Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zviratidzei Kuti Munoonga”

“Zviratidzei Kuti Munoonga”

“Zviratidzei Kuti Munoonga”

“Rugare rwaKristu ngarudzore mumwoyo menyu . . . Uye imi zviratidzei kuti munoonga.”—VAKOROSE 3:15.

1. Musiyanoi watinoona pakati peungano yechiKristu nenyika inodzorwa naSatani?

MUUNGANO 94 600 dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose, tinowana kuti mune vanhu vanoonga. Musangano mumwe nomumwe unotanga nokuguma nomunyengetero unosanganisira mashoko okuonga Jehovha. Tinowanzonzwa kuti “mazvita,” “zvakanaka,” kana mamwe mashoko akada kudai achitaurwa nevaduku nevakuru uyewo Zvapupu zvitsva nezvenguva refu sezvavanobatana mukunamata nokuwadzana kunofadza. (Pisarema 133:1) Izvi zvinosiyana zvikuru noudyire hwakapararira muvakawanda ‘vasingazivi Jehovha uye vasingateereri mashoko akanaka’! (2 VaTesaronika 1:8) Tinorarama munyika isingaongi. Uye izvi hazvishamisi patinofunga kuti Mwari wenyika ino ndiani—Satani Dhiyabhorosi, mutsigiri mukuru wokuzvifunga, uyo kudada nepfungwa dzake dzokupandukira zvakazara munzanga yevanhu!—Johani 8:44; 2 VaKorinde 4:4; 1 Johani 5:19.

2. Tinofanira kuteerera nyeveroi, uye mibvunzo ipi yatichakurukura?

2 Sezvo takakomberedzwa nenyika yaSatani, tinofanira kungwarira kuti tisaodzwa nemaitiro ayo. Muzana remakore rokutanga, muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu veEfeso kuti: “Makambofamba maererano negadziriro yezvinhu yenyika ino, maererano nomutongi wesimba remhepo, mudzimu unoshanda zvino muvanakomana vokusateerera. Hungu, pakati pavo isu tose pane imwe nguva takambozvibata maererano nokuchiva kwenyama yedu, tichiita zvinhu zvaidiwa nenyama nokufunga kwedu, uye pakuzvarwa takanga tiri vana vokuitirwa hasha sevamwe vose.” (VaEfeso 2:2, 3) Izvi ndezvechokwadiwo kune vakawanda nhasi. Saka, tingaramba sei tichionga? Jehovha anopa rubatsiro rwechii? Munzirai dzinoshanda matingaratidza kuti tinoonga zvechokwadi?

Zvikonzero Zvokuonga

3. Tinoonga Jehovha nokuda kwechii?

3 Tinoonga Jehovha Mwari, Musiki wedu noMupi Woupenyu, zvikurukuru patinofunga zvimwe zvezvipo zvakawanda zvaakatipa. (Jakobho 1:17) Zuva nezuva, tinoonga Jehovha kuti tiri vapenyu. (Pisarema 36:9) Makatipoteredza, tinoona uchapupu hwakawanda hwemabasa aJehovha, hwakadai sezuva, mwedzi, nenyeredzi. Dura repasi redu rakazara nezvinhu zvinotsigira upenyu, magasi anokosha ari muchadenga akasanganiswa nounyanzvi, uye zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvinogara zvichiitika muupenyu, zvose zvinopupurira chikwereti chatinacho kuna Baba vedu vokudenga vane rudo. Mambo Dhavhidhi akaimba kuti: “Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, nemifungo yenyu kwatiri; hapana ungaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.”—Pisarema 40:5.

4. Nei tichifanira kuonga Jehovha nokuda kwoushamwaridzani hunofadza hwatinahwo muungano dzedu?

4 Kunyange zvazvo vasiri kugara muparadhiso chaiyo, nhasi vashumiri vaJehovha vanofadzwa nokugara muparadhiso yomudzimu. MuDzimba dzedu dzoUmambo nepakokorodzano dzedu nemagungano, tinoona zvibereko zvomudzimu waMwari zvichishanda mune vatinonamata navo. Chokwadi, pazvinoparidzira vanhu vanoziva zvishoma kana kuti vasingazivi zvechitendero, zvimwe Zvapupu zvinotaura zvakarondedzerwa naPauro mutsamba yake kuvaGaratiya. Zvinotanga kutaura nezve“mabasa enyama” zvobvunza vateereri vazvo zvavanozivawo. (VaGaratiya 5:19-23) Vakawanda vanobvuma nyore nyore kuti aya ndiwo akazara munzanga yevanhu nhasi. Pavanoratidzwa rondedzero yezvibereko zvomudzimu waMwari uye pavanokokwa kuImba yoUmambo yomunharaunda kuzozvionera uchapupu hweizvi, vakawanda vanokurumidza kubvuma kuti: “Chaizvoizvo Mwari ari pakati penyu.” (1 VaKorinde 14:25) Uye izvi hazvingogumiri paImba yoUmambo yomunharaunda yacho. Enda kwose kwaungagona, paunoona upi noupi weZvapupu zvaJehovha zvinodarika mamiriyoni matanhatu, uchaona mufaro wakafanana. Chokwadi, ushamwaridzani uhwu hunovaka chikonzero chokuonga Jehovha, uyo anogovera mudzimu wake kuti zvibvire.—Zefania 3:9; VaEfeso 3:20, 21.

5, 6. Tingaratidza sei kuti tinoonga rudzikinuro, chipo chaMwari chikuru kudarika zvose?

5 Chipo chikuru kupfuura zvose, chipiwa chikuru chakakwana chatakapiwa naJehovha, ndechiya choMwanakomana wake, Jesu, kuburikidza naye chibayiro chorudzikinuro chakapiwa. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kana aya ari iwo madire akatiita Mwari, ipapo isu tinosungirwawo kudanana.” (1 Johani 4:11) Chokwadi, tinoratidza kuti tinoonga rudzikinuro kwete nokungoratidza rudo uye kuonga Jehovha asiwo nokurarama upenyu hwedu nenzira inoratidza kuda vamwe.—Mateu 22:37-39.

6 Tinogona kudzidza zvakawanda nezvokuratidza kuonga kuburikidza nokufunga nzira iyo Jehovha akabata nayo naIsraeri wekare. Jehovha akadzidzisa vanhu zvidzidzo zvakawanda kuburikidza noMutemo waakapa rudzi rwacho achishandisa Mosesi. No“kuumbwa kwezivo nokwechokwadi zviri muMutemo,” tinogona kudzidza zvakawanda zvichatibatsira kutevera zano raPauro rinoti: “Zviratidzei kuti munoonga.”—VaRoma 2:20; VaKorose 3:15.

Zvidzidzo Zvitatu Kubva Mumutemo waMosesi

7. Urongwa hwokupa chegumi hwakapa sei vaIsraeri mukana wokuratidza kuti vaionga Jehovha?

7 Mumutemo waMosesi, Jehovha akagovera nzira nhatu idzo vaIsraeri vaigona kuratidza nadzo kuti vaionga zvepachokwadi kunaka kwake. Yokutanga, yaiva yokupa chegumi. Zvegumi zvenyika yacho, pamwe ne“zvegumi zvose zvemombe, kana zvipfuwo zviduku,” zvaifanira kuva ‘chimwe chinhu chitsvene kuna Jehovha.’ (Revhitiko 27:30-32) VaIsraeri pavakateerera, Jehovha akavakomborera nezvakawanda. “Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—muone kana ndisingakuzaruriyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashayiwa pokuisa.”—Maraki 3:10.

8. Chii chaisiyanisa mipiro yokuzvidira nokupa chegumi?

8 Yechipiri, kuwedzera kune zvaidiwa pakupa chegumi, Jehovha akaronga kuti vaIsraeri vape mipiro yokuzvidira. Akarayiridza Mosesi kuudza vaIsraeri kuti: “Kana muchisvika kunyika kwandinokuisai, kana modya zvokudya zvenyika, munofanira kupa Jehovha chipiriso chinotsaurwa.” Zvimwe zvezvibereko zvokutanga zvo‘upfu hwavo hwakaita sechingwa chiduku’ zvaifanira kupiwa se‘chipiriso chinotsaurwa kuna Jehovha’ kusvikira kuzvizvarwa zvavo zvose. Ona kuti hapana chitsama chakananga chezvibereko zvokutanga izvi chaidiwa. (Numeri 15:18-21) Asi vaIsraeri pavaipa mupiro mukuonga, vaivimbiswa chikomborero chaJehovha. Urongwa hwakafanana hunoonekwa maererano netemberi mune zvakaratidzwa Ezekieri. Tinoverenga kuti: “Chakaisvonaka pazvibereko zvokutanga zvezvose, nezvipiriso zvakatsaurwa zvezvose, zvezvipo zvenyu zvose, zvinofanira kuva zvavaprista; munofanira kupawo vaprista zvokutanga zvoupfu hwenyu hwakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu.”—Ezekieri 44:30.

9. Jehovha akadzidzisa chii nourongwa hwokuunganidza zvaisaririra pakukohwa?

9 Yechitatu, Jehovha akaronga zvokuita pakuunganidza zvaisaririra pakukohwa. “Kana muchikohwa gohwa reminda yenyu,” Mwari akarayira kudaro, “rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako. Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.” (Revhitiko 19:9, 10) Zvakare, hapana chitsama chakananga chaidiwa. Zvaisarira kumuIsraeri mumwe nomumwe kusarudza kuti aizosiyira vanoshayiwa zvakawanda sei. Mambo Soromoni akachenjera akatsanangura nomazvo kuti: “Unonzwira varombo tsitsi, unoposana naJehovha; uchamuripira basa rake rakanaka.” (Zvirevo 19:17) Saka Jehovha akadzidzisa tsitsi uye kuva nehanya nevarombo.

10. Migumisiroi yakavapo pavanhu veIsraeri pavakakundikana kuratidza kuti vaionga?

10 Jehovha akakomborera vaIsraeri pavakaunza zvegumi nenzira yokuteerera, pavakapa mipiro yokuzvidira, uye pavakapa varombo. Asi vanhu veIsraeri pavakakundikana kuratidza kuti vaionga, vakarasikirwa nenyasha dzaJehovha. Izvi zvakatungamirira kunjodzi uye kuva nhapwa pakupedzisira. (2 Makoronike 36:17-21) Saka, isu tinodzidzei?

Zvatinoita Kuratidza Kuti Tinoonga

11. Ndeipi iri nzira huru yatingaratidza nayo kuti tinoonga Jehovha?

11 Nzira huru yatingarumbidza nayo Jehovha toratidza kuonga kwedu inosanganisirawo “chinopiwa.” Chokwadi, sevaKristu, hatisi pasi poMutemo waMosesi, tichisungirwa kupa chibayiro chemhuka kana zvirimwa. (VaKorose 2:14) Kunyange zvakadaro, muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti: “Ngatigarei tichipa Mwari chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” (VaHebheru 13:15) Nokushandisa mano edu uye pfuma kupa chibayiro chokurumbidza kuna Jehovha, mungava muushumiri hwepachena kana kuti “paungano” yevaKristu vatinonamata navo, tinogona kuratidza kuonga nomwoyo wose Baba vedu vokudenga, Jehovha Mwari. (Pisarema 26:12) Nokuita kudaro, tingadzidzei munzira idzo vaIsraeri vaizoratidza nadzo kuti vaionga Jehovha?

12. Kana totaura nezvomutoro wedu wechiKristu, tingadzidzei paurongwa hwokupa chegumi?

12 Kutanga, sezvataona, munhu aisasarudza kuti aida kupa chegumi here kana kuti kwete; muIsraeri mumwe nomumwe aiva nomutoro munhau iyi. SevaKristu, tine mutoro wokushanda muushumiri nokupinda misangano yechiKristu. Hatiiti zvokusarudza kuita izvi. Muuprofita hwake hukuru maererano nenguva yomugumo, Jesu akataura zvakananga kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14; 28:19, 20) Nezvemisangano yechiKristu, muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Tinoratidza kuti tinoonga Jehovha patinogamuchira nomufaro basa redu rokuparidza nokudzidzisa uyewo kuungana nehama dzedu nguva dzose pamisangano yeungano, tichiona izvozvo seropafadzo uye kukudzwa.

13. Chidzidzoi chinobva paurongwa hwemipiro yokuzvidira nokuunganidza zvaisaririra pakukohwa?

13 Uyezve, tinogona kubatsirwa nokufunga urongwa huviri uhwo vaIsraeri vaigona kuratidza nahwo kuonga kwavo—mipiro yokuzvidira uye kuunganidza zvaisaririra pakukohwa. Kusiyana nokupa chegumi, uko kwaida kuti munhu aite akanyatsozvipira, mipiro yokuzvidira uye urongwa hwokuunganidza zvaisaririra pakukohwa zvaisada chitsama chakatemwa. Pane kudaro, zvaibvumira kuonga kwakadzama kwomushumiri waJehovha mumwoyo make kumuita kuti aite chimwe chinhu. Saizvozvowo, kunyange zvazvo tichinzwisisa kuti kushanda muushumiri nokupinda misangano yechiKristu mutoro unokosha womushumiri wose waJehovha, tinozviita nomwoyo wose uye nokuda here? Tinozviona somukana wokuratidza kuonga kwedu kwomwoyo wose zvose izvo Jehovha akatiitira here? Tinoita mabasa aya takasununguka here, kusvikira panobvumirwa nemamiriro edu ezvinhu? Kana kuti tinongoona zvose izvi somutoro watinosungirwa kuita here? Chokwadi, iyi mibvunzo yatinofanira kuzvipindurira. Muapostora Pauro akazvitaura seizvi: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

14. Jehovha anotarisira chii pabasa ratinomuitira?

14 Jehovha Mwari anonyatsoziva mamiriro edu ezvinhu. Anoziva zvatinokwanisa kuita. Anokoshesa zvibayiro, zvikuru kana zviduku, zvinopiwa nevashumiri vake nokuzvidira. Haatitarisiri tose kupa zvakafanana, uyewo hatigoni kudaro. Paaitaura nezvokupa zvinhu zvokunyama, muapostora Pauro akaudza vaKristu veKorinde kuti: “Kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika zvikuru maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.” (2 VaKorinde 8:12) Nheyo yomutemo iyi inoshanda zvakaenzana kubasa redu kuna Mwari. Chinoita kuti basa redu rigamuchirike kuna Jehovha hahusi uwandu hwezvatinoita asi maitiro atinozviita nawo—nomufaro uye nomwoyo wose.—Pisarema 100:1-5; VaKorose 3:23.

Kudziridza uye Ramba Uine Chido Chokupayona

15, 16. (a) Ushumiri hwoupiyona nokuonga zvinobatana papi? (b) Vaya vasingakwanisi kupayona vangaratidza sei kuti vane chido chokupayona?

15 Nzira inopa mubayiro yokuratidza kuti tinoonga Jehovha ndeyokupinda muushumiri hwenguva yakazara. Vachikurudzirwa nokuda Jehovha uye vachionga mutsa wake usina kufanirwa, vashumiri vakazvitsaurira vakawanda vakachinja zvikuru muupenyu hwavo kuti vawane nguva yakawanda yokushumira Jehovha. Vamwe vanokwanisa kushanda semapiyona enguva dzose, vachipedzera avhareji yemaawa 70 mwedzi mumwe nomumwe vachiparidza mashoko akanaka nokudzidzisa vanhu chokwadi. Vamwe, vangava vasingakwanisi nokuda kwemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, nguva nenguva vanoronga kupedzera maawa 50 pamwedzi vachiparidza semapiyona ebetsero.

16 Asi zvakadini nevashumiri vaJehovha vakawanda avo vasingakwanisi kushanda semapiyona enguva dzose kana kuti ebetsero? Vangaratidza kuti vanoonga nokukudziridza uye nokuramba vaine chido chokupayona. Sei? Nokukurudzira vaya vanokwanisa kupayona, nokupinza zvishoma nezvishoma muvana vavo chido chokushanda mubasa renguva yakazara, uye nokushanda nokushingaira mukuparidza maererano nemamiriro avo ezvinhu. Zvatinopa muushumiri hwedu zvinotsamira zvikuru pakuti mwoyo yedu inoonga zvakadzama sei zvatakaitirwa naJehovha, zvaari kuita, uye zvaachatiitira.

Kuratidza Kuti Tinoonga ‘Nezvatinazvo’

17, 18. (a) Tingaratidza sei kuti tinoonga ‘nezvatinazvo’? (b) Jesu akaona sei mupiro wechirikadzi, uye nei?

17 “Kudza Jehovha nezvaunazvo,” inodaro Zvirevo 3:9, “uye nezvitsva zvazvose zvawakawana.” Vashumiri vaJehovha havachafaniri kupa chegumi. Pane kudaro, Pauro akanyorera ungano yeKorinde kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.” (2 VaKorinde 9:7) Kupa mipiro yokuzvidira kutsigira basa rokuparidza Umambo romunyika yose kunoratidzawo kuti tinoonga. Kuonga nomwoyo wose kunotikurudzira kuita izvi nguva dzose, zvichida tichitsaura chimwe chinhu vhiki yoga yoga, sezvaiitwa nevaKristu vokutanga.—1 VaKorinde 16:1, 2.

18 Hachisi chitsama chatinopa chinoratidza kuti tinoonga Jehovha. Asi mapiro atinoita. Izvi ndizvo zvakacherechedzwa naJesu paaiona vanhu vachidonhedzera zvipo zvavo mumidziyo yokuisa mari patemberi. Jesu paakaona chirikadzi yaishayiwa ichidonhedzera “mari mbiri duku dzaikosha zvishoma kwazvo,” akati: “Ndinokuudzai zvechokwadi kuti, ‘Chirikadzi iyi, kunyange iri murombo, yadonhedzera kupfuura zvavaita vose. Nokuti ava vose vadonhedzera zvipo vachibvisa pane yemuraudzo wavo, asi mukadzi uyu adonhedzera achibvisa pakushayiwa kwake zvose zvokurarama nazvo zvaanga anazvo.”—Ruka 21:1-4.

19. Nei zvakanaka kuongororazve nzira dzatinoratidza nadzo kuti tinoonga?

19 Kudzidza kwataita uku kuti tinoratidza sei kuti tinoonga ngakutikurudzire kuongororazve nzira dzatinoratidza nadzo kuonga kwedu. Kana zvichibvira, tingawedzera here chibayiro chedu chokurumbidza Jehovha uyewo kutsigira kwedu basa romunyika yose nezvinhu zvokunyama? Kusvikira patinoita kudaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti Baba vedu vane rudo rukuru, Jehovha, vachafara zvikuru kuti tinoratidza kuti tinoonga.

Unoyeuka Here?

• Tinofanira kuonga Jehovha nokuda kwezvikonzero zvipi?

• Zvidzidzo zvipi zvatinowana pakupa chegumi, mipiro yokuzvidira, uye kuunganidza zvaisaririra pakukohwa?

• Tinokudziridza sei chido chokupayona?

• Tingashandisa sei ‘zvatinazvo’ kuonga Jehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

“Zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro”

[Mifananidzo iri papeji 16]

Zvidzidzo zvipi zvitatu kubva muMutemo zvinoratidzwa pano?

[Mifananidzo iri papeji 18]

Tingapa zvibayiro zvipi?