Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kanganwiranai Nomwoyo Wose

Kanganwiranai Nomwoyo Wose

“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.”—VAK. 3:13.

1, 2. Nei zvakakodzera kuti ufunge nezvekukanganwira vamwe?

BHAIBHERI rinotibatsira kuziva maonero anoita Jehovha chivi uye zvaanoita kana tikatadza. Shoko rake rinotiudzawo zvakawanda nezvekukanganwira. Munyaya yakapfuura takakurukura zvakaita kuti Dhavhidhi naManase vakanganwirwe naJehovha. Kurwadziwa kwavakaita mumwoyo nezvavainge vaita kwakaita kuti vareurure, vasiye mabasa avo akaipa uye vapfidze zvechokwadi. Izvozvo zvakaita kuti Jehovha avafarirezve.

2 Iye zvino ngationgororei kukanganwirawo kwatingaita vanenge vatitadzira. Unofunga kuti ungadai wakanzwa sei kudai mumwe wevanhu vasina mhosva vakaurayiswa naManase aiva hama yako? Ungadai wakamukanganwira here? Uyu mubvunzo wakakodzera nokuti tiri munyika ine vanhu vasingateereri mutemo, vanoita zvechisimba, uye vanongofunga zvakavanakira. Saka nei muKristu achifanira kuvavarira kukanganwira vamwe? Uye kana mumwe munhu akakuitira zvakaipa, chii chingakubatsira kuti usagumbuke, uite zvinodiwa naJehovha uye ukanganwire vamwe?

NEI TICHIFANIRA KUKANGANWIRA VAMWE

3-5. (a) Jesu akashandisa mufananidzo upi kuti abatsire vateereri vake kuti vafunge nezvekukosha kwekukanganwira vamwe? (b) Jesu airevei nemufananidzo wake uri pana Mateu 18:21-35?

3 Kuva nechido chokukanganwira vaya vanotitadzira, vangava vaKristu kana kuti kwete, kunokosha kana tichida kuva nerugare nevemumhuri, neshamwari, nevanhu vose uye naJehovha. Magwaro anoratidza kuti vaKristu vanotarisirwa kuti vave nechido chokukanganwira vamwe pasinei nokuti vanotadzirwa kakawanda sei. Kuti aratidze kuti nei tichifanira kuva  nechido ichocho, Jesu akataura mufananidzo wemuranda aiva nechikwereti.

4 Muranda wacho aiva nechikwereti natenzi wake chaienzana nemari yaishandirwa nemunhu pamazuva 60 000 000; asi tenzi wacho akachidzima. Muranda wacho paakabuda, akasanganawo nemumwe muranda aiva nechikwereti naye chaienzana nemari yaishandirwa mazuva 100 chete. Ainge aine chikwereti wacho akamuteterera kuti amuitire mwoyo murefu, asi muranda ainge akanganwirwa chikwereti chakakura akaita kuti mumwe wake akandwe mujeri. Izvozvo zvakagumbura tenzi wavo. Tenzi wavo akabvunza kuti: “‘Waisafanirawo here, kunge wakanzwira ngoni muranda uyu akaita sewe, sokukunzwirawo ngoni kwandakaita?’ Naizvozvo tenzi wake, ava nehasha, akamuisa [iye muranda asina kukanganwira mumwe wake] kuvarindi vejeri, kusvikira aripa zvose zvakanga zvakweretwa.”—Mat. 18:21-34.

Mufananidzo uyu waJesu wairevei?

5 Jesu airevei nemufananidzo uyu? Akapedzisa nokuti: “Baba vangu vokudenga vachakuitiraiwo saizvozvo kana mumwe nomumwe wenyu asingakanganwiri hama yake zvichibva pamwoyo.” (Mat. 18:35) Zvaaitaura zviri pachena. Zvivi zvatakaita muupenyu zvinoratidza kuti hatitombokwanisi kunyatsoita zvinodiwa naJehovha. Asi ane chido chokutikanganwira uye kudzima zvitadzo zvedu. Saka, munhu wose anoda kuva shamwari yaJehovha anotarisirwa kuti akanganwire vamwe pavanomutadzira. Ndizvowo zvakataurwa naJesu muMharidzo yepaGomo achiti: “Kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo; asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.”—Mat. 6:14, 15.

6. Nei zvakaoma kukanganwira nguva dzose?

6 Zvimwe ungati ‘izvozvo zviri nyore kuzvitaura, asi zvakaoma kuzviita.’ Izvozvo imhaka yokuti munhu anowanzogumbuka paanotadzirwa. Angashatirwa, angaona seatengeswa, angada kuti nyaya yacho igadziriswe kana kuti angada kudzorera. Vamwe vanotofunga kuti  havazombokwanisi kukanganwira munhu anenge avatadzira. Kana uchifungawo saizvozvo, ungaita sei kuti uvavarire kukanganwira vamwe sezvinodiwa naJehovha?

TSVAKA CHIRI KUITA KUTI UGUMBUKE

7, 8. Chii chingakubatsira kuti ukanganwire vamwe paunenge wagumburwa nemaitiro avo?

7 Tinogona kugumbuka chaizvo patinenge tatadzirwa kana kuti patinofunga kuti tatadzirwa. Funga zvakaitwa nerimwe jaya rinotaurwa mune imwe ongororo: “Pane imwe nguva . . . pandainge ndagumbuka, ndakabuda mumba ndichiti ndaisazodzokazve. Zuva iroro kwainge kusina kana kakore, uye ndakaenda kure ndichidzika nekamugwagwa kaiyevedza kusvika hasha dzaserera uye pashure pemaawa anoverengeka ndakadzoka ndachinja pfungwa uye ndisisina kugumbuka.” Sezvinoratidzwa nezvakaitika kujaya iri, kana ukazvipa nguva yokuti hasha dziserere wotarira nyaya yacho wakadzikama, izvozvo zvingakubatsira kuti usaita zvinhu zvinoratidza kusakanganwira zvaungazodemba.—Pis. 4:4; Zvir. 14:29; Jak. 1:19, 20.

8 Asi zvakadini kana ukaramba uchinzwa hasha? Edza kuona chiri kuita kuti ugumbuke. Imhaka yokuti wakabatwa zvisina kunaka here kana kuti hauna kuremekedzwa? Kana kuti uri kufunga here kuti munhu wacho agara akaronga kukurwadzisa? Zvaakaita zvacho zvakanyanya kuipa here? Kuongorora uye kunzwisisa chiri kuita kuti ugumbuke kuchakubatsira kuti uite zvakanaka zvinoenderana neMagwaro. (Verenga Zvirevo 15:28; 17:27.) Kufunga saizvozvo kungakubatsira kuti uone zvinhu sezvazviri uye ude kukanganwira vamwe. Kana ukadaro, kunyange zvazvo zvakaoma, unoita kuti shoko raMwari riongorore “kufunga nevavariro zvomwoyo” wako uye rikutungamirire pakutevedzera kukanganwira kwaJehovha.—VaH. 4:12.

UNOFANIRA KUFUNGA KUTI AZVIITIRA KUTI AKURWADZISE HERE?

9, 10. (a) Ungaita sei paunofunga kuti watadzirwa? (b) Kuva nemafungiro akanaka, okukanganwira kungakubatsira sei muupenyu?

9 Muupenyu mune zvakawanda zvinogona kutigumbura. Somuenzaniso, paunenge uchityaira motokari, ngatitii imwe motokari inopotsa yakudhuma. Unoita sei? Zvimwe wakambonzwa nezvemunhu akagumbuka achityaira zvokuti akarwisa mumwe mutyairi. Asi iwe somuKristu haungambodi kuita zvakadaro.

10 Zviri nani kutanga waongorora kuti chii chaitika. Zvimwe pane zvawakanganisawo nokuti wanga watorwa pfungwa nezvimwe. Kana kuti motokari yemumwe wako hameno zvayaita. Zviri kurehwa pano ndezvokuti tinogona kuderedza hasha, kuodzwa mwoyo uye zvimwewo kana tikaratidza kunzwisisa, tikafungawo maonero evamwe uye kana tikava nechido chokukanganwira. Muparidzi 7:9 inoti: “Usakurumidza kugumbuka, nokuti kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.” Usafunga kuti munhu wacho azviitira kuti akurwadzise. Kakawanda munhu paanoti mumwe amutadzira achitoziva zvake zvinenge zvisina kudaro; kunenge kuchingova kusanzwisisana kana kuti chivi chatakaberekwa nacho. Edza kusafungira vamwe pane zvavanenge vakuitira kana kuti vataura uye iva nechido chokuvakanganwira. Kana ukabudirira kuita izvozvo uchafara chaizvo.—Verenga 1 Petro 4:8.

‘RUGARE RWENYU NGARUDZOKERE KWAMURI’

11. Zvinoitwa nevanhu patinovaudza mashoko akanaka zvinofanira kuita kuti tiite sei sevazivisi voUmambo?

11 Ungazvidzora sei kana mumwe  munhu akakuitira zvakaipa paunenge uri mubasa remumunda? Jesu paakatuma vaparidzi 70, akavaudza kuti paimba yega yega yavaishanyira vati ‘rugare.’ Akatizve: “Kana shamwari yorugare irimo, rugare rwenyu ruchava pairi. Asi kana pasina, ruchadzokera kwamuri.” (Ruka 10:1, 5, 6) Tinofara vanhu pavanogamuchira zvatinoparidza, nokuti izvozvo zvinogona kuvabatsira. Asi dzimwe nguva vanhu vacho vanenge vasingadi zverugare. Saka pakadaro tinoita sei? Jesu akati rugare rwatinoda kuti ruve paimba yacho runofanira kuramba runesu. Nguva dzose tinofanira kubva pamba pega pega tiine rugare mumwoyo medu, pasinei nokuti vanhu vanotibata sei. Kana tikagumbuka patinoitirwa zvakaipa, hatingamborambi tiine rugare rwedu.

12. Maererano nemashoko aPauro ari pana VaEfeso 4:31, 32, tinofanira kuita sei?

12 Edza kuramba uine rugare mumamiriro ose ezvinhu, kwete chete muushumiri hwechiKristu. Hazvirevi hazvo kuti kana ukakanganwira vamwe unenge uchiti zvavakaita hazvina kuipa kana kuti unenge uchirerutsa kurwadza kwazvo. Kukanganwira kunoreva kuti haurambi wakagumbuka uye rugare rwako harukanganiswi nezvaitwa. Vamwe vanhu vanotadziswa kufara nemaitiro evamwe nokungoramba vachifunga zvavakakanganisirwa. Usaitwa muranda nepfungwa dzakadaro. Yeuka kuti haumbofari kana ukaramba wakagumbuka. Saka kanganwira vamwe!—Verenga VaEfeso 4:31, 32.

ITA ZVINOITA KUTI JEHOVHA AFARE

13. (a) MuKristu anga“tutira marasha anopisa” pamusoro pomuvengi wake sei? (b) Chii chingaitika kana tikaratidza unyoro kumunhu anenge atigumbura?

13 Pane dzimwe nguva ungaona sokuti unogona kubatsira munhu anenge akutadzira kuti anzwisise mararamiro echiKristu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “‘Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe; nokuti nokuita izvi uchatutira marasha anopisa pamusoro wake.’ Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaR. 12:20, 21) Kana ukava nenyasha paunoitirwa zvakaipa, unogona kubatsira munhu ane unhu hwakaipa chaizvo kuti ave neunhu hwakanaka. Kana ukaratidza kunzwisisa, uye kunzwira tsitsi munhu anenge akutadzira, unogona kumubatsira kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Pasinei nezvaanoita, kumubata neunyoro kunomupa mukana wokufungisisa kuti nei uri kumuitira zvakanaka zvakadaro.—1 Pet. 2:12; 3:16.

14. Nei usingafaniri kuramba wakagumbukira munhu pasinei nezvaakakukanganisira?

14 Dzimwe nguva zvingasava zvakanaka kuwadzana nevamwe vanhu. Vanhu ava vangasanganisira vaya vaimbova nhengo dzeungano asi vakaita chivi, vakasapfidza uye vakazodzingwa. Kana wakatadzirwa nemunhu akadaro, zvingakuomera chaizvo kumukanganwira kunyange akazopfidza, sezvo zvichitora nguva refu kuti kurwadziwa kupere. Pakadaro, ungaramba uchikumbira Jehovha kuti akubatsire kuti uvavarire kukanganwira mutadzi anenge apfidza. Isu vanhu hatizivi zviri mumwoyo womunhu, asi Jehovha anozviziva. Anonyatsoongorora zviri mumwoyo womunhu uye ane mwoyo murefu kuvanhu vanenge vaita zvivi. (Pis. 7:9; Zvir. 17:3) Ndokusaka Magwaro achiti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose. Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose. Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’”  (VaR. 12:17-19) Unganyatsokwanisa here kutonga mumwe munhu? Kwete. (Mat. 7:1, 2) Asi unogona kuva nechivimbo chokuti Mwari ndiye anotonga zvakarurama.

15. Chii chingatibatsira kuti tikanganwire vaya vanenge vatitadzira?

15 Kana uchifunga kuti mumwe munhu akakutadzira, uye zvichikuomera kumukanganwira kunyange zvazvo apfidza, zvakanaka kuyeuka kuti naiyewo ane zvinenge zvichimutambudza. Iye ari kutamburawo nechivi chakabva kuvabereki vedu vokutanga. (VaR. 3:23) Jehovha anonzwira tsitsi vanhu vose vane chivi. Saka zvakanakawo kunyengeterera anenge atitadzira. Hatingazomborambi takagumbukira munhu watinenge tichinyengeterera. Jesu akaratidza kuti hatifaniri kuramba takagumbukira kunyange vaya vanotitambudza paakati: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.”—Mat. 5:44.

16, 17. Unofanira kuita sei kana vakuru vechiKristu vakati mutadzi apfidza, uye nei uchifanira kudaro?

16 Jehovha akapa vakuru vechiKristu basa rokugadzirisa nyaya dzevaya vanenge vaita chivi muungano. Hama idzi hadzizivi zvose zvinenge zvaitika sekuzivikanwa kwazvinoitwa naMwari, asi dzinovavarira kuita chisarudzo chinoenderana neShoko raMwari dzichitungamirirwa nomudzimu mutsvene. Saka zvadzinosarudza pashure pokunge dzanyengeterera kubatsirwa naJehovha zvinoratidza maonero aanoita.—Mat. 18:18.

MuKristu anotarisirwa kuti ave nechido chokukanganwira vamwe

17 Pakadaro ndipo patinofanira kuratidza kuti takavimbika. Uchakanganwira uye ucharatidza rudo munhu anenge anzi apfidza here? (2 VaK. 2:5-8) Izvi zvingava zvakaoma, kunyanya kana uriwe wakatadzirwa kana kuti iri hama yako. Asi, kana ukavimba naJehovha uye nenzira yaanoshandisa pakugadzirisa nyaya muungano, ucharatidza kuti wakachenjera. Ucharatidza kuti zvechokwadi unokanganwira nomwoyo wose.—Zvir. 3:5, 6.

18. Kukanganwira vamwe nomwoyo wose kunogona kukubatsira sei?

18 Vanachiremba vepfungwa vakaona kuti kukanganwira kunobatsira. Kunoita kuti hasha dzomunhu, idzo dzinokanganisa utano dziserere, uye kunoita kuti awirirane nevamwe. Asi kusakanganwira kunoita kuti munhu arware, asawirirane nevamwe, ashushikane mupfungwa, uye atadze kutaura zvakanaka nevamwe. Chikomborero chinopfuura zvimwe zvose chatinowana nokukanganwira vamwe ndechokuti tinova neukama hwakanaka naBaba vedu vokudenga Jehovha.—Verenga VaKorose 3:12-14.