Isaya 11:1-16
11 Pachigutsa chaJese+ pachabuda nhungirwa,+Uye bukira+ rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.
2 Mweya waJehovha uchagara paari,+Mweya weuchenjeri+ uye wekunzwisisa,Mweya wekupa mazano uye wekuva nesimba,+Mweya wekuziva uye wekutya Jehovha.
3 Uye achafarira chaizvo kutya Jehovha.+
Haazotongi nezvaanoona nemaziso ake,Kana kutsiura nezvaanongonzwa nenzeve dzake.+
4 Achatonga vakaderera zvakanaka,*Uye achatsiura nekururama achiitira vanyoro venyika.
Acharova nyika neshamhu yemuromo wake+Uye achauraya munhu akaipa nemweya wekufema* wemuromo wake.+
5 Kururama kuchava bhandi remuchiuno chake,Uye kutendeka bhandi rehudyu dzake.+
6 Mhumhi ichagara negwayana kwenguva diki,+Uye mbada icharara pasi nembudzi diki,Uye mhuru neshumba* nemhuka yakakodzwa zvichava pamwe chete;+Uye kakomana kachazvitungamirira.
7 Mhou nebheya zvichafura pamwe chete,Uye vana vazvo vacharara pasi pamwe chete.
Shumba ichadya uswa semombe.+
8 Mwana anoyamwa achatamba panogara mhungu,Uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake panogara nyoka ine uturu.
9 Hazvizombokuvadzi+Kana kuparadza pagomo rangu rese dzvene,+Nekuti chokwadi nyika ichazara nekuziva JehovhaSekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.+
10 Pazuva iroro mudzi waJese+ uchamira sechiratidzo* kumarudzi.+
Marudzi achaenda kwaari kuti atungamirirwe,*+Uye nzvimbo yake yekuzororera ichakudzwa.
11 Pazuva iroro Jehovha achapazve ruoko rwake, kechipiri, kuti atore vanhu vake vashoma vakasara kuAsiriya,+ kuIjipiti,+ kuPatrosi,+ kuKushi,+ kuEramu,+ kuShinari,* kuHamati, nekuzvitsuwa zvegungwa.+
12 Achamisira marudzi chiratidzo,* ounganidza vaIsraeri vakapararira,+ uye achaunganidza vaJudha vakapararira achivabvisa kumativi mana enyika.+
13 Godo raEfremu richapera,+Uye vaya vanovenga Judha vachaparadzwa.
Efremu haazoitiri Judha godo,Uyewo Judha haazovengi Efremu.+
14 Vachadzika nekukurumidza pamateru* evaFiristiya nechekumavirira;Vachabatana pakupamba vanhu vekuMabvazuva.
Vachatambanudza ruoko rwavo kuti varwise Edhomu*+ neMoabhi,+Uye vaAmoni vachava pasi pavo.+
15 Jehovha achaparadzanisa* chikamu chegungwa reIjipiti,+Uye achafambisa ruoko rwake pamusoro peRwizi.*+
Acharurova muhova dzarwo* nomwe nemweya wake wekufema unopisa,Uye achaita kuti vanhu vayambuke vakapfeka shangu dzavo.
16 Uye pachava nemugwagwa mukuru+ unobva kuAsiriya nekuda kwevashoma vasara pavanhu vake,+Sewaivapo kuvaIsraeri pazuva ravakabuda munyika yeIjipiti.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “zvakarurama.”
^ Kana kuti “nemweya.”
^ Kana kuti “neshumba yava nezenze.”
^ Kana kuti “Marudzi achamutsvaga.”
^ Kana kuti “sebango rechiratidzo.”
^ Kana kuti “kuBhabhironia.”
^ Kana kuti “bango rechiratidzo.”
^ ChiHeb., “papfudzi.”
^ Kana kuti “Vachaita kuti simba ravo risvike kuEdhomu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “achaomesa.”
^ Kureva, Yufratesi.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti ruve hova.”