Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 7

Simba Renyika Rechinomwe

Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 7

Nyaya ino ndeyekupedzisira panyaya nomwe dziri mumagazini anotevedzana e“Mukai!” dzinokurukura nezvemasimba enyika manomwe anotaurwa munhoroondo dzeBhaibheri. Chinangwa chacho ndechokuratidza kuti Bhaibheri rakavimbika uye rakafuridzirwa naMwari uye mashoko aro anopa tariro yokuti kutambura kwose kunokonzerwa nokutonga kwevanhu kweutsinye kuchapera.

TIRI kurarama munguva inokosha uye yakanyatsosiyana nedzimwe—munguva yokutonga kwesimba renyika rechinomwe munhoroondo yeBhaibheri. Uyezve, simba iri ndiro rega rinonyatsotaurwa souprofita, nokuti humwe hutanhatu hwakataurwa nezvahwo hwakatonga munguva yainyorwa nhoroondo yeBhaibheri. Richitaura nezvemasimba manomwe, kana kuti “madzimambo,” Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Kune madzimambo manomwe: mashanu awa, mumwe aripo, mumwe haasati asvika, asi paanosvika achagara kwenguva pfupi.” *Zvakazarurwa 17:10.

Makore anoti pfuurei 1 900 adarika, panguva yakanyorwa mashoko iwayo, “madzimambo” mashanu pamanomwe, kana kuti umambo hwezvematongerwo enyika, ‘akanga awa.’ Umambo hwacho hwaiva hweIjipiti, Asiriya, Bhabhironi, Medhiya nePezhiya uye Girisi. Mashoko okuti “mumwe aripo” aireva Roma. Asi Roma yaisazoramba iripo nokusingaperi. Paizova nehumwezve umambo, asi uprofita hwakati: ‘Hahusati hwasvika.’ Maererano nouprofita hweBhaibheri, ‘mambo’ wechinomwe akazovapo! Umambo ihwohwo hwakazova hupi? Huchatonga nokusingaperi here? Kana husingazotongi nokusingaperi, huchabva sei pakuva simba renyika? Bhaibheri haritisiyi tiri murima.

Uprofita Hwakavimbika

Umambo hwechinomwe hwakatanga kuoneka England payakatanga kuva nesimba kuchamhembe kwakadziva kumadokero munzvimbo yaiva pasi peUmambo hweRoma. Pakazosvika makore okuma1760, nyika iyi yaiva pachitsuwa yakava Umambo hweBritain hune simba. Britain yakaramba ichiwedzera kuva noupfumi uye kuva nesimba, uye muzana remakore rechi19, yakanga yava nyika yakapfuma uye ine simba kupfuura dzimwe nyika dzose. Rimwe bhuku rinotsanangura kuti: “Umambo hweBritain hwakanga hwakakura kupfuura humwe hwose hwakanga hwambotonga nyika.” Hwaitonga “vanhu mamiriyoni 372 uye huine nzvimbo yakakura masikweya kiromita anopfuura mamiriyoni 28.”

Kunyange zvakadaro, hondo yenyika yokutanga (1914-1918) yakaita kuti Britain itange ushamwari neUnited States, nyika yaimbova pasi payo. Zvakazoguma nei? Umambo hweBritain hwakaita kuti pave nomubatanidzwa weBritain neAmerica, uye nyika idzi mbiri dzinotaura Chirungu dzine zvakawanda zvinodzibatanidza kusvikira nazvino.​—Ona bhokisi rakanzi,  “Mubatanidzwa Unoshamisa.”

Uprofita huri pana Zvakazarurwa 17:10 hunozadzisa humwe uprofita huri mubhuku raDhanieri. Dhanieri akanyora nezve“chifananidzo chikuru” chakaratidzwa Nebhukadhinezari Mambo weBhabhironi naMwari. (Dhanieri 2:28, 31-43) Dhanieri akabudisa pachena kuna mambo kuti zvikamu zvemuviri wechifananidzo chacho zvaimirira madzimambo aizotevedzana achitonga nyika yose, zvichitanga neBhabhironi, raiva simba renyika yose panguva iyi. (Umambo hweIjipiti uye Asiriya hwakanga hwatombovapo hukapfuura.) Zvakaitika kare zvinoratidza kuti:

Musoro wendarama waimiririra Umambo hweBhabhironi.

Chipfuva nemaoko zvesirivha zvaimiririra Medhiya nePezhiya.

Dumbu nezvidya zvemhangura zvaimiririra Girisi yekare.

Makumbo esimbi aimiririra Umambo hweRoma.

Tsoka, musanganiswa wesimbi neivhu rakaumbwa, zvinomiririra kusabatana kwezvematongerwo enyika uye kwemagariro evanhu panguva yokutonga kwesimba renyika reBritain neAmerica.

Maererano naZvakazarurwa 17:10, simba renyika rechinomwe ‘richagara kwenguva pfupi.’ Ichava nguva yakareba sei? Richabva sei pakuva simba renyika? Uye chii chichazoitika kana rabva? Dhanieri anojekesa mibvunzo iyi.

Chipikirwa Chaunogona Kuvimba Nacho

Apedza kutsanangura chifananidzo chambotaurwa nezvacho, Dhanieri akanyora kuti: ‘Dombo rakacherwa [kubva mugomo] kwete nemaoko, rikarova chifananidzo chacho kutsoka dzacho dzesimbi nevhu rakaumbwa, rikadziparadza.’ (Dhanieri 2:34) Chiitiko ichi chinotyisa chinorevei?

Dhanieri akaenderera achiti: “Mumazuva emadzimambo [okupedzisira] iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo [hwenyika] hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.” * (Dhanieri 2:44, 45) Cherechedza pfungwa idzi dzinokosha:

  1. Umambo hunokunda, hunomiririrwa nedombo guru, ‘huchamutswa’ naMwari pachake kwete “nemaoko” evanhu. Saka zvakakodzera kuti hunzi Umambo hwaMwari.

  2. Umambo hwaMwari “huchapwanya” utongi hwose hwevanhu, kusanganisira simba renyika rechinomwe. Nei? Hwose hucharamba kubva pasimba uye huchapikisa Mwari muhondo yokupedzisira panzvimbo yokufananidzira inonzi Ha-Magedhoni, kana kuti Amagedhoni. Bhaibheri rinobudisa pachena kuti hondo iyi inosanganisira “madzimambo enyika yose inogarwa.”—Zvakazarurwa 16:13, 14, 16.

  3. Kusiyana nehurumende dzevanhu dzinotonga kwenguva pfupi, kusanganisira masimba enyika manomwe, Umambo hwaMwari ‘hahuzomboparadzwi.’ Uyezve, huchatonga nyika yose.—Dhanieri 2:35, 44.

Kuparadzwa kwevavengi vaMwari kokupedzisira ndiko kuchazadzisa uprofita huri pana Genesisi 3:15 hwakataurwa nezvahwo munyaya yokutanga yenyaya dzino dzinotevedzana. Mwana womukadzi, Jesu Kristu, aizoparadza nyoka yokufananidzira, Satani nevana vake. (VaGaratiya 3:16) Vana vaSatani vanosanganisira vanhu vose vanotevedzera nzira dzake dzakaipa uye vanokurudzira vanhu kuti vazvitonge vachiramba kutonga kwaMwari naKristu.—Pisarema 2:7-12.

Izvi zvinoita kuti tifunge nezvemubvunzo unokosha wokuti: Kuparadza ikoko kwokupedzisira kuchaitika rini? Chokwadi, “dombo”—Umambo hwaMwari—huchaparadza umambo hwevanhu rini? Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo richitaura nezve“chiratidzo” chemazuva okupedzisira.—Mateu 24:3.

Ziva “Chiratidzo” Chacho!

Chiratidzo chemazuva okupedzisira chinosanganisira hondo yenyika yose, “kudengenyeka kwenyika kukuru,” “matenda,” uye “kushomeka kwezvokudya” kukuru. (Ruka 21:10, 11; Mateu 24:7, 8; Mako 13:8) Chimwe chaizoratidza kuti tava “mumazuva okupedzisira” kurarama kwevanhu vasingatevedzeri mitemo yaMwari ine chokuita netsika uye kunamata. (2 Timoti 3:1-5) Zvinhu zvose izvi zvakatoitika here? (Mateu 24:8) Hungu—zvokutoti vanhu vava kutya ramangwana ravo. Pepanhau rinonzi The Globe and Mail rakati: “Vamwe vanhu vanoremekedzwa vanonzi ishasha pakufunga nezvesayenzi uye zvemagariro evanhu vari kunyevera nezvezvinotyisa zvichaitika, kuti vanhu vachatsakatika.”

Zvisinei, chimwe chinhu chatinofanira kuziva ndechokuti, zviri kufanotaurwa izvi ndezvenhema—vanhu havazombotsakatiki. Chokwadi ndechokuti tine chivimbo chakadaro nemhaka yokupindira kuchaita Umambo hwaMwari! Achitaura nezvechiratidzo chomugumo, Jesu Kristu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Uprofita uhwu huri kuzadzika sei?

Munyika dzinopfuura 230, Zvapupu ZvaJehovha zviri kuzivisa Umambo hwaMwari. Chokwadi, musoro wemagazini yavanonyanya kushandisa unoti, Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—Jehovha riri zita raMwari pachake. (Pisarema 83:18) Purogiramu yokudzidzisa Bhaibheri yeZvapupu yabatsira mhuri pamwe chete nevanhu vakawanda kuti vachinje upenyu hwavo vova netsika dzakanaka pamwe chete nokuva norugare nevamwe sezvinoenderana nemitemo yaMwari. (1 VaKorinde 6:9-11) Somugumisiro, mamiriyoni evanhu pasi rose vanovimba kuti vachachengetedzwa naMwari Umambo hwake pahuchapindira munyaya dzevanhu.

Zvechokwadi vachaona nemaziso avo, kuzadzika kwemashoko omunyengetero waKristu wokuenzanisira, dzimwe nguva unonzi Munyengetero waShe, chidimbu chawo chinoti: “Ushe hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.” (Mateu 6:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Wakamboshamisika here kuti upenyu huchange hwakaita sei vanhu vose pavanenge vava kuda uye kuteerera Mwari? Ndima dzeBhaibheri dzinotevera dzichakubatsira kunzwisisa chikonzero nei mashoko okuti “mashoko akanaka” akakodzera.

Kuda kwaMwari Pakuchaitwa Panyika . . .

  • Pachava norugare rwechokwadi, uyezve hondo inenge isisipo. “Jehovha . . . anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.” (Pisarema 46:8, 9) “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”​—Pisarema 37:11.

  • Munhu wose achange ava nezvokudya zvakawanda. “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”​—Pisarema 72:16.

  • Munhu wose achange ava noutano hwakanaka. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”​—Isaya 33:24.

  • Munhu wose achange ava nepokugara pakanaka. “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya.”​—Isaya 65:21, 22.

  • Kutambudzika kwose kuchange kwapera. “Tende raMwari riri pakati pevanhu, . . . achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”​—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Zvipikirwa izvozvo hazvikufadzi here? Kana zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinokukurudzira kuti udzidze zvakawanda muBhaibheri. Zvechokwadi, kana ukadaro uchazvionera uchapupu hwakawanda hwokuti kutonga kwevanhu vanoitira vamwe utsinye kwava kuda kupera. Uchaonawo kuti unofanira kuvimba kuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari.​—2 Timoti 3:16. *

^ ndima 4 Umambo pachahwo hunowanzotaurwa nezvahwo sa“mambo” nemhaka yokuti umambo hunotaurwa muBhaibheri hwaiwanzotongwa namambo.​—Dhanieri 8:20-22.

^ ndima 18 Kuti uzive zvakawanda nezvoUmambo hwaMwari hwokudenga, ona zvitsauko 8 ne 9 zvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 35 Kuti udzidze zvakawanda nezveBhaibheri, sununguka kutaura neZvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara, nyorera Jehovah’s Witnesses uchishandisa imwe yekero dziri papeji 5 kana kuti enda paIndaneti, pawww.watchtower.org.