti kuva nengoni kunosanganisira kuita chimwe chinhu kuti ubatsire vamwe.

11. Chii chatinodzidza nezvekuva nengoni kubva mumufananidzo wemuSamariya akanaka?

11 Verenga Ruka 10:30-37. Mufananidzo waJesu wemuSamariya akanaka unonyatsoratidza chinonzi kunzwira vamwe tsitsi. Kunzwa tsitsi uye ngoni kwakaita kuti muSamariya abatsire murume akanga achirwadziwa. Paakapedza kutaura mufananidzo uyu, Jesu akati: “Enda unoita izvozvo.” Saka tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndizvo zvandiri kuitawo here? Ndiri kuita zvakaitwa nemuSamariya aiva netsitsi here? Ndingawedzera here kunzwira vamwe tsitsi uye kuratidza mutsa nekuita mabasa anobatsira vanenge vachitambura? Semuenzaniso, ndinogona here kubatsira hama nehanzvadzi dzakura, chirikadzi uye vana vane vabereki vasiri Zvapupu? Ndinogona here kutanga ‘kutaura zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo’?’—1 VaT. 5:14; Jak. 1:27.

Tanga iwe kunzwira vamwe tsitsi uye uchaona kufara kwauchaita (Ona ndima 12)

12. Kuva nengoni kunoita sei kuti tifare?

12 Kuva nengoni kunoita sei kuti munhu afare? Kana tikaratidza vamwe ngoni, tinowana mufaro unobva pakupa. Uyewo tinoziva kuti tiri kufadza Jehovha. (Mab. 20:35; verenga VaHebheru 13:16.) Achitaura nezvemunhu anoratidza vamwe ngoni, Mambo Dhavhidhi akati: “Jehovha achamurinda omuchengetedza ari mupenyu. Iye achanzi anofara munyika.” (Pis. 41:1, 2) Kubatsira vanhu vatinenge tichinzwira tsitsi kuchaita kuti Jehovha atinzwire ngoni, uye izvi zvichaita kuti tifare nekusingaperi.—Jak. 2:13.

NEI “VAKACHENA MUMWOYO” VACHIFARA?

13, 14. Nei “vakachena mumwoyo” vachifara?

13 Jesu akati “Vanofara vakachena mumwoyo, nokuti vachaona Mwari.” (Mat. 5:8) Kuti mwoyo yedu irambe yakachena, tinofanira kuita kuti pfungwa dzedu nezvido zvedu zvirambe zvakachena. Izvi zvinokosha kana tichida kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu.—Verenga 2 VaKorinde 4:2; 1 Tim. 1:5.

14 Vaya vakachena mumwoyo vanogona kuva neushamwari hwakanaka naJehovha uyo akati: “Vanofara vaya vanogeza nguo dzavo.” (Zvak. 22:14) “Vanogeza nguo dzavo” pakudini? VaKristu vakazodzwa “vanogeza nguo dzavo” pakuti vakachena mumaziso aJehovha uye vachapiwa upenyu husingaparari vowana mufaro usingaperi kudenga. Vaya vane tariro yekugara panyika vanogonawo kuva shamwari dzaMwari nekuti anovaona sevakarurama. Kunyange iye zvino ‘vari kugeza nguo dzavo refu, vachidziita chena muropa reGwayana.’—Zvak. 7:9, 13, 14.

15, 16. Vakachena mumwoyo ‘vanoona Mwari’ sei?

15 Vakachena mumwoyo ‘vanoona Mwari’ sei kana ‘pasina munhu angaona Mwari akararama’? (Eks. 33:20) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kuona’ rinogona kureva ‘kuona nepfungwa, kunzwisisa, kuziva.’ Vaya vanonyatsoziva Mwari uye vanoda unhu hwake ndivo vanoona Mwari ‘nemaziso emwoyo.’ (VaEf. 1:18) Jesu akanyatsoratidza unhu hwaBaba vake, saka aigona kuti: “Aona ini aonawo Baba.”—Joh. 14:7-9.

16 Vanamati vechokwadi vanogonawo ‘kuona Mwari’ nekucherechedza zvaanovaitira. (Job. 42:5) Vanoitawo kuti maziso avo emwoyo ave pamakomborero achapiwa vaya vanoedza kuramba vakachena uye vachishumira Mwari vakavimbika. Asi vakazodzwa vanonyatsoona Jehovha pavanomutswa voenda kudenga.—1 Joh. 3:2.

KUFARA PASINEI NEMATAMBUDZIKO

17. Nei vanhu vanoita kuti pave nerugare vachifara?

17 Jesu akazoti: “Vanofara vanoita kuti pave norugare.” (Mat. 5:9) Patinotora matanho anoita kuti pave nerugare tinofara. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Mbeu yechibereko chokururama inodyarwa murugare nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.” (Jak. 3:18) Patinenge tichitadza kuwirirana nemumwe munhu wemuungano kana kuti wemumhuri tinogona kukumbira Mwari kuti atibatsire kuti tiite kuti pave nerugare. Kana tikadaro, Jehovha anotipa mweya wake mutsvene uyo unotibatsira kuratidza unhu hwechiKristu zvoita kuti tifare. Jesu akaratidza kukosha kwazvinoita kuti titange kutora danho rekuita kuti pave nerugare paakati: “Zvino, kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.”—Mat. 5:23, 24.

18, 19. Nei vaKristu vachigona kufara kunyange pavanotambudzwa?

18 “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwangu.” Jesu airevei? Akawedzera kuti: “Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga; nokuti vakatambudza vaprofita vakakutangirai saizvozvo.” (Mat. 5:11, 12) Vaapostora pavakarohwa ndokurayirwa kuti varege kuparidza, “vakabva zvavo pamberi peSanihedrini, vachifara.” Izvi hazvirevi hazvo kuti vainakidzwa nemarwadzo ekurohwa. Asi vaifara “nokuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita [raJesu].”—Mab. 5:41.

19 Mazuva ano, vanhu vaJehovha vanotsungirira vachifara pavanotambudzirwa zita raJesu kana kuti pavanosangana nematambudziko akakura. (Verenga Jakobho 1:2-4.) Kufanana nevaapostora, hatifariri kutambura chero kupi zvako. Asi tikaramba takaperera kuna Mwari panguva dzakaoma, Jehovha anotipa ushingi hunodiwa kuti titsungirire. Semuenzaniso, muna August 1944, imwe hurumende yeudzvinyiriri yakaendesa Henryk Dornik nemukoma wake kumusasa wevasungwa. Asi vanhu vaivatambudza vakati: “Hapana anogona kuvanyengetedza kuti vaite chero chii zvacho. Kutambudzirwa zvavanotenda kunoita kuti vafare.” Hama Dornik vakati: “Kunyange zvazvo ndaisava nechido chekutambudzirwa zvandinotenda, kuva neushingi pandaitambudzirwa kuvimbika kwangu kuna Jehovha kwaiita kuti ndifare. . . . Kunyengetera zvinobva pasi pemwoyo kwakaita kuti ndive pedyo naJehovha, uye iye akaratidza kuti Mubatsiri wandinogona kuvimba naye.”

20. Nei tichifarira kushumira “Mwari anofara”?

20 Kana “Mwari anofara” akatifarira, tinogona kuva nemufaro pasinei nekutambudzwa nevezvitendero, kupikiswa nevemumhuri, kurwara kana kukwegura. (1 Tim. 1:11) Tinofarawo nekuti tine zvinhu zvinoshamisa zvatakavimbiswa naMwari wedu “asingamborevi nhema.” (Tito 1:2) Kuzadzika kwezvakavimbiswa naJehovha kuchatifadza zvekuti zvichaita sekuti hatina kumbobvira takasangana nematambudziko. MuParadhiso iri kuuya, makomborero aJehovha achapfuura zvatinokwanisa kufungidzira iye zvino. Tichafara zvatisati tamboita. Zvechokwadi ‘tichafara kwazvo nerugare rukuru.’—Pis. 37:11.