Ezekieri 5:1-17

  • Zvichaitika pakuparadzwa kweJerusarema (1-17)

    • Bvudzi remuprofita raazvigera rinoitwa zvikamu zvitatu (1-4)

    • Jerusarema rinonetsa kupfuura mamwe marudzi (7-9)

    • Vapanduki vanorangwa nenzira nhatu (12)

5  “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, tora bakatwa rakapinza urishandise sechisvo chekugeresa. Gera musoro wako nendebvu dzako, wotora bvudzi racho woriyera pachikero uchiriisa muzvikamu zvikamu.  Uchapisa chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvebvudzi racho muguta pachapera mazuva ekukomba.+ Uchabva watora chimwe chikamu wochidimbura-dimbura nebakatwa kumativi ese eguta,+ uye uchamwaya chikamu chekupedzisira chebvudzi racho mumhepo, uye ndichavhomora bakatwa rekuvadzingirira.+  “Unofanira kutorawo rimwe bvudzi shoma woriputira munguo yako.  Unofanira kutora rimwe bvudzi, worikanda mumoto, rotsva rese. Ipapo pachabva moto uchasvika kuimba yese yaIsraeri.+  “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Iri ndiro Jerusarema. Ndakariisa pakati pemarudzi, rakapoteredzwa nedzimwe nyika.  Asi rapandukira mitongo yangu nemirau yangu, richitoita zvakaipa kupfuura marudzi nenyika dzakaripoteredza,+ nekuti varamba mitongo yangu, uye havana kufamba mumirau yangu.’  “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Nekuti mainetsa kupfuura marudzi akakupoteredzai uye hamuna kufamba mumirau yangu kana kuita zvandakataura mumitongo yangu, asi makatevera mitongo yemarudzi akakupoteredzai,+  zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kukurwisa, iwe guta,+ uye ini pachangu ndichaita zvandakakutongera, marudzi ese akatarisa.+  Ndichakuitira zvandisati ndamboita uye zvandisingazomboitizve, nemhaka yemabasa ako ese anosemesa.+ 10  “‘“Saka vanababa vari pakati pako vachadya vanakomana vavo,+ uye vanakomana vachadya vanababa vavo, uye ndichapa mutongo pakati pako, ndoparadzira vamwe venyu vese vasara kumativi ese.”’*+ 11  “‘Saka neupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, ‘nekuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvidhori zvako zvese zvinonyangadza, nemabasa ako ese anosemesa,+ ini ndichakurambawo, ziso rangu harizonzwi urombo uye handizonzwi tsitsi.+ 12  Chikamu chako chimwe chete pazvitatu chichafa nedenda* kana kupera nenzara. Chimwe chikamu chacho chichaurayiwa nebakatwa kumativi ako ese.+ Uye ndichaparadzira chikamu chekupedzisira kumativi ese,* uye ndichavhomora bakatwa rekuvadzingirira.+ 13  Kutsamwa kwangu kuchabva kwapera, uye ndicharega kuvagumbukira, uye ndichagutsikana.+ Uye pandichange ndapedza kudurura kutsamwa kwangu pavari, vachaziva kuti ini, Jehovha, ndakataura, nekuti ndinoda kuzvipira kwakazara.+ 14  “‘Ndichaita kuti uve nzvimbo yakaparadzwa uye chinhu chinozvidzwa nemarudzi akakupoteredza uye nevanhu vese vanopfuura nepauri.+ 15  Uchava chinhu chinozvidzwa uye chinoshorwa,+ uchava yambiro uye chinhu chinotyisa kumarudzi akakupoteredza, pandichaita zvandakakutongera, ndakatsamwa, ndiine hasha uye ndichikuranga ndakashatirwa. Ini, Jehovha, ndazvitaura. 16  “‘Ndichavatumira miseve inouraya yenzara kuti ivaparadze. Miseve yandichatuma ichakuparadzai.+ Ndichaita kuti nzara yenyu iwedzere nekukushayisai kwekuwana zvekudya.*+ 17  Ndichakutumira nzara nezvikara+ zvinotyisa uye zvichakuurayira vana. Denda neropa zvichakushayisa zvekuita uye ndichakurwisa nebakatwa.+ Ini, Jehovha, ndazvitaura.’”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “kumhepo yese.”
Kana kuti “nechirwere.”
ChiHeb., “kumhepo yese.”
ChiHeb., “pandichatyora tumiti twenyu twechingwa.” Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.