Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wanano—Matangiro Ayakaita Uye Chinangwa Chayo

Wanano—Matangiro Ayakaita Uye Chinangwa Chayo

“Jehovha Mwari akati: ‘Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri.’”​—GEN. 2:18.

NZIYO: 36, 11

1, 2. (a) Wanano yakatanga sei? (b) Murume nemudzimai vekutanga vanofanira kunge vakanzwisisei nezvewanano? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

WANANO yagara iriko kubvira kare. Kuongorora matangiro ayakaita uye chinangwa chayo kunotibatsira kuiona zvakanaka uye kunyatsowana makomborero anobva muwanano. Pashure pekunge Mwari asika munhu wekutanga Adhamu, mhuka dzaiunzwa kwaari kuti adzipe mazita. Asi “munhu akanga asina mubatsiri kuti ave mukwanisi wake.” Nokudaro Mwari akaita kuti Adhamu arare hope huru, akatora mbabvu paari, ndokuumba mukadzi nayo achibva amuunza kwaari. (Verenga Genesisi 2:20-24.) Saka wanano yakatangwa naMwari.

2 Jesu akadzokorora zvakanga zvataurwa naJehovha muEdheni kuti: “Murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.” (Mat. 19:4, 5) Kushandiswa kwakaitwa mbabvu yaAdhamu pakusika mukadzi wekutanga kunofanira kunge kwakaita kuti vaviri ava vanzwisise kusimba kweukama hwavo. Mwari ainge asina kuronga kuti vanhu vazorambana kana kuti munhu aroorane nevanhu vaviri kana kupfuura panguva imwe chete.

WANANO INOZADZISA SEI CHINANGWA CHAMWARI?

3. Chinangwa chinokosha chewanano chaiva chei?

3 Adhamu akafadzwa nemudzimai wake ainge akanaka, uyo waakazopa zita rekuti Evha. Evha aiva “mukwanisi” uye “mubatsiri” waAdhamu. Mwari akavasika kuti vafare zuva nezuva semurume nemudzimai. (Gen. 2:18) Chinangwa chinokosha chewanano chaiva chekuti panyika pazare nevanhu. (Gen. 1:28) Kunyange zvazvo vanakomana nevanasikana vaida vabereki vavo, vaizovasiya vachinotanga dzavo dzimba. Vanhu vaifanira kuzadza nyika voita kuti pasi rose rive paradhiso.

4. Chii chakaitika kuwanano yekutanga?

4 Wanano yekutanga yakakanganisika nokuti Adhamu naEvha vakasarudza kusateerera Jehovha. Satani Dhiyabhorosi, “nyoka yepakutanga,” akanyengera Evha nokuita kuti afunge kuti kudya “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa” kwaizoita kuti ave nezivo yaizomubatsira kusarudza ega kuti zvakanaka ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi. Evha haana kuremekedza murume wake semusoro wemhuri nokuti haana kumubvunza nezvenyaya yacho. Uye pane kuti Adhamu ateerere Mwari, akabvuma muchero waakatambidzwa naEvha.—Zvak. 12:9; Gen. 2:9, 16, 17; 3:1-6.

5. Tinodzidzei pamapinduriro akaita Adhamu naEvha pavakabvunzwa naJehovha?

5 Pavakabvunzwa naMwari, Adhamu akapomera mudzimai wake achiti: “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, andipa muchero womuti wacho ndikadya.” Evha akapomera nyoka kuti ndiyo yakanga yamunyengera. (Gen. 3:12, 13) Adhamu naEvha vakapa zvikonzero zvisina musoro zvekusateerera kwavakaita uye Jehovha akavapa mutongo wekupanduka kwavo. Iyi inyevero yakakura kwatiri. Kuti wanano ibudirire, mumwe nemumwe anofanira kuteerera Jehovha uye kubvuma zvaanenge akanganisa.

6. Ungatsanangura sei Genesisi 3:15?

6 Pasinei nezvakaitwa naSatani muEdheni, Jehovha akaita kuti vanhu vave netariro, iyo iri muuprofita hwekutanga hweBhaibheri. (Verenga Genesisi 3:15.) Satani aizoparadzwa ‘nemwana wemukadzi.’ Saka Jehovha akapa vanhu nzwisa yezvakaita ukama hwake nezvisikwa zvemudzimu zvakarurama zvinomushumira zviri kudenga. Zvisikwa izvi ndizvo zvinoumba sangano rinotaurwa nezvaro semudzimai waJehovha. Mwari aizotuma chimwe chezvisikwa izvi kuti chipwanye Satani, choita kuti pave neurongwa hwekuti vanhu vanoteerera vave netariro yakaraswa naAdhamu naEvha. Tariro yacho ndeyekurarama nekusingaperi panyika maererano nechinangwa chaJehovha chepakutanga.—Joh. 3:16.

7. (a) Chii chiri kuitika muwanano kubva pakapanduka Adhamu naEvha? (b) Bhaibheri rinorayira kuti varume nemadzimai vaite sei?

7 Kupanduka kwaAdhamu naEvha kwakakanganisa wanano yavo uye dzimwe wanano dzose dzakazotevera. Semuenzaniso, Evha nevamwe vanhukadzi vaizorwadziwa nepamuviri uye pakusununguka. Vakadzi vaizopanga varume vavo kana kuti kuvada zvakanyanya, asi varume vaizotonga madzimai avo, dzimwe nguva vachitoabata zvisina kunaka sezvatinoona muwanano dzakawanda mazuva ano. (Gen. 3:16) Bhaibheri rinorayira kuti varume vave nerudo pakushandisa simba ravo semisoro yemhuri. Uyewo madzimai anofanira kuzviisa pasi pevarume vavo. (VaEf. 5:33) Kana murume nemudzimai vanotya Mwari vakaisa misoro pamwe, zvinhu zvinokonzera kunetsana zvinova zvishoma kana kutopera zvachose.

WANANO KUBVA PANGUVA YAADHAMU KUSVIKA PAMAFASHAMO

8. Tsanangura nhoroondo yewanano kubva panguva yaAdhamu kusvika paMafashamo.

8 Vasati vafa nechivi chavainge vava nacho, Adhamu naEvha vakabereka vanakomana nevanasikana. (Gen. 5:4) Mwanakomana wavo wekutanga, Kaini, akaroora mumwe wevakadzi vaiva hama dzake. Rameki, muzukuru waKaini, ndiye murume akatanga kutaurwa nezvake kuti aiva nemadzimai maviri. (Gen. 4:17, 19) Kubva panguva yaAdhamu kusvika paMafashamo emunguva yaNoa, paingova nevanhu vashoma vaizivikanwa sevanamati vaJehovha. Vamwe vavo vaiva Abheri, Inoki, uye Noa nemhuri yake. Panguva yaNoa, “vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka,” rinodaro Bhaibheri. Saka “vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.” Mubatanidzwa uyu wengirozi nevakadzi wakaita kuti paberekwe vana vaiita zvemhirizhonga vaizivikanwa sevaNefirimu. Uyezve, “kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika,” uye “zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.”—Gen. 6:1-5.

9. Jehovha akaitei kune vakaipa panguva yaNoa uye tinodzidzei pane zvakaitika panguva iyoyo?

9 Jehovha akaunza Mafashamo munguva yaNoa kuti aparadze vakaipa. Panguva iyoyo, vanhu vainge vakabatikana neupenyu hwavo hwezuva nezuva, kusanganisira kuwanana, zvekuti havana kuteerera zvaitaurwa ‘naNoa, muparidzi wokururama,’ nezvekuparadzwa kwaizouya. (2 Pet. 2:5) Jesu akafananidza zvaiitika panguva iyoyo nezvatiri kuona mazuva ano. (Verenga Mateu 24:37-39.) Nhasi vakawanda vari kuramba kuteerera mashoko akanaka eUmambo ari kuparidzwa munyika yose kuti ave uchapupu kumarudzi ose nyika ino yakaipa isati yaparadzwa. Chidzidzo chatinowana ndechekuti kunyange nyaya dzemumhuri dzakadai sewanano uye kurera vana hadzifaniri kuregwa dzichititadzisa kuona kuti zuva raJehovha riri kuuya nekukurumidza.

WANANO KUBVA PAMAFASHAMO KUSVIKA PANGUVA YAJESU

10. (a) Mutsika dzakawanda, vanhu vaiona sei unzenza? (b) Abrahamu naSara vakaratidza sei muenzaniso wakanaka muwanano yavo?

10 Noa aiva nemudzimai mumwe chete uye ndizvo zvainge zvakaitawo vanakomana vake vatatu. Asi pashure pemafashamo, vamwe varume vakanga vava kuita barika. Mutsika dzakawanda, vanhu vairarama upenyu hweunzenza, uye vaitohubatanidza nemanamatiro avo. Abramu (Abrahamu) nemudzimai wake Sarai (Sara), pavakateerera Mwari ndokutamira kuKenani, vakaona kuti kwaiva nevanhu vaiva netsika dzakaipa uye vakanga vasingakoshesi wanano. Saka Jehovha akaparadza Sodhoma neGomora nekuti vagari vemumaguta iwayo vaiita unzenza hwakashata zvikuru. Abrahamu aitungamirira mhuri yake zvakanaka, uye Sara akaratidza muenzaniso wakanaka nekuzviisa pasi pemurume wake. (Verenga 1 Petro 3:3-6.) Abrahamu akava nechokwadi chekuti mwanakomana wake Isaka aroora munamati waJehovha. Ndizvo zvakaitawo Isaka kumwanakomana wake Jakobho, uyo ane vanakomana vakazova vanababa vemadzinza 12 aIsraeri.

11. Mutemo waMosesi waichengetedza sei vaIsraeri?

11 Nokufamba kwenguva, Jehovha akazoita sungano nevana vaJakobho (Israeri). Pashure pemafashamo, kuwanana kwaiitwa nevanhu vaMwari, kusanganisira barika, kwaiitwa maererano neMutemo waMosesi. Mutemo wacho wairambidza vaIsraeri kuwanana nevanamati venhema uye izvi zvaiita kuti vasakanganiswa pakunamata. (Verenga Dheuteronomio 7:3, 4.) Paimuka matambudziko akakura muwanano, vanhu vaiwanzobatsirwa nevakuru. Kusavimbika, godo, uye kunyumwirana zvaigadziriswa maererano nemutemo. Kurambana kwaibvumirwa, asi kwaifanirawo kuitwa maererano nemutemo. Murume aigona kuramba mudzimai wake nemhaka ‘yechimwe chinhu chisina kunaka.’ (Dheut. 24:1) “Chinhu chisina kunaka” hachitsanangurwi kuti chaiva chii, asi zvine musoro kuti titi twaisangova tunyaya twenhando.—Revh. 19:18.

USAMBOFA WAKANYENGERA WAWAKAROORANA NAYE

12, 13. (a) Munguva yaMaraki, vamwe varume vaibata sei madzimai avo? (b) Mazuva ano, munhu akabhabhatidzwa akatiza nemurume kana kuti nemudzimai wemumwe, zvinoguma nei?

12 Mumazuva emuprofita Maraki, varume vakawanda vechiJudha vainyengera madzimai avo nekuaramba nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Varume ivavo vairamba madzimai avo, zvimwe kuti varoore vakadzi vechidiki kana kuti vakadzi vaisashumira Jehovha. Jesu paaiva panyika, varume vechiJudha vakanga vachiri kuramba madzimai avo ‘nechikonzero chero chipi zvacho.’ (Mat. 19:3) Jehovha Mwari aivenga kurambana kwakadaro.—Verenga Maraki 2:13-16.

13 Mazuva ano, kunyengera munhu wawakaroorana naye haisi nyaya inongosiyiwa yakadaro pakati pevanhu vaJehovha. Asi ngatitii murume kana mukadzi akabhabhatidzwa uye ari muwanano anotiza nemudzimai kana murume wemumwe uye pashure pekudimbura muchato anobva achata naye. Kana mutadzi wacho akasapfidza, anodzingwa kuitira kuti ungano irambe yakachena. (1 VaK. 5:11-13) Anofanira kuva ‘nezvibereko zvakakodzera rupfidzo’ asati adzorerwa muungano. (Ruka 3:8; 2 VaK. 2:5-10) Kunyange zvazvo pasina nguva inonzi inofanira kutanga yapfuura kuti munhu wacho adzorerwe, kunyengera kwakadaro, uko kusingawanzoitiki pakati pevanhu vaMwari, hakungosiyiwi kwakadaro. Zvinogona kutora nguva yakati rebei, gore kana kupfuura, kuti mutadzi wacho aratidze kuti apfidza zvechokwadi. Kunyange munhu wacho akadzorerwa, achangofanira kuzvidavirira “pamberi pechigaro chokutonga chaMwari.”—VaR. 14:10-12; ona Nharireyomurindi yeChirungu yaNovember 15, 1979, mapeji 31-32.

WANANO PAKATI PEVAKRISTU

14. Chinangwa cheMutemo chaiva chei?

14 VaIsraeri vaiva pasi peMutemo waMosesi kwemakore anopfuura 1 500. Mutemo wacho waibatsira vanhu vaMwari kuti varambe vachiyeuka zvaaida pavaigadzirisa nyaya dzemhuri nedzimwewo. Waishandawo semuperekedzi aitungamirira kuna Mesiya. (VaG. 3:23, 24) Jesu paakafa, Mutemo wakaguma kushanda uye Mwari akaita urongwa hutsva. (VaH. 8:6) Muurongwa uhwu, zvimwe zvinhu zvaimbobvumirwa muMutemo zvakanga zvisisabvumirwe.

15. (a) Muungano yechiKristu, wanano yaizofanira kunge yakaita sei? (b) MuKristu anofanira kufunga nezvechii paanenge achifunga kuramba mumwe wake?

15 Achipindura mubvunzo wevaFarisi, Jesu akati zvainge zvabvumirwa naMosesi zvekuti munhu anogona kuramba mumwe wake “hazvina kunge zvakadaro kubvira pakutanga.” (Mat. 19:6-8) Saka Jesu akaratidza kuti muungano yechiKristu, wanano yaizofanira kuenderana nezvinodiwa naMwari sezvakanga zvaitwa muEdheni. (1 Tim. 3:2, 12) ‘Senyama imwe,’ vakaroorana vaizofanira kuramba vari vese vachiita kuti kuda kwavanoita Mwari uye kudanana kwavanoita kusimbise imba yavo. Kudimbura muchato pasina mumwe aita unzenza kwaisazosunungura munhu kuti achatezve nemumwe. (Mat. 19:9) Munhu anogona kusarudza kuregerera mumwe wake anenge aita upombwe asi opfidza, sekuregerera kwakaita muprofita Hosiya mudzimai wake Gomeri. Izvi ndizvo zvakaitwa naJehovha. Akanzwira ngoni vaIsraeri vainge vapfidza pashure pekunge varatidza kusavimbika kwaari. (Hos. 3:1-5) Ngatiyeukeiwo kuti kana munhu akaziva kuti mumwe wake akaita upombwe asi osarudza kuita bonde naye, zvinoreva kuti amukanganwira uye panenge pasisina chikonzero chemuMagwaro chekumuramba.

16. Jesu akatii nezvekusaroora kana kusaroorwa?

16 Pashure pekuratidza kuti vaKristu vechokwadi havana chikonzero chekurambana kunze kwekunge paitwa unzenza, Jesu akataura ‘nezvevaya vane chipo’ chekurarama vasina kuroora kana kuroorwa. Akawedzera kuti: “Regai anogona kuzviwanira nzvimbo azviwanire nzvimbo.” (Mat. 19:10-12) Vakawanda vakasarudza kusapinda muwanano kuitira kuti vashumire Jehovha vasina zvinovavhiringidza. Vakaita zvakanaka chaizvo!

17. Chii chinogona kubatsira muKristu kuti asarudze kupinda muwanano kana kurega?

17 Munhu anozvisarudzira ega mumwoyo make kuti anokwanisa here kuramba asina kuroora kana kuroorwa kana kuti opinda muwanano. Muapostora Pauro akataura kuti zvakanaka kusapinda muwanano; asi akati: “Nokuda kwokupararira kwoufeve, murume mumwe nomumwe ngaave nomudzimai wake uye mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake.” Pauro akawedzera kuti: “Kana vasingakwanisi kuzvidzora, ngavaroore kana kuroorwa, nokuti zviri nani kuroora kana kuroorwa pane kutsva.” Kupinda muwanano kunogona kubatsira munhu kuti asava pamuedzo wezvinhu zvakadai sekuita bonhora kana kuita unzenza. Zera rinofanirawo kufungwa nezvaro nokuti Pauro akati: “Kana paine munhu anofunga kuti ari kutadza kuramba asina kuroora kana kuroorwa, kana iye ayaruka, izvi zviri izvo zvinofanira kuitika, ngaaite zvaanoda; anenge asingatadzi. Ngavaroore kana kuroorwa.” (1 VaK. 7:2, 9, 36; 1 Tim. 4:1-3) Kunyange zvakadaro, munhu haafaniri kumhanyira kupinda muwanano nemhaka yemanzwiro akasimba ekuda bonde anowanzoitika kune vechidiki. Anogona kunge asati akura zvekukwanisa kuita zvinotarisirwa muwanano.

18, 19. (a) Wanano yechiKristu inofanira kutanga sei? (b) Nyaya inotevera ichataura nezvei?

18 Wanano yechiKristu inofanira kutangwa nemurume nemukadzi vakazvitsaurira kuna Jehovha uye vanomuda nemwoyo wese. Vanofanira kunge vachidanana zvekuti vanoda kugara vese kweupenyu hwese. Vachakomborerwa nokuti vanenge vateerera murayiro wekuroorana “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Kana vangopinda muwanano, hapana mubvunzo kuti vachabvuma kuti Bhaibheri ndiro rinopa mazano akanaka chaizvo anoita kuti wanano ibudirire.

19 Nyaya inotevera ichataura pfungwa dzemuBhaibheri dzinogona kubatsira vaKristu vakaroorana kuti vatsungirire matambudziko ‘emumazuva okupedzisira,’ apo varume nevakadzi vakawanda vari kuratidza unhu hunokanganisa wanano. (2 Tim. 3:1-5) MuBhaibheri, Jehovha akatipa zvatinoda kuti dzimba dzedu dzitsvuke chin’ai uye dzive nemufaro sezvatinoramba tichifamba nevanhu vake munzira inoenda kuupenyu husingaperi.—Mat. 7:13, 14.