Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvibayiro Zvokurumbidza Zvinofadza Jehovha

Zvibayiro Zvokurumbidza Zvinofadza Jehovha

Zvibayiro Zvokurumbidza Zvinofadza Jehovha

“Mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari.”—VAROMA 12:1.

1. Bhaibheri rinotii nezvokukosha kune mwero kwezvibayiro zvaiitwa muMutemo waMosesi?

“MUTEMO zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya, asi kwete zvinhu zvacho chaizvoizvo, vanhu havangambogoni kuita kuti avo vanoswedera vakwane nezvibayiro zvakafanana zvavanogara vachipa gore negore.” (VaHebheru 10:1) Ipapo, mukutaura kumwe kwakasimba, muapostora Pauro anosimbisa kuti zvibayiro zvose zvaipiwa muMutemo waMosesi zvakanga zvisina kukosha zvechigarire pakuponeswa kwomunhu.—VaKorose 2:16, 17.

2. Nei zvichibatsira kuedza kunzwisisa mashoko ari muBhaibheri anotaura nezvezvinopiwa uye zvibayiro?

2 Izvi zvinoreva here kuti mashoko ari muMabhuku Mashanu Okutanga eBhaibheri anotaura nezvezvinopiwa uye zvibayiro haakoshi kuvaKristu nhasi? Chaizvoizvo, kwenguva inoti darikei gore, vanhu vakanyoreswa muChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari muungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose vakarava mabhuku mashanu okutanga eBhaibheri munguva pfupi ichangobva kupfuura. Vamwe vakaedza nokushingaira kurava ndokunzwisisa mashoko acho ose. Zvose zvavaiita zvakanga zvisingabatsiri here? Zvechokwadi hazvingadaro, nokuti “zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorwa kuti tidzidze, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro tive netariro.” (VaRoma 15:4) Naizvozvo mubvunzo ndowokuti, Muchitsama chamashoko iwayo ari muMutemo anotaura nezvezvinopiwa uye zvibayiro tinga“dzidze”i uye tinga“nyaradz[w]a” sei nawo?

Kuti Tidzidze uye Tinyaradzwe

3. Chii chatinoda zvikuru?

3 Kunyange zvazvo tisingafaniri kupa zvibayiro chaizvo munzira inotaurwa noMutemo, tichiri kuda kwazvo izvo vaIsraeri vaiitirwa nezvibayiro munzira duku, kureva kuti, kukanganwirwa zvivi zvedu nokuwana nyasha dzaMwari. Sezvo tisingachapi zvibayiro chaizvoizvo, tingabatsirwa sei zvakadaro? Ataura nezvezvakanga zvisingakwanisi kuitwa nezvibayiro zvemhuka, Pauro anozivisa kuti: “[Jesu] paanouya munyika anoti: ‘Hamuna kuda chibayiro nechinopiwa, asi makandigadzirira muviri. Hamuna kutendera zvinopiwa zvinopiswa zvakakwana nechinopiwa chechivi.’ Ipapo ndakati, ‘Tarirai! ndauya (mumupumburu webhuku makanyorwa nezvangu) kuzoita kuda kwenyu, Haiwa Mwari.’”—VaHebheru 10:5-7.

4. Pauro anoshandisa sei Pisarema 40:6-8 kuna Jesu Kristu?

4 Achitora mashoko ePisarema 40:6-8, Pauro anoti Jesu haana kuuya kuti azopfuudzira “chibayiro nechinopiwa,” “zvinopiwa zvinopiswa zvakakwana nechinopiwa chechivi,” zvose zvakanga zvisingachatenderwi naMwari pakazonyora Pauro mashoko aya. Panzvimbo pezvo, Jesu akauya nomuviri wakagadzirirwa naBaba vake vokudenga, waienderana muzvose nowakagadzirirwa naMwari apo Iye akasika Adhamu. (Genesi 2:7; Ruka 1:35; 1 VaKorinde 15:22, 45) Zvaari Mwanakomana wakakwana waMwari, Jesu ndiye aiva “mbeu” yomukadzi, sezvakafanotaurwa pana Genesi 3:15, NW. Aizotora matanho kuti a‘pwanye Satani musoro,’ kunyange Jesu pachake acha‘pwanywa chitsitsinho.’ Nenzira iyi, Jesu akava nzira yakagoverwa naJehovha yokuponesa vanhu, kwaitarisirwa navarume vokutenda kubvira mumazuva aAbheri.

5, 6. Ndeipi nzira iri nani yokutaura naMwari iripo kuvaKristu?

5 Achitaura nezvebasa iri rinokosha rakaitwa naJesu, Pauro anoti: “Iye asina kuziva chivi [Mwari] akamuita kuti ave chivi nokuda kwedu, kuti tive kururama kwaMwari nekwaari.”—2 VaKorinde 5:21. Mashoko okuti “akamuita kuti ave chivi” angashandurwawo kuti ‘akaitwa sechinopiwa chezvivi.’ Muapostora Johani anoti: “Iye chibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu, asi kwete wezvedu bedzi asi wezvenyika yosewo.” (1 Johani 2:2) Saka, nepo vaIsraeri vaiva nenzira isiri yechigarire yokutaura nayo naMwari nezvibayiro zvavo, vaKristu vane nzira iri nani yokuenda kuna Mwari—chibayiro chaJesu Kristu. (Johani 14:6; 1 Petro 3:18) Kana tikatenda muchibayiro chorudzikinuro chakagoverwa naMwari ndokumuteerera, isuwo tingakanganwirwa zvivi zvedu ndokuwana nyasha dzaMwari nechikomborero. (Johani 3:17, 18) Izvozvo hazvinyaradzi here? Zvisinei, tingaratidza sei kuti tinotenda muchibayiro chorudzikinuro?

6 Atsanangura kuti vaKristu vane nzira iri nani yokuenda kuna Mwari, muapostora Pauro anotaura nzira nhatu dzatingaratidza nadzo kutenda kwedu nokuonga gadziriro yaMwari yorudo, sezvatinorava pana VaHebheru 10:22-25. Kunyange zvazvo zano raPauro raitaurirwa kunyanya vaya vano“pinda munzvimbo tsvene”—kureva vaKristu vakazodzwa vanoenda kudenga—chokwadi vanhu vose vanofanira kuteerera mashoko aPauro akafuridzirwa kana vachida kubatsirwa nechibayiro chaJesu cheyananiso.—VaHebheru 10:19.

Ipa Zvibayiro Zvakachena uye Zvisina Kusvibiswa

7. (a) VaHebheru 10:22 inoratidza sei zvaiitwa pachibayiro? (b) Chii chaifanira kuitwa kuva nechokwadi chokuti chibayiro chaigamuchirwa naMwari?

7 Chokutanga, Pauro anokurudzira vaKristu kuti: “Ngatiswederei nemwoyo yechokwadi tiine chivimbo chakazara chokutenda, mwoyo yedu yasaswa pahana yakaipa uye miviri yedu yashambidzwa nemvura yakachena.” (VaHebheru 10:22) Mashoko anoshandiswa pano anonyatsoratidza zvaiitwa muchibayiro chaicho muMutemo. Izvi zvakakodzera nokuti kuti chibayiro chigamuchirwe, chaifanira kupiwa nevavariro yakarurama uye chiri chinhu chakachena uye chisina kusvibiswa. Mhuka yechibayiro yaitorwa padanga remombe kana boka ramakwai, kureva kuti mhuka dzakachena, uye dzaiva dzi“sina mhosva,” dzisina kuremara. Kana chibayiro chacho chaiva cheshiri, chaifanira kuva chenjiva kana manyana enjiva. Kana zvinodiwa izvozvo zvaiitwa, ‘chaifanira kugamuchirwa panzvimbo yake, chimuyananisire.’ (Revhitiko 1:2-4, 10, 14; 22:19-25) Chinopiwa choupfu chakanga chisina mbiriso, inoratidza kushatiswa; chaisazovawo nouchi, zvimwe kureva muto womuchero, unokwanisa kuvirisa. Apo zvibayiro zvacho—mhuka kana upfu—zvaipiwa paatari, munyu, unochengetedza, wairungwa.—Revhitiko 2:11-13.

8. (a) Munhu aipa chinopiwa aifanira kunge akaita sei? (b) Tingava sei nechokwadi chokuti kunamata kwedu kunogamuchirwa naJehovha?

8 Zvakadini nomunhu anopa chinopiwa chacho? Mutemo waiti ani naani aiuya pamberi paJehovha aifanira kuva akachena uye asina kusvibiswa. Mumwe munhu akanga asvibiswa nokuda kwechikonzero chipi nechipi aifanira kutanga kupa chinopiwa chezvivi kana kuti chemhosva kuti adzorere ukama hwake hwakachena naJehovha kuitira kuti chinopiwa chake chinopiswa kana kuti chibayiro chokuyananisa chigamuchirwe Naye. (Revhitiko 5:1-6, 15, 17) Naizvozvo, tinonzwisisa kukosha kwokuramba tiine ukama hwakachena naJehovha here? Kana tichida kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naMwari, tinofanira kukurumidza kururamisa kutyorwa kwemitemo yaMwari kupi nokupi. Tinofanira kukurumidza kushandisa zvatakapiwa naMwari zvokutibatsira—“varume vakuru veungano” uye “chibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu,” Jesu Kristu.—Jakobho 5:14; 1 Johani 2:1, 2.

9. Musiyanoi mukuru uripo pakati pezvibayiro zvaiitirwa Jehovha nezviya zvaipiwa kune vanamwari venhema?

9 Kutaura zvakanyanya nezvokusasvibiswa kupi nokupi chaizvoizvo ndikwo kwaiita kuti zvibayiro zvaipiwa kuna Jehovha zvisiyane zvikuru nezviya zvaipiwa kune vanamwari venhema navanhu vaiva mumarudzi akanga akapoteredza Israeri. Richitaura pamusoro pokusiyana uku kwezvibayiro zvaiitwa muMutemo waMosesi, rimwe bhuku rinoti: “Tingacherechedza kuti hapana kubatana kwazvakaita nokushopera; hapana kupengereka kwechitendero, kuzvikuvadza, kana kuti upfambi hunoyera, tsika dzembereko dzenyika uye dzinoitwa mumitambo isingadzorwi dzichirambidzwa zvachose; hapana kubayirwa kwavanhu; hapana kuitira vakafa zvibayiro.” Zvose izvi zvinoratidza chokwadi chimwe chete: Jehovha mutsvene, uye haaregereri kana kutendera chivi kana kuti kushatiswa kwose. (Habhakuki 1:13) Kunamata uye zvibayiro zvinoitwa kwaari zvinofanira kuva zvakachena uye zvisina kusvibiswa—mumuviri, mutsika, uye mumudzimu.—Revhitiko 19:2; 1 Petro 1:14-16.

10. Maererano nezano raPauro riri pana VaRoma 12:1, 2, kuzviongorora kworudzii kwatinofanira kuzviita?

10 Tichitarira izvi, tinofanira kuzviongorora zvakasimba mumativi ose oupenyu kuti tive nechokwadi chokuti basa redu ratinoitira Jehovha rinogamuchirwa naye. Hatimbofaniri kufunga kuti chero tiri kupindawo misangano yechiKristu nokuitawo ushumiri, zvatinoita muupenyu hwedu tiri toga hazvina basa. Hatifaniriwo kufunga kuti kuita kwedu mabasa echiKristu kunotisunungura neimwe nzira pakuteerera mitemo yaMwari mune zvimwe zvinhu zvoupenyu hwedu. (VaRoma 2:21, 22) Hatingatarisiri chikomborero nenyasha dzaMwari kana tichibvumira chinhu chipi nechipi chisina kuchena kana chakasvibiswa mukuona kwake kuti chishatise kufunga kwedu kana kuti zviito. Rangarira mashoko aPauro anoti: “Ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari, basa dzvene nesimba renyu rokufunga. Uye musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.”—VaRoma 12:1, 2.

Ipa Zvibayiro Zvokurumbidza Nomwoyo Wose

11. Chii chinobatanidzwa mumashoko okuti “kuzivisa kwepachena,” anotaurwa pana VaHebheru 10:23?

11 Achinyorera vaHebheru, Pauro anotevera kutaura nezvechimwe chinhu chinokosha chokunamata kwechokwadi achiti: “Ngatibatisisei kuzivisa kwepachena tariro yedu tisingazununguki, nokuti iye akapikira akatendeka.” (VaHebheru 10:23) Mashoko okuti “kuzivisa kwepachena” anoreva kuti “kureurura,” uye Pauro anotaurawo nezve“chibayiro chokurumbidza.” (VaHebheru 13:15) Izvi zvinotiyeuchidza nezvorudzi rwechibayiro chakapiwa navarume vakadai saAbheri, Noa, uye Abrahamu.

12, 13. MuIsraeri aibvumei paaipa chibayiro chinopiswa, uye tingaitei kuti tiratidze mafungiro akadaro?

12 Apo muIsraeri aipa chibayiro chinopiswa, zvaiitwa “nokuzvidira kwake pamberi paJehovha.” (Revhitiko 1:3, NW) Nechibayiro chakadaro, aizivisa pachena nokuzvidira, kana kuti kubvuma, zvikomborero zvakawanda zvaJehovha nomutsa une rudo waanoitira vanhu vake. Yeuka kuti chinhu chakasiyana chechibayiro chinopiswa chaiva chokuti chinopiwa chose chaipiswa paatari—muenzaniso wakakodzera wokuzvipira nokuzvitsaurira zvakakwana. Kufanana naizvozvo, tinoratidza kutenda kwedu muchibayiro chorudzikinuro nokuonga kwedu gadziriro iyoyo patinopa tichizvidira uye nomwoyo wose “chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo,” kuna Jehovha.

13 Nepo vaKristu vasingapi zvibayiro chaizvoizvo—mhuka kana miriwo—vane basa rokupupurira mashoko akanaka oUmambo nokuita vadzidzi vaJesu Kristu. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Unoshandisa mikana yokuzivisawo pachena mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuti vamwe vanhu vakawanda vagone kusvika pakuziva zvinhu zvinoshamisa izvo Mwari akachengetera vanhu vanoteerera here? Unoshandisa nguva yako nesimba nokuzvidira mukudzidzisa vanofarira nokuvabatsira kuva vadzidzi vaJesu Kristu here? Kuitawo kwedu ushumiri tichishingaira, kufanana nohwema hunonhuwirira hwechinopiwa chinopiswa, kunofadza Mwari zvikuru.—1 VaKorinde 15:58.

Fara Mukushamwaridzana naMwari Navanhu

14. Mashoko aPauro ari pana VaHebheru 10:24, 25 anofanana sei nepfungwa yechibayiro chokuyananisa?

14 Chokupedzisira, Pauro anotaura nezvoukama hwedu navamwe vaKristu sezvatinonamata Mwari. “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”—VaHebheru 10:24, 25. Mashoko okuti “kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo,” “kuungana kwedu,” uye “tikurudzirane” ose anotiyeuchidza nezveizvo chibayiro chokuyananisa muIsraeri chaiitira vanhu vaMwari.

15. Kufananai kwatinoona pakati pechibayiro chokuyananisa nemisangano yechiKristu?

15 Mashoko okuti “chibayiro chokuyananisa” dzimwe nguva anoshandurwa kuti “zvinopiwa zvorugare.” Shoko rechiHebheru rokuti “rugare” pano riri muzvizhinji, zvimwe zvichireva kuti kubatanidzwa muzvibayiro zvakadaro kunoguma norugare naMwari uye nevatinonamata navo. Ichitaura nezvechibayiro chokuyananisa, imwe nyanzvi inoti: “Iyi chokwadi yaiva nguva yokufara kusonganirana naMwari weSungano, paaidzika kuti ave Mueni waIsraeri pazvokudya zvechibayiro, kunyange zvaakanga Ari Mugamuchiri wavo nguva dzose.” Izvi zvinotiyeuchidza nezvechipikirwa chaJesu chokuti: “Pane vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ndiripo pakati pavo.” (Mateu 18:20) Nguva dzose dzatinopinda musangano wechiKristu, tinobatsirwa nokusonganirana kunovaka, murayiridzo unokurudzira, uye nepfungwa yokuti Ishe wedu Jesu Kristu aripo nesu. Izvozvo zvinoita kuti musangano wechiKristu uve nguva inofadza zvechokwadi uye inosimbisa kutenda.

16. Tichifunga nezvezvibayiro zvokuyananisa, chii chinoita kuti misangano yechiKristu inyanye kunakidza?

16 Muchibayiro chokuyananisa, mafuta ose,—akaputira ura, itsvo, nyama iri pachiropa, uye muchiuno, uyewo muswe wehwai une mafuta—aipiwa kuna Jehovha nokupiswa, achiitwa kuti apfungaire paatari. (Revhitiko 3:3-16) Mafuta ainzi ndiwo chinhu chaivaka muviri zvikuru uye chakanga chakanakisisa pamhuka. Kuapa paatari kwaifananidzira kupa zvakanakisisa kuna Jehovha. Chinoita kuti misangano yechiKristu inyanye kufadza ndechokuti hatingogamuchiri murayiridzo chete asi tinorumbidzawo Jehovha. Izvi tinozviita nokubatanidzwawo—tichizvininipisa asi sezvatinogona—mukuimba zvinobva mumwoyo, kunyatsoteerera, uye kutsinhira pazvinenge zvichiita. “Hareruya!” akadanidzira kudaro munyori wepisarema. “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokurumbidzwa kwake paungano yavatsvene.”—Pisarema 149:1.

Zvikomborero Zvakawanda Zvinobva Kuna Jehovha Zvakatimirira

17, 18. (a) Soromoni akaita chibayiroi chikuru pakutsaurirwa kwetemberi muJerusarema? (b) Mutambo wakaitwa pakutsaurirwa kwetemberi wakaguma nokukomborerwa kwavanhu nechii?

17 Pakutsaurirwa kwetemberi muJerusarema, mumwedzi wechinomwe wegore ra1026 B.C.E., Mambo Soromoni akapa “zvibayiro pamberi paJehovha,” zvaisanganisira “chinopiwa chinopiswa, nechinopiwa choupfu, namafuta ezvinopiwa zvokuyananisa.” Pamusoro pezvakapiwa zviri chinopiwa choupfu, mombe 22 000 namakwai 120 000 zvakabayirwa pachiitiko ichocho.—1 Madzimambo 8:62-65.

18 Ungafungidzira here mari nebasa zvakapedzerwa mumutambo mukuru wakadaro? Asi, zvikomborero zvakagamuchirwa naIsraeri pasina mubvunzo zvakapfuura nokure zvose zvakashandiswa. Pamagumo omutambo wacho, Soromoni “akaendesa vanhu, ivo vakatenda mambo, vakaenda kumatende avo nemwoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa Dhavhidhi muranda wake naIsraeri vanhu vake naJehovha.” (1 Madzimambo 8:66) Chokwadi, sokutaura kwakaita Soromoni, “kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa, kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.”—Zvirevo 10:22.

19. Chii chatingaita kuti tigamuchire zvikomborero zvakaisvonaka zvinobva kuna Jehovha iye zvino uye nokusingaperi?

19 Tiri kurarama panguva apo “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya” wakatsiviwa ne“zvinhu zvacho chaizvoizvo.” (VaHebheru 10:1) Jesu Kristu, achiita basa roMupristi Mukuru aifananidzirwa, akatopinda mudenga chaimo akapa ukoshi hweropa rake pachake kuti ayananise vose vanotenda muchibayiro chake. (VaHebheru 9:10, 11, 24-26) Nemhaka yechibayiro chikuru ichocho uye nokupa Mwari nomwoyo wose zvibayiro zvokurumbidza zvakachena uye zvisina kusvibiswa, nesuwo tinogona kupfuurira ‘nemwoyo inofara,’ tichitarira mberi kuzvikomborero zvakawanda zvinobva kuna Jehovha.—Maraki 3:10.

Ungapindura Sei?

• Mumashoko ari muMutemo anotaura nezvezvinopiwa uye zvibayiro tingadzidzei uye tinganyaradzwa sei nawo?

• Chii chokutanga chinodiwa kuti chibayiro chigamuchirwe, uye izvozvo zvinorevei kwatiri?

• Chii chatingapa chinofananidzwa nechinopiwa chinopiswa chokuzvidira?

• Misangano yechiKristu ingafananidzwa nechinopiwa chokuyananisa pakudii?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Chibayiro chaJesu chorudzikinuro chakagoverwa naJehovha kuti vanhu vaponeswe

[Mufananidzo uri papeji 20]

Kuti basa redu rigamuchirwe naJehovha, tinofanira kunge tisina kana kumbosvibiswa

[Mufananidzo uri papeji 21]

Tinobvuma kunaka kwaJehovha pachena patinopinda muushumiri