Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 8

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

1. Tichakurukura nezvemunyengetero upi wakakurumbira?

VANHU vakawanda vanoziva munyengetero wakakurumbira unonzi Munyengetero waShe kana kuti Munamato waShe. Jesu akataura munyengetero uyu achidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera. Akanyengetera nezvei? Uye nei munyengetero uyu uchikosha kwatiri nhasi?

2. Zvinhu zvipi zvitatu zvatakadzidziswa naJesu kunyengeterera?

2 Jesu akati: “Munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe [kana kuti, ngariitwe dzvene]. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.’” (Verenga Mateu 6:9-13.) Nei Jesu akatidzidzisa kunyengeterera zvinhu zvitatu izvozvo?—Ona Mamwe Mashoko 18.

3. Tinoda kuziva chii nezveUmambo hwaMwari?

3 Takadzidza kuti zita raMwari rinonzi Jehovha.Uye takakurukura nezvekuda kwaMwari. Tava kuziva kuti akasikirei vanhu nenyika. Asi Jesu airevei paakati: “Umambo hwenyu ngahuuye”? Tichadzidza kuti chii chinonzi Umambo hwaMwari, uye kuti huchaitei, tozodzidza kuti huchaita sei kuti zita raMwari rive dzvene.

CHII CHINONZI UMAMBO HWAMWARI?

4. Chii chinonzi Umambo hwaMwari, uye Mambo wahwo ndiani?

4 Jehovha akagadza hurumende yekudenga uye akasarudza Jesu kuti ave Mambo wayo. Bhaibheri rinodana hurumende iyoyo kuti Umambo hwaMwari. Jesu “ndiye Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe.” (1 Timoti 6:15) Jesu anogona kuita zvakanaka kupfuura zvati zvamboitwa kana nemutongi upi zvake wepanyika, uye ane simba kupfuura vatongi vese vepanyika vabatanidzwa.

5. Umambo hwaMwari huchatonga chii, uye hunotonga huri kupi?

5 Jesu akadzokera kudenga pashure pemazuva 40 amutswa. Jehovha akazomugadza kuti ave Mambo weUmambo hwacho. (Mabasa 2:33) Umambo hwaMwari huchatonga nyika ino huri kudenga. (Zvakazarurwa 11:15) Ndokusaka Bhaibheri richidana Umambo hwaMwari kuti ‘Umambo hwekudenga.’—2 Timoti 4:18.

6, 7. Chii chinoita kuti Jesu apfuure madzimambo ese evanhu?

6 Bhaibheri rinotaura kuti Jesu mukuru kuna mambo upi zvake panyika nekuti ndiye “ega asingafi.” (1 Timoti 6:16) Vatongi vese vevanhu vanopedzisira vafa, asi Jesu haasi kuzombofa. Zvakanaka zvese zvatichaitirwa naJesu zvichagara nekusingaperi.

7 Uprofita hweBhaibheri hunotaura kuti Jesu achava Mambo anotonga zvisina rusarura uye ane tsitsi. Hunoti: “Mweya waJehovha uchagara paari, mweya weuchenjeri uye wekunzwisisa, mweya wekupa mazano uye wekuva nesimba, mweya wekuziva uye wekutya Jehovha. Uye achafarira chaizvo kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nemaziso ake, kana kutsiura nezvaanongonzwa nenzeve dzake. Achatonga vakaderera [kana kuti, varombo] zvakanaka.” (Isaya 11:2-4) Haudi kuva namambo akadaro here?

8. Tinoziva sei kuti Jesu haasi kuzotonga ega?

8 Mwari akasarudza vamwe vanhu kuti vazotonga pamwe chete naJesu muhurumende yekudenga. Muapostora Pauro akaudza Timoti kuti: “Kana tikaramba tichitsungirira, tichatongawo pamwe chete semadzimambo.” (2 Timoti 2:12) Vangani vachatonga semadzimambo naJesu?

9. Vangani vachatonga pamwe chete naJesu? Mwari akatanga riini kuvasarudza?

9 Sekudzidza kwatakaita muChitsauko 7, muapostora Johani akaona chiratidzo chaJesu ari Mambo kudenga aine mamwe madzimambo 144 000. Madzimambo 144 000 aya ndivanaani? Johani anotsanangura kuti “vakanyorwa zita [raJesu] nezita raBaba [vake] pahuma dzavo.” Anozowedzera kuti: “Ava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana [kureva Jesu] pasinei nekwarinoenda. Vakatengwa pakati pevanhu.” (Verenga Zvakazarurwa 14:1, 4.) Vanhu 144 000 ava vaKristu vakatendeka vakasarudzwa naMwari, “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” Pavanofa, vanomutswa kuti vanorarama kudenga. (Zvakazarurwa 5:10) Kubvira panguva yevaapostora, Jehovha anga achisarudza vaKristu vakatendeka kuti vazova vamwe vemadzimambo 144 000.

10. Nei tingati Jehovha akaratidza rudo pakuita kuti Jesu nevane 144 000 vatonge vanhu?

10 Jehovha anotida zvikuru zvekuti akaronga kuti pave nevanhu vachatonga pamwe chete naJesu. Jesu achava mutongi akanaka nekuti anotinzwisisa. Akamboraramawo semunhu wenyama uye akatambura. Pauro akati Jesu anotinzwisisa uye ‘anotinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu,’ uye “akaedzwa pamamiriro ese ezvinhu sezvatakaitwawo.” (VaHebheru 4:15; 5:8) Madzimambo 144 000 akararamawo sevanhu venyama. Vakarwisana nechivi uye vairwarawo. Saka tine chivimbo chekuti Jesu nevane 144 000 vachange vachinzwisisa zviri mumwoyo yedu uye matambudziko atinotarisana nawo.

UMAMBO HWAMWARI HUCHAITEI?

11. Nei Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengeterere kuti kuda kwaMwari kuitwe kudenga?

11 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera kuti kuda kwaMwari kuitwe kudenga. Nei akataura nezvekudenga? Takadzidza muChitsauko 3 kuti Satani Dhiyabhorosi akapandukira Jehovha. Pashure pekupanduka kwaSatani, Jehovha akambomusiya ari kudenga pamwe nengirozi dzisina kutendeka, kana kuti madhimoni. Saka havasi vese vaiita kuda kwaMwari kudenga. MuChitsauko 10, tichadzidza zvakawanda nezvaSatani nemadhimoni.

12. Zviitiko zvipi zviviri zvinokosha zvinotsanangurwa pana Zvakazarurwa 12:10?

12 Bhaibheri rinotsanangura kuti pashure pekugadzwa saMambo weUmambo hwaMwari, Jesu aizorwisana naSatani. (Verenga Zvakazarurwa 12:7-10.) Vhesi 10 inotsanangura zviitiko zviviri zvinokosha zvikuru. Umambo hwaMwari hunotanga kutonga huina Jesu Kristu saMambo wahwo, uye Satani anokandwa pasi kubva kudenga. Sezvatichadzidza, zvinhu izvi zvakatoitika.

13. Chii chakaitika kudenga pakakandirwa Satani pasi?

13 Bhaibheri rinotsanangura kufara kwakaita ngirozi dzakatendeka pakakandirwa Satani nemadhimoni ake pasi. Tinoverenga kuti: “Farai, imi matenga nemi munogara maari!” (Zvakazarurwa 12:12) Iye zvino kudenga kune runyararo nekubatana zvakakwana nekuti vese variko vari kuita kuda kwaMwari.

Kubvira pakakandwa Satani nemadhimoni ake panyika, matambudziko akawedzera. Matambudziko aya ava pedyo kupera

14. Chii chiri kuitika panyika nemhaka yekuti Satani akakandwa kubva kudenga?

14 Asi pasi pano upenyu hahuna kudaro. Vanhu vari kusangana nematambudziko anotyisa ‘nekuti Dhiyabhorosi akadzikapo’ uye “akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:12) Satani akaguta nehasha. Akakandwa kubva kudenga, uye anoziva kuti ava kuda kuparadzwa. Anoita zvese zvaanogona kuti nyika yese izare nenhamo nematambudziko.

15. Mwari akasika nyika aine chinangwa chei?

15 Asi chinangwa chaMwari chaakasikira nyika hachina kuchinja. Achiri kuda kuti vanhu vazorarama muparadhiso pasi pano vasina chivi. (Pisarema 37:29) Saka Umambo hwaMwari huchaita sei kuti izvozvo zviitike?

16, 17. Dhanieri 2:44 inotiudzei nezveUmambo hwaMwari?

16 Uprofita huri pana Dhanieri 2:44 hunoti: “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwese uhwu, uye ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.” Uprofita uhwu hunotidzidzisei nezveUmambo hwaMwari?

17 Chekutanga, hunotiudza kuti Umambo hwaMwari hwaizotanga kutonga “mumazuva emadzimambo iwayo.” Izvi zvinoreva kuti Umambo uhwu hwaizotanga kutonga dzimwe hurumende dzichiripo panyika. Chechipiri, hunotiudza kuti Umambo hwaMwari huchagara nekusingaperi uye hahuzombofi hwakatsiviwa neimwe hurumende. Uye chechitatu, paizova nehondo pakati peUmambo hwaMwari nehurumende dzepanyika. Umambo hwaMwari ndihwo hwaizokunda hwova ihwo hwega hurumende inotonga panyika. Vanhu vanobva vava nehurumende yakanakisisa kupfuura dzese dzati dzambovapo.

18. Hondo yekupedzisira pakati peUmambo hwaMwari nehurumende dzenyika ino inonzi chii?

18 Umambo hwaMwari huchatora sei utongi hwepanyika pano? Kuchaitika hondo yekupedzisira, inonzi hondo yeAmagedhoni. Hondo iyoyo ichaitika pashure pekunge madhimoni afurira ‘madzimambo enyika yese kuti aaunganidzire kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.’ Kureva kuti hurumende dzevanhu dzicharwa neUmambo hwaMwari.—Zvakazarurwa 16:14, 16; ona Mamwe Mashoko 9.

19, 20. Nei tichida kuti Umambo hwaMwari hutonge pasi pano?

19 Nei tichida Umambo hwaMwari? Pane zvikonzero zvakawanda asi tichangotaura zvitatu chete. Chekutanga, tiri vatadzi, saka tinorwara uye tinofa. Asi Bhaibheri rinoti muUmambo hwaMwari, tichararama nekusingaperi. Johani 3:16 inoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.”

20 Chechipiri, takapoteredzwa nevanhu vakaipa. Vakawanda vanonyepa, vanonyengedza, uye vakafumuka. Hapana zvatinogona kuvaita, asi Mwari achavabvisa. Vanhu vanoramba vachiita zvinhu zvakaipa vachaparadzwa paAmagedhoni. (Verenga Pisarema 37:10.) Chechitatu chinoita kuti tide Umambo hwaMwari ndechekuti hurumende dzevanhu hadzina simba, dzine utsinye, uye dzine uori. Hadzina chido chekubatsira vanhu kuita kuda kwaMwari. Bhaibheri rinoti ‘munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’—Muparidzi 8:9.

21. Umambo hwaMwari huchaita sei kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika?

21 Pashure peAmagedhoni, Umambo hwaMwari huchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. Huchabvisa Satani nemadhimoni ake. (Zvakazarurwa 20:1-3) Pachapedzisira pasisina munhu anorwara kana anofa. Vanhu vese vakatendeka vachabatsirwa nerudzikinuro kuti vararame nekusingaperi muParadhiso. (Zvakazarurwa 22:1-3) Umambo huchaita kuti zita raMwari rive dzvene. Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti kana Umambo hwaMwari hwava kutonga pasi pano, munhu wese achakudza zita raJehovha.—Ona Mamwe Mashoko 19.

JESU AKAVA MAMBO RIINI?

22. Tinoziva sei kuti Jesu haana kuva Mambo paaiva pasi pano kana kuti achangomutswa?

22 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” Saka zvaiva pachena kuti Umambo hwaMwari hwakanga husati hwauya. Jehovha aizotanga agadza hurumende yake oita kuti Jesu ave Mambo wayo. Jesu akabva aitwa Mambo paakadzokera kudenga here? Kwete, aifanira kumbomirira. Pati pfuurei nguva shomanana Jesu amutswa, Petro naPauro vakajekesa izvi pavakashandisa uprofita huri pana Pisarema 110:1 vachitaura nezvaJesu. Muuprofita hwacho Jehovha anoti: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.” (Mabasa 2:32-35; VaHebheru 10:12, 13) Jesu aifanira kuzomirira kwenguva yakadii asati aitwa Mambo naJehovha?

Umambo hwaMwari huchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika

23. (a) Jesu akatanga riini kutonga saMambo weUmambo hwaMwari? (b) Tichadzidza nezvei muchitsauko chinotevera?

23 Rimwe boka revaKristu rakanzwisisa 1914 asati atombosvika kuti gore iroro raizova rinokosha zvikuru muuprofita hweBhaibheri. Zvinhu zviri kuitika panyika kubvira muna 1914 zvinoratidza kuti zvavaitaura ndezvechokwadi. Jesu akatanga kutonga saMambo gore iroro. (Pisarema 110:2) Jesu achangotanga kutonga, Satani akakandwa panyika, uye iye zvino “ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:12) Muchitsauko chinotevera, tichaona zvakawanda zvinoratidza kuti tiri kurarama munguva iyoyo pfupi. Tichadzidzawo kuti Umambo hwaMwari hwasarirwa nenguva shomanana kuti huite kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika.—Ona Mamwe Mashoko 20.