Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sei Upenyu Huchiita Sohusina Chinangwa?

Sei Upenyu Huchiita Sohusina Chinangwa?

Sei Upenyu Huchiita Sohusina Chinangwa?

CHII chingaita kuti ubvume kuti mune ramangwana upenyu hahuzongovi ‘husina maturo hwamazuva mashoma, hunopfuura somumvuri,’ sezvakataurwa naSoromoni? (Muparidzi 6:12, Bhaibheri Rinoyera) Bhaibheri, Shoko raMwari rakafuridzirwa, ratinovimba naro pane zvarinotaura, rinovimbisa kuti upenyu mune ramangwana huchange hwava nechinangwa zvechokwadi.—2 Timoti 3:16, 17.

Bhaibheri rinotiudza kuti kubvira pakutanga Mwari aiva nechinangwa chei paakasika nyika. Rinotsanangurawo kuti nei nyika yakazara nekudzvinyirira, kutambura uye zvinhu zvakaipa. Sei zvichikosha kuti tinzwisise zvinhu izvi? Nokuti chikuru chinoita kuti vanhu vafunge kuti upenyu hahuna maturo inyaya yokuti havazivi chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ino nevanhu vari mairi kana kuti havana hanya nacho.

Mwari Akasikirei Nyika?

Jehovha Mwari * akasika nyika kuti ive musha wakazonaka wokuti vanhu vagare vachinakidzwa noupenyu nokusingaperi uye vasina chivi. Chokwadi ichi chinokosha chinopesana nepfungwa inozivikanwa nevakawanda asi isiri muMagwaro yokuti Mwari akasika pasi rino kuti rive dandaro revanhu, kuti aone kana vakakodzera kurarama upenyu hune chinangwa kudenga.—Ona bhokisi rinoti “Kuti Tinakidzwe Noupenyu Tinofanira Kubva Panyika Here?” riri papeji 6.

Mwari akasika murume nomukadzi nomufananidzo wake, akaita kuti vakwanise kuratidzawo unhu hwake hwakanaka. (Genesisi 1:26, 27) Akavasika pasina chakakanganisika pavari. Vaiva nezvose zvavaida kuti vararame nokusingaperi vaine upenyu hwakanaka uye hune chinangwa. Izvi zvaisanganisira kuti nyika yose yaizofanira kuzara nevanhu yopedzisira yava paradhiso sezvakanga zvakaita munda weEdheni.—Genesisi 1:28-31; 2:8, 9.

Zvakazokanganisika Papi?

Zviri pachena kuti pane chimwe chinhu chakakanganisika zvikuru. Vanhu vakawanda havaratidzi unhu huna Mwari. Iye zvino nyika haisi paradhiso. Chii chakaitika? Vabereki vedu vokutanga Adhamu naEvha havana kushandisa zvakanaka rusununguko rwokusarudza rwavaiva narwo. Vakada ‘kufanana naMwari,’ vachizvisarudzira “zvakanaka nezvakaipa.” Vakatevedzera kupanduka kwakanga kwatoita Satani Dhiyabhorosi.—Genesisi 3:1-6.

Saka uipi hahusi urongwa hwaMwari husinganzwisisiki, hwaakagara aita. Satani paakapandukira utongi hwaMwari uye Adhamu naEvha pavakazobatanawo naye, uipi ndipo pahwakabva hwatanga. Kupanduka kwavakaita kwakaita kuti vabereki vedu vokutanga vadzingwe muParadhiso uye vapedzisire vava nechivi, zvichibva zvaita kuti vana vavo uye vanhu vose vave nechivi uye vafe. (Genesisi 3:17-19; VaRoma 5:12) Izvi ndizvo zvakaita kuti pave nezvinhu zvinoita kuti upenyu huite sehusina chinangwa.

Mwari Akaregerei Kubva Angobvisa Uipi?

Vamwe vanobvunza kuti, ‘Mwari akaregerei kubva angobvisa uipi nokuparadza Satani nevamwe vapanduki obva atanga zvinhu zvitsva?’ Asi kwaizova kuchenjera here kutora danho iroro? Dai waizonzwa kuti pane hurumende ine simba inongoti kana munhu akaita chimwe chinhu chinoratidza kuti haairemekedzi anobva atourayiwa, waizoti kudii? Izvozvo hazviiti kuti vanhu vaone sokuti hurumende yacho haina kunaka here?

Mwari akasarudza kuti asabva angoparadza vapanduki ivavo. Kuratidza kuti akachenjera, akarega hake pachimbova nenguva yokuti nyaya dzakatangwa muEdheni dzine chokuita nokuva kwake nekodzero yokutonga dzigadzirike zvachose.

Kubviswa Kuchaitwa Uipi Hwose

Chikuru chinofanira kuzivikanwa ndechokuti Mwari akabvumira uipi kuti huvepo kwenguva pfupi chete. Akazviita nokuti aiziva kuti ane simba rokugadzirisa matambudziko ose aizokonzerwa nouipi chero bedzi nyaya dzinokosha dzakamutswa nokupandukira utongi hwake dzagadziriswa.

Mwari haana kubva akanganwa chinangwa chake nokuda kwenyika uye vanhu. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha anotivimbisa kuti Iye ndiye Muiti wenyika uye haana “kungoisikira pasina, akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Munguva pfupi iri kuuya achaita kuti nyika ivezve yakanaka sezvaaida pakutanga. Kana zvabuda pachena kuti ndiye ane kodzero yokutonga, kunenge kusiri kukanganisa kana akashandisa simba rake risina anokwanisa kumirisana naro kuita kuda kwake uye kuparadza zvakaipa zvose. (Isaya 55:10, 11) Mumunyengetero waShe, Jesu Kristu akakumbirawo kuti kuda kwaMwari kuitwe. Akatidzidzisa kuti tinyengetere tichiti: “Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:9, 10) Izvi zvinosanganisirei?

Zvinodiwa naMwari Kuti Zviitike Panyika

Zvimwe zvacho ndezvokuti “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:9-11, 29; Zvirevo 2:21, 22) Jesu Kristu “achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika.” Achavadzikinura “pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba.” (Pisarema 72:12-14) Kunenge kusisina hondo, rufu, misodzi, kurwadziwa kana kutambura. (Pisarema 46:9; Zvakazarurwa 21:1-4) Vanhu vakawanda vakafa panguva iyo Mwari akamborega uipi huripo vachamutswa pasi pano, uye vachapiwa mukana wokuti vanakidzwe neupenyu uye zvikomborero zvataurwa izvi.—Johani 5:28, 29.

Kutaura zvazviri, Jehovha achabvisa matambudziko akakonzerwa nokupanduka kwakaita Satani. Achanyatsogadzirisa zvinhu zvokuti ‘kutambudzika kwekare, kureva zvinhu zvose zvinoita kuti tiyaure mazuva ano, zvichakanganwika.’ (Isaya 65:16-19) Nguva iyi ichasvika zvechokwadi. Mwari haarevi nhema. Zvose zvaanovimbisa zvinototi zviitike chete. Zvokuti upenyu ‘hahuna maturo, uye kuti kudzingana nemhepo bedzi’ zvinenge zvapera. (Muparidzi 2:17, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Asi upenyu hunenge hwava nechinangwa.

Ko iye zvino? Kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri uye kunzwisisa chinangwa chaMwari nokuda kwenyika kunogona kuwedzera kuita kuti upenyu hwako huve nezvahunoreva here? Nyaya yokupedzisira pane dzino dzakatevedzana ichapindura mubvunzo iwoyo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 MuBhaibheri zita raMwari nderokuti Jehovha.

[Bhokisi riri papeji 6]

Kuti Tinakidzwe Noupenyu Tinofanira Kubva Panyika Here?

Kwemazana emakore vanhu vasingazivi chinangwa chaMwari nokuda kwenyika vakadzidzisa kuti tinofanira kubva panyika kuti tinyatsonakidzwa noupenyu.

Vamwe vakati mweya “unomborarama kune imwe nzvimbo yakanaka kudarika panyika, pava paya wozopinda mumiviri yevanhu.” (New Dictionary of Theology) Vamwewo vakati mweya wakapfigirwa munyama sechirango chezvivi zvawakaita uri kudenga.”—Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature.

Vazivi vechiGiriki vakadai saSocrates naPlato vaidzidzisa pfungwa yokuti: Mweya paunobuda mumuviri womunhu unotanga kudzungaira, uchisangana nezvinhu zvakashata zvinoitika kuvanhu, uchitambudzika, uchitya, saka “paunozosunungurwa ndipo paunoenda kunanamwari wozonogarako nokusingaperi.”—Plato’s Phaedo, 81, A.

Pava paya vanozviti vatungamiriri vechiKristu pakudzidzisa kwavaiita vakatanga kudzidzisawo dzidziso dzevaGiriki “dzinotaura zvinofungidzirwa kuti ndizvo zvinoitika kumweya usingafi.”—Christianity—A Global History

Enzanisa pfungwa idzi nedzidziso dzechokwadi nhatu dzinowanikwa muBhaibheri:

1. Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechokuti vanhu vagare nokusingaperi, kwete kuti ive dandaro vachimboedzwa kuona kuti vakakodzera here kuzogara naye kudenga. Kudai Adhamu naEvha vakateerera mitemo yaMwari, dai vachiri kurarama muparadhiso pasi pano.—Genesisi 1:27, 28; Pisarema 115:16.

2. Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti munhu ane mweya unogara maari, asi Bhaibheri rinodzidzisa zvinhu zviri nyore kunzwisisa. Munhu ndiye “mweya mupenyu” uye akaumbwa pachishandiswa “guruva revhu.” (Genesisi 2:7) Bhaibheri harimbotauri kuti mweya uyu haufi. Rinoti mweya unogona kuurayiwa kana kuparadzwa zvoita kuti usavapo zvachose. (Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4, 20) Mweya wokutanga, kureva Adhamu, akafa zvechokwadi uye akadzokera kuguruva rakanga rashandiswa pakumusika. Kwakanga kusina munhu anonzi Adhamu nguva yaakanga asati asikwa, saka paakafa akabva atsakatika.—Genesisi 2:17; 3:19.

3. Tariro yevanhu yeramangwana haibvi pakuti vane mweya usingafi unonorarama kudenga asi pakuvimbisa kunoita Mwari kuti achamutsa vanhu vakafa kuti vavezve vapenyu muparadhiso pasi pano.—Dhanieri 12:13; Johani 11:24-26; Mabasa 24:15.