Isaya 1:1-31

  • Baba nevanakomana vavo vakapanduka (1-9)

  • Jehovha anovenga kunamata kusiri kwemwoyo wese (10-17)

  • ‘Ngatiruramise zvinhu’ (18-20)

  • Ziyoni richadzokera pakuva guta rakatendeka (21-31)

1  Zvakaonekwa naIsaya*+ mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusarema mumazuva aUziya,+ Jotamu,+ Ahazi,+ naHezekiya,+ madzimambo eJudha:+  2  Inzwa, haiwa iwe denga, uye teerera, haiwa iwe nyika,+Nekuti Jehovha akataura kuti: “Ndakarera vanakomana ndikavayarutsa,+Asi ivo vakandipandukira.+  3  Mukono wemombe unonyatsoziva munhu akautenga,Uye dhongi rinoziva chidyiro chezvipfuwo chemuridzi waro;Asi vaIsraeri havandizivi,*+Vanhu vangu havanzwisisi.”  4  Rune nhamo rudzi runotadza,+Vanhu vakaremerwa nekukanganisa,Chizvarwa chevarume vakaipa, vana vanoita zvakaipa! Vakasiya Jehovha;+Havana kuremekedza Mutsvene waIsraeri;Vakamupira makotsi.  5  Ndepapi pamwe pamucharohwa zvamuri kuwedzera kupanduka?+ Musoro uri kurwadza,Uye mwoyo une chirwere.+  6  Kubva pasi petsoka kusvika mumusoro, hapana pane utano. Pane maronda, nemakakuzvuka, nemaronda akavhurika,Hazvina kurapwa* kana kusungwa kana kupfaviswa nemafuta.+  7  Nyika yenyu yava dongo. Maguta enyu akapiswa nemoto. Vanhu vekune imwe nyika vari kuparadza nyika yenyu pamberi penyu chaipo.+ Yaparara senyika yakundwa nevanhu vekune imwe nyika.+  8  Mwanasikana weZiyoni asiyiwa akaita sedumba riri mumunda wemizambiringa,Sekaimba kari mumunda wemagaka,Seguta rakombwa.+  9  Kudai Jehovha wemauto asina kuita kuti pave nevashoma vedu vanopona,Tingadai takaita seSodhomu,Uye tingadai takafanana neGomora.+ 10  Inzwai shoko raJehovha, imi vatongi vane udzvinyiriri* veSodhomu.+ Teererai mutemo* waMwari wedu, imi vanhu veGomora.+ 11  “Zvibayiro zvenyu zvakawanda zvinondibatsirei?”+ anodaro Jehovha. “Handichadi zvibayiro zvenyu zvinopiswa zvemakondohwe+ nemafuta emhuka dzakakodzwa,+Uye handifadzwi neropa+ remikono yenyu midiki yemombe+ nemakwayana nembudzi.+ 12  Pamunouya kuzomira pamberi pangu,+Ndiani akakukumbirai izvi,Zvekutsika-tsika zvivanze zvangu?+ 13  Chiregai kuunzazve mipiro yezviyo isina zvainobatsira. Rusenzi yenyu inondisemesa.+ Kugara kwemwedzi,+ masabata,+ kuronga magungano,+Ndaneta negungano renyu dzvene ramunoita asi muchiita zvemashiripiti.+ 14  Ndakavenga* mitambo yenyu yekugara kwemwedzi nemimwe mitambo yenyu. Zvava mutoro kwandiri;Ndaneta nekuzvitakura. 15  Uye pamunotambanudza zvanza zvenyu,Ndinokuvanzirai maziso angu.+ Kunyange muchiita minyengetero mizhinji,+Handisi kuiteerera;+Maoko enyu azere neropa.+ 16  Zvigezei, zvichenesei;+Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu;Siyai zvakaipa.+ 17  Dzidzai kuita zvakanaka, tsvagai kururama,+Ruramisai anodzvinyirira,Rwirai kodzero dzenherera,Uye miririrai chirikadzi.”+ 18  “Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,” anodaro Jehovha.+ “Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri,Zvichacheneswa sechando;+Kunyange zvazvo zvakatsvuka semucheka mutsvuku,Zvichaita semvere dzemakwai. 19  Kana mukava nechido uye mukateerera,Muchadya zvinhu zvakanaka zvenyika yacho.+ 20  Asi kana mukaramba, mopanduka,Muchaparadzwa nebakatwa,+Nekuti muromo waJehovha wazvitaura.” 21  Guta riya rakatendeka+ zvarava pfambi!+ Rakanga rizere nevanotevedzera mutemo;+Kururama kwaimbogara mariri,+Asi iye zvino mava nemhondi.+ 22  Sirivha yako yava marara,+Uye doro rako* radirwa mvura. 23  Machinda ako akaoma musoro uye ishamwari dzembavha.+ Ese zvawo anoda chiokomuhomwe uye anotoita zvekudzingirira zvipo.+ Havatongi nyaya dzenherera zvakanaka,Uye nyaya inounzwa nechirikadzi haitombosviki kwavari.+ 24  Saka Ishe wechokwadi, iye Jehovha wemauto,Iye Ane Simba waIsraeri, anoti: “Zvakwana! Ndichazvibvisira vavengi vangu,Uye ndichatsiva vavengi vangu.+ 25  Ndichakurwisa neruoko rwangu,Ndichabvisa tsvina* iri pauri sezvinoitwa nesipo,Uye ndichabvisa zvese zvisina kuchena pauri.+ 26  Ndichadzorera vatongi vako sezvazvaiva pakutangaUye vanachipangamazano vako sezvazvaiva pakutanga.+ Pashure peizvi uchanzi Guta reKururama, Guta Rakatendeka.+ 27  Ziyoni richadzikinurwa nekururama,+Uye vaya vanodzoka kwariri vachadzikinurwawo nekururama. 28  Vapanduki nevatadzi vachaparadzwa pamwe chete,+Uye vaya vanosiya Jehovha vachapera.+ 29  Nekuti vaya vaida miti mikuru yamaida vachanyara,+Uye muchashaya pekupinda nemhaka yeminda* yamakasarudza.+ 30  Nekuti muchaita semuti mukuru une mashizha ari kusvava,+Uye semunda usina mvura. 31  Murume ane simba achava shinda,*Uye basa rake richava kamoto kari kuputika;Zvese zviri zviviri zvichatsva pamwe chete,Pasina anozvidzimura.”

Mashoko Emuzasi

^ Kureva kuti “Ruponeso rwaJehovha.”
^ Kana kuti “havazivi tenzi wavo.”
^ ChiHeb., “kusvinwa.”
^ Kana kuti “imi vatongi.”
^ Kana kuti “murayiro.”
^ Kana kuti “Mweya wangu wakavenga.”
^ Kana kuti “doro rako regorosi.”
^ Pano pari kureva zvinoitwa panonyungudutswa simbi painenge ichinatswa.
^ Panenge pari kureva miti neminda yaiva nechekuita nekunamata zvidhori.
^ Shinda isinganonoki kubata moto.