Zvirevo 26:1-28

  • Tsanangudzo yezvakaita simbe (13-16)

  • Usapindira nyaya isinei newe (17)

  • Usatamba nezvinokuvadza vamwe (18, 19)

  • Pasina huni hapana moto (20, 21)

  • Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka (22)

26  Sezvakaita chando muzhizha uye mvura mumwaka wekukohwa,Kukudzwa hakuna kukodzera benzi.+   Sezvo shiri ichitiza paine chikonzero uye nyenganyenga* ichibhururuka paine chikonzero,Kutukwa hakuuyiwo pasina chikonzero chaicho.*   Tyava ndeyebhiza, matomu ndeedhongi,+Uye shamhu ndeyemisana yemapenzi.+   Usapindura benzi neupenzi hwaro,Kuti urege kufanana naro.*   Pindura benzi neupenzi hwaro,Kuti risafunga kuti rakachenjera.+   Munhu anoisa nyaya mumaoko ebenziAkafanana nemunhu anozviremadza tsoka dzake uye anozvikuvadza.*   Chirevo mumiromo yemapenziChakafanana nemakumbo anokamhina emunhu akaremara.+   Kukudza benziKwakafanana nekusungirira dombo pachipfuramabwe.+   Chirevo mumiromo yemapenziChakafanana nekamuti kane minzwa kari muruoko rwechidhakwa. 10  Munhu anobhadhara benzi kana kuti anobhadhara munhu anenge achingopfuura hake kuti amushandire,Akaita semunhu anopfura neuta achikuvadza munhu wese wese.* 11  Benzi rinodzokorora upenzi hwaroSezvinoita imbwa inodzokera kumarutsi ayo.+ 12  Wakamboona munhu anofunga kuti akachenjera here?+ Benzi rinotova netariro kumupfuura. 13  Simbe inoti: “Mumugwagwa mune shumba diki,Mumusika mune shumba!”+ 14  Suo rinoramba richitenderera pamahinji aro,Uye simbe inoramba ichipinduka iri pamubhedha wayo.+ 15  Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro,Asi inonzwa usimbe hwekurudzosa pamuromo wayo.+ 16  Simbe inofunga kuti yakachenjeraKupfuura vanhu vanomwe vanopindura zvine musoro. 17  Munhu anenge achipfuurawo zvake ogumburwa nekupopotedzana* kwevanhu vasinei nayeAkafanana nemunhu anobata nzeve dzembwa.+ 18  Sezvinoita munhu anopenga anokanda zvombo zvinobvira moto, miseve, nerufu,* 19  Ndizvo zvinoita munhu anonyengedza muvakidzani wake ozoti, “Ndanga ndichitamba zvangu!”+ 20  Kana pasina huni, moto unodzima,Uye kana pasina munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe, kupopotedzana kunopera.+ 21  Sezvo marasha achiita kuti pave nemazimbe uye huni dzichiita kuti pave nemoto,Munhu ane nharo anoita kuti pave nekukakavadzana.+ 22  Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka;*Zvinomedzwa zvakadaro zvichipinda mudumbu.+ 23  Mashoko eushamwari anobva mumwoyo wakaipaAkaita sesirivha inopenya yakazorwa pachaenga.*+ 24  Munhu anovenga vamwe anoita kuti zvisazivikanwa achishandisa miromo yake,Asi nechemukati anenge aine unyengeri. 25  Kunyange achitaura nenyasha, usavimba naye,Nekuti mumwoyo make mune zvinhu zvinomwe zvinosemesa.* 26  Kunyange zvazvo ruvengo rwake ruchifukidzwa neunyengeri,Uipi hwake huchabudiswa pachena muungano. 27  Munhu anochera gomba achawira mariri,Uye munhu wese anokungurutsa dombo, richamudzokera.+ 28  Rurimi runonyepa runovenga vaya varunokuvadza,Uye muromo unorumbidza zvekubata kumeso unoparadzisa.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mherepere.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Kutukwa pasina mhosva hakuitikiwo.”
Kana kuti “kuenzana naro.”
ChiHeb., “anonwa mhirizhonga.”
Kana kuti “vanhu vese.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “anopindira mukupopotedzana.”
Kana kuti “miseve inouraya.”
Kana kuti “sezvinhu zvinomedzwa nemakaro.”
Ichi chimedu chemudziyo wevhu unenge waputsika.
Kana kuti “Nekuti mwoyo wake wese unosemesa.”