Isaya 26:1-21
26 Pazuva iroro rwiyo urwu ruchaimbwa+ munyika yeJudha:+
“Tine guta rakasimba.+
Iye anoita kuti ruponeso ruve masvingo aro nemirwi yaro yevhu yekudzivirira.+
2 Vhurai magedhi+ kuti rudzi rwakarurama rupinde,Irwo rudzi ruri kuramba rwakatendeka.
3 Muchachengetedza vaya vanovimba nemi zvizere;*Muchaita kuti varambe vaine rugare,+Nekuti ivo vanovimba nemi.+
4 Vimbai naJehovha nekusingaperi,+Nekuti Jah* Jehovha iDombo rinogara nekusingaperi.+
5 Nekuti aderedza vaya vari kugara kumusoro, iro guta rakakwirira.
Anoriwisira pasi,Anoriwisira muvhu;Anorikanda pasi, muguruva.
6 Richatsikwa-tsikwa netsoka,Idzo tsoka dzevanotambudzika, nhanho dzevakaderera.”
7 Nzira yemunhu akarurama yakatwasuka.*
Nekuti makarurama,Muchaita kuti nzira yevakarurama iti chechetere.
8 Sezvatinofamba munzira yemitongo yenyu, haiwa Jehovha,Takatarisira kwamuri.
Mwoyo* yedu inoda zita renyu uye tinoda kuti riyeukwe.*
9 Ndinokufungai chaizvo usiku,Chokwadi mweya wangu unoramba uchikutsvagai;+Nekuti kana panyika paine mitongo inobva kwamuri,Vagari vepanyika vanodzidza nezvekururama.+
10 Kunyange kana munhu akaipa akanzwirwa nyasha,Haazodzidzi kururama.+
Kunyange munyika yekururama* achaita zvakaipa+Uye haazooni ukuru hwaJehovha.+
11 Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaruoni.+
Vachaona kushingaira kwamunoitira vanhu venyu, uye vachanyadziswa.
Chokwadi moto wekupisa mhandu dzenyu uchadziparadza.
12 Haiwa Jehovha, muchatipa rugare,+Nekuti zvese zvatakaitaNdimi makatiitira.
13 Haiwa Jehovha Mwari wedu, takatongwa nevamwe vanatenzi vasiri imi,+Asi zita renyu chete ndiro ratinotaura nezvaro.+
14 Ivo vakafa; havazorarami.
Vakafa uye havana simba, havazomuki.+
Nekuti makafunga nezvavoKuti muvaparadze uye kuti muite kuti vasambotaurwa nezvavo.
15 Makaita kuti rudzi rukure, haiwa Jehovha,Makaita kuti rudzi rukure;Makaita kuti mukudzwe.+
Makaita kuti nyika iwedzere kukura kumiganhu yayo yese.+
16 Haiwa Jehovha, ivo vakauya kwamuri pakutambudzika;Pamakavaranga, vakanyengetera vachitaura zvese, vachiita zvekuzevezera.+
17 Sezvinoita mukadzi ane pamuviri ava kuda kusunungukaUyo anorwadziwa nekusununguka, uye anoshevedzera achirwadziwa,Ndizvo zvatiriwo nekuda kwenyu, haiwa Jehovha.
18 Takava nepamuviri, takarwadziwa nekusununguka,Asi zvakangoita sekuti takanga tabereka mhepo.
Hatina kuita kuti nyika ipone,Uye hapana ari kuberekwa kuti agare munyika.
19 “Vakafa venyu vachararama.
Zvitunha zvangu* zvichamuka.+
Mukai mupembere nemufaro,Imi vagari vemuguruva!+
Nekuti dova renyu rakaita sedova remangwanani,*Uye nyika icharega vaya vasina simba vari murufu vachiva vapenyu.*
20 Endai vanhu vangu, mupinde mudzimba dzenyu dzemukati,Muvhare masuo.+
Hwandai kwenguva pfupiKusvikira kutsamwa kwapfuura.+
21 Nekuti Jehovha ari kuuya achibva kunzvimbo yakeKuzoita kuti vagari vemunyika vazvidavirire kukanganisa kwavo,Uye nyika ichabudisa pachena ropa rakadeurwa pairiUye haizofukidzizve vanhu vayo vakaurayiwa.”
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “vaya vasingachinji pfungwa dzavo.”
^ “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Kana kuti “yakati chechetere.”
^ Kana kuti “Mweya.”
^ Kureva kuti Mwari nezita rake zviyeukwe uye zviziviswe.
^ Kana kuti “inoitwa zvakatwasuka.”
^ ChiHeb., “Chitunha changu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “sedova remakwenzi (retumiti twemimaro).”
^ Kana kuti “ichabereka vaya vasina simba vari murufu.”