Bhuku Rechipiri reMakoronike 36:1-23
36 Vanhu vemunyika yacho vakabva vatora Jehoahazi+ mwanakomana waJosiya, vakamugadza kuti ave mambo muJerusarema panzvimbo yababa vake.+
2 Jehoahazi aiva nemakore 23 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema.
3 Zvisinei, mambo weIjipiti akamubvisa pachigaro muJerusarema, akabhadharisa nyika yacho matarenda* 100 esirivha netarenda rimwe chete regoridhe.+
4 Mambo weIjipiti akagadzawo Eriyakimu mukoma waJehoahazi kuti ave mambo weJudha neJerusarema, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; asi Neko+ akatora munin’ina wake Jehoahazi, akaenda naye kuIjipiti.+
5 Jehoyakimu+ aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema. Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake.+
6 Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi akauya kuzorwa naye kuti amusunge nezvisungo zvemumakumbo zviviri zvemhangura kuti aende naye kuBhabhironi.+
7 Nebhukadhinezari akatora mimwe midziyo yeimba yaJehovha akaenda nayo kuBhabhironi, akaiisa mumuzinda wake muBhabhironi.+
8 Kana iri nhoroondo yese yaJehoyakimu, zvinhu zvinosemesa zvaakaita nezvakaipa zvakawanikwa paari, zvakanyorwa muBhuku reMadzimambo eIsraeri neeJudha; uye mwanakomana wake Jehoyakini akava mambo panzvimbo yake.+
9 Jehoyakini+ aiva nemakore 18 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu nemazuva gumi muJerusarema; uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.+
10 Pakutanga kwegore,* Mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kuti vanomutora vauye naye kuBhabhironi+ pamwe chete nezvinhu zvinokosha zveimba yaJehovha.+ Akabva agadza Zedhekiya munin’ina wababa vake kuti ave mambo weJudha neJerusarema.+
11 Zedhekiya+ aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema.+
12 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake. Haana kuzvininipisa pamberi pemuprofita Jeremiya,+ uyo aitaura zvaairayirwa naJehovha.
13 Akapandukirawo Mambo Nebhukadhinezari,+ uyo akanga aita kuti apike naMwari, uye akaramba achiomesa musoro,* achiomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsraeri.
14 Vakuru vese vevapristi nevanhu vakaratidza kusatendeka kukuru, vachiita zvinhu zvese zvinosemesa zvemamwe marudzi, uye vakasvibisa imba yaJehovha+ yaakanga atsvenesa muJerusarema.
15 Jehovha Mwari wemadzitateguru avo akaramba achivayambira achishandisa nhume dzake, achivayambira avayambirazve, nekuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yekugara.
16 Asi vakaramba vachiseka nhume dzaMwari wechokwadi,+ uye vakazvidza mashoko ake,+ vakanyomba vaprofita vake,+ kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake zvikuru,+ kusvikira vasisabatsiriki.*
17 Saka akaita kuti mambo wevaKadheya+ auye kuzovarwisa, uyo akabva auraya majaya avo nebakatwa+ munzvimbo yavo tsvene;+ haana kunzwira tsitsi jaya kana mhandara, akwegura kana anorwara.+ Mwari akaisa zvese muruoko rwake.+
18 Midziyo yese yeimba yaMwari wechokwadi, mikuru nemidiki, nepfuma yeimba yaJehovha nepfuma yamambo nemachinda ake, akaenda nazvo zvese kuBhabhironi.+
19 Akapisa imba yaMwari wechokwadi,+ akaputsa rusvingo rweJerusarema,+ akapisa shongwe dzaro dzese dzakavakwa zvakasimba, uye akaparadza zvinhu zvese zvaikosha.+
20 Akatapawo vaya vakapona pabakatwa,+ akaenda navo kuBhabhironi, uye vakava varanda vake+ nevevanakomana vake kusvikira umambo hwePezhiya hwatanga kutonga,+
21 kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, kusvikira nyika yabhadhara masabata ayo.+ Mazuva ese ayaiva dongo, yakachengeta sabata, kuti makore 70 azadziswe.+
22 Mugore rekutanga raMambo Koreshi+ wePezhiya, kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, Jehovha akaisa pfungwa mumwoyo maMambo Koreshi wePezhiya yekuti azivise shoko muumambo hwake hwese, iro raakabva anyorawo,+ achiti:
23 “Zvanzi naMambo Koreshi wePezhiya, ‘Jehovha Mwari wedenga akandipa umambo hwese hwenyika,+ uye akandirayira kuti ndimuvakire imba muguta reJerusarema, riri muJudha.+ Munhu wese ari pakati penyu anomushumira, Jehovha Mwari wake ngaave naye uye ngaakwidze aende ikoko.’”+
Mashoko Emuzasi
^ Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Zvimwe mumasutso.
^ ChiHeb., “akaomesa mutsipa wake.”
^ Kana kuti “vasisarapiki.”

