Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukanganwira kwaJehovha Kunokubatsira Sei?

Kukanganwira kwaJehovha Kunokubatsira Sei?

“Jehovha, [ndiMwari] ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa . . . , anoregerera kukanganisa, kudarika uye chivi.”—EKS. 34:6, 7.

1, 2. (a) Jehovha akaratidza kuti aiva Mwari akaita sei kuvaIsraeri? (b) Nyaya ino ichapindura mubvunzo upi?

MUMAZUVA aNehemiya, rimwe boka revaRevhi rakabvuma parainyengetera paruzhinji kuti kakawanda madzitateguru avo ‘airamba kuteerera’ mirayiro yaJehovha. Zvisinei, Jehovha airamba achiratidza kuti ndiMwari “anokanganwira, ane nyasha neane ngoni, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo.” Uyewo Jehovha akaramba achiitira mutsa vanhu vemunguva yaNehemiya vainge vadzoka munyika yavo.—Neh. 9:16, 17.

2 Zvisinei, mumwe nomumwe wedu angabvunza kuti, ‘Kukanganwira kwaJehovha kunondibatsira sei?’ Kuti tipindure mubvunzo uyu unokosha, ngationgororei zvakaitwa naJehovha Mwari kuna Dhavhidhi naManase, madzimambo maviri akabatsirwa nekukanganwira kwake.

ZVIVI ZVAKAKURA ZVADHAVHIDHI

3-5. Zvakafamba sei kuti Dhavhidhi aite chivi chakakura?

3 Kunyange zvazvo Dhavhidhi aitya Mwari, akaita zvivi zvakakura. Zviviri zvacho zvaiva nechokuita naUriya nomudzimai wake Bhati-shebha. Zvivi izvozvo zvakaita kuti vanhu vaibatanidzwa munyaya yacho varwadziwe. Asi nzira yakashandiswa naJehovha kuti aruramise Dhavhidhi inotiudza zvakawanda nezvekukanganwira kwake. Funga zvakaitika.

4 Dhavhidhi akatuma uto revaIsraeri kunokomba Rabha, guta guru revaAmoni. Raiva mhiri kweRwizi rwaJodhani nechokumabvazuva kweJerusarema, kure nemakiromita 80. Panguva iyoyo, Dhavhidhi paaiva pamusoro pedenga reimba yake youmambo muJerusarema, akaona mudzimai ainzi Bhati-shebha, achigeza. Murume wake ainge asipo. Kuona kwakaita Dhavhidhi Bhati-shebha kwakaita kuti anzwe shungu  dzokurara naye zvokuti akaita kuti aunzwe kumuzinda wake, akaita upombwe naye.—2 Sam. 11:1-4.

5 Dhavhidhi paakaziva kuti Bhati-shebha ainge ava nepamuviri, akaita kuti murume wake Uriya, adzoke kuJerusarema achitarisira kuti aizorara nemudzimai wake. Asi Uriya haana kana kumboenda kumba kwake, pasinei nekukurudzirwa kwaakaitwa naDhavhidhi. Saka mambo akanyorera mukuru weuto rake tsamba pasina mumwe aizviziva kuti Uriya aiswe ‘pamberi pairwiwa zvakanyanya’ uye kuti vamwe vake vadzoke shure kwake. Uriya akabva aurayiwa zviri nyore muhondo, sezvainge zvarongwa naDhavhidhi. (2 Sam. 11:12-17) Saka chivi chamambo choupombwe chakawedzerwa nokuurayisa munhu asina mhosva.

KUCHINJA MAONERO KWADHAVHIDHI

6. Mwari akaita sei nezvivi zvaDhavhidhi, uye izvozvo zvinoratidzei nezvaJehovha?

6 Chokwadi, Jehovha akaona zvose zvainge zvaitika. Hapana chaasingaoni. (Zvir. 15:3) Kunyange zvazvo mambo akazoroora Bhati-shebha, “chinhu chakanga chaitwa naDhavhidhi chaiva chakaipa kuna Jehovha.” (2 Sam. 11:27) Saka Mwari akaita sei nezvivi zvakakura zvaDhavhidhi? Akatuma muprofita wake Natani kuna Dhavhidhi. Sezvo Jehovha ari Mwari anokanganwira, anofanira kunge aida kuona kana paiva nechikonzero chokumuratidzira ngoni. Zvakaitwa naJehovha izvi hazvikubayi mwoyo here? Haana kumanikidza Dhavhidhi kuti areurure, asi akangoita kuti Natani audze mambo nyaya yairatidza kuipa kwezvivi zvake. (Verenga 2 Samueri 12:1-4.) Chokwadi, nyaya iyoyo yaigona kunge yakanetsa, yakatongwa zvakanakanaka!

7. Dhavhidhi akaita sei paakanzwa mufananidzo waNatani?

7 Mufananidzo waNatani wakaita kuti mambo ade kugadzirisa nyaya yacho. Dhavhidhi akagumbukira mupfumi womunyaya yacho, akati kuna Natani: “NaJehovha mupenyu, munhu akaita izvi anofanira kufa!” Uyewo Dhavhidhi akataura kuti munhu wacho ainge atadzirwa aifanira kuripwa. Asi akabva audzwa mashoko airwadza. Natani akamuti, “Imi ndimi munhu wacho!” Dhavhidhi akaudzwa kuti “bakatwa” raisazobva mumba make uye kuti mhuri yake yaizowirwa nedambudziko nemhaka yezvaainge aita. Aizonyadziswawo pamberi poruzhinji nemhaka yekukanganisa kwake. Dhavhidhi akaona kuipa kwezvaainge aita ndokubvuma mhosva yake achiti: “Ndakatadzira Jehovha.”—2 Sam. 12:5-14.

MUNYENGETERO WADHAVHIDHI UYE KUKANGANWIRA KWAMWARI

8, 9. Pisarema 51 rinoratidza sei zvaiva mukatikati memwoyo waDhavhidhi, uye rinotidzidzisei nezvaJehovha?

8 Mashoko erwiyo rwakazonyorwa naMambo Dhavhidhi anoratidza kurwadziwa kwaaiita mumwoyo. Pisarema 51 rine mashoko anopisa tsitsi okuteterera Jehovha kwaiita Dhavhidhi uye rinonyatsoratidza kuti haana kungobvuma zvivi zvake chete. Akapfidzawo zvivi zvake. Dhavhidhi ainyanya kufunga nezveukama hwake naMwari. Akareurura kuti, “Ndakatadzira imi, iyemi moga.” Akateterera Jehovha achiti: “Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari, muise mafungiro matsva mandiri, akasimba. . . . Ndidzorerei kupembera nomufaro kworuponeso runoitwa nemi, nditsigirei nomwoyo unoda.” (Pis. 51:1-4, 7-12) Paunoudza Jehovha zvaunokanganisa, unotaura zvichibva pamwoyo usina chaunovanza here?

9 Jehovha haana kuita kuti Dhavhidhi asatambure nemhaka yezvivi zvake. Zvaizoramba zvichimutambudza kwoupenyu hwake hwose. Zvisinei, Jehovha akakanganwira  Dhavhidhi nokuti akaona kuti ainge apfidza, uye aiva ne“mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.” (Verenga Pisarema 32:5; Pis. 51:17) Mwari Wemasimbaose anonzwisisa mafungiro emunhu anenge aita chivi uye chinenge chaita kuti adaro. Pane kurega Dhavhidhi naBhati-shebha vainge vaita upombwe vachitongerwa rufu nevatongi maererano neMutemo waMosesi, Jehovha pachake akatonga nyaya yacho achiratidza ngoni. (Revh. 20:10) Mwari akatozoita kuti mwanakomana wavo Soromoni ave mambo wevaIsraeri.—1 Mak. 22:9, 10.

10. (a) Chii chingave chakaita kuti Jehovha akanganwire Dhavhidhi? (b) Chii chinoita kuti Jehovha akanganwire vanhu?

10 Zvichida chimwe chakaita kuti Dhavhidhi akanganwirwe naJehovha kwaiva kuratidza ngoni kwaainge aita kuna Sauro. (1 Sam. 24:4-7) Sezvakatsanangurwa naJesu, Jehovha anotibata semabatiro atinoita vamwe. Jesu akati: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo; nokuti nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako; uye nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.” (Mat. 7:1, 2) Chokwadi, zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha anokanganwira zvivi zvedu, kunyange zvivi zvakakura seupombwe nokuponda! Anotikanganwira kana isu tichikanganwira vamwe, kana tikareurura zvivi zvedu kwaari, uye kana tikachinja maonero atinoita zvakaipa zvatinenge taita. “Mwaka yokusimbaradzwa” inobva kuna Jehovha kana vatadzi vakapfidza nomwoyo wose.Verenga Mabasa 3:19.

MANASE AKAITA ZVIVI ZVAKAKURA ASI AKAPFIDZA

11. Ndezvipi zvakaipa zvakaitwa naMambo Manase pamberi paMwari?

11 Funga imwe nyaya iri muMagwaro inoratidza chido chaJehovha chokukanganwira. Makore anenge 360 pashure pokunge Dhavhidhi atanga kutonga, Manase akava mambo waJudha. Makore 55 okutonga kwake ainge akazara nezvakaipa uye zvinhu zvinosemesa zvakaita kuti apiwe mutongo wakaoma naJehovha. Zvimwe zvakaipa zvakaitwa naManase zvaisanganisira kuvakira Bhaari atari, kunamata “uto rose rokumatenga,” kupinza vanakomana vake mumoto, uye kuita zvemidzimu. Chokwadi, “akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha.”—2 Mak. 33:1-6.

12. Manase akadzoka sei kuna Jehovha?

12 Manase akazotapwa munyika yake akanokandwa mujeri kuBhabhironi. Ari ikoko anogona kunge akayeuka mashoko akaudzwa vaIsraeri naMosesi okuti: “Paunenge uchitambudzika kwazvo uye mashoko ose aya aitika kwauri pachapera  mazuva acho, uchabva wadzokera kuna Jehovha Mwari wako uye uchateerera inzwi rake.” (Dheut. 4:30) Chokwadi Manase akazodzoka kuna Jehovha. Akadzoka sei? “Akaramba achizvininipisa kwazvo” uye “akaramba achinyengetera” kuna Mwari (sezviri kuratidzwa papeji 21). (2 Mak. 33:12, 13) Mashoko chaiwo eminyengetero yaManase haana kunyorwa, asi tinogona kufungidzira kuti pamwe ainge akafanana neaMambo Dhavhidhi, ari muPisarema 51. Chatinoziva ndechokuti Manase akanyatsochinja mwoyo wake.

13. Nei Jehovha akakanganwira Manase?

13 Jehovha akaita sei paakanzwa minyengetero yaManase? “Akabvuma kutetererwa [naManase], uye Iye akanzwa chikumbiro chake chokuti anzwirwe nyasha.” Sezvainge zvamboitwa naDhavhidhi, Manase akaona kukura kwezvivi zvake uye akapfidza zvechokwadi. Ndokusaka Mwari akakanganwira Manase akamudzosera paumambo hwake muJerusarema. Saka “Manase akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.” (2 Mak. 33:13) Chokwadi zvinofadza chaizvo kuva nehumwe uchapupu uhwu hwokuti Mwari wedu wengoni anokanganwira vaya vanopfidza nemwoyo wose!

Manase akadzorerwa paumambo hwake muJerusarema nokuti Jehovha akamukanganwira

JEHOVHA ANONGOKANGANWIRA HERE?

14. Chii chinoita kuti Jehovha akanganwire vatadzi?

14 Mazuva ano, pavanhu vaMwari, vashoma vangasvika pakuita zvivi zvakakura sezvaDhavhidhi naManase zvavangada kukanganwirwa. Asi kukanganwira kwakaita Jehovha madzimambo maviri iwayo kunotibatsira kuona kuti Mwari wedu ane chido chokukanganwira kunyange zvivi zvakakura kana mutadzi akapfidza zvechokwadi.

15. Tinoziva sei kuti Jehovha haangokanganwiri munhu wose anenge atadza?

15 Hatingatauri hedu kuti Jehovha anongokanganwira munhu wose anenge atadza. Panyaya iyi, ngationei kusiyana kwemaonero aDhavhidhi naManase neaya  evaIsraeri nevaJudha vainge vapanduka. Mwari akatuma Natani kuti anotaura naDhavhidhi uye akamupa mukana wokuchinja maonero ake. Dhavhidhi akabvuma kubatsirwa. Manase paakatambudzika kwazvo, izvozvo zvakaita kuti apfidze nomwoyo wose. Asi kakawanda vagari vomuIsraeri nomuJudha vaisapfidza. Saka Jehovha haana kuvakanganwira. Asi akaramba achituma vaprofita vake kuti vataure maonero aaiita kusateerera kwavo. (Verenga Nehemiya 9:30.) Kunyange vanhu vainge vatapwa pavakadzoka kunyika yavo vachibva kuBhabhironi, Jehovha akaramba achituma nhume dzake dzakatendeka dzakadai somupristi Ezra nomuprofita Maraki. Vanhu pavaiita zvaidiwa naJehovha, vaifara kwazvo.—Neh. 12:43-47.

16. (a) Chii chakazoitika kurudzi rwose rwevaIsraeri nemhaka yokusapfidza kwavo? (b) Chii chinogona kuitika kumuJudha mumwe nomumwe?

16 Pashure pokunge Jesu atumwa panyika ndokupa chibayiro chimwe chete chakakwana, Jehovha ainge asisagamuchiri zvibayiro zvemhuka zvevaIsraeri. (1 Joh. 4:9, 10) Paaiva panyika, Jesu akaratidza maonero aBaba vake nokutaura mashoko aya ane simba: “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita neanotema nematombo vakatumwa kwaari,—ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi imi hamuna kuzvida.” Jesu akabva ati: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mat. 23:37, 38) Saka, rudzi irworwo rwaiita zvivi uye rwaisapfidza rwakatsiviwa naIsraeri waMwari. (Mat. 21:43; VaG. 6:16) Asi zvakadini nomuJudha mumwe nomumwe werudzi irworwo rwechiIsraeri? Vanokwanisa kubatsirwa nokukanganwira kwaJehovha uye ngoni dzake kana vakatenda muna Mwari uye muchibayiro chaJesu Kristu. Mukana iwoyo uchapiwawo vanhu vakafa vasina kupfidza zvivi zvavo asi vachamutswa munyika inenge yacheneswa.—Joh. 5:28, 29; Mab. 24:15.

KUBATSIRWA NOKUKANGANWIRA KWAJEHOVHA

17, 18. Tingaita sei kuti Jehovha atikanganwire?

17 Chido chaJehovha chokukanganwira chinofanira kuita kuti tiite sei? Chokwadi tinofanira kuita sezvakaitwa naDhavhidhi naManase. Tinofanira kubvuma zvivi zvedu, topfidza, toteterera kuti Jehovha atikanganwire, uye tomukumbira kuti asike mwoyo wakachena matiri. (Pis. 51:10) Kana takaita zvivi zvakakura, tinofanira kukumbirawo kubatsirwa nevakuru. (Jak. 5:14, 15) Pasinei nekutadza kwatingaita, zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha achiri sezvaakatsanangurira Mosesi kuti ndiMwari “ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi, anochengetera vane zviuru mutsa worudo, anoregerera kukanganisa, kudarika uye chivi.” Chokwadi Jehovha haana kuchinja.—Eks. 34:6, 7.

18 Achishandisa mashoko ane simba, Jehovha akavimbisa vaIsraeri vaipfidza kuti aizonyatsovachenesa pazvivi zvavo, achiita sokuti zvivi zvakati “piriviri” azvichenesa “sechando.” (Verenga Isaya 1:18.) Saka, kukanganwira kwaJehovha kunotibatsira sei? Kunoita kuti tiregererwe zvivi uye zvikanganiso zvedu, ndokana tikapfidza uye tikaratidza kuonga.

19. Munyaya inotevera tichakurukurei?

19 Sezvo Jehovha achitikanganwira, tingamutevedzera sei pane zvatinoita nevamwe? Tingaita sei kuti tisava nemafungiro okusakanganwira vanenge vaita zvivi zvakakura asi ivo vapfidza zvechokwadi? Nyaya inotevera ichatibatsira kuongorora mwoyo yedu kuti titevedzere Baba vedu, Jehovha, avo ‘vakanaka uye vakagadzirira kukanganwira.’—Pis. 86:5.