Mashoko Akanaka Akanyorwa naRuka 20:1-47

  • Jesu anobvunzwa kuti akapiwa naani mvumo yezvaanoita (1-8)

  • Mufananidzo wevarimi vakaponda vanhu vaitumwa (9-19)

  • Mwari naKesari (20-26)

  • Mubvunzo pamusoro perumuko (27-40)

  • Kristu mwanakomana waDhavhidhi here? (41-44)

  • Kunyeverwa nezvevanyori (45-47)

20  Mumwe musi achidzidzisa vanhu mutemberi uye achizivisa mashoko akanaka, vatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru vakasvika  vakati kwaari: “Tiudze tinzwe, une mvumo here yekuita zvinhu izvi? Kana kuti ndiani akakupa mvumo yacho?”+  Akavapindura kuti: “Ndichakubvunzaiwo mubvunzo, mondipindura:  Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?”  Vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Nei musina kumutenda?’  Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vese vachatitema nematombo, nekuti vane chokwadi kuti Johani aiva muprofita.”+  Saka vakapindura kuti vakanga vasingazivi kwarwakabva.  Jesu akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi.”  Akabva atanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akausiya mumaoko mevarimi, akaenda kunze kwenyika kwenguva refu.+ 10  Mwaka wekukohwa pawakasvika, akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti vamupe michero yemunda wacho wemizambiringa. Asi varimi vacho vakamuendesa asina chinhu, pashure pekumurova.+ 11  Akatumirazve mumwe muranda. Naiyewo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu. 12  Asi akatumirazve wechitatu; uyuwo vakamukuvadza, vakamukanda kunze. 13  Muridzi wemunda wemizambiringa akabva ati, ‘Ndoita seiko? Regai nditumire mwanakomana wangu wandinoda.+ Pamwe uyu vachamuremekedza.’ 14  Varimi vacho pavakamuona vakataurirana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka. Ngatimuurayei, kuti nhaka yacho ive yedu.’ 15  Saka vakamukanda kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya.+ Saka muridzi wemunda wemizambiringa achavaita sei? 16  Achauya ouraya varimi ava, opa vamwe munda wacho wemizambiringa.” Pavakanzwa izvi vakati: “Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kutomboitika!” 17  Asi iye akanyatsovatarisa akati: “Saka izvi zvakanyorwa zvinorevei: ‘Dombo rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona’?*+ 18  Munhu wese anowira padombo iroro achaparara.+ Kana ari munhu achawirwa naro, richamukuya.” 19  Vanyori nevatungamiriri vevapristi vaida kumubata pakare ipapo, asi vaitya vanhu, nekuti vakazoziva kuti aitaura mufananidzo uyu achifunga nezvavo.+ 20  Uye pashure pekuongorora zvese zvaaiita, vakatuma varume vavakanga vabhadhara pachivande, kuti vanyepedzere kuva vanhu vakarurama, vachida kumuwanira mhosva pamashoko ake+ vobva vamuisa mumaoko ehurumende nemumaoko agavhuna. 21  Vakamubvunza vachiti: “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama uye hamusaruri, asi munodzidzisa nzira yaMwari maererano nechokwadi: 22  Zvinobvumirwa nemutemo* here kubhadhara mutero* kuna Kesari kana kuti kwete?” 23  Asi iye akazviona kuti vaida kumunyengedza, ndokuti kwavari: 24  “Ndiratidzei dhinari.* Mufananidzo nemashoko akanyorwa pariri ndezvaani?” Ivo vakati: “NdezvaKesari.” 25  Iye akati kwavari: “Saka munofanira kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari,+ asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ 26  Saka vakatadza kumuwanira mhosva pamashoko ake pamberi pevanhu, asi vakashamiswa nemhinduro yake zvekuti vakashaya chekutaura. 27  Asi vamwe vaSadhusi, avo vanoti hakuna rumuko,+ vakauya vakamubvunza kuti:+ 28  “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti, ‘Kana murume akafa achisiya mudzimai, asi iye asina mwana, munin’ina wake anofanira kutora mudzimai wacho, oberekera mukoma wake vana.’+ 29  Saka kwaiva nevatevedzani vanomwe. Wekutanga akaroora, asi akafa asina mwana. 30  Saka wechipiri 31  newechitatu vakamuroorawo. Ndizvo zvavakaita vese vari vanomwe; vakafa vasina vana. 32  Mukadzi wacho akazofawo. 33  Saka parumuko, achange ari mudzimai weupi wavo sezvo vese vari vanomwe vakambomuroora?” 34  Jesu akati kwavari: “Vana vepanguva ino* vanoroora nekuroorwa, 35  asi vaya vakaonekwa vakakodzera kuwana upenyu hwepanguva iyoyo* uye kumutswa kuvakafa havaroori kana kuroorwa.+ 36  Tingatoti havazofizve, nekuti vanenge vakaita sengirozi, uye ivo vana vaMwari nekuti vanenge vari vana verumuko. 37  Asi zvekuti vakafa vanomutswa, kunyange naMozisi akazvizivisa munyaya yegwenzi reminzwa, paanoshevedza Jehovha* kuti ‘Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho.’+ 38  Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu, nekuti kwaari vese vapenyu.”+ 39  Vamwe vanyori vakapindura kuti: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka.” 40  Nekuti vakanga vasisina ushingi hwekumubvunza kunyange mubvunzo mumwe chete. 41  Iye akabva avabvunza kuti: “Sei vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 42  Nekuti Dhavhidhi anoti mubhuku reMapisarema, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi 43  kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”’+ 44  Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, iye mwanakomana wake pakudii?” 45  Vanhu vese pavakanga vakateerera, akabva ati kuvadzidzi vake: 46  “Chenjererai vanyori vanofarira zvekufamba-famba vakapfeka nguo refu vachida kukwaziswa mumisika uye vanoda zvigaro zvepamberi* mumasinagogi nekugara panzvimbo dzevanoremekedzwa pakudya kwemanheru.+ 47  Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu yekuda kuonekwa nevanhu. Ava vachawana mutongo wakaomarara kupfuura vamwe vese.”

Mashoko Emuzasi

ChiGir., “musoro wekona.”
Kana kuti “Zvakarurama.”
Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.
Kana kuti “vemamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “mumamiriro iwayo ezvinhu.”
Kana kuti “zvakanakisisa.”