Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Remekedza Chiremera chaMwari Nokuvimbika

Remekedza Chiremera chaMwari Nokuvimbika

Remekedza Chiremera chaMwari Nokuvimbika

“Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu.”—Isaya 33:22.

1. Zvii zvakaita kuti rudzi rwevaIsraeri vekare ruve rwakasiyana nemamwe marudzi?

MUNA 1513 B.C.E., rudzi rwevaIsraeri rwakazvarwa. Panguva iyoyo, rwakanga rusina guta guru, rusina nyika yarwo, uye rusina mambo anooneka. Vanhu vorudzi urwu vaimbova varanda. Zvisinei, rudzi irworwo rwaiva rwakasiyana nemamwe marudzi mune imwezve nzira. Jehovha ndiye aiva Mutongi warwo asingaoneki, Mutemi wemirayiro, uye Mambo. (Eksodho 19:5, 6; Isaya 33:22) Hakuna rumwe rudzi zvakare rwaigona kutaura izvozvo!

2. Mubvunzo upi unomuka pamusoro penzira iyo vaIsraeri vakanga vakarongwa nayo, uye nei mhinduro yacho ichikosha kwatiri?

2 Sezvo Jehovha ari Mwari akarongeka, uye Mwari worugare, tingatarisira kuti chero rudzi rupi zvarwo rwaaitonga rwaizova rwakanyatsorongeka. (1 VaKorinde 14:33) Ndizvo chaizvo zvakanga zvakaita rudzi rwevaIsraeri. Asi, sangano repasi pano, rinooneka raigona sei kutungamirirwa naMwari asingaoneki? Tinoita zvakanaka kufunga nzira iyo Jehovha aitonga nayo rudzi irworwo rwekare, tichinyanya kutarisa kuti kubata kwaaiita nevaIsraeri kunoratidza sei kukosha kwokuremekedza chiremera chaMwari nokuvimbika.

Matongerwo Aiitwa vaIsraeri Vekare

3. Zvii zvakanyatsorongwa naJehovha kuti atungamirire vanhu vake?

3 Kunyange Jehovha aiva Mambo asingaoneki wevaIsraeri, akagadza varume vakatendeka sevamiririri vake vanooneka. Kwaiva nemachinda, vakuru vedzimba dzemadzibaba, uye varume vakuru kuti vashumire vanhu sevapi vemazano nevatongi. (Eksodho 18:25, 26; Dheuteronomio 1:15) Zvisinei, hatifaniri kufunga kuti pasina kutungamirira kwaMwari varume vaiva nemitoro ivavo neimwe nzira vaigona kutonga nyaya nenjere nenzwisiso zvakakwana. Vakanga vasina kukwana, uye vaisagona kuziva zvaiva mumwoyo yevavainamata navo. Kunyange zvakadaro, vatongi vaitya Mwari vaigona kupa vavainamata navo zano rinobatsira nokuti raiva rakavakirwa paMutemo waJehovha.—Dheuteronomio 19:15; Pisarema 119:97-100.

4. Vatongi vakatendeka vevaIsraeri vaida chaizvo kudzivisa pfungwa dzipi, uye nei?

4 Zvisinei, kuva mutongi kwaida zvakawanda kupfuura kungoziva Mutemo. Sezvo vakanga vasina kukwana, varume vakuru vaifanira kungwarira kuti vadzore pfungwa dzavo dzaida kuvatuma kuita zvakashata—pfungwa dzakadai sedzokuda kuita udyire, rusaruro, uye makaro—dzaigona kukanganisa kutonga kwavo. Mosesi akavaudza kuti: “Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwaMwari.” Hungu, vatongi vevaIsraeri vaitongera Mwari. Iyoyo yaiva ropafadzo inoshamisa kwazvo!—Dheuteronomio 1:16, 17.

5. Kuwedzera pakugadza vatongi, Jehovha akaita humwe urongwai hwokutarisira vanhu vake?

5 Jehovha akaita humwe urongwa kuti atarisire zvinodiwa zvomudzimu zvevanhu vake. Kunyange vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, akavarayira kuvaka tebhenekeri, nzvimbo yokunamata kwechokwadi. Akarongawo kuti pave nevapristi vanodzidzisa Mutemo, vanopa zvibayiro zvemhuka, uye vanopisa zvinonhuwira zvemangwanani nezvemanheru. Mwari akagadza mukoma waMosesi, Aroni, kuti ave mupristi mukuru wokutanga wevaIsraeri uye akagadza vanakomana vaAroni kuti vabatsire baba vavo pamabasa avo.—Eksodho 28:1; Numeri 3:10; 2 Makoronike 13:10, 11.

6, 7. (a) Vapristi nevaRevhi vakanga vasiri vapristi vaiva noukama hwei? (b) Chidzidzoi chatingawana pakuti vaRevhi vaiita mabasa akasiyana-siyana? (VaKorose 3:23)

6 Kutarisira zvinodiwa zvomudzimu zvemamiriyoni akati kuti evanhu raiva basa guru guru, uye vapristi vaiva vashoma chaizvo. Saka zvakarongwa kuti vabatsirwe nevamwe vanhu vomurudzi rwevaRevhi. Jehovha akataurira Mosesi kuti: “Unofanira kupa Aroni navanakomana vake vaRevhi; vakavapiwa chose pakati pavana vaIsraeri.”—Numeri 3:9, 39.

7 VaRevhi vakanga vakarongeka. Vakapatsanurwa maererano nemhuri dzavo nhatu—vaGeshoni, vaKohati, nevaMerari—vose vaine basa ravaifanira kuita. (Numeri 3:14-17, 23-37) Mamwe mabasa angave akaratidza seanokosha kupfuura mamwe, asi ose aikosha. Basa revaRevhi vechiKohati raivaita kuti vashande paareka tsvene yesungano nokutakura midziyo yokushongedza tebhenekeri. Zvisinei, muRevhi wose, angave aiva muKohati kana kuti asiri, aiva neropafadzo dzakanaka kwazvo. (Numeri 1:51, 53) Zvinosuruvarisa kuti vamwe havana kukoshesa ropafadzo dzavo. Pane kuremekedza chiremera chaMwari nokuvimbika, havana kugutsikana ndokupedzisira vava norudado, kuda chinzvimbo, uye godo. Mumwe wacho aiva muRevhi ainzi Kora.

“Motsvaka Upristiwo Here?”

8. (a) Kora aiva ani? (b) Chii chingave chakaita kuti Kora atange kuona upristi nemaonero omunhu chaiwo?

8 Kora akanga asiriye mukuru weimba yemadzibaba evaRevhi, uyewo akanga asiri mukuru wemhuri dzevaKohati. (Numeri 3:30, 32) Kunyange zvakadaro, aiva muchinda wevaIsraeri airemekedzwa. Mabasa aKora angave akamuita kuti ashande pamwe chete naAroni nevanakomana vake. (Numeri 4:18, 19) Paaizvionera pachake kusakwana kwevarume ava, Kora angave akafunga kuti: ‘Vapristi ava havana kana kumbokwana, asi ndipo pandinotarisirwa kuvaremekedza! Nguva pfupi yapfuura Aroni akaita mhuru yendarama. Kunamata mhuru iyoyo kwakaita kuti vanhu vedu vanamate zvidhori. Iye zvino Aroni, mukoma waMosesi, ava kushanda somupristi mukuru! Ndiko kunonzi kuita chizivanoka uku! Ko kuzoti vanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu? Chaizvoizvo, vakatadza kuremekedza ropafadzo dzavo dzebasa zvinonyadzisa zvokuti Jehovha akavauraya!’ * (Eksodho 32:1-5; Revhitiko 10:1, 2) Chero mafungiro api zvawo aiitwa naKora, zviri pachena kuti akatanga kuona upristi nemaonero omunhu. Izvozvo zvakaita kuti agume apandukira Mosesi naAroni, uye pakupedzisira, akapandukira Jehovha.—1 Samueri 15:23; Jakobho 1:14, 15.

9, 10. Kora nevamwe vaakapanduka navo vakapomera Mosesi chii, uye nei vaisafanira kudaro?

9 Kora zvaaiva murume ane simba, zvakanga zvisina kumuomera kuita kuti vamwe vaiva nepfungwa dzakafanana nedzake vamutsigire. Iye, pamwe chete naDhatani naAbhirami, vakawana vamwe vatsigiri 250—vose vaiva machinda eungano. Pamwe chete vakaenda kuna Mosesi naAroni vakati: “Vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha uri pakati pavo; imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?”—Numeri 16:1-3.

10 Kubva pane zvakanga zvamboitika, vapanduki ivavo vaisafanira kupikisa chiremera chaMosesi. Nguva pfupi yakanga yapfuura, Aroni naMiriami vakanga vaita izvozvo chaizvo. Inga wani zvavakataura zvakangofanana nezvakanga zvichitaurwa naKora! Maererano naNumeri 12:1, 2, vakabvunza kuti: “Ko Jehovha wakataura naMosesi iye oga here? Ko haana kutaura nesuwo here?” Jehovha akanga achiteerera. Akarayira kuti Mosesi, Aroni, naMiriami vaungane pamusuo wetende rokusonganira kuitira kuti Iye aratidze waaisarudza kuva mutungamiriri. Ipapo, nemashoko akajeka Jehovha akati: “Kana kune muprofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope. Muranda wangu Mosesi haana kudaro; wakatendeka paimba yangu yose.” Pashure pazvo, Jehovha akaita kuti Miriami ave nemaperembudzi kwenguva yakati.—Numeri 12:4-7, 10.

11. Mosesi akabata sei nokupandukira kwaKora?

11 Kora nevaya vaitsigirana naye vanofanira kunge vaiziva nezvechiitiko ichocho. Kupandukira kwavo kwakanga kusingagoni kuregererwa. Kunyange zvakadaro, Mosesi akaedza kutaurirana navo nokushivirira. Akavakurudzira kuti vaonge zvikuru ropafadzo dzavo, achiti: “Chinhu chiduku kuti Mwari waIsraeri wakakutsaurai paungano yaIsraeri, kuti akuswededzei kwaari . . . here?” Aiwa, chakanga chisiri “chinhu chiduku”! VaRevhi vakanga vachitova nezvakawanda. Chimwezve chavaida chii? Mashoko akazotaurwa naMosesi anobudisa pachena zvavaifunga mumwoyo yavo: “Motsvaka upristiwo here?” * (Numeri 12:3; 16:9, 10) Zvisinei, Jehovha akaita sei nokupandukirwa kwechiremera chake uku?

Mutongi wevaIsraeri Anopindira

12. Ukama hwakanaka hwaIsraeri naMwari hunoenderera mberi hwaitsamira pai?

12 Jehovha paakapa vaIsraeri Mutemo, akaudza vanhu kuti kana vaiteerera, vaizova “rudzi rutsvene” uye kuti rudzi rwacho rwaigona kuramba ruri rutsvene chero bedzi rwaigamuchira zvairongwa naJehovha. (Eksodho 19:5, 6) Zvino, nokupandukira kuri pachena kwakanga kwava kuitika, yakanga yava nguva yokuti Mutongi wevaIsraeri noMutemi wemirayiro apindire! Mosesi akati kuna Kora: “Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni; mumwe nomumwe atore haryana yake yezvinonhuwira, muise zvinonhuwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe haryana yake yezvinonhuwira, haryana dzine mazana maviri nemakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe haryana yake.”—Numeri 16:16, 17.

13. (a) Nei kupa kwevapanduki zvinonhuwira pamberi paJehovha kwakanga kuri kuzvikudza? (b) Jehovha akaita sei nevapanduki?

13 Maererano noMutemo waMwari, vapristi chete ndivo vaigona kupa zvinonhuwira. Iko kungopa zvinonhuwira pamberi paJehovha kwomuRevhi asiri mupristi kwaidai kwakaita kuti vapanduki ivavo vafunge zvakanaka. (Eksodho 30:7; Numeri 4:16) Hazvisizvo zvakaitwa naKora nevatsigiri vake! Zuva rakatevera racho “akaunganidza ungano yose [kuzorwisana naMosesi naAroni] pamukova wetende rokusonganira.” Nhoroondo yacho inotiudza kuti: “Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akati: Zvitsaurei imi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.” Asi Mosesi naAroni vakateterera kuti upenyu hwevanhu husaparadzwe. Jehovha akateerera kuteterera kwavo. Kana ari Kora neboka rake, “moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuwira.”—Numeri 16:19-22, 35. *

14. Nei Jehovha akatora danho rakasimba mukurwisana neungano yevaIsraeri?

14 Zvinotoshamisa kuti vaIsraeri vakaona zvakaitwa naJehovha kuvapanduki ivavo havana zvavakambodzidza. “Fume mangwana ungano yose yavana vaIsraeri yakapopotera Mosesi naAroni, vachiti: Imi makauraya vanhu vaJehovha.” VaIsraeri vakanga vachitsigira divi revapanduki! Pakupedzisira, kushivirira kwaJehovha kwakapera. Hapana munhu—kunyange Mosesi kana Aroni—aigona kureverera vanhu iye zvino. Jehovha akakonzera denda kuti rirwadze vanhu vakanga vasingateereri, uye “vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi.”—Numeri 16:41-49.

15. (a) VaIsraeri vaifanira kunge vakabvuma utungamiriri hwaMosesi naAroni vasingazenguriri nokuda kwezvikonzero zvei? (b) Nyaya iyi yakudzidzisei nezvaJehovha?

15 Zvakanga zvisina kumbofanira kuti vanhu vose ivavo vafe. Kudai vakanga vangofunga zvakanaka panyaya idzi. Vangadai vakazvibvunza mibvunzo iyi: ‘Ndivanaani vakanomira pamberi paFarao vachiisa upenyu hwavo mungozi? Ndivanaani vakarayira kuti vaIsraeri vasunungurwe? Ndiani chete akanzi akwire Gomo reHorebhi vaIsraeri vasunungurwa kuti ataure nengirozi yaMwari zviso zvakatarisana?’ Chokwadi zvinhu zvinoshamisa zvakaitwa naMosesi naAroni zvakapa uchapupu hwokuvimbika kwavo kuna Jehovha uye kuda kwavo vanhu. (Eksodho 10: 28; 19:24; 24:12-15) Jehovha akanga asingafariri kuuraya vapanduki ivavo. Kunyange zvakadaro, pazvakava pachena kuti vanhu vacho vaizoramba vachipandukira, akasarudza zvaaifanira kuita. (Ezekieri 33:11) Zvose izvi zvinokosha kwazvo kwatiri nhasi. Nei?

Kuziva Nzira Inoshandiswa Nhasi

16. (a) Uchapupu hupi hunofanira kuva hwakaita kuti vaJudha vomuzana remakore rokutanga vabvume kuti Jesu akanga ari mumiririri waJehovha? (b) Nei Jehovha akatsiva upristi hwevaRevhi uye akahutsiva nechii?

16 Nhasi, kune “rudzi” rutsva runa Jehovha soMutongi warwo asingaoneki, Mupi wemirayiro, uye Mambo warwo. (Mateu 21:43) “Rudzi” irworwo rwakavapo muzana remakore rokutanga C.E. Panguva iyoyo, tebhenekeri yomuzuva raMosesi yakanga yatotsiviwa netemberi yakaisvonaka muJerusarema, umo vaRevhi vakanga vachiri kushumira. (Ruka 1:5, 8, 9) Zvisinei, mugore ra29 C.E. pakava neimwe temberi, yomudzimu, iina Jesu Kristu soMupristi Mukuru wayo. (VaHebheru 9:9, 11) Nyaya yechiremera chaMwari yakamuka zvakare. Jehovha akanga achizoshandisa ani kutungamirira “rudzi” rutsva urwu? Jesu akaratidza kuti akanga akavimbika kuna Mwari zvakakwana. Aida vanhu. Akaitawo zviratidzo zvakawanda zvinoshamisa. Zvisinei, kufanana nemadzitateguru avo akanga akaoma mitsipa, ruzhinji rwevaRevhi rwakaramba kugamuchira Jesu. (Mateu 26:63-68; Mabasa 4:5, 6, 18; 5:17) Pakupedzisira, Jehovha akatsiva upristi hwevaRevhi nohumwe hwakasiyana zvachose—upristi hwoumambo. Upristi hwoumambo ihwohwo huchiripo kusvikira nhasi.

17. (a) Iboka ripi rinoumba upristi hwoumambo nhasi? (b) Jehovha anoshandisa sei upristi hwoumambo?

17 Ndivanaani vanoumba upristi hwoumambo uhwu nhasi? Muapostora Petro akapindura mubvunzo iwoyo mutsamba yake yokutanga yakafuridzirwa. Petro akanyorera nhengo dzakazodzwa dzomuviri waKristu kuti: “Imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kweakakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.” (1 Petro 2:9) Kubva mumashoko aya zviri pachena kuti, vari boka, vateveri vaJesu vakazodzwa ndivo vanoumba “upristi hwoumambo,” hwakadanwawo naPetro kunzi “rudzi rutsvene.” Ndivo vanoumba nzira inoshandiswa naJehovha kupa vanhu vake murayiridzo nenhungamiro yomudzimu.—Mateu 24:45-47.

18. Vakuru vakagadzwa vakabatana pai noupristi hwoumambo?

18 Vakuru vakagadzwa, vanoshumira munzvimbo dzomutoro muungano dzevanhu vaJehovha pasi pose ndivo vanomiririra upristi hwoumambo. Varume ava vakakodzera kuremekedzwa nesu uye kutsigirwa nomwoyo wose, kunyange vakazodzwa kana kuti vasina. Nei? Nokuti kuburikidza nomudzimu mutsvene, Jehovha akagadza varume vakuru munzvimbo dzavo. (VaHebheru 13:7, 17) Izvozvo zvingadaro sei?

19. Vakuru vanogadzwa nomudzimu mutsvene munzira ipi?

19 Varume vakuru ava vanoratidza zvinhu zvinodiwa zvakarongwa muShoko raMwari, riri chibereko chomudzimu waMwari. (1 Timoti 3:1-7; Tito 1:5-9) Saka, kugadzwa kwavo kunogona kunzi kunoitwa nomudzimu mutsvene. (Mabasa 20:28) Varume vakuru, kana kuti vakuru, vanofanira kunge vachinyatsoziva Shoko raMwari. Kufanana noMutongi Mukuru akavagadza, vakuru vanofanira kuvenga chinhu chipi nechipi chinoratidza kusarura mukutonga.—Dheuteronomio 10:17, 18.

20. Chii chaunokoshesa zvikuru pamusoro pevakuru vanoshanda nesimba?

20 Pane kupikisana nechiremera chavo, tinoonga zvechokwadi vakuru vedu vanoshanda nesimba! Basa ravo rokutendeka ravave vachiita, kakawanda kacho kwemakumi emakore, rinoita kuti tivimbe navo. Vanogadzirira nokuitisa misangano yeungano nokutendeka, vanoshanda pamwe chete nesu mukuparidza “mashoko akanaka oUmambo,” uye vanopa zano romuMagwaro patinenge tichirida. (Mateu 24:14; VaHebheru 10:23, 25; 1 Petro 5:2) Vanotishanyira patinorwara nokutinyaradza patinenge tichichema. Vanotsigira zvinhu zvoUmambo nokuvimbika uye zvisina udyire. Mudzimu waJehovha uri pavari; vanotenderwa naye.—VaGaratiya 5:22, 23.

21. Vakuru vanofanira kuzivei, uye nei?

21 Ichokwadi kuti varume vakuru havana kukwana. Vachiziva kusakwana kwavo, havaedzi kuremedza boka, “nhaka yaMwari.” Pane kudaro, vanozviona se‘vashandi pamwe nehama dzavo kuti dzifare.’ (1 Petro 5:3; 2 VaKorinde 1:24) Vakuru vanozvininipisa uye vanoshanda nesimba vanoda Jehovha, uye vanoziva kuti pavanonyatsomutevedzera, ndipo pavanoitawo zvakanaka zvakawanda muungano. Vachifunga izvi, vanoramba vachiedza kukudziridza unhu hwakafanana nohwaMwari hwakadai sorudo, tsitsi, nokushivirira.

22. Kudzokorora nhoroondo yaKora kwasimbisa sei kutenda kwako musangano raJehovha rinooneka?

22 Tinofara chaizvo kuva naJehovha soMutongi wedu asingaoneki, Jesu Kristu soMupristi Mukuru wedu, nhengo dzevapristi voumambo vakazodzwa sevadzidzisi vedu, uye varume vakuru vechiKristu vakatendeka sevapi vedu vemazano! Kunyange pasina sangano rinotungamirirwa nevanhu rinogona kuva rakakwana, tinofara kuti tinokwanisa kushumira Mwari pamwe chete nevamwe vatinonamata navo vakatendeka, vanoremekedza chiremera chaMwari vachifara!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Vamwe vanakomana vaviri vaAroni, Eriezari naItamari, vaiva nomuenzaniso wakanaka mubasa ravo kuna Jehovha.—Revhitiko 10:6.

^ ndima 11 Vatsigiri vaKora, Dhatani naAbhiramu, vaiva vokwaRubheni. Nokudaro, zviri pachena kuti vakanga vasingachivi upristi. Vaivenga utungamiriri hwaMosesi uye vairwadziwa nokuti kusvikira panguva iyoyo, tarisiro yavo yokusvika kuNyika Yapikirwa yakanga isati yazadzika.—Numeri 16:12-14.

^ ndima 13 Munguva dzemadzitateguru evaIsraeri, mukuru mumwe nomumwe wemhuri aimiririra mudzimai wake nevana pamberi paMwari, kunyange kupa zvinonhuwira nokuda kwavo. (Genesi 8:20; 46:1; Jobho 1:5) Zvisinei, pakatangwa Mutemo, Jehovha akagadza varume vemhuri yaAroni sevapristi avo vaizopa zvibayiro. Sezviri pachena vapanduki 250 vakanga vasingadi kushandira pamwe nokugadziridzwa uku kwemaitirwo ezvinhu.

Wadzidzei?

• Urongwai hworudo hwakaitwa naJehovha kuti atarisire vaIsraeri?

• Nei kupandukira kwaKora Mosesi naAroni kwakanga kusingagoni kuregererwa?

• Chidzidzoi chatinowana munzira iyo Jehovha akabata nayo vapanduki?

• Tingaratidza sei kuti tinoonga zvinorongwa naJehovha nhasi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Unoona basa ripi neripi raunoitira Jehovha seropafadzo here?

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vakuru vakagadzwa vanomiririra vapristi voumambo