Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku—Muri Kuronga Kuitei Noupenyu Hwenyu?

Vechiduku—Muri Kuronga Kuitei Noupenyu Hwenyu?

Vechiduku—Muri Kuronga Kuitei Noupenyu Hwenyu?

“Makandiro andiri kuita zvibhakera ndeokuti ndisarova mhepo.”—1 VAK. 9:26.

1, 2. Kuti ubudirire pauri kuyaruka, unofanira kuva nei?

DAI waida kufamba rwendo nenzira yausingazivi, pamwe waizoda kutakura mepu nekambasi. Mepu yacho yaizokubatsira kuti uzive kuti wasvika papi uye kuti wotevera nzira ipi. Kambasi yaizokuita kuti uzive kuti kumusoro kana kuti kuzasi ndokupi. Asi mepu iyoyo nekambasi hazvina zvazvaizobatsira kana iwe usiri kuziva kwauri kuda kuenda. Kuti urege kungodzivaira usina chinangwa, unofanira kunyatsoziva kuti uri kuda kuenda kupi chaiko.

2 Pauri kuyaruka wakatarisana nemamiriro ezvinhu akadaro. Mepu nekambasi zvakavimbika zviripo. Bhaibheri imepu inogona kukubatsira kuziva nzira yokusarudza. (Zvir. 3:5, 6) Hana yako, kana ikanyatsodzidziswa, inogona kukubatsira kuramba uri munzira. (VaR. 2:15) Inogona kushanda sekambasi. Zvisinei, kuti upenyu hwako hubudirire, unofanirawo kuziva kwauri kuda kuenda. Unofanira kuva nezvinangwa zvakajeka.

3. Pana 1 VaKorinde 9:26 Pauro anoratidza kuti kuva nezvinangwa kunobatsirei?

3 Muapostora Pauro akataura muchidimbu zvakanakira kuva nezvinangwa uye kuedza kuzvizadzisa paakanyora kuti: “Mamhanyiro andiri kuita haasi asina chokwadi; makandiro andiri kuita zvibhakera ndeokuti ndisarova mhepo.” (1 VaK. 9:26) Kana uine zvinangwa, uchamhanya uine chokwadi. Pasara nguva duku kuti uchitanga kuita zvisarudzo zvinokosha panyaya dzokunamata, kuva nemba nemhuri, nezvimwewo. Pane imwe nguva yaungaona sewava kushaya kuti wosarudza zvipi. Asi kana ukagara waronga zvauri kuda kuzoita nguva ichiripo, uchishandisa chokwadi uye mitemo inowanikwa muShoko raMwari, hauzova nomuedzo wokuenda kusiri iko.—2 Tim. 4:4, 5.

4, 5. (a) Chii chinogona kuitika kana ukasazvirongera woga zvaunoda kuita muupenyu? (b) Sei uchifanira kuita zvisarudzo zvinoratidza kuti une chido chokufadza Mwari?

4 Kana iwe pachako ukasazvirongera zvauri kuda kuita muupenyu, vamwe vako uye vadzidzisi vangangokufurira kuti uite zvavanofunga ivo kuti zvakakunakira. Asi kunyange uine zvinangwa zvakajeka, vamwe vanogona kungokuudza zvavanofunga. Paunoteerera zvavanenge vachiti unogona kuita, zvibvunze kuti, ‘Zvinhu zvavari kuti ndivavarire kuita zvinondibatsira kuyeuka Musiki wangu ndichiri muduku here kana kuti zvichatondikanganisa?’—Verenga Muparidzi 12:1.

5 Sei uchifanira kuita zvisarudzo zvinoratidza kuti une chido chokufadza Mwari? Chimwe chikonzero ndechokuti Jehovha akatipa zvinhu zvose zvakanaka zvatiinazvo. (Jak. 1:17) Chokwadi munhu wose anofanira kutenda Jehovha. (Zvak. 4:11) Ndeipi imwe nzira yaungamutenda nayo kunze kwokufunga nezvake paunoronga zvaunoda kuzoita muupenyu? Ngatimbokurukurai nezvekuti zvinangwa zvipi zvaungava nazvo uye kuti ungaite sei kuti uzvizadzise.

Ungava Nezvinangwa Zvipi?

6. Chinangwa chipi chinokosha chaungava nacho, uye zvinobatsirei kuva nacho?

6 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, chinangwa chikuru chaungava nacho ndechokuti uzvionere woga kuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi. (VaR. 12:2; 2 VaK. 13:5) Vamwe vako vangave vachitenda kuti vanhu vakatanga vari mhuka kana kuti vangave vachitenda dzimwe dzidziso dzemachechi nokuti pane vakavaudza kuti vanofanira kutenda zvinhu izvozvo. Zvisinei iwe haufaniri kutenda zvinhu nokuti wakanzi nomumwe munhu uzvitende. Yeuka kuti Jehovha anoda kuti umushumire nepfungwa dzako dzose. (Verenga Mateu 22:36, 37.) Baba vedu vokudenga vanoda kuti utende zvinhu zvauine uchapupu nazvo.—VaH. 11:1.

7, 8. (a) Ndezvipi zvinangwa zvisingatori nguva kuzvizadzisa zvichakubatsira kusimbisa kutenda kwako? (b) Chii chichaitika kana wazadzisa zvimwe zvinangwa zvako zvinotora nguva pfupi?

7 Kuti usimbise kutenda kwako, wadii kuva nezvinangwa zvisingatori nguva? Chimwe chacho chingava chokunyengetera mazuva ose. Kuti ugare uchipa minyengetero inobva mupfungwa nemwoyo, unogona kunyora pasi kana kuti kuchengeta mupfungwa zviitiko zvemusi iwoyo zvaunoda kutaura nezvazvo muminyengetero yako. Iva nechokwadi kuti unotaura matambudziko awasangana nawo zvose nezvakufadza. (VaF. 4:6) Chimwe chinangwa ndechokuverenga Bhaibheri mazuva ose. Waimboziva here kuti ukaverenga mapeji anosvika mana pazuva, uchapedza Bhaibheri rose mugore rimwe chete? * “Anofara munhu . . . anofarira mutemo waJehovha,” inodaro Pisarema 1:1, 2, “anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku.”

8 Chinangwa chechitatu chisingatori nguva kuchizadzisa ndechiya chokugadzirira mhinduro yokuzopa pamusangano weungano mumwe nomumwe. Unogona kutanga nokuita mhinduro yokuverenga kana kuti kuverenga rugwaro. Unogona kuzova nechinangwa chokupindura usingaiti zvokuverenga. Chokwadi ndechokuti pose paunopindura, unenge uchipa chipo kuna Jehovha. (VaH. 13:15) Kana wangozadzisa zvimwe zvezvinangwa izvi, chivimbo chako uye kutenda kwaunoita Jehovha zvichawedzera, uye uchange wagadzirira kuva nezvinangwa zvinotora nguva kuti uzvizadzise.

9. Kana usati wava muparidzi woUmambo, chinangwa chipi chinoda nguva refu chaungava nacho?

9 Zvinangwa zvipi zvinotora nguva yakareba zvaungava nazvo? Kana usati watanga kuzivisa mashoko akanaka neungano, chinangwa chako chinoda nguva yakareba chingava chokuva muparidzi woUmambo. Wangosvika panhanho iyi inokudzwa, uchada kubudirira mukuparidza kwako uye kugara uchidaro, usingaregi mwedzi uchidarika usina kuparidza. Uchadawo kudzidza kushandisa Bhaibheri muushumiri. Paunenge uchidaro, pamwe uchatoona kuti uchawedzera kunakidzwa noushumiri. Ungabva wazowedzera nguva yaunoshanda paimba neimba kana kutoedza kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Semuparidzi asina kubhabhatidzwa, hapana chimwe chinangwa chinopfuura kuvavarira kuti ubhabhatidzwe uve Chapupu chaJehovha Mwari.

10, 11. Zvinangwa zvipi zvinotora nguva yakareba zvingaitwa nevechiduku vakabhabhatidzwa?

10 Kana uchitova mushumiri waJehovha akabhabhatidzwa, hezvino zvimwe zvinangwa zvinotora nguva zvaungaedza kuzadzisa. Unogona kupota uchinobatsira ungano dzinoenda kunoparidza ndima dzisingagari dzichishandwa. Ungasarudzawo kushandisa simba rako noutano hwakanaka kutora basa roupiyona hwebetsero kana kuti hwenguva dzose. Makumi ezviuru emapiyona achakuudza kuti basa renguva yakazara ndiyo nzira ine mubayiro yokuyeuka nayo Musiki wako pauduku hwako. Izvi zvinangwa zvaunogona kuzadzisa uchiri kugara pamba. Ungano yauri kupinda nayo ichabatsirwawo pauri kuzvizadzisa.

11 Zvimwe zvinangwa zvinotora nguva zvinogona kuita kuti ubatsire dzimwe ungano kwete yauri kupinda nayo chete. Somuenzaniso, unogona kuronga kunoshumira uri kune imwe nzvimbo kana kuti nyika kuri kudiwa vanhu vanobatsira. Ungada kubatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo kana kuti zvivako zvemapazi mune dzimwe nyika. Unogona kunyange kunoshanda paBheteri kana kuti kuva mumishinari. Zviri pachena kuti chinangwa chokutanga chaunofanira kuzadzisa kuti uzokwanisa kuita zvimwe zvose izvi ndechokuti ubhabhatidzwe. Kana usati wabhabhatidzwa, funga kuti kusvika danho iri rinokosha muupenyu kunosanganisira chii.

Kuzadzisa Chinangwa Chokubhabhatidzwa

12. Vamwe vanobhabhatidzirwei, uye sei zvikonzero izvozvo zvisina kukwana?

12 Ukanzi tsanangura kuti munhu anobhabhatidzirwei ungati chii? Vamwe vangafunga kuti munhu anobhabhatidzwa kuti azvidzivirire asazoita chivi. Vamwe vangafunga kuti vanofanira kubhabhatidzwa nokuti ndizvo zvakaita vamwe vavo. Vamwezve vechiduku vangada kubhabhatidzwa kuti vafadze vabereki vavo. Zvisinei, rubhabhatidzo hachisi chibvumirano chinozokutadzisa kuita zvaunenge uchida kuita pachivande, uye harufaniri kuitwa uchimanikidzwa nevamwe. Unofanira kubhabhatidzwa uchinyatsoziva kuti kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha kunorevei uye uine chokwadi kuti wagadzirira uye unoda kuva Chapupu here.—Mup. 5:4, 5.

13. Sei uchifanira kubhabhatidzwa?

13 Chimwe chikonzero chokubhabhatidzwa ndechokuti Jesu akati vateveri vake ‘vaite kuti vanhu vave vadzidzi, vachivabhabhatidza.’ Akavawo muenzaniso nokubhabhatidzwa iye pachake. (Verenga Mateu 28:19, 20; Mako 1:9.) Uyezve rubhabhatidzo inhanho inokosha kuvaya vanoda kuponeswa. Pashure pokutaura nezvokuvaka kwaNoa areka yakaponesa iye nemhuri yake paMafashamo, muapostora Petro akati: “Chinhu chakafanana neichi chiri kukuponesaiwo zvino, irwo rubhabhatidzo, . . . pachishandiswa rumuko rwaJesu Kristu.” (1 Pet. 3:20, 21) Zvisinei izvi hazvirevi kuti kubhabhatidzwa kwakafanana nokutora inishuwarenzi inozokubatsira kana paitika njodzi. Unobhabhatidzwa nokuti unoda Jehovha uye unoda kumushumira nemwoyo wose, nemweya wose, uye nesimba rose.—Mako 12:29, 30.

14. Chii chinoita kuti vamwe vatye kubhabhatidzwa, asi sei kutya ikoko kusina kunyanya hako kuipa?

14 Vamwe vangazeza kubhabhatidzwa vachitya kuti mumwe musi vanozodzingwa. Unotyawo saizvozvo here? Kutya ikoko hakuna kunyanya hako kuipa. Kunogona kureva kuti unonzwisisa kuti kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha haisi nyaya yokutamba nayo. Pangava here nechimwe chikonzero? Pamwe hausati wava nechokwadi kuti kurarama nemitemo yaMwari ndiyo nzira yakanakisisa. Kana zvakadaro, kufunga nezvezvinoitika kuvaya vanoramba kuteerera mitemo iri muBhaibheri kunogona kukubatsira kuchinja mafungiro ako. Ukuwo zvinogona kuitika kuti unoda mitemo yaMwari asi hauna chokwadi kuti unozogona kuitevedzera here. Izvozvo zvakatonaka nokuti zvinoratidza kuti unozvininipisa. Handizvo here kuti Bhaibheri rinotaura kuti mwoyo yedu tose vanhu vasina kukwana inonyengera? (Jer. 17:9) Asi unogona kubudirira kana ‘ukaramba wakarinda maererano neshoko raMwari.’ (Verenga Pisarema 119:9.) Kunyange zvikonzero zvinokutadzisa kubhabhatidzwa zvikava zvipi kana zvipi, unofanira kuzvigadzirisa. *

15, 16. Ungaziva sei kuti wagadzirira kubhabhatidzwa?

15 Zvisinei, ungaziva sei kuti wagadzirira kubhabhatidzwa? Imwe nzira ndeyokuzvibvunza mibvunzo yakadai sokuti: ‘Ndinokwanisa kutsanangurira vamwe dzidziso dzokutanga dzeBhaibheri here? Ndinobuda muushumiri kunyange vabereki vangu vasiri kubuda here? Ndinoedza kupinda misangano yose yechiKristu here? Pane pandichiri kuyeuka here pandakaramba kufurirwa nevamwe? Dai vabereki vangu kana kuti shamwari vaizorega kushumira Jehovha ini ndaizoramba ndichimushumira here? Ndakanyengetera here nezveukama hwangu naMwari? Uye ndakanyengetera kuna Jehovha ndichizvitsaurira nemwoyo wose kwaari here?’

16 Rubhabhatidzo inhanho inochinja upenyu hwemunhu zvokuti harufaniri kurerutswa. Wakura pakunamata zvokuti ungatora danho iri rinokosha here? Kukura pakunamata hakungorevi kupa hurukuro dzakanaka kana kuti kupa mhinduro dzinonwisa mvura pamisangano. Kunoreva kukwanisa kuita zvisarudzo uchiratidza kuti unonzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri. (Verenga VaHebheru 5:14.) Kana wava padanho muupenyu rokuti unokwanisa kuita izvozvo, kureva kuti une chikomborero pamberi pako chakakura kupfuura zvose, chokushumira Jehovha nemwoyo wose uye kurarama nenzira inoratidza kuti wakazvitsaurira kwaari zvechokwadi.

17. Chii chichakubatsira kukunda miedzo inouya kana wabhabhatidzwa?

17 Uchangobhabhatidzwa unogona kumbopisa nokushingairira kushumira Mwari. Zvisinei, wangoti gare-garei unogona kusangana nemiedzo ichaedza kutenda kwako uye kushinga kwako. (2 Tim. 3:12) Usafunga kuti unofanira kugadzirisa matambudziko aya woga. Bvunza mazano kuvabereki. Kumbira kubatsirwa nevari muungano vakura pakunamata. Shamwaridzana nevaya vachakutsigira. Usambofa wakakanganwa kuti Jehovha ane hanya newe, uye achakupa simba raunoda kuti utarisane nemamiriro ezvinhu angamuka.—1 Pet. 5:6, 7.

Ungazadzisa Sei Zvinangwa Zvako

18, 19. Ungabatsirwa sei nokuongorora zvinhu zvaunokoshesa?

18 Zvinoita sokuti hautombowani nguva yakakwana yokuita zvaunoda here pasinei nokuti unoedza sei? Kana zvakadaro unofanira kuongorora kuti unokoshesa zvinhu zvipi. Somuenzaniso: Gadzika bhaketi repurasitiki pakadaro apa woisa matombo akakura akati wandei imomo. Chizadzisa bhaketi racho nejecha. Wava nebhaketi rakazara nematombo nejecha. Chizvikutura. Chidzokororazve zvawamboita asi iye zvino tanga nokuisa jecha, wozoedza kuisa matombo. Hapachisina nzvimbo yokuisa matombo handizvo here? Imhaka yokuti watanga kuisa jecha.

19 Ndizvo zvinoitika kwauri paunoedza kuronga nguva yako. Kana ukaisa zvinhu zvakadai sokutamba panzvimbo yokutanga, hauzova nenguva muupenyu hwako yokuita zvinhu zvikuru, zvokunamata. Asi kana uchitevera zano reBhaibheri rokuva “nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi,” uchaona kuti une nguva yokuita zvinhu zvine chokuita noUmambo uye yokumbotambawo.—VaF. 1:10.

20. Kana uchizvidya mwoyo kana kuti usina chokwadi paunenge uchiedza kuzadzisa zvinangwa zvako, unofanira kuita sei?

20 Sezvaunoedza kuzadzisa zvinangwa zvako, kusanganisira chokubhabhatidzwa, dzimwe nguva unogona kuzvidya mwoyo uye kusava nechokwadi. Kana zvikadaro, “kanda mutoro wako pana Jehovha, Iye achakutsigira.” (Pis. 55:22) Iye zvino une mukana wokuita nevamwe basa rinonakidza uye rinokosha kupfuura mamwe ose ati amboitwa, rokuparidza pasi pose uye kudzidzisa. (Mab. 1:8) Zviri kwauri kuti usarudze kungoona vamwe vachiita basa racho kana kuti kuriitawo. Usazeza kupa zvipo zvako pakufambisira mberi Umambo. Haumbofi wakazvidemba kuti wakashumira “Musiki wako Mukuru mumazuva ouduku hwako.”—Mup. 12:1, New International Version.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Ona Nharireyomurindi, yaAugust 1, 2009, mapeji 15-18.

^ ndima 14 Kuti ubatsirwe panyaya iyi, ona bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, chitsauko 34.

Ungapindura Sei?

• Sei uchifanira kuva nezvinangwa?

• Ndezvipi zvimwe zvinangwa zvaungava nazvo?

• Chii chinobatanidzwa pakuzadzisa chinangwa chokubhabhatidzwa?

• Kuongorora zvinhu zvaunokoshesa kunogona sei kukubatsira kuzadzisa zvinangwa zvako?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Une chinangwa chokuverenga Bhaibheri zuva nezuva here?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Chii chichakubatsira kuzadzisa chinangwa chokubhabhatidzwa?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Unowana chidzidzo chei pamufananidzo uyu?