Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngwarira Kuva Nomwoyo Unozvikudza

Ngwarira Kuva Nomwoyo Unozvikudza

Ngwarira Kuva Nomwoyo Unozvikudza

“Mwari anoshora vanozvikudza.”—JAKOBHO 4:6.

1. Ipa muenzaniso wokudada kwakakodzera.

PANE chimwe chinhu chakamboita kuti unzwe uchidada zvikuru here? Vakawanda vedu takambonzwa saizvozvo. Kumbonzwa tichidada hakuna kuipa. Somuenzaniso, vaKristu vakaroorana pavanoverenga ripoti yokuchikoro yokuzvibata uye kushanda zvakaoma kwomwanasikana wavo, zviso zvavo zvingapenya nokufarira zvakaitwa nomwanasikana wavo. Muapostora Pauro neshamwari dzake vakadada neungano itsva yavakanga vabatsira kuumba, nokuti hama dzacho dzakaramba dzichitsungirira kutambudzwa.—1 VaTesaronika 1:1, 6; 2:19, 20; 2 VaTesaronika 1:1, 4.

2. Nei kudada kazhinji kusina kunaka?

2 Kubva pamienzaniso yataurwa, tinogona kuona kuti kudada kungareva mufaro unobva pane chimwe chinhu chakaitwa kana kuti pazvinhu zvauinazvo. Zvisinei, kazhinji kudada kunoratidza kuzviremekedza kusina kukodzera, kufunga kuti wakakwirira kudarika vamwe pamusana pemano ako, chitarisiko, pfuma, kana kuti chinzvimbo. Kunowanzoratidzwa nokuzvikudza. Chokwadi kudada kwakadaro ndechimwe chinhu chokuti isu sevaKristu tinofanira kungwarira. Nei? Nokuti tinoberekwa tiine pfungwa yokuda kuita zvoudyire yatakagara nhaka kuna tateguru vedu Adhamu. (Genesisi 8:21) Saka, mwoyo yedu ingatitsausa nyore nyore kuti tidade nokuda kwezvikonzero zvakaipa. Somuenzaniso, vaKristu havafaniri kudada norudzi, pfuma, dzidzo, mano okuita zvinhu avanoberekwa vainawo, kana kuti kushanda kwavanoita kana kuchienzaniswa nokwevamwe. Kudada kunobva pazvinhu zvakadaro hakuna kukodzera uye hakufadzi Jehovha.—Jeremiya 9:23; Mabasa 10:34, 35; 1 VaKorinde 4:7; VaGaratiya 5:26; 6:3, 4.

3. Kuzvikudza kudini, uye Jesu akati chii nezvako?

3 Pane chimwe chikonzero chokuramba kudada kusina kukodzera. Kana tikabvumira kuti kudada kwakadaro kukure mumwoyo medu, kunogona kuva rudzi rwokudada kunozvidzwa zvikuru kunonzi kuzvikudza. Kuzvikudza kudini? Kuwedzera pakunzwa akakwirira kudarika vamwe, munhu anozvikudza anotarisira vamwe vanhu pasi, vaya vaanoona sevakaderera. (Ruka 18:9; Johani 7:47-49) Jesu akataura “kuzvikudza” pamwe chete nedzimwe tsika dzakaipa dzinobuda “mumwoyo” uye dzino“svibisa munhu.” (Mako 7:20-23) VaKristu vanogona kuona kuti zvinokosha zvakadini kusava nomwoyo unozvikudza.

4. Kufunga mienzaniso yomuBhaibheri yokuzvikudza kungatibatsira sei?

4 Unogona kubatsirwa kuti usazvikudza nokufunga dzimwe nhoroondo dzeBhaibheri dzevanhu vaizvikudza. Ukadaro uchakwanisa kuziva kudada kusina kukodzera kwaungava uchiita kana kuti kungatanga nokufamba kwenguva. Izvi zvichakubatsira kuti urambe pfungwa kana manzwiro angakonzera kuti uve nomwoyo unozvikudza. Saka, hauzoparadzwi Mwari paanoita maererano nenyevero yake yokuti: “Ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanopembera nomufaro vachizvikudza; uye hauzombozvikudzizve uri mugomo rangu dzvene.”—Zefaniya 3:11.

Mwari Anoranga Vaya Vanozvikudza

5, 6. Farao akaratidza sei kuti aizvikudza, uye zvakaguma nei?

5 Unogonawo kuona maonero anoita Jehovha kuzvikudza munzira yaakabata nayo nevatongi vaiva nesimba vakaita saFarao. Hapangavi nomubvunzo kuti Farao aiva nomwoyo waizvikudza. Achizviona samwari anofanira kunamatwa, akazvidza varanda vake, vaIsraeri. Chimbofunga zvaakaita paakakumbirwa kuti abvumire Israeri kuenda kurenje ‘kunoitira Jehovha mutambo.’ Farao akapindura achizvikudza achiti, “Jehovha ndianiko, kuti nditeerere inzwi rake kuti ndirege Israeri achienda?”—Eksodho 5:1, 2.

6 Pashure pokunge Farao aona matambudziko matanhatu, Jehovha akaudza Mosesi kuti abvunze mutongi weIjipiti kuti: “Uchiri kuzvikudza kuvanhu vangu zvausiri kuvarega vachienda here?” (Eksodho 9:17) Mosesi akabva azivisa dambudziko rechinomwe—chimvuramabwe chakaparadza nyika yacho. Matambudziko gumi apera, vaIsraeri pavakangosunungurwa kuti vachienda, Farao akachinja pfungwa dzake ndokuvatevera. Pakupedzisira, Farao nemauto ake vakaiswa parumananzombe muGungwa Dzvuku. Fungidzira zvavanofanira kunge vakafunga pavakafukidzwa nemvura! Kuzvikudza kwaFarao kwakaguma nei? Mauto ake aigona basa chaizvo akati: “Ngatitize tibve zvachose pavaIsraeri, nokuti Jehovha ari kuvarwira pavaIjipiti.”—Eksodho 14:25.

7. Vatongi veBhabhironi vakaratidza sei kuti vaizvikudza?

7 Jehovha akanyadzisawo vamwe vatongi vaizvikudza. Mumwe wacho aiva Saniheribhi, mambo weAsiriya. (Isaya 36:1-4, 20; 37:36-38) Pakupedzisira, Asiriya yakakundwa nevaBhabhironi, asi madzimambo maviri eBhabhironi aizvikudza akanyadziswawo. Yeuka mutambo wakaitwa naMambo Bheshazari apo iye nevaeni vake veimba youmambo vakanwira waini mumidziyo yaiva yatorwa mutemberi yaJehovha, vachirumbidza vanamwari veBhabhironi. Kamwe kamwe, minwe yoruoko rwomunhu yakaoneka uye yakanyora mashoko pamadziro. Akumbirwa kutsanangura zvinhu zvaishamisa zvakanga zvakanyorwa, muprofita Dhanieri akayeuchidza Bheshazari kuti: “Mwari Wokumusorosoro akapa baba venyu Nebhukadhinezari umambo . . . Asi mwoyo wake pawakazvikudza . . . , akabviswa pachigaro choumambo hwake, akatorerwa kukudzwa kwake. Asi imi, mwanakomana wake Bheshazari, hamuna kuninipisa mwoyo wenyu, kunyange maiziva zvose izvi.” (Dhanieri 5:3, 18, 20, 22) Usiku ihwohwo chaihwo, uto reMedhiya nePezhiya rakakunda Bhabhironi, uye Bheshazari akaurayiwa.—Dhanieri 5:30, 31.

8. Jehovha akabata sei nevanhu vakasiyana-siyana vaizvikudza?

8 Chimbofungawo nezvevamwe varume vaizvikudza vakazvidza vanhu vaJehovha: hofori yokuFiristiya, Goriyati, Mutungamiriri weHurumende yePezhiya, Hamani, uye Mambo Herodhi Agiripa, aitonga ruwa rweJudhiya. Pamusana pokuzvikudza kwavo, Mwari akaita kuti varume vatatu ivavo vafe rufu runonyadzisa. (1 Samueri 17:42-51; Esteri 3:5, 6; 7:10; Mabasa 12:1-3, 21-23) Kubata kwakaita Jehovha nevarume ivavo vaizvikudza kunosimbisa chokwadi ichi: “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.” (Zvirevo 16:18) Chokwadi, hapagoni kuva nomubvunzo kuti “Mwari anoshora vanozvikudza.”—Jakobho 4:6.

9. Madzimambo eTire akaratidza sei kuti aiva vatengesi?

9 Kusiyana nevatongi vaizvikudza veIjipiti, Asiriya, neBhabhironi, pane imwe nguva mambo weTire akabatsira vanhu vaMwari. Panguva yaitonga Mambo Dhavhidhi uye Mambo Soromoni, akatumira varume vaiva nounyanzvi uye zvinhu zvokuvakisa imba yamambo uye temberi yaMwari. (2 Samueri 5:11; 2 Makoronike 2:11-16) Zvinosuruvarisa kuti nokufamba kwenguva, vanhu veTire vakapandukira vanhu vaJehovha. Chii chakaita kuti vapanduke?—Pisarema 83:3-7; Joeri 3:4-6; Amosi 1:9, 10.

“Mwoyo Wako Wakazvikudza”

10, 11. (a) Ndiani angaenzaniswa nemadzimambo eTire? (b) Chii chakachinja mafungiro evanhu veTire nezvaIsraeri?

10 Jehovha akafuridzira muprofita wake Ezekieri kuti afumure uye ashore dzinza remadzimambo eTire. Shoko iroro raitaurirwa “mambo weTire” rine mashoko anokodzera dzinza remadzimambo eTire uye mutengesi wepakutanga, Satani, uyo asina “kumira zvakasimba muchokwadi.” (Ezekieri 28:12; Johani 8:44) Satani aimbova chisikwa chomudzimu chakavimbika musangano raJehovha revanakomana vokudenga. Achishandisa Ezekieri, Jehovha Mwari akaratidza chikonzero chikuru chakaita kuti dzinza remadzimambo eTire naSatani vapandukire:

11 “Waiva muEdheni, mumunda waMwari. Wakanga wakafukidzwa nematombo ose anokosha . . . Uri kerubhi rakazodzwa rinoita basa rokufukidza . . . Wakanga usina mhosva panzira dzako kubvira pazuva rawakasikwa kusvikira kusarurama kwawanikwa mauri. Zvinhu zvako zvokutengesa zvazvakanga zvakawanda, ivo vakaita kuti mukati mako muzare nechisimba, iwe ukatanga kutadza. . . . Uye ndichakuparadza, . . . haiwa iwe kerubhi rinoita basa rokufukidza. Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kworunako rwako. Wakaparadza uchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako kukuru.” (Ezekieri 28:13-17) Chokwadi, kuzvikudza kwakaita kuti madzimambo eTire aitire vanhu vaJehovha chisimba. Guta reTire rakava muzinda wezvokutengeserana wakapfuma zvikuru uye une mukurumbira wezvinhu zvaro zvakaisvonaka. (Isaya 23:8, 9) Madzimambo eTire akasvika pakuzvikudza, uye akatanga kudzvinyirira vanhu vaMwari.

12. Chii chakaita kuti Satani anyengere, uye chii chaave achiita?

12 Saizvozvowo, chisikwa chomudzimu chakazova Satani chakambova nouchenjeri hwaidiwa kuita chero basa ripi zvaro rachaipiwa naMwari. Pane kuonga, aka“zvitutumadza nokudada” ndokutanga kuzvidza nzira yaMwari yokutonga. (1 Timoti 3:6) Ainyanya kuzvikudza zvokuti akatanga kuda kunamatwa naAdhamu naEvha. Kuchiva uku kwakaipa kwakakura ndokubereka chivi. (Jakobho 1:14, 15) Satani akanyengedza Evha kuti adye muchero womuti mumwe bedzi wakanga warambidzwa naMwari. Zvadaro, Satani akashandisa Evha kuita kuti Adhamu adye muchero wakarambidzwa. (Genesisi 3:1-6) Saka vanhu vaviri vokutanga vakaramba kodzero yaMwari yokuvatonga uye vakava vanamati vaSatani. Haazivi pokugumira pakuzvikudza kwake. Ave achiedza kunyengedza zvisikwa zvose zvakangwara kudenga nepasi pano, kusanganisira Jesu Kristu, kuti zvimunamate uye zvirambe uchangamire hwaJehovha.—Mateu 4:8-10; Zvakazarurwa 12:3, 4, 9.

13. Kuzvikudza kwakabereka chibereko chipi?

13 Saka unogona kuona kuti kuzvikudza kwakatanga naSatani; ndiko kunonyanya kukonzera chivi, kutambura, uye uori munyika nhasi. Sezvo ari “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” Satani anoramba achisimudzira pfungwa dzisina kukodzera dzokudada nokuzvikudza. (2 VaKorinde 4:4) Anoziva kuti nguva yake ipfupi, saka anorwisa vaKristu vechokwadi. Chinangwa chake ndechokuvatsausa pana Mwari, kuti vave vanhu vanozvida, vanozvitutumadza, uye vanozvikudza. Bhaibheri rakafanotaura kuti udyire hwakadaro hwaizopararira mu“mazuva [ano] okupedzisira.”—2 Timoti 3:1, 2; Zvakazarurwa 12:12, 17.

14. Jehovha anobata sei nezvisikwa zvake zvakangwara?

14 Kana ari Jesu Kristu, noushingi akafumura zvibereko zvakaora zvakakonzerwa nokuzvikudza kwaSatani. Kanenge katatu uye vavengi vaizviti vakarurama varipo, Jesu akataura mabatiro anoita Jehovha nevanhu, achiti: “Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa uye uya anozvininipisa achakwidziridzwa.”—Ruka 14:11; 18:14; Mateu 23:12.

Ngwarira Kuti Mwoyo Wako Usazvikudza

15, 16. Chii chakaita kuti Hagari azvikudze?

15 Ungave waona kuti mienzaniso yokuzvikudza yambotaurwa yaisanganisira varume vakakurumbira. Izvozvo zvinoreva here kuti vanhuwo zvavo havazvikudzi? Kwete. Chimbofunga chakaitika mumhuri yaAbrahamu. Musoro wemhuri uyu wakanga usina mwanakomana wokuti azomugara nhaka, uye mudzimai wake, Sara, akanga apfuura zera rokubereka vana. Yaiva tsika kuti murume aiva mumamiriro ezvinhu aAbrahamu awane mudzimai wechipiri ova nevana. Mwari aibvumira kuroorana kwakadaro nokuti nguva yake yokuti agadzezve mutemo wake wepakutanga wokuti vaKristu vechokwadi varoorane pachavo yakanga isati yakwana.—Mateu 19:3-9.

16 Achikurudzirwa nomudzimai wake, Abrahamu akabvuma kubereka mwana aigona kuzova mugari wenhaka nomushandikadzi waSara aiva muIjipiti ainzi Hagari. Somukadzi wechipiri waAbrahamu, Hagari akava nepamuviri. Anofanira kunge akaonga chaizvo chinzvimbo chaakanga ava nacho chaikudzwa. Asi, akarega mwoyo wake uchizvikudza. Bhaibheri rinorondedzera kuti: “Paakaziva kuti akanga ava nepamuviri, akabva atanga kushora tenzikadzi wake.” Maitiro akadaro akakonzera kukavadzana mumhuri yaAbrahamu zvokuti Sara akadzinga Hagari. Asi paiva nenzira yokugadzirisa nayo chinetso chacho. Ngirozi yaMwari yakapa Hagari zano rokuti: “Dzokera kuna tenzikadzi wako uzvininipise kwaari.” (Genesisi 16:4, 9) Zviri pachena kuti Hagari akateerera zano iri, akachinja zvaaiitira Sara, uye akazova mbuya vevazhinji.

17, 18. Nei tose zvedu tichifanira kungwarira kuzvikudza?

17 Nyaya yaHagari inoratidza kuti kana mamiriro ezvinhu omumwe munhu akava nani, munhu wacho angatanga kuzvikudza. Tinodzidza kuti kunyange muKristu ave achishumira Mwari nomwoyo wakanaka angazvikudza paanowana pfuma kana kuti simba. Maitiro akadaro anogona kutangawo kana vamwe vakamurumbidza pamusana pokubudirira kwake, uchenjeri hwake, kana mano ake. Chokwadi, muKristu anofanira kungwarira kuti asazvikudza mumwoyo make. Ndizvo chaizvo zvaanofanira kuita kunyanya kana ari kubudirira kana kuti akapiwa mutoro wakati kurei.

18 Maonero anoita Mwari unhu uhwu ndicho chikonzero chakasimba chinoita kuti tisazvikudza. Shoko rake rinoti: “Maziso anozvikudza nomwoyo unozvitutumadza, iro rambi revakaipa, chivi.” (Zvirevo 21:4) Zvinofadza kuti Bhaibheri rinonyanya kunyevera vaKristu “vakapfuma mumamiriro ezvinhu epanguva ino” kuti varege “kuzvikudza.” (1 Timoti 6:17; Dheuteronomio 8:11-17) VaKristu vaya vasina kupfuma havafaniri kuva ne“ziso rine shanje,” uye vanofanira kuyeuka kuti munhu wose—mupfumi kana murombo, anogona kuzvikudza.—Mako 7:21-23; Jakobho 4:5.

19. Uziya akakanganisa sei mukurumbira wake wakanaka?

19 Kuzvikudza pamwe chete nohumwe unhu hwakaipa zvingakanganisa ukama hwakanaka naJehovha. Somuenzaniso, chimbofunga nezvechikamu chokutanga chokutonga kwaMambo Uziya: “Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha . . . Akaramba achida kutsvaka Mwari . . . ; uye mumazuva okutsvaka kwake Jehovha, Mwari wechokwadi akaita kuti abudirire.” (2 Makoronike 26:4, 5) Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti Mambo Uziya akakanganisa mukurumbira wake wakanaka, nokuti “mwoyo wake wakazvikudza kusvikira pakuita zvakashata.” Akasvika pakunyanya kuzvikudza zvokuti akapinda mutemberi kunopisira rusenzi. Vapristi pavakamunyevera kuti asaite chinhu chokuzvikudza chakadaro, “Uziya akatsamwa kwazvo.” Saka, Jehovha akamurova nemaperembudzi, uye akafa asingachafarirwi naMwari.—2 Makoronike 26:16-21.

20. (a) Mukurumbira wakanaka waMambo Hezekiya wakakanganiswa sei? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

20 Unogona kusiyanisa izvi nomuenzaniso waMambo Hezekiya. Pane imwe nguva, mukurumbira wakanaka kwazvo wamambo iyeye waiva pangozi yokukanganiswa nokuti “mwoyo wake wakazvikudza.” Zvinofadza kuti “Hezekiya akazozvininipisa pakuzvikudza kwomwoyo wake” achibva atangazve kufarirwa naMwari. (2 Makoronike 32:25, 26) Ona kuti kuzvikudza kwaHezekiya kwaigona kupedzwa nokuzvininipisa. Chokwadi, kuzvininipisa kunopesana nokuzvikudza. Saka, munyaya inotevera, tichakurukura kuti tingaratidza sei kuzvininipisa sevaKristu toramba tichidaro.

21. VaKristu vanozvininipisa vanogona kutarisira chii?

21 Zvisinei, ngatisambokanganwa zvibereko zvose zvakaipa zvakaberekwa nokuzvikudza. Sezvo ‘Mwari achishora vanozvikudza,’ ngatitsungei kuramba manzwiro okudada kusina kukodzera. Sezvatinoedza kuva vaKristu vanozvininipisa, tinogona kutarisira kupona pazuva guru raMwari, apo vaya vanozvikudza pamwe chete nezvibereko zvavo vachabviswa pasi pano. Zvadaro, “kuzvikudza kwomunhu wepanyika kuchaderedzwa, uye manyawi evanhu achaderera; Jehovha oga achakwidziridzwa pazuva iroro.”—Isaya 2:17.

Pfungwa Dzokufungisisa

• Ungarondedzera sei munhu anozvikudza?

• Kuzvikudza kwakatanga naani?

• Chii chingaita kuti munhu azvikudze?

• Nei tichifanira kungwarira kuzvikudza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kuzvikudza kwaFarao kwakaita kuti anyadziswe

[Mufananidzo uri papeji 24]

Chinzvimbo chiri nani chaHagari chakaita kuti azvikudze

[Mufananidzo uri papeji 25]

Hezekiya akazvininipisa achibva atangazve kufarirwa naMwari