Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakafa Vanogona Kubatsira Vapenyu Here?

Vakafa Vanogona Kubatsira Vapenyu Here?

Vakafa Vanogona Kubatsira Vapenyu Here?

TAMBA, rimwe jaya riri kuWest Africa, rakanga rava kuda kunyora bvunzo kuchikoro. * Amai vake vakasimbirira nerokuti aifanira kubatsirwa nehama dzake dzakafa kuitira kuti abudirire pabvunzo yake. MuPalermo, kuSicily, vashanyi vanoshanyira makuva evashakabvu ane mazana ezvitunha zvisina kuora. Vamwe vanodavira kuti zvitunha izvi zvinogona kudzivirira vapenyu sezvinoita Mwari. Gore negore, vanhu vanoshanyira Lily Dale, guta riri kumadokero kweNew York State, U.S.A., rinozivikanwa kuti rine masvikiro akawanda. Vashanyi vanosvika muguta iri vaine tarisiro yokuti vanogona kutaura nehama neshamwari dzavo dzakafa vobatsirwa.

Munyika yose, vanhu vachiri kutenda kuti vakafa vanogona kubatsira vapenyu. Unofungei? Zvichida ndizvo zvawakadzidziswa kana kuti une ukama nevanokoshesa chitendero ichocho. Zvingori matiri kuda hama dzedu dzakafa. Masvikiro anoti anogona kuita kuti titaure navo. Zvinonzi rimwe svikiro rakataura mashoko aya ari mumagazini inonzi Time richiti, “vokunyikadzimu vagara varipo kuti vabatsire kana vakakumbirwa.” Ichokwadi here? Vakafa vanogona kubatsira vapenyu here? Mhinduro yakajeka yeBhaibheri ingakushamisa.

Vakafa Vapenyu Kune Imwe Nzvimbo Here?

Bhaibheri rinotsanangura zviri nyore, zvinonzwisisika mamiriro ezvinhu evakafa. Ona zvinotaurwa pana Muparidzi 9:5, panoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” Vakafa vanorwadziwa here kana kufara? Ndima 6 inoti: “Rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara, havasisinazve mugove nokusingagumi pazvose zvinofanira kuitwa pasi pezuva.” Onawo zvinotaurwa nendima 10 iri muchitsauko chimwe chete ichocho, inoti, “muSheori, iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” Shoko rechiHebheru rokuti “Sheori” rakashandiswa pano rinoreva kuti “guva rinoendwa nevanhu vose.” Shoko rechiGiriki rinoreva zvakafanana naro nderekuti “Hadhesi,” irowo rinoshandiswa muMagwaro kuratidza kuti ndiko kwakaenda Jesu Kristu kwenguva pfupi paakafa.—Mabasa 2:31.

Jesu akabatsira vakawanda paaiva mupenyu, asi aiziva kuti aizofa. Aitarisira kuti aizenge achiri kukwanisa kubatsira vanhu panguva iyoyo yaainge ari muguva here? Kwete. Akafananidza rufu rwake rwakanga rwoda kuitika nenguva yokurara inenge isingaiti kuti munhu akwanise kuita basa. (Johani 9:4) Jesu ainyatsoziva kuti vanhu pavanofa, ‘havana simba murufu.’—Isaya 26:14.

Jesu akashandisawo fananidzo yakabudisa pfungwa yakafanana paaitaura nezvorufu. Pakafa shamwari yake Razaro, Jesu akafananidza rufu nokurara. (Johani 11:11-13) Hatitarisiri kubatsirwa nomunhu akarara, tingadaro here? Munhu akarara haana chaanoziva, haakwanisi kuitira munhu mupenyu chinhu.

Mweya Unoramba Here Uchirarama Parufu?

Vakawanda vakadzidziswa kuti mweya mumvuri unoramba uchirarama panofa munhu. Bhaibheri rinodzidzisa zvakasiyana. Bhuku rokutanga reBhaibheri raGenesisi, rinotiudza kuti mweya wacho chii. Genesisi 2:7 inoti pakasikwa munhu wokutanga, “akava mweya mupenyu.” Munhu mweya; mhukawo mweya. (Genesisi 1:20-25) Saka, zvine musoro kuti panofa vanhu kana kuti mhuka, mweya unofa. Bhaibheri rinosimbisa izvozvo.—Ezekieri 18:4.

Zvisinei, vamwe vangabvunza kuti, ‘Zvakadii nenyaya dzinotaurwa nevanhu vakawanda vanoti vakataura nevanhu vakafa, vakanzwa mazwi avo, kana kuti vakavaona?’ Nhoroondo dzakadaro dzinotaurwa chaizvo munyika dzakawanda dziri munyika. Nyaya idzi dzinoita kuti hama neshamwari dzinenge dzichichema dzive netariro, dzichiita kuti vakawanda vatsvake svikiro rinogona kutaura nevakafa.

Nyaya idzodzo ndedzechokwadi here? Kana zvakadaro, izvi hazvingapesani here nezvinotaurwa nemashoko ari pamusoro apa eBhaibheri? Kristu Jesu akarondedzera Shoko raMwari achiti nderechokwadi. (Johani 17:17) Mashoko echokwadi haazvipokani. Kutaura zvazviri, muBhaibheri mune mirayiridzo yakajeka inotaura maonero atinofanira kuita mashoko anotaurwa okuti vakafa vanogona kubatsira vapenyu. Bhaibheri rinotiudza nezvomumwe munhu akaedza kutsvaka rubatsiro kune vakafa. Ukanyatsoverenga nhoroondo yacho uchawana chokwadi.

Mumwe Mambo Anokumbira Kubatsirwa Nevakafa

Zvakaitikira kwairwirwa hondo kumaodzanyemba kweIsraeri. Mambo Sauro nemauto ake akavingwa nemauto aityisa evaFiristiya. Sauro paakaona musasa wevaFiristiya, “mwoyo wake wakatanga kudedera kwazvo.” Panguva iyi, Sauro paaitonga akanga asiya kunamata kwechokwadi. Saka Jehovha haana kupindura minyengetero yake. Sauro aizoenda kunotsvaka rubatsiro kupi? Samueri, muprofita waMwari akanga afa.—1 Samueri 28:3, 5, 6.

Sauro akaenda kunotsvaka rubatsiro kusvikiro raiva kuEndori. Akateterera svikiro racho kuti ‘ribudise Samueri’ kubva kune vakafa. Svikiro racho rakakumbira kuti pave nedzangaradzimu raSamueri. “Samueri” wacho akataura kuti vaFiristiya vaizokunda uye kuti Sauro nevanakomana vake vaizofira muhondo. (1 Samueri 28:7-19) Aiva Samueri chaiye here akanga adzoka kubva kune vakafa?

Chimbofunga nezvazvo. Bhaibheri rinotaura kuti parufu munhu ano“dzokera kuivhu rake” uye “pfungwa dzake dzinoparara.” (Pisarema 146:4) Sauro naSamueri vaiziva kuti Mwari airambidza vanhu kuti vataure nemasvikiro. Handiti Sauro ndiye akanga ambotungamirira kuti vasaite zvemidzimu munyika yake!—Revhitiko 19:31.

Chimbofungisisazve nyaya yacho. Kudai Samueri akanga akatendeka ainge achiri kurarama somudzimu, aizotyora mutemo waMwari obatana nesvikiro kuitira kuti vaonane naSauro here? Jehovha akanga aramba kutaura naSauro. Kutaura zvazviri, svikiro raizomanikidza Mwari Wemasimbaose kuti akurukure naSauro achishandisa Samueri akafa here? Kwete. Zviri pachena kuti “Samueri” uyu akanga asiri muprofita waMwari akanga akatendeka. Waiva mudzimu, dhimoni rakaipa rainyepedzera kunge Samueri akafa.

Madhimoni ingirozi dzakapandukira simba raMwari kare munhoroondo yokutanga kwevanhu. (Genesisi 6:1-4; Judha 6) Madhimoni aya anogona kucherechedza vanhu pavanenge vachirarama; anoziva matauriro atinoita, zvitarisiko zvedu, uye zvatinoita. Anoda chaizvo kusimudzira pfungwa yokuti zvinotaurwa neBhaibheri hazvisi zvechokwadi. Ndosaka Bhaibheri richitinyevera kuti tisambotaura nemidzimu iyoyo! (Dheuteronomio 18:10-12) Midzimu iyoyo ichiripo nanhasi.

Ndosaka mazuva ano tichiona nei kuine vanhu vakawanda vanoti “vakanzwa” kana kuti “vakaona” vadiwa vavo vakafa. Kunyange zvazvo midzimu iyoyo pane dzimwe nguva ingaita seshamwari dzakanaka, midzimu yakaipa yakatsunga kuti inyengedze vanhu. * (VaEfeso 6:12) Uyewo, chimbofunga izvi: Jehovha ndiMwari ane rudo ane hanya nesu. Kudai vakafa vanga vari vapenyu kune imwe nzvimbo uye vachigona kubatsira shamwari nemhuri dzavo, Musiki wedu ane rudo aizorambidza kukurukurirana navo here uye kuzviti ‘zvinonyangadza’? Chokwadi kwete! (1 Petro 5:7) Kana zvakadaro, kune kwakavimbika here kwatinogona kutsvaka rubatsiro?

Anogona Kunyatsobatsira Vapenyu Nevakafa

Kubva mune zvatakurukura taona kuti vakafa havana simba rokubatsira vapenyu. Chakatonyanya kuipa ndechokuti, kuedza kutsvaka rubatsiro kune vakafa hakuna zvakunobatsira zvachose; kune ngozi zvikuru, nokuti kutyora mutemo waMwari uye kunoisa munhu pangozi yokuteverwa nemadhimoni.

Bhaibheri rinotiudza kuti kune Musiki wedu, Jehovha, ndiko kwatinogona kuwana rubatsiro rwakanaka. Anogona kutinunura pane rufu pacharwo. (Pisarema 33:19, 20) Aripo kuti atibatsire. Saka anogona kutipa tariro chaiyo, kusiyana netarisiro dzenhema dzatinovimbiswa nemasvikiro.

Tamba, ambotaurwa munhanganyaya, akazvionera oga kusiyana kwakaita tarisiro dzenhema dzinovimbiswa nemasvikiro nechokwadi chinovimbiswa naJehovha. Masvikiro akanga amuudza kuti kana aizorega kupa chibayiro kumadzitateguru ake akafa, aizofoira bvunzo yechikoro. Tamba akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akanga ava kuziva zvinenge zvakaita munhu akafa uye midzimu yakaipa yainyepedzera kuva madzitateguru akafa. Pasinei nokuti amai vake vaida chaizvo kuti atsvake rubatsiro kusvikiro, Tamba akaramba, akavaudza kuti, “Kana ndikafoira, ndichaverenga chaizvo gore rinouya.”

Zvakaguma nei? Ndiye akakunda vose pabvunzo dzacho! Amai vake vakashamiswa, havana kuzotenda zvinotaurwa nemasvikiro, uye zvibayiro zvine chokuita nawo. Tamba akadzidza kuti Jehovha haadi kuti ‘tibvunze vanhu vakafa tichiitira vanhu vapenyu.’ (Isaya 8:19) Kudzidza Bhaibheri kwakaita kuti Tamba ave nechivimbo chokuti kana aizonakidzwa nokutevedzera mutemo waMwari, aizobudirira.—Pisarema 1:1-3.

Zvakadini nevaya vakafirwa nevadiwa vavo? Havasisina tariro here? Kuwedzera pane kubatsira isu vapenyu, Jehovha akavimbisa kubatsira vaya vari mumakuva. Apedza kutaura kuti vakafa havana simba, ona zvakataurwa nomuprofita Isaya muchitsauko 26, ndima 19 inoti: “Vakafa venyu vachararama. . . . Mukai mushevedzere muchifara, imi vagari vari muguruva!” Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti “vaya vasina simba vari murufu” vachavazve vapenyu.

Chimbozvifungidzira! Mamiriyoni asingagoni kubatsira akarara kumakuva achararamazve! Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha “asuwa” kuti apezve upenyu kune vakafa. (Jobho 14:14, 15) Vimbiso idzi dzakanyanya kunaka zvokuti unofunga kuti hadziitiki here? Jesu Kristu aiva nechokwadi chaizvo netariro iyi zvokuti akarondedzera vakafa achiti mumeso aJehovha vanotoita sevapenyu.—Ruka 20:37, 38.

Unoda kuvawo netariro iyi here? * Ramba uchipinza zivo yakarurama yeBhaibheri. Paucharamba uchidzidza, uchaona kuti Jehovha anogona kubatsira vapenyu nevakafa uye kuti zvaakavimbisa ‘zvakatendeka uye ndezvechokwadi.’—Zvakazarurwa 21:4, 5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.

^ ndima 18 Kana uchida mamwe mashoko nezvenyaya iyi, ona bhurocha rinonzi, Midzimu Yavakafa—Inogona Kutibetsera Here Kana Kutikuvadza? Iriko Chaizvoizvo Here? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 26 Kana uchida mamwe mashoko anoratidza zvakavimbiswa neBhaibheri nezvokumutswa kwevakafa, ona chitsauko 7 chiri mubhuku rinonzi, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Zvingori matiri kuda hama dzedu dzakafa

[Mufananidzo uri papeji 20]

Muprofita Samueri ndiye here akadzoka kubva kune vakafa akataura naMambo Sauro?