Isaya 11:1-16

  • Kutonga kwakarurama kwenhungirwa yaJese (1-10)

    • Mhumhi negwayana zvichagara pamwe chete (6)

    • Nyika ichazara nekuziva Jehovha (9)

  • Vakasara vanodzoswa (11-16)

11  Pachigutsa chaJese+ pachabuda nhungirwa,+Uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.   Mweya waJehovha uchagara paari,+Mweya weuchenjeri+ uye wekunzwisisa,Mweya wekupa mazano uye wekuva nesimba,+Mweya wekuziva uye wekutya Jehovha.   Uye achafarira chaizvo kutya Jehovha.+ Haazotongi nezvaanoona nemaziso ake,Kana kutsiura nezvaanongonzwa nenzeve dzake.+   Achatonga vakaderera zvakanaka,*Uye achatsiura nekururama achiitira vanyoro venyika. Acharova nyika neshamhu yemuromo wake+Uye achauraya munhu akaipa nemweya wekufema* wemuromo wake.+   Kururama kuchava bhandi remuchiuno chake,Uye kutendeka bhandi rehudyu dzake.+   Mhumhi ichagara negwayana kwenguva diki,+Uye mbada icharara pasi nembudzi diki,Uye mhuru neshumba* nemhuka yakakodzwa zvichava pamwe chete;+Uye kakomana kachazvitungamirira.   Mhou nebheya zvichafura pamwe chete,Uye vana vazvo vacharara pasi pamwe chete. Shumba ichadya uswa semombe.+   Mwana anoyamwa achatamba panogara mhungu,Uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake panogara nyoka ine uturu.   Hazvizombokuvadzi+Kana kuparadza pagomo rangu rese dzvene,+Nekuti chokwadi nyika ichazara nekuziva JehovhaSekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.+ 10  Pazuva iroro mudzi waJese+ uchamira sechiratidzo* kumarudzi.+ Marudzi achaenda kwaari kuti atungamirirwe,*+Uye nzvimbo yake yekuzororera ichakudzwa. 11  Pazuva iroro Jehovha achapazve ruoko rwake, kechipiri, kuti atore vanhu vake vashoma vakasara kuAsiriya,+ kuIjipiti,+ kuPatrosi,+ kuKushi,+ kuEramu,+ kuShinari,* kuHamati, nekuzvitsuwa zvegungwa.+ 12  Achamisira marudzi chiratidzo,* ounganidza vaIsraeri vakapararira,+ uye achaunganidza vaJudha vakapararira achivabvisa kumativi mana enyika.+ 13  Godo raEfremu richapera,+Uye vaya vanovenga Judha vachaparadzwa. Efremu haazoitiri Judha godo,Uyewo Judha haazovengi Efremu.+ 14  Vachadzika nekukurumidza pamateru* evaFiristiya nechekumavirira;Vachabatana pakupamba vanhu vekuMabvazuva. Vachatambanudza ruoko rwavo kuti varwise Edhomu*+ neMoabhi,+Uye vaAmoni vachava pasi pavo.+ 15  Jehovha achaparadzanisa* chikamu chegungwa reIjipiti,+Uye achafambisa ruoko rwake pamusoro peRwizi.*+ Acharurova muhova dzarwo* nomwe nemweya wake wekufema unopisa,Uye achaita kuti vanhu vayambuke vakapfeka shangu dzavo. 16  Uye pachava nemugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nekuda kwevashoma vasara pavanhu vake,+Sewaivapo kuvaIsraeri pazuva ravakabuda munyika yeIjipiti.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “zvakarurama.”
Kana kuti “nemweya.”
Kana kuti “neshumba yava nezenze.”
Kana kuti “Marudzi achamutsvaga.”
Kana kuti “sebango rechiratidzo.”
Kana kuti “kuBhabhironia.”
Kana kuti “bango rechiratidzo.”
ChiHeb., “papfudzi.”
Kana kuti “Vachaita kuti simba ravo risvike kuEdhomu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “achaomesa.”
Kureva, Yufratesi.
Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti ruve hova.”