Bhuku Rechipiri reMakoronike 2:1-18

  • Kugadzirira kuvaka temberi (1-18)

2  Zvino Soromoni akarayira kuti pavakwe imba yezita raJehovha+ neimba yeumambo* hwake.+ 2  Soromoni akatora varume 70 000 kuti vaite mabasa asingadi unyanzvi,* nevarume 80 000 kuti vacheke matombo mumakomo,+ uye 3 600 kuti vave vatariri vavo.+ 3  Soromoni akatumirawo shoko kuna Hiramu+ mambo weTire, achiti: “Ndiitireiwo zvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, pamakavatumira matanda emusidhari kuti vavake imba yekugara.*+ 4  Iye zvino ndiri kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba kuti ndiikumikidze* kwaari, kuti ndipisire rusenzi+ inonhuhwirira pamberi pake, nekuisa imomo zvingwa zvinoturikidzaniswa* zvinogara zvirimo+ nekupa zvibayiro zvinopiswa, mangwanani nemanheru,+ pamaSabata,+ pakugara kwemwedzi,+ nepamwaka yemitambo+ yaJehovha Mwari wedu. Izvi zvichagara zvichiitwa nevaIsraeri. 5  Imba yandichavaka ichava huru, nekuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwe vanamwari vese. 6  Ndiani angakwanisa kumuvakira imba? Nekuti haangakwani mumatenga, mumatenga ekumatenga,+ saka ndini ani kuti ndimuvakire imba kunze kwekungoti ive nzvimbo yekukwidzira utsi hwezvibayiro pamberi pake? 7  Nditumireiwo murume ane unyanzvi hwekugadzira zvinhu zvegoridhe, zvesirivha, zvemhangura,+ zvesimbi, zveshinda yepepuru, zveshinda tsvuku, nezveshinda yebhuruu, uye anogona kutemerera mifananidzo yekushongedza. Achashandira muJudha nemuJerusarema nenyanzvi dzangu dzekugadzira zvinhu dzakatsvagwa nababa vangu Dhavhidhi.+ 8  Munditumirewo matanda emusidhari, mujunipa,+ nemuarigamu+ kubva kuRebhanoni, nekuti ndinonyatsoziva kuti varanda venyu vane ruzivo rwekutema miti yekuRebhanoni.+ Varanda vangu vachashanda pamwe chete nevaranda venyu+ 9  kuti vandigadzirire matanda akawanda, nekuti imba yandichavaka ichange yakakura uye yakanaka chaizvo. 10  Ndichapa varanda venyu vanotema miti zvekudya zvinotevera:+ makori* 20 000 egorosi, makori 20 000 ebhari, mabhati* 20 000 ewaini, nemabhati 20 000 emafuta.” 11  Hiramu mambo weTire akabva atumira tsamba kuna Soromoni yaiva nemashoko ekuti: “Jehovha anoda vanhu vake, ndokusaka akakugadza kuti uve mambo wavo.” 12  Hiramu akabva ati: “Jehovha Mwari waIsraeri akasika denga nenyika ngaarumbidzwe, nekuti akapa Mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera,+ uyo ane ungwaru nekunzwisisa,+ achavakira Jehovha imba uye achavakira umambo hwake imba. 13  Zvino ndiri kutuma murume ane unyanzvi hwekugadzira zvinhu, anonzwisisa, iye Hiramu-abhi,+ 14  mwanakomana wemukadzi wekuvaDhani, asi baba vake vaiva vekuTire; ane ruzivo rwekugadzira zvinhu zvegoridhe, zvesirivha, zvemhangura, zvesimbi, zvematombo, zvematanda, zveshinda yepepuru, zveshinda yebhuruu, zvemachira akanaka chaizvo, nezveshinda tsvuku.+ Anogona kutemerera mifananidzo yese yekushongedza uye kugadzira chero chinhu chaanenge anzi agadzire.+ Achashanda nevashandi vako vane unyanzvi hwekugadzira zvinhu nevashandi vane unyanzvi vashe wangu baba vako Dhavhidhi. 15  Ishe wangu ngaatumire gorosi, bhari, mafuta, newaini zvaavimbisa varanda vake.+ 16  Tichatema miti yekuRebhanoni,+ yese yaunoda, uye tichaiunza kwauri tichiita zvekuiyeredza nemugungwa, yakasungwa pamwe chete ichiuya kuJopa;+ uye iwe uchazoiendesa kuJerusarema.”+ 17  Soromoni akabva averenga varume vese vakanga vari vatorwa munyika yeIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi,+ uye vakawana vanhu 153 600. 18  Saka akaita kuti 70 000 vavo vaite mabasa asingadi unyanzvi,* uye kuti 80 000 vacheke matombo+ mumakomo uye akaita kuti 3 600 vave vatariri vaitungamirira vanhu pabasa.+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “nemuzinda weumambo.”
^ Kana kuti “basa rekutakura zvinorema.”
^ Kana kuti “muzinda wekugara.”
^ Kureva, zvingwa zvekuratidza.
^ Kana kuti “ndiitsvenese.”
^ Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Bhati rakanga rakaenzana nemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Kana kuti “basa rekutakura zvinorema.”