Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba naJehovha, “Mwari Wokunyaradza Kwose”

Vimba naJehovha, “Mwari Wokunyaradza Kwose”

Vimba naJehovha, “Mwari Wokunyaradza Kwose”

“Ngaarumbidzwe iye Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VAK. 1:3.

1. Pasinei nezera, vanhu vose vanodei?

TINODA kunyaradzwa kubva pakuzvarwa chaipo. Kana mwana mucheche ava kuda kunyaradzwa, anochema. Zvimwe anenge ava kuda kubatwa mumaoko kana kuti ava nenzara. Kunyange takura, tinodawo kunyaradzwa kunyanya zvinhu pazvinenge zvatiomera.

2. Jehovha anovimbisei vaya vanovimba naye?

2 Tinowanzonyaradzwa nevemumhuri neshamwari. Zvisinei, dzimwe nguva zvinotitambudza hazvigoni kugadziriswa nemunhu. Mwari chete ndiye anogona kutinyaradza pasinei nokuti tiri kutambura zvakadini. Shoko rake rinotivimbisa kuti: “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari, . . . achanzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.” (Pis. 145:18, 19) Chokwadi, “maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.” (Pis. 34:15) Asi kana tichida kubatsirwa uye kunyaradzwa naMwari, tinofanira kuvimba naye. Munyori wepisarema Dhavhidhi akajekesa pfungwa iyoyo paakaimba kuti: “Jehovha achava nzvimbo yakakwirira yakachengeteka yomunhu wose akadzvinyirirwa, nzvimbo yakakwirira yakachengeteka munguva dzokutambudzika. Vaya vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti hamuzosiyi vaya vanokutsvakai, haiwa Jehovha.”—Pis. 9:9, 10.

3. Jesu akashandisa muenzaniso upi unoratidza kuti Jehovha anoda vanhu vake?

3 Jehovha anokoshesa vashumiri vake. Jesu akaratidza izvi paakati: “Shiri duku shanu hadzitengeswi nemari mbiri dzisingakoshi here? Asi hapana neimwe yadzo inokanganwika pamberi paMwari. Asi kunyange nebvudzi remisoro yenyu rose rakaverengwa. Musatya; imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.” (Ruka 12:6, 7) Achishandisa muprofita Jeremiya, Jehovha akaudza vanhu vake kuti: “Ndakakuda norudo rusingagumi. Ndokusaka ndakakukweva nomutsa worudo.”—Jer. 31:3.

4. Nei tichigona kuvimba nezvipikirwa zvaJehovha?

4 Kuvimba naJehovha uye nokuzadziswa kwezvipikirwa zvake kunogona kutinyaradza patinenge tichitambura. Saka tinofanira kuvimba naMwari sezvakaitwa naJoshua uyo akati: “Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.” (Josh. 23:14) Uyewo tinogona kuva nechokwadi chokuti kunyange iye zvino tikatambura, “Mwari akatendeka” uye haazombosiyi vashumiri vake vakavimbika.—Verenga 1 VaKorinde 10:13.

5. Tinokwanisa sei kunyaradza vamwe?

5 Muapostora Pauro anotaura nezvaJehovha sa“Mwari wokunyaradza kwose.” “Kunyaradza” zvinoreva kuita kuti mumwe munhu arerukirwe padambudziko raanenge anaro kana kuti asanyanye kusuruvara. Izvi ndizvo chaizvo zvinoitwa naJehovha. (Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.) Baba vedu vokudenga vanogona kunyaradza vaya vanovada nokuti hapana munhu kana chii zvacho chingavatadzisa kuita izvozvo. Isuwo tinogona kunyaradza vatinonamata navo “pakutambudzika chero kworudzi rupi zvarwo.” Tinogona kudaro “nokunyaradza kwatiri kunyaradzwa nako naMwari.” Izvi zvinoratidza kuti hakuna mumwe angatinyaradza sezvatinoitwa naJehovha!

Zvinhu Zvinokonzera Kutambura

6. Taura zvinhu zvinogona kutitambudza.

6 Pane zvakawanda zvinoita kuti tide kunyaradzwa muupenyu. Kufirwa nemunhu watinoda nderimwe rematambudziko anotishungurudza zvikuru, kunyanya kana ari watakaroorana naye kana mwana. Munhu angadawo kunyaradzwa kana achisarurwa. Kurwara-rwara, kukwegura, matambudziko emumba, kana kuipa kwezvinhu munyika kungaita kuti munhu ade kunyaradzwa.

7. (a) Munhu paange achitambura zvakanyanya anoda nyaradzo yakaita sei? (b) Jehovha anogona kuitei kuti aporese “mwoyo wakaputsika nowakapwanyika”?

7 Tingada kunyaradzwa patinenge tichitambura. Tingava tichinetseka mumwoyo nemupfungwa, tichishungurudzika, tichirwara, kana kuti tava kuneta pakunamata. Somuenzaniso, funga nezvemwoyo. Shoko raMwari rinoti mwoyo wedu unogona ‘kuputsika uye kupwanyika.’ (Pis. 51:17) Jehovha anogona kugadzirisa dambudziko iri nokuti “anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.” (Pis. 147:3) Kunyange pazvinenge zvanyanya kuoma, Mwari anokwanisa kunyaradza mwoyo unotambudzika kana tikanyengetera kwaari tiine kutenda kwakasimba uye tikateerera mirayiro yake.—Verenga 1 Johani 3:19-22; 5:14, 15.

8. Jehovha anogona kutibatsira sei patinenge tichitambudzika mupfungwa?

8 Tinowanzodawo kunyaradzwa mupfungwa nokuti miedzo yakawanda inogona kutitambudza chaizvo. Tinotoda kubatsirwa kuti titsungirire panoedzwa kutenda kwedu. Zvisinei, munyori wepisarema akaimba kuti: “Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, kunyaradza kwenyu kwakarezva mweya wangu.” (Pis. 94:19) Uyewo Pauro akanyora kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaF. 4:6, 7) Kuverenga Magwaro nokuafungisisa kunogona kutibatsira chaizvo kutsungirira patinenge tichitambudzika mupfungwa.—2 Tim. 3:15-17.

9. Tingawana kupi rubatsiro patinenge tichishungurudzika?

9 Dzimwe nguva tinogona kuora mwoyo chaizvo zvokuti tingatozokuvara nekushungurudzika. Zvimwe tinganzwa sokuti hatikwanisi kuita mabasa atinopiwa naJehovha. Pakadai Jehovha anogonawo kutinyaradza uye kutibatsira. Somuenzaniso, Joshua paakarayirwa kuti atungamirire vaIsraeri pakurwisana nemarudzi ane simba, Mosesi akaudza vanhu kuti: “Shingai, musimbe. Musatya kana kuvhunduka pamberi pavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye ari kufamba nemi. Haazokuregii kana kukusiyai zvachose.” (Dheut. 31:6) Achitsigirwa naJehovha, Joshua akatungamirira vanhu vaMwari kupinda muNyika Yakapikirwa vakakunda vavengi vavo vose. Mosesi ainge ambobatsirwawo saizvozvo naMwari paGungwa Dzvuku.—Eks. 14:13, 14, 29-31.

10. Kana utano hwedu hukakanganiswa nematambudziko tingabatsirwa nei?

10 Zvinhu zvinotambudza zvinogona kuita kuti tirware. Ichokwadi kuti kudya zvokudya zvakanaka, kunyatsozorora, kurovedza muviri, uye kugara takachena zvinogona kuita kuti tinzwe zviri nani. Kugara tichifunga zvinotaurwa neBhaibheri nezveremangwana kunogona kutibatsira kuti tive neutano hwakanaka. Saka zvinobatsira kuti patinenge tichitambura tifunge zvakaitika kuna Pauro uye mashoko ake anokurudzira okuti: “Tinomanikidzwa munzira dzose, asi hatimanikidziki zvokusagona kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvokushaya pokubuda napo zvachose; tinotambudzwa, asi hatisiyiwi tisina rubatsiro; tinopunzirwa pasi, asi hatiparadzwi.”—2 VaK. 4:8, 9.

11. Tingaita sei patinenge tichirwara mune zvokunamata?

11 Miedzo inogona kukanganisa kunamata kwedu. Pakadaro Jehovha anogonawo kutibatsira. Shoko rake rinotivimbisa kuti: “Jehovha anotsigira vose vaya vanowa, uye anomutsa vose vakakotamiswa.” (Pis. 145:14) Kuti tibatsirwe patinenge tichirwara pane zvokunamata, tinofanira kutsvaka rubatsiro kuvakuru vechiKristu. (Jak. 5:14, 15) Uye kugara tichifunga nezvetariro inotaurwa neMagwaro yeupenyu husingaperi kunogona kutibatsira, kutenda kwedu pakunenge kuchiedzwa.—Joh. 17:3.

Mienzaniso Yevanhu Vakanyaradzwa naMwari

12. Tsanangura kuti Jehovha akanyaradza sei Abrahamu.

12 Mumwe munyori wePisarema akanyora kuti: “[Jehovha] yeukai shoko ramakataura kumushumiri wenyu, ramakaita kuti ndimirire. Uku ndiko kunyaradzwa kwangu mukutambudzika kwangu, nokuti zvamakataura zvakandichengetedza ndiri mupenyu.” (Pis. 119:49, 50) Mazuva ano tine Shoko raJehovha, Bhaibheri, rine mienzaniso yakawanda yevanhu vakanyaradzwa naMwari. Somuenzaniso, Abrahamu anogona kunge akanetseka chaizvo paakaziva kuti Jehovha aizoparadza Sodhoma neGomora. Akabvunza Mwari kuti: “Chokwadi muchaparadza vakarurama nevakaipa here?” Jehovha akanyaradza Abrahamu nokumuvimbisa kuti kana mukawanika vanhu 50 vakarurama aisazoparadza Sodhoma. Zvisinei Abrahamu akabvunzazve Jehovha kashanu kuti: Zvakadini kana muine vanhu 45 vakarurama? Ko kana muine 40? Ko kana muine 30? Ko kana muine 20? Ko kana muine 10? Pose paaibvunzwa, Jehovha aishivirira uye aivimbisa Abrahamu kuti aisazoparadza Sodhoma. Kunyange zvazvo munzvimbo yacho maisatombova nevanhu vakarurama vanosvika gumi, Jehovha akaponesa Roti nevanasikana vake.—Gen. 18:22-32; 19:15, 16, 26.

13. Hana akaratidza sei kuti aivimba naJehovha?

13 Mudzimai waErikana, Hana, aida chaizvo kuva nemwana. Asi aishaya mbereko, uye izvozvo zvaimutambudza. Akanyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho, uye Mupristi Mukuru Eri akamuti: “Mwari waIsraeri ngaakupe chikumbiro chako.” Izvi zvakanyaradza Hana, “uye chiso chake hachina kuzonetsekazve.” (1 Sam. 1:8, 17, 18) Hana akavimba naJehovha, akamusiyira nyaya yacho. Kunyange zvazvo aisaziva kuti zvaizofamba sei, Hana akanzwa adekara. Nokufamba kwenguva, Jehovha akapindura munyengetero wake. Akabata pamuviri, akabereka mwanakomana ndokumutumidza kuti Samueri.—1 Sam. 1:20.

14. Nei Dhavhidhi aida kunyaradzwa, uye akakumbira kunyaradzwa nani?

14 Mumwe muenzaniso womunhu akanyaradzwa naMwari ndiMambo Dhavhidhi wevaIsraeri. Sezvo Jehovha achiona “zvakaita mwoyo,” paakasarudza Dhavhidhi kuti azova mambo wevaIsraeri, aiziva kuti Dhavhidhi aida zvakarurama uye ainge akazvipira pakunamata kwechokwadi. (1 Sam. 16:7; 2 Sam. 5:10) Zvisinei, nokufamba kwenguva Dhavhidhi akazoita upombwe naBhati-shebha, ndokuedza kuviga chivi chacho nokuurayisa murume wake. Dhavhidhi paakazoziva kukura kwechivi chake, akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Dzimai kudarika kwangu maererano nokuwanda kwengoni dzenyu. Nyatsondigezai kukanganisa kwangu, ndichenesei pachivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chiri pamberi pangu nguva dzose.” (Pis. 51:1-3) Dhavhidhi akapfidza zvechokwadi, uye Jehovha akamukanganwira. Zvisinei, Dhavhidhi aifanira kutambura nokukanganisa kwaakanga aita. (2 Sam. 12:9-12) Kunyange zvakadaro, ngoni dzaJehovha dzakanyaradza mushumiri wake uyu aizvininipisa.

15. Nguva pfupi Jesu asati afa, Jehovha akamubatsira sei?

15 Jesu akasangana nezvinhu zvinoedza zvakawanda paaiva pasi pano. Mwari akabvumira kuti kutenda kwaJesu kuedzwe, asi somunhu akakwana, akaramba akaperera, achivimba naJehovha nguva dzose uye achitsigira uchangamire hwake. Nguva pfupi asati atengeswa uye aurayiwa, Jesu akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.” Ngirozi yakabva yazviratidza kuna Jesu, ikamusimbisa. (Ruka 22:42, 43) Mwari akanyaradza Jesu, akamupa simba uye rubatsiro zvaaida panguva iyoyo.

16. Mwari anotibatsira sei kana upenyu hwedu hukava pangozi nemhaka yokutenda kwedu?

16 Kunyange upenyu hwedu hukava pangozi nemhaka yokutenda kwedu, Jehovha anogona uye achatibatsira kuramba takaperera kwaari. Uyezve, tinonyaradzwa netariro yorumuko. Takamirirawo nemaziso matsvuku musi ‘uchaparadzwa muvengi wokupedzisira, irwo rufu.’ (1 VaK. 15:26) Jehovha anoyeuka vashumiri vake vakafa vakavimbika, kusanganisira vamwewo vakafa uye haambokanganwi kuvamutsa. (Joh. 5:28, 29; Mab. 24:15) Kuvimba nechipikirwa chaJehovha chokumutsa vakafa kunoita kuti tinyaradzwe uye kunotipa tariro yechokwadi patinenge tichitambudzwa.

17. Jehovha anogona kutinyaradza sei patinofirwa nomunhu watinoda?

17 Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti hama neshamwari dzedu dzakafa dzichamutswa, dzorarama munyika itsva yakazonaka isina zvinhu zvose zviri kutitambudza iye zvino. Uye “boka guru” revashumiri vaJehovha avo vachapona pachaguma nyika ino, vachava neropafadzo yakazonaka yokutambira uye kudzidzisa vanenge vamutswa kuti vararame pasi pano!—Zvak. 7:9, 10.

Nechepasi Pane Maoko aMwari Asingagumi

18, 19. Vashumiri vaMwari vakanyaradzwa sei pavaitambudzwa?

18 Mosesi akasimbisa uye akanyaradza vaIsraeri nemashoko erwiyo anoti: “Mwari wenguva yekare inzvimbo yokuvanda, nechepasi pane maoko asingagumi.” (Dheut. 33:27) Muprofita Samueri akazoudza vaIsraeri kuti; “Musangotsauka chete pakutevera Jehovha, shumirai Jehovha nemwoyo yenyu yose. . . . Jehovha haazosiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru.” (1 Sam. 12:20-22) Kana tikaramba tichinyatsoshumira Jehovha, haazombotisiyi. Acharamba achitipa rubatsiro rwatinoda.

19 Mwari haasi kumbokundikana kupa vanhu vake rubatsiro nenyaradzo zvavanoda mumazuva ano ekupedzisira akaoma. Kwemakore anopfuura zana, hama dzedu dzine zviuru munyika yose dzave dzichitambudzwa uye dzichiiswa mumajeri nemhaka yokungoshumira Jehovha chete. Zvakaitika kwadziri zvinoratidza kuti zvechokwadi Jehovha anonyaradza vashumiri vake pavanenge vachiedzwa. Somuenzaniso, imwe hama yedu yomunyika yaimbova Soviet Union yakatongerwa makore 23 mujeri nemhaka yokutenda kwayo. Kunyange zvakadaro, hama dzakawana nzira yokuipa zvokudya zvinosimbisa pakunamata uye zvinonyaradza. Hama yacho inoti: “Mumakore ose iwayo, ndakadzidza kuvimba naJehovha uye akandipa simba.”—Verenga 1 Petro 5:6, 7.

20. Chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti Jehovha haazotisiyi?

20 Pasinei nezvatichasangana nazvo mune ramangwana, zvakanaka kuti tifunge mashoko anonyaradza emunyori wepisarema anoti: “Jehovha haazoregi vanhu vake.” (Pis. 94:14) Kunyange zvazvo mumwe nemumwe wedu achida kunyaradzwa, tinewo ropafadzo yakakura yokunyaradza vamwe. Sezvatichaona munyaya inotevera, tinogona kunyaradzawo vari kuchema munyika ino izere nematambudziko.

Ungapindura Sei?

• Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinogona kutitambudza?

• Jehovha anonyaradza sei vashumiri vake?

• Upenyu hwedu pahunenge hwava pangozi, chii chingatinyaradza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 25]

ZVATINGAITA PATINOSANGANA NEZVINHU . . .

zvingatikanganisa mwoyo Pis. 147:3; 1 Joh. 3:19-22; 5:14, 15

zvingatikanganisa pfungwa Pis. 94:19; VaF. 4:6, 7

zvingatishungurudza Eks. 14:13, 14; Dheut. 31:6

zvingatirwarisa 2 VaK. 4:8, 9

zvingatikanganisa pakunamata Pis. 145:14; Jak. 5:14, 15