Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mazano Okuchenjera Kune Vari Muwanano Nevasiri

Mazano Okuchenjera Kune Vari Muwanano Nevasiri

Mazano Okuchenjera Kune Vari Muwanano Nevasiri

“Ndiri kutaura izvi . . . kuti ndikukurudzirei kuita zvakakodzera uye zvinoreva kushandira Ishe nguva dzose pasina kudzongonyedzwa.”—1 VAK. 7:35.

1, 2. Nei munhu achifanira kutsvaka mazano muBhaibheri panyaya yewanano uye yekusaroora kana kusaroorwa?

NYAYA dzeukama hwevarume nevakadzi ndidzo dzinowanzokonzera kuti muupenyu vanhu vafare, vanetseke kana kuti vazvidye mwoyo. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti tide kutsvaka kubatsirwa naMwari, asi pane zvimwewo zvikonzero zvinoita kuti tide rubatsiro rwake. MuKristu anenge asati hake ava kuda zvemba anganzwa sokuti hama neshamwari dziri kumumanikidza kuzvitanga. Mumwewo angava achida kuroora kana kuroorwa asi achishaya akamukodzera. Vamwe vanoda mazano okuti vagadzirire kuzova baba kana mai vemba. Uye vose, vane dzimba nevasina vanosangana nemuedzo wokuita zvounzenza.

2 Nyaya idzi dzine zvadzinoita pakufara kwedu uye dzine zvadzinoitawo paukama hwedu naJehovha. Muchitsauko 7 chetsamba yake yokutanga kuvaKorinde, Pauro akapa mazano ane chokuita nevane dzimba uye vasina. Chinangwa chake chaiva chokukurudzira vaverengi vake kuti vaite “zvakakodzera uye zvinoreva kushandira Ishe nguva dzose pasina kudzongonyedzwa.” (1 VaK. 7:35) Paunenge uchifunga nezvemazano ake panyaya idzi dzinokosha, ungave une imba kana usina, edza kuona zvauri senzira yokushumira Jehovha zvizere.

Chisarudzo Chakaoma

3, 4. (a) Chii chingaitika kana hama neshamwari dzikaedza kumanikidza munhu kuti ave nemba? (b) Zano raPauro ringabatsira sei munhu kuti ave nemaonero akanaka panyaya yewanano?

3 Mazuva ano, mutsika dzakawanda vanhu vanokoshesa chaizvo kuva nemba sezvaiitwa nevaJudha vomuzana remakore rokutanga. Mukomana kana musikana akapfuura zera rokuti anogona kuroora kana kuroorwa asi asati, shamwari uye voukama vangafunga kuti vanofanira kumupa mazano. Vachikurukura zvavo, vangamukurudzira kuti achinyatsovhura maziso achitsvaka wokuroorana naye. Vangataura zvisina kunanga zvokumukwezvera kune mumwe munhu. Vangaronga kuti musikana nemukomana vaonane ivo vasingazvizivi. Izvi zvinopedzisira zvaita kuti vamwe vasawirirane, vashaye pokupinda, kana kuti vagumbuke.

4 Pauro haana kumbobvira audza vamwe zvokuita panyaya iyi. (1 VaK. 7:7) Aigutsikana nokushumira Jehovha asina mudzimai, asi aisashora vaya vaida kuva nemba. Mazuva ano muKristu mumwe nomumwe anozvisarudzirawo kuti ova nemba here kana kuti kwete. Vamwe havafaniri kumuudza zvokuita.

Kubudirira Usina Kuroora Kana Kuroorwa

5, 6. Nei Pauro akati zviri nani kugara usina kuroora kana kuroorwa?

5 Chimwe chinhu chikuru pamashoko aPauro kuvaKorinde chaiva maonero akanaka aaiita kusava nemba. (Verenga 1 VaKorinde 7:8.) Kunyange zvazvo Pauro ainge asina kuroora, aisazviona seari nani kupfuura vainge vaine dzimba sezvinoita vafundisi vechiKristudhomu vakapikira. Asi akataura kuti kana muKristu akagara zvake asina kuroora kana kuroorwa, izvozvo zvine zvazvakanakira. Zvakanakirei?

6 Kazhinji muKristu asina imba ane mukana wokushandiswa kuita basa raJehovha zvingasakwaniswa neanemba. Pauro akapiwa basa rinokosha rokuva “muapostora kune mamwe marudzi.” (VaR. 11:13) Verenga zvitsauko 13 kusvika ku20 zvaMabasa, womuona achifamba nemamwe mamishinari aaishanda nawo mundima itsva uye vachitanga ungano munzvimbo nenzvimbo. Mazuva ano vashoma vanosangana nematambudziko akatsungirirwa naPauro mubasa rake. (2 VaK. 11:23-27, 32, 33) Asi kutambura kwaaiita kwaisava chinhu kana tichienzanisa nemufaro waaiwana pakubatsira vakawanda kuti vave vadzidzi. (1 VaT. 1:2-7, 9; 2:19) Angadai akakwanisa kuita zvose izvozvo here kudai ainge akaroora kana kuti aiva nemhuri? Pamwe aisazozvikwanisa.

7. Taura muenzaniso weZvapupu zvisina kuroorwa zvakashandisa mukana iwoyo kuparidza nezvoUmambo.

7 VaKristu vakawanda vasina dzimba vanoshandisa mukana wacho kuita zvakawanda zvine chokuita noUmambo. Mapiyona maviri asina kuroorwa ari kuBolivia, Sara naLimbania, vakatamira kumaruwa kwaive nevanhu vakanga vava nemakore vasina kuparidzirwa. Vaizonetseka here nokuti kwaisava nemagetsi? Vakati: “Hakuna maredhiyo kana maTV, saka vanhu vane nguva yakawanda yokuverenga pasina chinovavhiringidza.” Vamwe vagari veko vakaratidza mapiyona aya mamwe mabhuku eZvapupu zvaJehovha ekare avainge vachiri kuverenga asi asisabudiswi. Hanzvadzi idzi dzakatora nguva yakareba kuti dzipedze ndima iyoyo nokuti dzaiwana vanhu vanofarira panenge pamba pega pega. Vamwe mbuya vakavaudza kuti: “Mugumo unofanira kunge wava pedyo nekuti Zvapupu zvaJehovha zvazosvika kuno.” Pasina nguva, vamwe vomunzvimbo iyoyo vainge vava kutopinda misangano yeungano.

8, 9. (a) Pauro aifungei paakataura zvakanakira kusaroora kana kusaroorwa? (b) Mikana ipi ine vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa?

8 Ichokwadi kuti vaKristu vane dzimba vanobudirirawo pavanoparidza mashoko akanaka munzvimbo dzakaoma. Asi dzimwe nzvimbo dzingashandwa nemapiyona asina dzimba dzingava dzakaomera vane dzimba kana kuti vane vana. Pauro aiziva kuti paiva nebasa rakawanda rokuzivisa mashoko akanaka muungano dzaakanyorera tsamba yake. Aida kuti vose vanakidzwe sezvaaiita. Saka, akataura zvakanakira kushumira Jehovha semunhu asina kuroora kana kuroorwa.

9 Mumwe piyona asina kuwanikwa wokuUnited States akanyora kuti: “Vamwe vanofungidzira kuti kana usina kuroorwa haungambofari. Asi ndakaona kuti chinoita kuti munhu afare kuva shamwari yaJehovha. Kunyange zvazvo zvisiri nyore kugara usina kuwanikwa, iko chipo kana ukakushandisa zvakanaka.” Nezvekuwana mufaro iye akanyora kuti: “Kusava nemba kunogona kubatsira munhu kuti afare pane kumutadzisa. Ndinoziva kuti Jehovha anoda munhu wose pasinei nokuti ane imba here kana kuti haana.” Iye zvino hanzvadzi iyi iri kushumira ichifara munyika ine vaparidzi voUmambo vashoma. Kana usina kuroora kana kuroorwa wadii kushandisa rusununguko rwako kudzidzisa vamwe chokwadi? Newewo unogona kuona kusaroora kana kusaroorwa kwako sechipo chikuru chinobva kuna Jehovha.

Vaya Vanoda Kuroora Kana Kuroorwa

10, 11. Jehovha anotsigira sei vaya vanoda kuva nemba asi vasati vawana akavakodzera?

10 Vamwe vashumiri vaJehovha vanozosarudza kuroora kana kuroorwa pashure pokunge vambopedza nguva vasina. Sezvo vachiziva kuti vanoda kubatsirwa, vanokumbira Jehovha kuti avabatsire kuwana munhu akakodzera.—Verenga 1 VaKorinde 7:36.

11 Kana uchitsvaka wokuroorana naye anodawo kushumira Jehovha nemwoyo wose sezvaunoita, ramba uchinyengetera nezvenyaya yacho. (VaF. 4:6, 7) Pasinei nokuti ungamirira kwenguva yakareba sei, usaora mwoyo. Vimba kuti Mwari wedu ane rudo achakubatsira, uye achakutsigira kuti usanyanya kushushikana.—VaH. 13:6.

12. Nei muKristu achifanira kunyatsongwarira panyaya yokusarudza wokuroorana naye?

12 MuKristu ava kuda zvemba angafarirwa nemunhu asina kutsarukana panyaya dzokunamata kana kuti asitombori chapupu. Kana izvozvo zvikaitika kwauri, yeuka kuti kutambura kwaunozoita nokusarudza kutanga imba nemunhu asiri iye kungakurwadza chaizvo pane kugara zvako wakadaro. Uye kana mangoroorana chete, mungave muchifara kana muchitambudzika, matosunganidzwa zvachose. (1 VaK. 7:27) Usasarudza kuroorana nemunhu nokuti washaya akakukodzera. Mangwana unozochema nechisarudzo ichocho.—Verenga 1 VaKorinde 7:39.

Gadzirira Zvauchasangana Nazvo Mumba

13-15. Zvinhu zvipi zvinogona kuzokonzera dambudziko mumba zvinofanira kukurukurwa vanhu vachiri kufambidzana?

13 Kunyange zvazvo Pauro akati kushumira Jehovha usina kuroora kana kuroorwa kune zvakwakanakira, aisatarisira pasi vaya vaisarudza kuva nemba. Asi mazano ake akafuridzirwa anobatsira vanhu kuti vanyatsoona zvinoitika chaizvo mumba uye anobatsira kuti vachembedzane.

14 Vamwe vanenge vachifambidzana vanofanira kuchinja zvavanofunga kuti ndizvo zvichange zvakaita mumba. Vangaona sokuti rudo rwavo rwakasiyana nerwevamwe vose, uye ruchaita kuti vangogara vachifara. Vanotanga imba vachitorota zvavo vachifunga kuti hapana chichakanganisa mufaro wavo. Ikoko kuzvinyepera. Ichokwadi kuti kuratidzirana rudo kunogona kuita kuti vanhu vafare, asi izvozvo handizvo zvoga zvinodiwa pakugadzirisa matambudziko anomuka mumba.—Verenga 1 VaKorinde 7:28. *

15 Vakawanda vanenge vachangoroorana vanoshamisika, kana kutogumbuka, pavasingawirirane nemumwe wavo panyaya dzinokosha. Vangasawirirana panyaya yokushandisa mari, nguva yokuvaraidzwa, kwavachagara, uye kuti vachashanyira vabereki kakawanda sei. Uye mumwe nomumwe ane mamwe maitiro asina kunaka anogona kugumbura mumwe wake. Pavanenge vachifambidzana, zviri nyore kusakoshesa zvinhu izvi, asi zvinogona kuzovhiringa chaizvo ukama hwavo. Mukomana nomusikana vanofanira kutaurirana zvinhu izvi vasati varoorana.

16. Nei vakaroorana vachifanira kubvumirana pane zvavachaita kuti vagadzirise matambudziko?

16 Kuti vabudirire uye vafare, vanhu vakaroorana vanofanira kurwisana nematambudziko vakabatana. Vanofanira kubvumirana panyaya yokuranga vana vavo uye kutarisira vabereki vari kukwegura. Matambudziko anovapo mumhuri haafaniri kuvaparadzanisa. Kana vakashandisa zano reBhaibheri, vachagadzirisa matambudziko akawanda, votsungirira anosara acho, uye voramba vari pamwe chete vachifara.—1 VaK. 7:10, 11.

17. Vanhu vakaroorana vanofanira kutarisira kuzvidya “mwoyo nezvinhu zvenyika” zvakaita sei?

17 Pauro anotaura nezvechimwe chinhu chinoitika kune vakaroorana pana 1 VaKorinde 7:32-34. (Verenga.) Vanhu vanemba vanotofanira kuzvidya “mwoyo nezvinhu zvenyika,” zvakadai sezvokudya, zvokupfeka, pokugara, uye zvimwe zvisinei nokunamata. Nei zvakadaro? Hama ingave yaipedza nguva yakawanda nesimba rakawanda muushumiri isati yaroora. Asi yaroora, inofanira kutora imwe nguva yacho uye simba kuti itarisire mudzimai wayo kuti aifarire. Izvi ndizvo zvinoitawo mudzimai kuti afarirwe nomurume wake. Pamusana pouchenjeri hwake, Jehovha anoziva kuti zvinofanira kudaro. Anoziva kuti, kuti imba yevaviri ava ibudirire, vanofanira kushandisa imwe yenguva yavaimboshandisa pakumushumira vasati varoorana.

18. Pashure pokuroorana, vamwe vangafanira kugadzirisei panyaya yokuzvivaraidza?

18 Asi pane chimwezve chidzidzo chiripo. Kana vanhu vakaroorana vachifanira kutora imwe nguva nesimba pane yebasa raMwari kuti vasimbise ukama hwavo, havafaniriwo kuita izvozvo panguva nesimba zvavaimboshandisa kushamwaridzana nevamwe vasati vava nemba here? Kudai murume aizoramba achingoti sika-sika nezvemitambo neshamwari dzake, izvozvo zvaizoita kuti mudzimai wake anzwe sei? Kana kuti kudai mudzimai aizoramba achipedza nguva yakareba achifara zvake neshamwari dzake izvozvo zvingaita kuti murume wacho anzwe sei? Pasina nguva, anenge achingosiyiwa wacho anganzwa asurukirwa, asingafari, uye asingadiwi. Izvi zvingadziviswa kana vaya vakaroorana vakaita zvose zvavanokwanisa kuti vasimbise ukama hwavo somurume nomudzimai.—VaEf. 5:31.

Jehovha Anoda Kuti Tive Netsika Dzakanaka

19, 20. (a) Nei vakaroorana vasingafaniri kufunga kuti hazviiti kuti vasaita unzenza? (b) Chii chinogona kuitika kana vakati uyu kwake uyu kwake kwenguva yakareba?

19 Vashumiri vaJehovha vakatsunga kuramba vaine tsika dzakanaka. Vamwe vanosarudza kuroora kana kuroorwa kuti vasaita unzenza. Zvisinei, vakaroorana havafaniri kufunga kuti izvozvo zvichabva zvangoita kuti vasaita unzenza. Munguva dzakanyorwa Bhaibheri, guta rine masvingo raingodzivirira vanhu chete kana vanhu vacho vakaramba vari mukati maro. Kana munhu aizobuda panze panguva yaifamba-famba mhondi nevapambi, aigona kubirwa kana kupondwa. Vanhu vakaroorana vanogonawo kungodzivirirwa chete pakuita zvounzenza kana vakateerera mitemo yavakaisirwa noMuvambi wourongwa hwacho.

20 Pauro akataura mitemo iyoyo pana 1 VaKorinde 7:2-5. Murume anofanira kuita zvepabonde nemudzimai wake chete; uye mudzimai anofanira kudaro nomurume wake chete. Mumwe nomumwe anotarisirwa kupa mumwe wake “zvaanofanira kuwana” panyaya dzepabonde. Zvisinei, vamwe varume nemadzimai vanopedza nguva refu vasiri pamwe chete, vachienda kuzororo uyu kwake uyu kwake, kana kuti vachishandira kwakasiyana, zvoita kuti vasapa mumwe wavo “zvaanofanira kuwana.” Chimbofunga dambudziko rinovapo kana munhu akabvuma kufurirwa naSatani oita upombwe nokuti anenge ‘ashaya kuzvidzora.’ Jehovha anokomborera varume vanoriritira mhuri dzavo asi vasingaisi ukama hwavo nemadzimai pangozi.—Pis. 37:25.

Zvakanakira Kuteerera Zano reBhaibheri

21. (a) Nei kusarudza kuva nemba kana kusava nayo kwakaoma? (b) Nei mazano ari muna 1 VaKorinde chitsauko 7 achibatsira?

21 Zvisarudzo zvine chokuita nokuva nemba uye kusava nayo ndezvimwe zvezvisarudzo zvakanyanya kuoma. Matambudziko okusawirirana kwevanhu haambopera nokuti tose zvedu tinotadza. Saka kunyange vaya vanofarirwa uye vanokomborerwa naJehovha vanotomboodzwawo mwoyo pasinei nokuti vane imba here kana kuti havana. Kana ukashandisa mazano okuchenjera ari muna 1 VaKorinde chitsauko 7 unogona kuita kuti matambudziko iwayo ave mashoma. Pasinei nokuti unemba here kana kuti hauna, Jehovha achati uri kuita “zvakanaka.” (Verenga 1 VaKorinde 7:37, 38.) Chinangwa chikuru chaunogona kuzadzisa ndechokuti ufarirwe naMwari. Kana akakufarira, ucharamba uchifambira mberi kuti uwane upenyu munyika itsva. Imomo, varume nevakadzi vanenge vasisina matambudziko anowanika mazuva ano.

[Mashoko Omuzasi]

Ungapindura Here?

• Nei pasina anofanira kumanikidza mumwe kuti atange zvemba?

• Mushumiri waJehovha asina kuroora kana kuroorwa angashandisa sei nguva yake zvakanaka?

• Vaviri vari kufambidzana vangagadzirira sei kuzokunda matambudziko avachasangana nawo mumba?

• Nei tisingafaniri kufunga kuti hazviiti kuti munhu anemba aite unzenza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 14]

VaKristu vasina dzimba vanowana mufaro pavanoshandisa nguva yavo kuwedzera ushumiri hwavo

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vamwe vanofanira kugadzirisei pashure pokuroorana?