Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chenjerera Misungo yaDhiyabhorosi!

Chenjerera Misungo yaDhiyabhorosi!

Chenjerera Misungo yaDhiyabhorosi!

“[Budai] mumusungo waDhiyabhorosi.”—2 TIM. 2:26.

UNGAPINDURA SEI?

Unofanira kuzviongorora sei kana uine katsika kekungoda kutaura zvakaipa nezvevamwe?

Unogona kudzidzei pane zvakaitwa naPirato uye naPetro panyaya yokutya uye kuitiswa zvausingadi?

Ungaitei kuti usanzwa uine mhosva zvakanyanyisa?

1, 2. Misungo ipi yaDhiyabhorosi yatichakurukura munyaya ino?

DHIYABHOROSI anoronda vashumiri vaJehovha kuti avabate. Chinangwa chake hachisi chokuvauraya sezvinoita muvhimi wemhuka. Chinangwa chake ndechokubata munhu ari mupenyu kuti amushandise zvaanoda.—Verenga 2 Timoti 2:24-26.

2 Muvhimi anogona kushandisa chiteyeso chorudzi rwakati kuti abate mhuka iri mhenyu. Angaita kuti mhuka ibve payakahwanda ichinopinda mumusungo. Kana kuti angashandisa chiteyeso chinenge chakavanzwa, chokuti mhuka ikadhingura, inobva yabatwa yakavarairwa. Dhiyabhorosi anoita zvakafanana kuti abate vashumiri vaMwari vari vapenyu. Kana tisingadi kubatwa, tinofanira kugara tichitarira-tarira kuti tione kana paine zvinoratidza kuti pedyo pane pakateyiwa musungo naSatani tobva taudzivisa. Nyaya ino ichakurukura kungwarira kwatingaita misungo mitatu yave ichishandiswa naDhiyabhorosi kubata vamwe vevanhu vaMwari. Misungo yacho ndeiyi (1) kutadza kuzvidzora pakutaura, (2) kutya uye kumanikidzwa kuita zvausingadi, uye (3) kunzwa uine mhosva zvakanyanyisa. Nyaya inotevera ichakurukura mimwe misungo miviri yaSatani.

DZIMA MOTO UNOTUNGIDZWA NOKUTADZA KUZVIDZORA PAKUTAURA

3, 4. Kutadza kudzora rurimi kungaguma nei? Ipa muenzaniso.

3 Kuti abudise mhuka madzinenge dzakahwanda, muvhimi angapisa chisango, otanga kudzibata padzinenge dzichiedza kutiza. Dhiyabhorosi angadawo kuita zvakafanana nokutungidza moto muungano yechiKristu. Kana akabudirira, anogona kubudisa vanhu munzvimbo iyoyo yakachengeteka vachinowira mumaoko ake. Tingatsigira sei zvido zvake tisingazivi kuti ndizvo zvatiri kuita obva atibata mumusungo wake?

4 Mudzidzi Jakobho akafananidza rurimi nemoto. (Verenga Jakobho 3:6-8.) Kana tikatadza kudzora rurimi rwedu, tingaita setatungidza moto muungano. Zvingadaro sei? Funga muenzaniso uyu: Pamusangano weungano paziviswa kuti imwe hanzvadzi yava piyona wenguva dzose. Musangano wacho wapera, vaparidzi vaviri vanokurukura nezvechiziviso chacho. Mumwe anoti ari kufara chaizvo uye anoti dai piyona uyu mutsva akabudirira pabasa rake. Asi mumwe wacho anotanga kumushora achiti ari kungoda kuonekwa muungano. Waizoda kuva shamwari yemuparidzi upi pavaviri ava? Zviri nyore kuona kuti ndeupi angangotungidza moto muungano nezvaanotaura.

5. Kuti tidzime moto unotungidzwa nokutadza kuzvidzora pakutaura, zvingava zvakanaka kuti tizviongorore sei?

5 Tingadzima sei moto unotungidzwa nokutadza kuzvidzora pakutaura? Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mat. 12:34) Saka danho rokutanga nderokuongorora mwoyo wedu. Tinodzivisa here pfungwa dzisina kunaka dzingaita kuti titaure zvinokuvadza vamwe? Somuenzaniso, patinonzwa kuti imwe hama iri kuvavarira kuita zvakawanda muungano, tinokurumidza here kufunga kuti iri kuita zvakanaka, kana kuti tinoifungira kuti ine zvairi kutsvaka? Kana tiine katsika kekufungira vamwe zvisizvo, zvakanaka kuyeuka kuti Dhiyabhorosi akafungira zvisizvo mushumiri waMwari akatendeka Jobho. (Job. 1:9-11) Pane kungofungira hama yedu, zvingava zvakanaka kufunga nezvechiri kuita kuti tidaro. Tine chikonzero chakanaka chokuti tidaro here? Kuti mwoyo wedu ungave wakakanganiswa nemuchetura wokusada vamwe uri kwose kwose mazuva ano okupedzisira here?—2 Tim. 3:1-4.

6, 7. (a) Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvingaita kuti tishore vamwe? (b) Tinofanira kuita sei kana tikatukwa?

6 Funga zvimwe zvikonzero zvingaita kuti tifungire vamwe zvisizvo. Chimwe chingava chokuti tinoda kuti zvatinoita isusu zvinyanye kuonekwa nevamwe. Tingava tichitoedza kuzvisimudzira nokudzikisira vamwe pasi. Kana kuti tingave tatadza kuita zvakanaka zvaitwa nemumwe asi toedza kuvhariridza nokumushora. Zvisinei nokuti tiri kutaura zvakaipa nezvemumwe pamusana pokudada, godo, kana kuti kusava nechivimbo, migumisiro yacho inoparadza.

7 Pamwe tinofunga kuti tine chikonzero chakanaka chokushora mumwe munhu. Zvimwe munhu wacho akambotaura zvakaipa nezvedu. Kana zvakadaro, kudzosera hakusi iko kugadzirisa nyaya. Kuita izvozvo kunongowedzera moto wacho uye kunosimudzira zvido zvaDhiyabhorosi, kwete zvaMwari. (2 Tim. 2:26) Zvakanaka kuti titevedzere Jesu panyaya iyi. Paaitukwa, “haana kutanga kutukawo.” Asi “akaramba achizviisa kune uya anotonga zvakarurama.” (1 Pet. 2:21-23) Jesu aiva nechivimbo chokuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu nenguva yake uye sezvaaida. Tinofanirawo kuvimba naMwari saizvozvo. Patinotaura zvinovaka, tinobatsira kuchengetedza “chisungo chorugare” muungano.—Verenga VaEfeso 4:1-3.

NZVENGA MUSUNGO WOKUTYA UYE KUMANIKIDZWA KUITA ZVAUSINGADI

8, 9. Nei Pirato akatongera Jesu rufu?

8 Mhuka inenge yabatwa nomusungo inoshaya rusununguko rwokufamba. Saizvozvowo, munhu anotya uye anobvuma kuitiswa zvaasingadi anorasikirwa norumwe rusununguko rwokuita zvaanoda muupenyu. (Verenga Zvirevo 29:25.) Ngatikurukurei mienzaniso yevarume vaviri vainge vakasiyana chaizvo vakatya uye vakabvuma kuita zvavaisada, toona zvatinodzidza.

9 Gavhuna weRoma ainzi Pondiyo Pirato aiziva kuti Jesu ainge asina mhosva uye zvaiva pachena kuti aisada kumukuvadza. Akatotaura kuti Jesu haana “chaakaita chakakodzera rufu.” Zvisinei, akamutongera rufu. Akazviitirei? Nokuti akamanikidzwa nemhomho yevanhu. (Ruka 23:15, 21-25) Vanhu vakaedza kumanikidza Pirato kuti aite zvavaida nokushevedzera kuti: “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari.” (Joh. 19:12) Pirato angangodaro aityira kuti kana akatsigira Kristu, aizotorerwa chinzvimbo chake, kana kutourayiwa. Saka akabvuma kuitiswa zvaidiwa naDhiyabhorosi.

10. Chii chakaita kuti Petro arambe Kristu?

10 Muapostora Petro aiva mumwe weshamwari dzaJesu dzepedyo. Akataura pane vamwe kuti Jesu aiva Mesiya. (Mat. 16:16) Petro akaramba akavimbika vamwe vadzidzi pavasina kunzwisisa zvakataurwa naJesu vakabva vamusiya. (Joh. 6:66-69) Uye vavengi pavakauya kuzosunga Jesu, Petro akashandisa bakatwa kudzivirira Tenzi wake. (Joh. 18:10, 11) Zvisinei, pava paya, Petro akatya uye akatoti aisaziva Jesu Kristu. Kwechinguva, muapostora uyu akabatwa nomusungo wokutya vanhu uye akaurega uchimutadzisa kuita zvairatidza kuti ainge akashinga.—Mat. 26:74, 75.

11. Ndezvipi zvinhu zvisina kunaka zvatingafanira kurwisana nazvo?

11 SevaKristu, hatifaniri kubvuma kuitiswa zvinhu zvisingafadzi Mwari. Vatinoshandira kana kuti vamwe vangaedza kuita kuti tiite zvechitsotsi kana kuti vangada kuti tiite zveunzenza. Vana vechikoro vangafurirwa nevamwe kuti vabiridzire pabvunzo, kuti vaone zvinonyadzisira, vapute fodya, vashandise madhiragi, vanwe doro, kana kuti vaite zvounzenza. Saka chii chingatibatsira kunzvenga musungo wokutya uye kuitiswa zvisingafadzi Jehovha?

12. Tinodzidzei pane zvakaitwa naPirato uye naPetro?

12 Regai tione zvatinogona kudzidza pane zvakaitwa naPirato uye naPetro. Pirato aisaziva zvakawanda nezvaKristu. Kunyange zvakadaro, aiziva kuti Jesu aisava nemhosva uye kuti aisava munhuwo zvake. Asi Pirato aisazvininipisa uye aisada Mwari wechokwadi. Dhiyabhorosi akamubata zviri nyore ari mupenyu. Petro aiva nezivo yakarurama uye aida Mwari. Asi pane dzimwe nguva, aisava nemwero, aitya, uye aibvuma kuitiswa zvaaisada. Jesu asati asungwa, Petro akazvirova dundundu achiti: “Kunyange kana vamwe vose vakagumburwa, ini handizodaro.” (Mako 14:29) Muapostora wacho angadai akagadzirira miedzo yaiva mberi kudai akavimba naMwari sezvakaitwa nomunyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi. Munhu wepanyika angandiitei?” (Pis. 118:6) Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake pasi pano, Jesu akatora Petro nevamwe vaapostora vaviri, vakaenda mukatikati memunda weGetsemani. Asi pane kuramba vakamuka, Petro nevamwe vake vakatorara. Jesu akavamutsa akati: “Rambai makarinda muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mako 14:38) Asi Petro akararazve uye pava paya akatya, akaitiswa zvaaisada kuita.

13. Tingaitei kuti tisabvuma kuitiswa zvakaipa?

13 Zvakaitwa naPirato naPetro zvinogona kutipa chimwe chidzidzo chinokosha: Kuti tibudirire kusabvuma kuitiswa zvatisingadi, tinoda zivo yakarurama, kuzvininipisa, kuva nomwero, kuda Mwari, uye kutya Jehovha kwete vanhu. Kana kutenda kwedu kuchibva pazivo yakarurama, tichataura zvatinotenda takashinga tiine chivimbo. Izvi zvichatibatsira kuti tisatya vanhu uye tisaitiswe zvatisingadi. Chokwadi, hatifaniri kunyanya kuzvivimba. Asi tinofanira kuzvininipisa, tobvuma kuti tinoda simba raMwari kuti tisaitiswe zvatisingadi. Tinofanira kunyengeterera mudzimu waJehovha uye tinofanira kuita kuti kumuda kwatinoita kutipe chido chokutsigira zita rake nezvaanoda. Tinofanirawo kugara tagadzirira tisati tasangana nemuedzo. Somuenzaniso, kana vana vedu vakagara vagadzirira uye vanyengetera, izvozvo zvichavabatsira kusabvuma kuitiswa zvakaipa nevamwe vavo.—2 VaK. 13:7. *

DZIVISA RIVA ROKUNZWA UINE MHOSVA ZVAKANYANYA

14. Dhiyabhorosi angada kuti tifungei panyaya yezvatakakanganisa munguva yakapfuura?

14 Dzimwe nguva muvhimi angashandisa riva kubata mbeva. Mbeva isina kungwarira inodya nzungu yodhingura riva racho, yobva yapwanyiwa. Kunyanya kunzwa uine mhosva kungafananidzwa nedombo rinorema rinopwanya. Patinofunga zvatakakanganisa munguva yakapfuura, tinganzwa ‘tichinetseka chaizvo,’ kana kuti tichiita setapwanyiwa. (Verenga Pisarema 38:3-5, 8.) Satani angada kuti tifunge kuti hazvichaiti kuti Jehovha atinzwire ngoni uye hatikwanisi kuita zvaanoda.

15, 16. Ungadzivisa sei riva rokuva nemhosva zvakanyanyisa?

15 Ungaitei kuti usapwanyiwa neriva iri? Kana wakaita chivi chakakura, gadzirisa ukama hwako naJehovha iye zvino. Ona vakuru, uye kumbira kuti vakubatsire. (Jak. 5:14-16) Ita zvaunogona kuti ugadzirise zvawakakanganisa. (2 VaK. 7:11) Kana ukapiwa chirango, usaora mwoyo. Kurangwa kunoratidza kuti Jehovha anokuda. (VaH. 12:6) Chera kakomba wobva wati pu, handichadzokorori zvakandisvitsa pakuita chivi chacho. Pashure pokunge wapfidza uye watendeuka, tenda kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu zvechokwadi chinogona kufukidza zvikanganiso zvako.—1 Joh. 4:9, 14.

16 Vamwe vanhu vanoramba vachinzwa mhosva pamusana pezvivi zvavakasokanganwirwa kare. Kana zvirizvo zviri kuitika kwauri, yeuka kuti Jehovha akakanganwira Petro nevamwe vaapostora pavakatiza Mwanakomana wake anodiwa panguva yaainyanya kuda rubatsiro. Jehovha akakanganwira murume ainge adzingwa muungano yomuKorinde nemhosva youfeve husingatauriki asi akazopfidza. (1 VaK. 5:1-5; 2 VaK. 2:6-8) Shoko raMwari rinotaura nezvevanhu vaiva nezvitadzo zvakakura avo vakapfidza vakakanganwirwa naMwari.—2 Mak. 33:2, 10-13; 1 VaK. 6:9-11.

17. Rudzikinuro runogona kutiitirei?

17 Jehovha achakukanganwira, okanganwa zvawakatadza, kana ukanyatsopfidza wogamuchira ngoni dzake. Usambofunga kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu hachigoni kufukidza zvivi zvako. Kana ukafunga kudaro unenge wabatwa nechiteyeso chaSatani. Pasinei nokuti Dhiyabhorosi anoda kuti ufungei, chokwadi ndechokuti rudzikinuro runogona kufukidza zvivi zvevanhu vose vanopfidza. (Zvir. 24:16) Kutenda murudzikinuro kunogona kukubvisira mutoro wokunzwa uine mhosva zvakanyanyisa, uye kunogona kukupa simba rokushumira Mwari nemwoyo wose, pfungwa, nemweya.—Mat. 22:37.

MAZANO ASATANI TINOAZIVA

18. Tingadzivisa sei misungo yaDhiyabhorosi?

18 Satani haana basa nokuti atibata nemusungo upi, anongoda kutibata chete. Sezvo tichiziva mazano aSatani, tinogona kudzivisa kunyengerwa naye. (2 VaK. 2:10, 11) Kana tikanyengeterera uchenjeri hwokuti tikunde miedzo, hatizobatwi nemisungo yake kana kuti zviteyeso. Jakobho akanyora kuti, “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” (Jak. 1:5) Tinofanira kuita zvinoenderana neminyengetero yedu nokugara tichidzidza tiri toga uye nokushandisa Shoko raMwari. Mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri atinopiwa nomuranda akatendeka, akangwara, anoita kuti tione zviteyeso zvaDhiyabhorosi uye anotibatsira kuzvidzivisa.

19, 20. Nei tichifanira kuvenga zvakaipa?

19 Kunyengetera uye kudzidza Bhaibheri zvinoita kuti tide zvakanaka. Asi zvinokoshawo kuti tidzidze kuvenga zvakaipa. (Pis. 97:10) Kufungisisa migumisiro yokuita zvido zvoudyire kunogona kutibatsira kusazviita. (Jak. 1:14, 15) Kana tikadzidza kuvenga zvakaipa tonyatsoda zvakanaka, tichasemeswa nehwambo hunoshandiswa naSatani mumisungo yake; hatizombotorwi mwoyo nahwo.

20 Tinotenda zvechokwadi kuti Mwari anotibatsira kuti tisanyengerwa naSatani! Jehovha anoshandisa mudzimu wake, Shoko, uye sangano rake kutinunura “pane akaipa.” (Mat. 6:13) Munyaya inotevera, tichadzidza kudzivisa kwatingaita zvimwe zviteyeso zviviri zvave zvichishandiswa naDhiyabhorosi kubata vamwe vevashumiri vaMwari vari vapenyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Vabereki vangaita zvakanaka kana vakakurukura nevana vavo mapeji 132-133 akanzi “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe,” mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2. Zviri ipapo zvingashandiswa pamanheru oKunamata Kwemhuri.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kutadza kuzvidzora pakutaura kunogona kutungidza moto muungano

[Mufananidzo uri papeji 24]

Unogona kutura mutoro wokunzwa uine mhosva zvakanyanyisa