Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kucheneswa Sevanhu Vemabasa Akanaka Kwazvo

Kucheneswa Sevanhu Vemabasa Akanaka Kwazvo

Kucheneswa Sevanhu Vemabasa Akanaka Kwazvo

“Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.”—2 VAKORINDE 7:1.

1. Jehovha anodei kune vanomunamata?

“NDIANI ungakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene?” Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akamutsa mubvunzo iwoyo unotokonya pfungwa maererano nokunamata kunogamuchirwa naJehovha. Akabva apa mhinduro yacho yokuti: “Uyo une maoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo; usingasimudziri mwoyo wake kune zvisina maturo, nousina kupika nhema.” (Pisarema 24:3, 4) Munhu anofanira kuva akachena uye mutsvene kuti agamuchirwe naJehovha, uyo anototorwa soutsvene pachahwo. Jehovha akanga amboyeuchidza ungano yevaIsraeri kuti: “Zvitsaurei, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”—Revhitiko 11:44, 45; 19:2.

2. Pauro naJakobho vakasimbisa sei kukosha kwokuchena mukunamata kwechokwadi?

2 Mazana emakore gare gare, muapostora Pauro akanyorera hama dzake dzechiKristu muguta reKorinde raiva netsika dzakaora, kuti: “Vanodiwa, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Zvakare izvi zvinojekesa kuti, kuti munhu ave noukama naMwari uye kuti awane makomborero ake akapikirwa, anofanira kuva akachena uye asina kusvibiswa mumuviri nomumudzimu. Saizvozvowo, achinyora nezvokunamata kunogamuchirwa naMwari, mudzidzi Jakobho akati: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo, uye kuzvichengeta usina ruvara rwenyika.”—Jakobho 1:27.

3. Kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naMwari, tinofanira kufungisisa chii?

3 Sezvo kuva akachena, mutsvene uye asina kusvibiswa zviri zvinhu zvinokosha kudaro mukunamata kwechokwadi, munhu anoda kugamuchirwa naMwari anofanira kufungisisa nezvokuita zvinhu izvi. Zvisinei, nokuti vanhu mazuva ano vane mwero uye pfungwa dzakasiyana kwazvo panyaya yokuchena, tinofanira kunzwisisa ndokuita maererano nezvinonzi naJehovha zvakachena uye zvinogamuchirwa. Tinoda kuona zvinotarisirwa naMwari kuti vanamati vake vaite panyaya iyi uye zvaakaita kuvabatsira kuti vave uye varambe vakachena uye vachigamuchirika kwaari.—Pisarema 119:9; Dhanieri 12:10.

Kuchenera Kunamata Kwechokwadi

4. Tsanangura pfungwa yomuBhaibheri yokuchena.

4 Kuvanhu vakawanda, kuva akachena kunongoreva kusava netsvina kana kuti kusasvibiswa. Zvisinei, muBhaibheri pfungwa yokuva akachena inoratidzwa nemashoko anoverengeka echiHebheru neechiGiriki anorondedzera kuchena kwete mumuviri chete asi kakawanda mutsika uye mumudzimu. Saka, imwe enisaikoropedhiya yeBhaibheri inoti: “‘Kuchena’ uye ‘kusachena’ mashoko asinganyanyova nechokuita nenyaya youtsanana, asi zvikurukuru pfungwa dzechitendero. Maererano neizvi nheyo yemitemo yo‘kuchena’ inobata mativi ose oupenyu.”

5. Mutemo waMosesi waidzora kuchena muupenyu hwevaIsraeri kusvika pakadini?

5 Chokwadi, Mutemo waMosesi waisanganisira mirayiro nemirau yaibata anenge mativi ose oupenyu hwomuIsraeri, uchiratidza zvakanga zvakachena nezvaigamuchirwa uye zvakanga zvisina kudaro. Somuenzaniso, muna Revhitiko zvitsauko 11 kusvika ku15, tinowana mirayiridzo yakazara ine chokuita nokuchena uye kusachena. Dzimwe mhuka dzakanga dzisina kuchena, uye vaIsraeri vaisafanira kudzidya. Kupona mwana kwaizoita kuti mukadzi ave asina kuchena kwenguva yakatarwa. Zvimwe zvirwere zveganda, kunyanya maperembudzi, nezvinhu zvaiyerera panhengo dzevanhurume nevanhukadzi zvaizoitawo kuti munhu ave asina kuchena. Mutemo waijekesawo zvaifanira kuitwa panyaya dzokusachena. Somuenzaniso, pana Numeri 5:2, Tinoverenga kuti: “Rayira vana vaIsraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vane maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa.”

6. Mitemo yokuchena yakapiwa nokuda kwechinangwa chei?

6 Hapana mubvunzo kuti mitemo iyi nemimwewo yaibva kuna Jehovha yakaratidza ruzivo rwokurapa nokuchengetedzwa kwoutano hwomuviri rwakanga rusati rwava kuzivikanwa panguva iyoyo, uye vanhu vakabatsirika pavakaiteerera. Asi, mitemo iyi haina kungopiwa sebumbiro zvaro remitemo yezvoutano kana kuti ishande senhungamiro dzezvokurapa. Yaiva chikamu chokunamata kwechokwadi. Kubata kwayaiita upenyu hwevanhu hwezuva nezuva—kudya, kupona vana, ukama hwevakaroorana, zvichingodaro—kwakangosimbisa kuti saMwari wavo, Jehovha, aiva nesimba rokuvasarudzira zvakanga zvakafanira nezvakanga zvisina kufanira muzvinhu zvose zvoupenyu hwavo, uhwo hwakanga hwatsaurirwa zvakazara kuna Jehovha.—Dheuteronomio 7:6; Pisarema 135:4.

7. Nokuchengeta Mutemo, chikomboreroi chaizogamuchirwa nevaIsraeri?

7 Sungano yoMutemo yaidzivirirawo vaIsraeri pamiitiro inosvibisa yemarudzi akanga akavapoteredza. Nokuchengeta Mutemo vakatendeka, kusanganisira zvose zvaidiwa kuti varambe vakachena mumaziso aJehovha, vaIsraeri vaizova vakakodzera kushumira Mwari wavo vowana chikomborero chake. Maererano neizvi, Jehovha akaudza rudzi rwacho kuti: ‘Kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu; muchava kwandiri ushe hwavapristi, norudzi rutsvene.’—Eksodho 19:5, 6; Dheuteronomio 26:19.

8. Nei vaKristu mazuva ano vachiteerera zvinotaurwa muMutemo maererano nokuchena?

8 Sezvo Jehovha akaronga mashoko akakwana kudaro muMutemo kuti arayiridze vaIsraeri kuti vangava sei vakachena, vatsvene, uye vanogamuchirwa naye, vaKristu mazuva ano havafaniri kufungisisa kuti vanoita sei zvinodiwa izvi here? Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi poMutemo, vanofanira kugara vachiziva kuti, sokutsanangura kwakaita Pauro, zvinhu zvose zvakanyorwa muMutemo “mumvuri wezvinhu zvichauya, asi chinhu chaichoicho ndechaKristu.” (VaKorose 2:17; VaHebheru 10:1) Kana Jehovha Mwari, uyo anoti “handishanduki,” aiona kuchena nokusasvibiswa sechinhu chaikosha zvakadaro mukunamata kwechokwadi kare ikako, isu mazuva ano tinofanira kufungisisa nyaya yokuchena mumuviri, mutsika, uye mumudzimu kana tichida kutenderwa uye kukomborerwa naye.—Maraki 3:6; VaRoma 15:4; 1 VaKorinde 10:11, 31.

Kuchena Mumuviri Kunotirumbidza

9, 10. (a) Nei kuchena mumuviri kuchikosha kumuKristu? (b) Zvii zvinowanzotaurwa nezvekokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha?

9 Kuchena mumuviri kuchiri chinhu chinokosha pakunamata kwechokwadi here? Nepo kuchena mumuviri kwoga kusingaiti kuti munhu ave munamati wechokwadi waMwari, zvakakodzera chaizvo kuti munamati wechokwadi ave akachena mumuviri kusvikira panobvumirwa nemamiriro ake ezvinhu. Kunyanya mazuva ano, apo vanhu vakawanda vasina basa zvakanyanya nokuzvichengeta ivo, zvipfeko zvavo, uye nharaunda dzavo dzakachena, vaya vanogara vakachena vanowanzocherechedzwa nevanhu vakavapoteredza. Izvi zvinogona kutungamirira kumigumisiro yakanaka, kungofanana nezvakaudzwa vaKristu vokuKorinde naPauro kuti: “Hatipi chisakiso chokugumbuka munzira ipi neipi, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhaka; asi munzira dzose tinozvirumbidza sevashumiri vaMwari.”—2 VaKorinde 6:3, 4.

10 Nguva nenguva, Zvapupu zvaJehovha zvakarumbidzwa nevakuru vakuru venharaunda nokuda kwokuchena kwazvo, kurongeka, uye kuzvibata kwazvo netsika dzazvo dzinoremekedzeka, zvinonyanyoonekwa pakokorodzano dzazvo huru. Somuenzaniso nezveimwe kokorodzano yakaitirwa mupurovhinzi yeSavona, kuItaly, pepanhau rinonzi La Stampa rakataura kuti: “Chaunongotanga kuona sezvaunofamba panzvimbo yacho kuchena nokurongeka kwevanhu vanoishandisa.” Pashure peimwe kokorodzano yeZvapupu mune imwe nhandare kuSão Paulo, Brazil, mumwe mukuru mukuru wenhandare yacho akaudza anotarisira chikwata chake chinochenesa kuti: “Kubvira zvino zvichienda mberi tinoda kuti nhandare icheneswe sezvayaitwa neZvapupu zvaJehovha.” Mumwezve mukuru mukuru panhandare iyoyo akati: “Zvapupu zvaJehovha pazvinoda kurenda nhandare yacho, chatinongoda kuziva chete ndechokuti zvinoda kuishandisa rini. Hapanazve chimwe chatinonetseka nacho.”

11, 12. (a) Inheyo yomutemo ipi iri muBhaibheri yatinofanira kufunga nezvayo panyaya yokuchena kwedu pachedu? (b) Mibvunzo ipi inogona kubvunzwa pamusoro petsika dzedu nemararamiro edu pachedu?

11 Kana kuchena nokurongeka munzvimbo dzedu dzokunamatira zvichigona kuita kuti Mwari watinonamata arumbidzwe, zvechokwadi kuratidza kuchena muupenyu hwedu toga kunokoshawo. Zvisinei, tiri toga mumusha medu, tingafunga kuti tine kodzero yokuregeredza uye kuita sezvatinoda. Uye, kana kuri kupfeka nokutsvinda, zvechokwadi takasununguka kusarudza zvatinonzwa zvakatinakira uye zvichitifadza! Asi, kusvika pamwero wakakura, zvose izvi zvine muganhu. Yeuka kuti pakukurukura nezvechisarudzo chomunhu chokudya zvimwe zvokudya, Pauro akapa vamwe vake vechiKristu zano achiti: “Rambai muchingwarira kuti simba renyu iri rirege kuva nenzira yakati chigumbuso kuvasina simba.” Ipapo akataura nheyo yomutemo inokosha yokuti: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobetsera. Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinovaka.” (1 VaKorinde 8:9; 10:23) Zano raPauro rinoshanda sei kwatiri panyaya yokuchena?

12 Zvakakodzera kuti vanhu vanofanira kutarisira mushumiri waMwari kuva akachena uye akarongeka mumararamiro ake. Naizvozvo, tinofanira kuva nechokwadi chokuti chitarisiko cheimba yedu nechivanze chayo hazvipesani nokutaura kwatinoita kuti tiri vashumiri veShoko raMwari. Musha wedu unopa uchapupu hworudzii pamusoro pedu nezvatinodavira? Unoratidza here kuti tinoda kwazvo kurarama munyika itsva yokururama yakachena uye yakarongeka, yatinorumbidza zvakasimba kune vamwe? (2 Petro 3:13) Saizvozvowo, chitarisiko chedu—pangava patinenge tichizviitira zvinhu zvedu toga kana kuti tiri muushumiri—chinogona kuwedzera kana kuderedza kufarirwa kunoita shoko ratinoparidza. Somuenzaniso, ona zvakataurwa nomumwe munyori wepepanhau muMexico: “Zvechokwadi, vechiduku ndivo vakawanda paZvapupu zvaJehovha, uye chinovasiyanisa magererwo avo, kuchena kwavo, uye kupfeka kwavo zvakakodzera.” Zvinofadza sei kuva nevechiduku vakadaro pakati pedu!

13. Chii chatingaita kuti tive nechokwadi chokuti mativi ose oupenyu hwedu hwezuva nezuva akachena uye akarongeka?

13 Hungu, kuva nechokwadi chokuti chitarisiko chedu, zvinhu zvedu, uye musha wedu zvakachena nokurongeka nguva dzose chinhu chiri nyore kungotaura nomuromo. Chinodiwa haisi midziyo yakawanda inodhura, asi kuronga kwakanaka nokuramba uchiedza. Tinofanira kuronga nguva yokugeza miviri yedu, zvipfeko zvedu, kuchenesa musha wedu, motokari yedu, zvichingodaro. Kubatikana noushumiri, kupinda misangano, nokudzidza tiri toga—kuwedzera kumamwe mabasa oupenyu hwezuva nezuva—hakutitadzisi kuramba takachena uye tichiyemurwa naMwari nevanhu. Nheyo yomutemo yakajairwa yokuti “chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho” inoshandawo murutivi urwu rwoupenyu.—Muparidzi 3:1.

Mwoyo Usina Kusvibiswa

14. Nei zvichigona kunzi kuchena mutsika nomumudzimu kunotokosha kwazvo kudarika kuchena mumuviri?

14 Sokukosha kwazvakaita kuzvichenesa mumuviri, zvinotokosha zvakanyanya kufunga nezvokuchena mutsika uye mumudzimu. Tinosvika pakutaura izvi nokufunga kuti rudzi rwaIsraeri rwakarambwa naJehovha, kwete nokuti rwaiva rusina kuchena mumuviri, asi nokuti rwakava rwakasviba mutsika nomumudzimu. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akavaudza kuti pamusana pokuva kwavo “rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa,” zvibayiro zvavo, kuchengeta kwavo kugara kwomwedzi uye sabata, hungu, kunyange minyengetero yavo, zvakanga zvava mutoro kwaari. Vaifanira kuitei kuti vawanezve nyasha dzaMwari? Jehovha akati: “Shambai, muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa.”—Isaya 1:4, 11-16.

15, 16. Jesu akati chii chinosvibisa munhu, uye tingabatsirwa sei nezvakataurwa naJesu?

15 Kuti unyatsonzwisisa nezvokukosha kwokuchena mutsika nomumudzimu, funga zvakataurwa naJesu apo vaFarisi nevanyori vakati vadzidzi vake vakanga vasina kuchena nokuti havana kugeza maoko avo vasati vadya. Jesu akavaruramisa nokutaura kuti: “Hazvisi zvinopinda mumuromo wake zvinosvibisa munhu; asi zvinobuda mumuromo make ndizvo zvinosvibisa munhu.” Ipapo Jesu akatsanangura kuti: “Zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, uye zvinhu izvozvo zvinosvibisa munhu. Somuenzaniso, mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa, umhondi, upombwe, ufeve, umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura. Izvi ndizvo zvinhu zvinosvibisa munhu; asi kudya zvokudya nemaoko asina kugezwa hakusvibisi munhu.”—Mateu 15:11, 18-20.

16 Tingadzidzei kubva pane zvakataurwa naJesu? Jesu akanga achitaura kuti mabasa akaipa, ounzenza, uye asina kuchena anotangirwa nevavariro dzomwoyo dzakaipa, dzounzenza uye dzisina kuchena. Sematauriro akaita mudzidzi Jakobho, “mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake.” (Jakobho 1:14, 15) Saka, kana tisingadi kuwira muzvivi zvakaipa kwazvo zvakatsanangurwa naJesu, tinofanira kubvisa vavariro dzokuita zvinhu zvakadaro mumwoyo medu zvachose. Izvozvo zvinoreva kuti tinofanira kungwarira zvatinoverenga, zvatinoona, uye zvatinoteerera. Mazuva ano, masangano okuvaraidza vanhu neokushambadzira ari kubudisa mashoko nemifananidzo yakawanda kwazvo inogutsa zvinoshuviwa nenyama yakaneta, achiti ane rusununguko rwokutaura zvaanoda. Tinofanira kuva nechokwadi chokuti hatibvumiri pfungwa dzakadaro kudzika midzi mumwoyo yedu. Chinokosha apa ndechokuti, kuti tifadze uye tigamuchirwe naMwari, tinofanira kuramba takarinda kuitira kuti tirambe tiine mwoyo wakachena, usina kusvibiswa.—Zvirevo 4:23.

Kucheneswa Nokuda Kwemabasa Akanaka

17. Jehovha akapinzirei vanhu vake mumamiriro ezvinhu akachena?

17 Zvechokwadi chikomborero nedziviriro kuti, tichibatsirwa naJehovha, tinogona kunzi naye takachena. (2 VaKorinde 6:14-18) Asi, tinonzwisisawo kuti Jehovha akapinza vanhu vake mumamiriro ezvinhu akachena nokuda kwechinangwa chaicho. Pauro akaudza Tito kuti Kristu Jesu “akazvipa nokuda kwedu kuti atinunure mukusateerera mutemo kworudzi rwose nokuzvichenesera vanhu vari vake bedzi, vanoshingairira mabasa akanaka kwazvo.” (Tito 2:14) Sevanhu vakacheneswa, tinofanira kushingairira mabasa api?

18. Tingaratidza sei kuti tinoshingairira mabasa akanaka kwazvo?

18 Chinokosha zvikuru, tinofanira kushanda nesimba mukuzivisa pachena mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Nokuita kudaro, tinopa vanhu kwose kwose tariro yokurarama nokusingaperi pasi panenge pasina kusvibiswa kworudzi rupi norupi. (2 Petro 3:13) Mabasa edu akanaka anosanganisirawo kuratidza zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwedu hwezuva nezuva, nokudaro tichipa mbiri Baba vedu vokudenga. (VaGaratiya 5:22, 23; 1 Petro 2:12) Uye hatikanganwi vaya vasiri muchokwadi vangave vari kutambura nenjodzi dzinongoitika dzoga kana dzimwewo njodzi. Tinoramba tichifunga zano raPauro rinoti: “Saka, chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Mabasa ose akadaro anoitwa nomwoyo wakachena uye nevavariro yakanaka, anofadza Mwari kwazvo.—1 Timoti 1:5.

19. Zvikomboreroi zvakatimirira kana tikaramba tiine mwero wedu wakanaka kwazvo wokuchena—mumuviri, mutsika, uye mumudzimu?

19 Sevashumiri veWokumusoro-soro, tinofungisisa mashoko aPauro anoti: “Ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari, basa dzvene nesimba renyu rokufunga.” (VaRoma 12:1) Ngatirambe tichikoshesa ropafadzo yokucheneswa naJehovha toita zvatinogona kuti tirambe takachena mumuviri, mutsika, uye mumudzimu. Kuita kudaro hakungoiti kuti tizviremekedze uye tigutsikane iye zvino chete asiwo kuti tive netariro yokuona “zvinhu zvokutanga”—nyika iripo zvino yakaipa uye yakasvibiswa—zvichipfuura, apo Mwari ‘achaita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’—Zvakazarurwa 21:4, 5.

Unoyeuka Here?

• Nei vaIsraeri vakapiwa mitemo yakawanda yokuchena?

• Kuchena mumuviri kunowedzera sei kufarirwa kunoita shoko ratinoparidza?

• Nei kuchena mutsika nomumudzimu kuchitokosha zvikuru kupfuura kuchena mumuviri?

• Tingaratidza sei kuti tiri vanhu “vanoshingairira mabasa akanaka kwazvo”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 21]

Kuchena mumuviri kunowedzera kufarirwa kweshoko ratinoparidza

[Mufananidzo uri papeji 22]

Jesu akanyevera kuti pfungwa dzakaipa dzinotungamirira kumabasa akaipa

[Mifananidzo iri papeji 23]

Sevanhu vakacheneswa, Zvapupu zvaJehovha zvinoshingairira mabasa akanaka kwazvo