NYAYA YEKUDZIDZA 21

RWIYO 107 Muenzaniso waMwari Werudo

Zvaungaita Kuti Uwane Munhu Wekuroorana Naye

Zvaungaita Kuti Uwane Munhu Wekuroorana Naye

“Ndiani angawana mudzimai anoita zvakanaka? Anokosha kupfuura matombo ekorari nekure.”ZVIR. 31:10.

ZVATICHADZIDZA

Tichakurukura mazano eBhaibheri anobatsira munhu kuti awane wekuroorana naye akakodzera, uye kuti vamwe vari muungano vangatsigira sei vaya vanoda kupinda muwanano.

1-2. (a) MuKristu asiri muwanano anofanira kutanga afunga nezvei asati atanga kudanana nemumwe munhu? (b) Tinorevei kana tichiti vanhu vari “kudanana”? (Ona “Kutsanangurwa Kweshoko.”)

 UNODA kupinda muwanano here? Kunyange zvazvo wanano isiri iyo inokosha kuti munhu afare, vaKristu vakawanda vasiri muwanano vangava vadiki kana kuti vakura, vanotarisira kuwana munhu wekuroorana naye. Asi usati watanga kudanana nemumwe munhu, unofanira kunge uine ushamwari hwepedyo naJehovha, uchinyatsoziva zvauri, uye uchikwanisa kushandisa mari zvakanaka. a (1 VaK. 7:36) Kana zvakadaro, unogona kuzobudirira muwanano yako.

2 Asi hapasi pese pazviri nyore kuwana munhu wekuroorana naye akakodzera. (Zvir. 31:10) Uye kunyange kana ukawana munhu waunoda kuzivana naye zviri nani, zvingasava nyore kuti mutange kudanana. b Munyaya ino tichakurukura kuti chii chingabatsira muKristu kuti awane munhu waanofunga kuti anogona kuzoroorana naye votanga kufambidzana. Tichadzidzawo kuti vamwe vari muungano vangatsigira sei vaya vanoda kupinda muwanano.

KUWANA MUNHU WEKUROORANA NAYE AKAKODZERA

3. MuKristu asiri muwanano anofanira kufunga nezvei paanenge achitsvaga munhu wekuroorana naye?

3 Kana uchida kupinda muwanano, zvakanyanya kunaka kuti uzive zvauri kutsvaga pamunhu wekuroorana naye usati watanga kudanana nemumwe munhu. c Kana zvikasadaro, unogona kusiya munhu akakukodzera kana kutanga kudanana nemunhu asina kukukodzera. Munhu waunofanira kuroorana naye anofanira kunge ari muKristu akabhabhatidzwa. (1 VaK. 7:39) Asi haasi muKristu wese akabhabhatidzwa akakukodzera. Saka unogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndezvipi zvinangwa zvangu muupenyu? Zvinhu zvipi zvandinoona sezvinokosha pamunhu wekuroorana naye? Zvandiri kutarisira zvinoratidza kunzwisisa here?’

4. Ndezvipi zvinokumbirwa nevamwe muminyengetero yavo?

4 Kana uri kutsvaga wekuroorana naye, zviri pachena kuti wakanyengetera nezvazvo. (VaF. 4:6) Jehovha haana waanovimbisa kuti achamupa wekuroorana naye. Asi ane hanya nezvaunoda uye manzwiro ako, uye anogona kukubatsira kuti uwane wekuroorana naye. Saka ramba uchimuudza zvido zvako uye manzwiro ako. (Pis. 62:8) Nyengetera kuti uve nemwoyo murefu uye uchenjeri. (Jak. 1:5) Imwe hama isati yaroora yekuUnited States inonzi John d inotsanangura zvainotaura muminyengetero yayo ichiti: “Ndinoudza Jehovha unhu hwandinoda pamunhu wekuroorana naye. Ndinonyengeterera mikana yekusangana nemunhu akandikodzera. Ndinokumbirawo Jehovha kuti andibatsire kuti ndive neunhu huchaita kuti ndive murume akanaka.” Imwe hanzvadzi yekuSri Lanka inonzi Tanya inoti: “Pandinenge ndichitsvaga munhu wekuroorana naye ndinokumbira Jehovha kuti andibatsire kuti ndirambe ndakatendeka uye ndichifara.” Kunyange zvazvo ukasakurumidza kuwana munhu akakukodzera, Jehovha anovimbisa kuti acharamba achikupa zvaunoda pakurarama uye acharamba achikuda.—Pis. 55:22.

5. VaKristu vasati vapinda muwanano vane mikana ipi yekuonana nemunhu anoda Jehovha? (1 VaKorinde 15:58) (Onawo mufananidzo.)

5 Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive ‘nezvizhinji zvekuita mubasa raShe.’ (Verenga 1 VaKorinde 15:58.) Paunoramba uine zvakawanda zvekuita mubasa raJehovha uye uchiita nguva yakawanda nehama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana, uchakurudzirana nevamwe. Uyewo uchawana mikana yekusangana nevamwe vasiri muwanano, vakaisa pfungwa dzavo pakushumira Jehovha sezvawakaita. Uye paunoita zvese zvaunogona kuti ufadze Jehovha, uchawana mufaro wechokwadi.

Mifananidzo: 1. Hanzvadzi isina kuroorwa ichikurukura nehanzvadzi yechikuru pavari kushanda vese muushumiri. 2. Hanzvadzi iya isina kuroorwa iri kupa vanhu zvekudya pari kuvakwa chivakwa chesangano. 3. Hama isina kuroora yaenda nemumwe mukuru kunofudza murume nemudzimai pamba pavo. 4. Hama iya isina kuroora iri kushandisa muchina wekuchekesa zvinhu panzvimbo imwe chete iyoyo iri kuvakwa chivakwa chesangano.

Kana uine zvakawanda zvekuita mubasa raJehovha uye uchiva nenguva yakawanda nevaKristu vakasiyana-siyana, unogona kuonana nevamwe vanoda zvekupinda muwanano (Ona ndima 5)


6. MuKristu asati apinda muwanano anofanira kuyeukei paanenge achitsvaga wekuroorana naye?

6 Ngwarira kuti nyaya yekutsvaga wekuroorana naye isabva yava iyo inonyanya kukosha kwauri. (VaF. 1:10) Mufaro wechokwadi haubvi pakuti uri muwanano here kana kuti hausi, asi unobva paushamwari hwako naJehovha. (Mat. 5:3) Uye paunenge usati wapinda muwanano, unogona kunge uine mukana wakakura wekuwedzera ushumiri hwako. (1 VaK. 7:​32, 33) Shandisa nguva iyoyo nekuchenjera. Imwe hanzvadzi yekuUnited States inonzi Jessica iyo yakaroorwa yava kuda kusvitsa makore 40 inoti, “Ndakaramba ndiine zvakawanda zvekuita muushumiri, uye izvozvo zvakandibatsira kuti ndigutsikane pasinei nekuti ndaida kupinda muwanano.”

WANA NGUVA YEKUCHERECHEDZA

7. Nei kuri kuchenjera kuti utange waongorora mumwe munhu waunenge uchiona seakakodzera kuti udanane naye usati wamuudza manzwiro ako? (Zvirevo 13:16)

7 Asi ungaitei kana uchifunga kuti mumwe munhu akakodzera kuti uroorane naye? Unofanira kubva wangomuudza here kuti unomufarira? Bhaibheri rinoti munhu akachenjera anowana ruzivo asati aita chimwe chinhu. (Verenga Zvirevo 13:16.) Saka unenge waratidza kuti wakachenjera kana ukatanga waongorora mumwe munhu kwenguva yakati usati wamuudza manzwiro auri kuita. Imwe hama yekuNetherlands inonzi Aschwin inoti, “Zviri nyore kutanga kuda mumwe munhu, asiwo zviri nyore kunzwa usisamudi. Saka kana ukazvipa nguva yekuongorora mumwe munhu, hauzopfimbi mumwe munhu nekungoti chete watorwa mwoyo naye.” Uyewo paunenge uchiongorora mumwe munhu, unogona kuona kuti munhu wacho haana kukukodzera.

8. Munhu asati apinda muwanano angacherechedza sei munhu waanoona seakakodzera kupinda naye muwanano? (Onawo mufananidzo.)

8 Ungacherechedza sei mumwe munhu zvine ungwaru? Pamisangano yeungano kana kuti pamunenge muchitandara, unogona kuona kuti munhu wacho akasimba zvakadii pakunamata, ane unhu hwakaita sei, uye kuti maitiro ake akaita sei. Shamwari dzake ndivanaani, uye anowanzotaura nezvei? (Ruka 6:45) Zvinangwa zvake zvinoenderana nezvako here? Unogona kutaura nevakuru vemuungano yake, kana vamwe vaKristu vakasimba pakunamata vanonyatsomuziva. (Zvir. 20:18) Unogona kubvunza nezvemukurumbira wemunhu wacho uye unhu hwake. (Rute 2:11) Paunenge uchicherechedza munhu iyeye, iva nechokwadi chekuti hauzoiti kuti anzwe asina kusununguka. Remekedza manzwiro ake, uye usaedza kuva pese paanenge ari kana kuedza kuda kuziva zvese nezvake.

Mifananidzo: Hanzvadzi iya isina kuroorwa uye hama iya isina kuroora vatamboona pane mumwe mufananidzo vari kucherechedzana zvine ungwaru pamusangano weungano. 1. Hanzvadzi yacho iri kucherechedza kuti hama yacho inokurukura sei nemurume nemudzimai vakwegura. 2. Hama yacho iri kutarisawo hanzvadzi yacho ichipa hurukuro yemudzidzi pamusangano wepakati pevhiki.

Usati waudza mumwe munhu kuti unomufarira, imboita nguva uchimucherechedza zvine ungwaru (Ona ndima 7-8)


9. Usati wataura nemunhu waunoona seakakodzera, unofanira kunge uine chokwadi chei?

9 Unofanira kutora nguva yakareba sei uchicherechedza mumwe munhu usati wamuudza kuti unomufarira? Kana ukanyanya kukurumidza, angaona sekuti unoita zvinhu usati wanyatsofunga. (Zvir. 29:20) Asiwo kana munhu wacho akaona kuti unomufarira, iwe wotora nguva yakanyanya kureba usati wamuudza, angafunga kuti unonyanya kuzeza kuita zvisarudzo. (Mup. 11:4) Yeuka kuti usati wataura nemunhu wacho, haufaniri hako kunge utori nechokwadi chekuti uchapinda naye muwanano. Asi unofanira kunge uine chokwadi chekuti wagadzirira kupinda muwanano, uye kuti munhu wacho akakodzera kuroorana naye.

10. Unofanira kuitei kana ukaona kuti mumwe munhu ari kukufarira asi iwe usingadi zvekudanana naye?

10 Unofanira kuitei kana ukaona kuti mumwe munhu ari kukufarira? Kana usingamufariri, edza kuita kuti zvive pachena kuburikidza nezvaunoita. Hazvina kunaka kuita kuti mumwe munhu afunge kuti munogona kudanana asi iwe usingadi zvekudanana naye.—1 VaK. 10:24; VaEf. 4:25.

11. Kana ukakumbirwa kuti utsvagire mumwe munhu wekuroorana naye, zvii zvaunofanira kunyatsofunga nezvazvo?

11 Mune dzimwe nyika, vabereki kana kuti vamwe vanhu vakuru, vanogona kusarudzira uya anoda kupinda muwanano wekuroorana naye. Mune dzimwewo nyika, hama kana kuti shamwari dzinogona kuwana mumwe munhu wadzinoona seakakodzera kumumwe munhu asiri muwanano, dzoronga kuti vaviri ava vaonane kuitira kuti vaone kana vachipindirana. Kana ukakumbirwa kuti ubatsire vaviri vanoda kupinda muwanano, funga zvinodiwa nevanhu vacho vese vari vaviri. Kana uine munhu waunenge wafunga nezvake seakakodzera, edza kunyatsoziva kuti munhu iyeye akaita sei, uye chinonyanya kukosha ndechekuziva kana aine ushamwari hwepedyo naJehovha. Ushamwari hwepedyo naJehovha ndihwo hunokosha chaizvo kupfuura mari, dzidzo, kana mukurumbira. Asi yeuka kuti hama isati yaroora kana kuti hanzvadzi isati yaroorwa ndiyo inofanira kuzoita chisarudzo chekupedzisira chekuti yopinda muwanano here kana kuti yorega.—VaG. 6:5.

KUTANGA KUDANANA

12. Kana uchida kutanga kudanana nemumwe munhu unomuudza sei?

12 Kana uchida kutanga kudanana nemumwe munhu, ungamuudza sei nyaya yacho? e Unogona kuronga kutaura nemunhu wacho muri panzvimbo yamunogona kuonekwa nevamwe vanhu kana kuti pafoni. Nyatsotaura zvakajeka kuti uri kumuda uye kuti unoda kumuziva zviri nani. (1 VaK. 14:9) Kana zvichiita, mupe nguva yekufunga kuti angapindura sei. (Zvir. 15:28) Uye kana munhu wacho asingadi zvekudanana newe, remekedza manzwiro ake.

13. Ungaitei kana mumwe munhu akataura kuti anokuda? (VaKorose 4:6)

13 Ko kana mumwe munhu akataura kuti anokuda? Kakawanda kacho anenge aratidza ushingi kuti akuudze, saka mupindure zvakanaka uye zvine ruremekedzo. (Verenga VaKorose 4:6.) Kana uchida nguva yekufunga nezvazvo, muudze. Asi usazotora nguva yakareba usati wamupindura. (Zvir. 13:12) Kana usingadi, muudze zvakanaka uye nyatsotaura zvakajeka. Ona zvakataurwa neimwe hama yekuAustria inonzi Hans payaipindura imwe hanzvadzi yainge yataura kuti inomuda. Hans anoti: “Ndakataura naye zvakanaka uye zvine ruremekedzo, asi ndichinyatsojekesa manzwiro angu. Ndaisada kuti asare achifunga kuti taigona kuzodanana. Saka ndaingwarirawo kuti ndisataura kana kuita zvinhu zvaigona kuita kuti afunge kuti ndaizochinja mafungiro angu.” Asiwo kana uchida munhu iyeye muudze, uye kurukurai zvamunotarisira pakufambidzana kwenyu. Zvamunotarisira zvinogona kusiyana zvichienderana nekwamunobva kana kuti nezvimwewo zvikonzero.

VAMWE VANGAITEI KUTI VATSIGIRE VAKRISTU VASIRI MUWANANO?

14. Tingatsigira sei nezvatinotaura vaKristu vasiri muwanano?

14 Tese zvedu tingatsigira sei vaKristu vari kuda kupinda muwanano? Imwe nzira ndeyekungwarira zvatinotaura. (VaEf. 4:29) Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinombotaura zvinhu zvinoita kuti vaya vanoda kupinda muwanano vasanzwa zvakanaka here? Pandinoona hama isina kuroora nehanzvadzi isina kuroorwa vachitaura vese, ndinotanga kufunga here kuti apa paita zverudo?’ (1 Tim. 5:13) Uyewo hatifaniri kuita kuti vaKristu vasiri muwanano vanzwe sekuti pane zvisina kumira zvakanaka pavari nekuti havasi muwanano. Hans ambotaurwa anoti: “Dzimwe hama nehanzvadzi dzinoti, ‘Sei usiri kuroora? Inga wakura wani.’ Mashoko akadaro anoita kuti vaya vasiri muwanano vanzwe sekuti havakosheswi uye zvinoita kuti vanzwe vachida kukurumidza kupinda muwanano.” Zvakanaka chaizvo kutsvaga mikana yekukurudzira vaKristu vasiri muwanano!—1 VaT. 5:11.

15. (a) Maererano naVaRoma 15:​2, tinofanira kufunga nezvei tisati tabatsira mumwe munhu kutsvaga wekuroorana naye? (Onawo mufananidzo.) (b) Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvawaona muvhidhiyo?

15 Ko kana tichifunga kuti imwe hama neimwe hanzvadzi vanopindirana zvekuti vanogona kuroorana? Bhaibheri rinotiudza kuti tifungewo manzwiro evamwe. (Verenga VaRoma 15:2.) Vakawanda vasiri muwanano havadi kutsvagirwa wekuroorana naye, uye tinofanira kuremekedza zvavanoda. (2 VaT. 3:11) Vamwe vangada kubatsirwa, asi hatifaniri kuvabatsira tisina kukumbirwa. f (Zvir. 3:27) Vamwe vangada kubatsirwa zvisina kunanga. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa yekuGermany inonzi Lydia inoti: “Pamunoita zvimwe zvinhu muri boka rakakura, munogonawo kuita kuti hama nehanzvadzi yacho vavepowo. Ingoitai kuti pave nemukana wekuti hama iyoyo nehanzvadzi yacho vaonane, uye siyirai zvimwe zvese kwavari.”

Hanzvadzi iya isina kuroorwa iri kukurukura nehama iya isina kuroora pavari kutandara nevamwe.

VaKristu vasiri muwanano vanowana mukana wekuonana panoungana vanhu vakawanda vachitandara (Ona ndima 15)


16. VaKristu vasati vapinda muwanano vanofanira kuyeukei?

16 Tese zvedu, tingava tiri muwanano kana kuti tisiri, tinogona kufara muupenyu! (Pis. 128:1) Saka kana uchida kupinda muwanano asi usati wawana munhu akakukodzera, ramba wakaisa pfungwa dzako pakushumira Jehovha. Imwe hanzvadzi yekuMacao inonzi Sin Yi inoti: “Nguva yaunenge usiri muwanano ipfupi chaizvo kana tichiienzanisa neyauchararama muParadhiso uine waunenge wakaroorana naye. Koshesa nguva yausati wapinda muwanano, uye ishandise nekuchenjera.” Asi ko kana wakatowana munhu akakodzera uye mava kutodanana? Munyaya inotevera, tichakurukura kuti mungaitei kuti kufambidzana kwenyu kukubatsirei kuita chisarudzo chakanaka.

RWIYO 137 Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu

a Kuti uone kana wagadzirira kupinda muwanano, ona nyaya iri pajw.org yakanzi “Kudanana—Chikamu 1: Ndagadzirira Kudanana Nemumwe Munhu Here?

b KUTSANANGURWA KWESHOKO: Shoko rekuti, “kudanana” riri munyaya ino neinotevera riri kureva nguva iyo mukomana nemusikana vanenge vachiona kuti vanopindirana here zvekuti vanozopedzisira varoorana. Vamwe vanoshandisa shoko rekuti kufambidzana. Kudanana kunotanga kana mukomana nemusikana vabudirana pachena kuti vari kufarirana, uye nekufamba kwenguva vanogona kuzoguma varoorana kana kurambana pavanoona kuti havasi kupindirana.

c Mazano ari mundima dzinotevera anoshanda zvakafanana kuhama uye kuhanzvadzi dziri kutsvaga wekuroorana naye.

d Mamwe mazita akachinjwa.

e Mune dzimwe tsika, hama ndiyo inowanzopfimba hanzvadzi. Asi hapana chakaipa kuti hanzvadzi ipfimbe hama. (Rute 3:​1-13) Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya yakanzi “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndingamuudza Sei Manzwiro Andinoita?” iri muMukai! yaNovember 8, 2004.