Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku—Rambai Kufurirwa Nevezera Renyu

Vechiduku—Rambai Kufurirwa Nevezera Renyu

Vechiduku—Rambai Kufurirwa Nevezera Renyu

“Kutaura kwenyu ngakuve . . . kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.”—VAK. 4:6.

1, 2. Vechiduku vakawanda vanoona sei nyaya yokuva munhu akasiyana nevamwe, uye chii chinoita kuti vadaro?

UNOFANIRA kunge wakatombonzwa nezvokuti vanhu vezera vanofurira uye iwe pachako wakatombofurirwawo. Zvichida mumwe munhu akambokukurudzira kuita chimwe chinhu chaunoziva kuti chakaipa. Unonzwa sei panoitika zvakadaro? “Dzimwe nguva ndinokungura kuti dai ndawana pokupinda,” anodaro Christopher ane makore 14, “kana kuti dai ndangoitawo zviri kuita vamwe kuitira kuti ndisaonekwe senzungu munyemba.”

2 Vezera rako ndivo vakabata matomu ezvaunoita here? Sei zvakadaro? Kungava here kuti unenge uchida kuvafadza? Chido chakadaro hachina hacho kuipa. Chokwadi ndechokuti kunyange vanhu vakuru vanodawo kudiwa nevamwe vavo. Hapana munhu anonakidzwa nokunakurirwa kwake oga, angava mukuru kana muduku. Zvisinei, chokwadi ndechokuti kutsigira zvakarurama hakuwanzoita kuti urumbidzwe nevamwe. Kunyange Jesu akasangana nemamiriro ezvinhu akadaro. Asi aiita zvakarurama nguva dzose. Vamwe vakamutevera vakava vadzidzi vake, asi vamwe vakazvidza Mwanakomana waMwari uye ‘vakamuita asingakoshi.’—Isa. 53:3.

Pfungwa Yokuti Dai Ndangoitawo Zviri Kuita Vamwe Yakasimba

3. Sei kuri kukanganisa kuedza kuda kuita zvinoitwa nevezera rako?

3 Zvimwe unombonzwa uchida kuita zvinoitwa nevezera rako kuitira kuti vasakuona sewakapusa. Ukadaro unenge wakanganisa zvikuru. VaKristu havafaniri kuva ‘vacheche, vanokandwa kwose kwose sokunge vanokandwa nemafungu.’ (VaEf. 4:14) Vana vaduku vari nyore kufurirwa nevamwe. Zvisinei, somunhu ari kuyaruka, mangwana unenge watova munhu mukuru. Saka kana uchibvuma kuti mitemo yaJehovha yakakunakira, wotozvionera woga kuti waitevedzera. (Dheut. 10:12, 13) Kusaita izvi kungaratidza kukundikana kuzvisarudzira zvokuita noupenyu hwako. Chokwadi ndechokuti, paunobvuma kufurirwa nevamwe, unenge wava munhu anoshandiswa nevamwe.—Verenga 2 Petro 2:19.

4, 5. (a) Aroni akabvuma sei kufurirwa, uye unodzidzei pane zvakaitika izvozvo? (b) Vamwe vangaedza kukufurira sei?

4 Mukoma waMosesi, Aroni, akambobvuma kufurirwa nevamwe vake. VaIsraeri pavakamukurudzira kuti avagadzirire mwari, akaita saizvozvo. Akanga asiri mbwende. Izvi zvisati zvaiitika, akatsigira Mosesi vachipikisana naFarao, murume aiva nesimba guru muIjipiti. Panguva iyoyo Aroni akataura akashinga, achizivisa shoko raMwari. Asi vamwe vake vaIsraeri pavakamufurira, akabvuma. Chokwadi zvakaoma kuramba kufurirwa nevamwe! Aroni akaona zviri nyore kutaura namambo weIjipiti asi akazotadza kuramba zvaakanzi aite nevamwe vake.—Eks. 7:1, 2; 32:1-4.

5 Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuna Aroni, havasi vechiduku chete vanofurirwa nevezera ravo uye dambudziko racho harisi chete revaya vanoda kuita zvakaipa. Kufurirwa nevezera kunoitika kumunhu wose kunyange vaya vanoda nomwoyo wose kuita zvakarurama, kusanganisira iwe. Vezera rako vanogona kukufurira nokuita kuti uratidze kuti hautyi, uye kukupomera kana kuti kukutsvinyira. Hazvinei nokuti kwauya nenzira dzipi, kufurirwa kwaunoitwa nevamwe hakusi nyore kukurira. Kuti urambe kufurirwa mushonga wacho kuva nechivimbo nezvaunotenda.

“Rambai Muchizviedza Kuti Muone Kuti Makadini”

6, 7. (a) Sei kuva nechivimbo nezvaunotenda kuchikosha, uye ungakusimbisa sei? (b) Mibvunzo ipi yaungazvibvunza kuti usimbise chivimbo chako mune zvaunotenda?

6 Kuti urambe kufurirwa nevamwe vako, chokutanga unofanira kuva nechivimbo kuti zvaunotenda zvakarurama. (Verenga 2 VaKorinde 13:5.) Kuva nechivimbo nezvaunotenda kuchakubatsira kuti uve neushingi, kunyange ungava munhu anonyara. (2 Tim. 1:7, 8) Asi kunyange munhu agara aine ushingi, zvingamuomera kuti atsigire chinhu chaasina chivimbo chakazara machiri. Saka wadii kunyatsoongorora zvawakadzidziswa muBhaibheri kuti unyatsogutsikana kuti ichokwadi chaicho? Tanga nedzidziso dzawakatanga kudzidza. Somuenzaniso, unotenda kuti Mwari ariko uye wakanzwa vamwe vachitaura zvikonzero zvavo zvokutenda kuti ariko. Saka zvibvunze kuti, ‘Chii chinoita kuti ndive nechivimbo chokuti Mwari ariko?’ Chinangwa chemubvunzo uyu hachisi chokuita kuti usava nechokwadi asi ndechokusimbisa kutenda kwako. Mumwe mubvunzo waungazvibvunza ndewokuti, ‘Ndinoziva sei kuti Magwaro akafuridzirwa naMwari?’ (2 Tim. 3:16) ‘Chii chinondipa chivimbo chokuti tiri “mumazuva okupedzisira”?’ (2 Tim. 3:1-5) ‘Chii chinoita kuti nditende kuti mitemo yaJehovha yakandinakira?’—Isa. 48:17, 18.

7 Ungazeza kuzvibvunza mibvunzo yakadaro, uchitya kuti haungazowani mhinduro dzacho. Zvisinei, kuita zvakadaro kungafananidzwa nokuzeza kutarira kuti motokari ichiine mafuta here, uchitya kuti unozoona kuti apera. Unofanira kuziva kana motokari yapera mafuta kuitira kuti uise mamwe. Saizvozvowo, zvakanaka kuti uzviongorore wogadzirisa pose paunoona kuti hauna chokwadi.—Mab. 17:11.

8. Tsanangura kuti ungasimbisa sei chivimbo chako nezveuchenjeri huri mumurayiro waMwari wokusaita ufeve.

8 Funga nezvomuenzaniso uyu. Bhaibheri rinokukurudzira ‘kutiza ufeve.’ Zvibvunze kuti, ‘Sei kuri kuchenjera kutevedzera murayiro uyu?’ Funga nezvezvikonzero zvose zvinoita kuti vamwe vako vaite ufeve. Fungisisawo zvikonzero zvakasiyana-siyana zvokuti sei munhu anoita ufeve achinzi “ari kutadzira muviri wake pachake.” (1 VaK. 6:18) Chiongorora mhinduro dzacho, wozvibvunza kuti: ‘Ndeipi nzira yakanakisisa yokutevera? Ndinowana chii nokuita unzenza?’ Wedzera kufunga nezvenyaya yacho, wozvibvunza kuti, ‘Dai ndaizoita unzenza ndaizosara ndichinzwa sei?’ Paunozviita ungafarirwa nevamwe vezera rako, asi unozonzwa sei paunenge wava nevabereki vako kana vaunonamata navo paImba yoUmambo? Unganzwa sei paunenge wava kuedza kunyengetera kuna Mwari? Ungasva wasvibisa ukama hwako naMwari here kuri kuda kufadza vaunodzidza navo chete?

9, 10. Kuva nechokwadi nezvaunotenda kuchakubatsira sei kuva nechivimbo kana uine vamwe vako?

9 Kana uchiri kuyaruka, uri panguva apo ‘simba rako rokufunga’ riri kuwedzera zvarisina kumbobvira raita. (Verenga VaRoma 12:1, 2.) Shandisa nguva iyi kuti ufungisise zvazvinoreva kuva kwako mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kufungisisa kwakadaro kuchakubatsira kuti usimbise chivimbo chako mune zvaunotenda. Izvi zvichaita kuti vamwe pavanoda kukufurira, upindure nokukurumidza uye nechivimbo. Uchanzwa sezvinoita imwe hanzvadzi yechiduku yechiKristu, iyo inoti: “Pandinoramba kufurirwa nevamwe vangu, ndinenge ndichitoita kuti vazive zvandiri. Chitendero changu hachisi ‘kungopindawo chechi.’ Ndicho chinoumba mafungiro angu, zvinangwa, tsika uye upenyu hwangu hwose.”

10 Chokwadi kuramba uchitsigira zvaunoziva kuti zvakarurama ibasa chairo. (Ruka 13:24) Uye ungashaya kuti zvakakodzera here kuti munhu azviomesere zvakadaro. Asi yeuka izvi: Kana ukanyara nezvaunotenda, vamwe vachazviona, uye zvichaita kuti vatowedzera kukuedza. Asi kana ukataura nechivimbo, uchashamiswa kuona vamwe vako vachikurumidza kusiyana newe.—Enzanisa naRuka 4:12, 13.

“Fungisisa Kuti Upindure”

11. Kugadzirira kuti usafurirwa nevamwe kunobatsirei?

11 Rimwe danho rinokosha kuti usafurirwa nevamwe kugadzirira. (Verenga Zvirevo 15:28.) Kugadzirira kunoreva kufanofunga zvingazogona kuitika. Dzimwe nguva kufanofunga kwakadaro kunogona kukubatsira kuti usafurirwe. Somuenzaniso, ngatiti waona boka revamwe vaunodzidza navo nechepamberi pako vachisvuta fodya. Pane mukana wokuti vanogona kukuedza. Uchifungidzira kuti vangangodaro, ungaitei? Zvirevo 22:3 inoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” Unogona kuvanyenyeredza zvoita kuti usatombosangana nedambudziko racho. Uhu hahusi humbwende asi kuti kuchenjera.

12. Ungaita sei mumamiriro ezvinhu akaoma anongoerekana amuka?

12 Zvakadini kana ari mamiriro ezvinhu ausingakwanisi kunzvenga? Ngatiti mumwe akubvunza achiratidza kushamiswa, “Uchiri mhandara here?” Chinokosha ndechokuti utevedzere zano riri pana VaKorose 4:6: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” Sezvinoratidzwa nerugwaro urwu, magadzirisiro aunoita dambudziko racho achaenderana nemamiriro anenge akaita zvinhu. Pamwe haufaniri hako kubva wataura zvakawanda zviri muBhaibheri. Zvichida mhinduro inongoti ga isina mashoko akawanda inenge yakakwana. Somuenzaniso, pakupindura mubvunzo nezvekuva kwako mhandara, ungangoti, “Ehe ndiri mhandara,” kana kuti, “Hazvinei newe, haisi nyaya yandinongotaura nevanhu vose vose.”

13. Kunzwisisa kungakubatsira sei kupindura mumwe wako anenge akutsvinyira?

13 Jesu aiwanzopa mhinduro pfupi paaiona kuti zvaisazobatsira kutaura zvakawanda. Paakabvunzwa naHerodhi, Jesu akatoramba akanyarara. (Ruka 23:8, 9) Kazhinji kunyarara ndiwo mushonga kana uchibvunzwa mibvunzo isina basa. (Zvir. 26:4; Mup. 3:1, 7) Asiwo unogona kuona kuti munhu wacho, kunyange zvake atanga aine vavariro yokukutsvinyira, ari kuratidza kushamiswa netsika dzako, saka chido chokuziva anotombova nacho. (1 Pet. 4:4) Pakadaro zvingava zvakanaka kunyatsotsanangura paumire uchishandisa Bhaibheri. Kana zvakadaro, usazeza nemhaka yokutya. Gara ‘wakagadzirira kuzvidzivirira.’—1 Pet. 3:15.

14. Dzimwe nguva ungadzorera sei nokungwarira munhu anenge achida kukufurira?

14 Dzimwe nguva unogona kudzorerawo kana waedzwa. Asi unofanira kungwarira paunenge uchizviita. Somuenzaniso, kana mumwe mwana wechikoro akati uya tipute fodya achikutambidza mudzanga, unogona kungoti, “Wazviita hako handisvuti” wowedzera kuti, “Ndaisambofungira kuti ungasvuta fodya nezvauri!” Waona here kuti wamudzorera sei? Pane kuti utsanangure kuti sei usingasvuti, mumwe wako watomupa basa rokufunga kuti sei achidaro. *

15. Ndepapi pazvakakodzera kuti ubve pane vamwe vako pavanenge vachiedza kukufurira, uye sei zvakakodzera?

15 Ko vakaramba vachikunetsa iwe waedza zvose izvi? Pakadaro kungobvapo ndiko kuzvipedza. Ukapedza nguva yakawanda uripo, unowedzera mikana yokuti uzopedzisira wadyira. Saka ibvapo. Unogona kuzviita usinganyari kuti wakundwa. Unenge watokunda muedzo wacho. Hauna kushandiswa nevamwe vako, uye waita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvir. 27:11.

Iva ‘Nezvirongwa Zvinobatsira’

16. Vamwe vanozviti vaKristu vangakufurira sei?

16 Dzimwe nguva muedzo wokutevedzera vezera pakuita zvakaipa unogona kubva kuvamwe vechiduku vanozviti vashumiri vaJehovha. Somuenzaniso, ungaita sei kana munhu akadaro akaronga kuti vanhu vaungane vachifara, wasvikako woona kuti hapana wechikuru ari kuona kuti zvinhu zviri kufamba sei? Kana kuti ko kana wechiduku anozviti muKristu akauya nedoro pakaungana vanhu, uye iwe nevamwe varipo muri pazera risingabvumirwi nomutemo kunwa doro? Pane mamiriro ezvinhu anoverengeka angamuka anoda kuti uteerere hana yako yakadzidziswa neBhaibheri. Mumwe musikana wechiKristu ane makore 16 anotsanangura kuti: “Mumwe musi ini nemunun’una wangu takabuda mataiona firimu raiva rakazara nemutauro wakashata. Vamwe vataiva navo vakasarudza kusara. Vabereki vedu vakatirumbidza nezvatakaita. Asi vamwe vedu vakatsamwa nokuti takaita kuti vaonekwe sevanhu vakaipa.”

17. Kana uchienda kunofara nevamwe, ungagara waronga sei kuti urambe uchitevera mitemo yaMwari?

17 Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuhanzvadzi idzi, paunenge uchitevedzera hana yako yakadzidziswa neBhaibheri unogona kushaya kuti woita zvipi. Asi gara uchiita zvaunotenda kuti ndizvo zvakarurama. Gara wakagadzirira. Kana uchienda kunofara nevamwe, gara wakaronga kuti unozobvako sei kana pakazoitika zvawanga usingatarisiri. Vamwe vechiduku vanogara varonga nevabereki vavo kuti kana vakafona kamwe chete vabereki vanobva vaziva kuti vari kufanira kuzovatora nokukurumidza. (Pis. 26:4, 5) Uku ndiko kuva ‘nezvirongwa zvinobatsira.’—Zvir. 21:5.

‘Fara Uchiri Muduku’

18, 19. (a) Ungava sei nechokwadi kuti Jehovha anoda kuti ufare? (b) Mwari anoona sei vaya vanoramba kufurirwa nevezera ravo?

18 Mwari akakusika kuti unakidzwe noupenyu, uye anoda kuti ufare. (Verenga Muparidzi 11:9.) Yeuka kuti zviri kuitwa nevamwe vako vakawanda “kufadzwa nechivi kwenguva duku” chete. (VaH. 11:25) Mwari wechokwadi anoda kuti ufare kupfuura ipapo nokure. Anoda kuti ufare nokusingaperi. Saka paunosangana nemiedzo yokuita chimwe chinhu chaunoziva kuti chakashata pamberi paMwari, yeuka kuti nokufamba kwenguva, zvaunonzi naJehovha uite zvakakunakira.

19 Sewechiduku, unofanira kuziva kuti kunyange kana ukafadza vezera rako, makore anotevera vazhinji vavo vangatotadza kuyeuka kunyange zita rako. Asi ukarega kufurirwa, Jehovha anozviona, uye haazokukanganwi kana kukanganwa kutendeka kwako. ‘Achakuzarurira magedhi emvura okumatenga, okudururira chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa.’ (Mar. 3:10) Uyezve, anopa mudzimu mutsvene wake kuitira kuti ukubatsire pane zvaunenge uchikundikana iye zvino. Jehovha anogona kukubatsira kuti urambe kufurirwa nevezera rako!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Ona chati rakanzi “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe” mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, mapeji 132 ne133.

Unoyeuka Here?

• Pfungwa yokuti dai ndangoitawo zviri kuita vamwe yakasimba sei?

• Kuva nechivimbo kunobatsira sei kuti urambe kufurirwa nevamwe?

• Ungagadzirira sei kuti urambe kufurirwa nevamwe?

• Unoziva sei kuti Jehovha anokoshesa kutendeka kwako?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Sei Aroni akabvuma kugadzira mhuru yendarama?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Gara wakagadzirira zvauchazotaura