Varume—Zivai Kuti Kristu Ndiye Musoro

Varume—Zivai Kuti Kristu Ndiye Musoro

Varume—Zivai Kuti Kristu Ndiye Musoro

“Musoro womurume wose ndiKristu.”—1 VAKORINDE 11:3.

1, 2. (a) Kubudirira kwomurume kungaonekwa sei? (b) Nei zvichikosha kuti tizive kuti mhuri yakatangwa naMwari?

CHII chaunotarisa pamurume kuti uzoti abudirira? Ungwaru hwake here kana kuti zvaanokwanisa kuita? Unotarisa kukwanisa kwake kuita mari here? Kana kuti unonyanya kutarisa mabatiro aanoita mudzimai wake nevana vake norudo uye nomutsa? Kana vakatariswa nemabatiro avanoita madzimai avo nevana, varume vakawanda havanyanyi kuita zvakanaka, nokuti vanokanganiswa nemaonero enyika uye nezvinotarisirwa nevanhu. Nei? Kunyanya nokuti havazivi uye havashandisi zano roMuvambi wemhuri—Uyo “akatanga kuumba mukadzi nembabvu yaakanga atora pamunhu, akamuunza kumunhu.”—Genesisi 2:21-24.

2 Jesu Kristu akataura nhoroondo iyi yomuBhaibheri inoratidza kuti Mwari akatanga sei mhuri, achiti kuvatsoropodzi vomuzuva rake: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi? Uyewo kuti akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko [mumuchato] naMwari.” (Mateu 19:4-6) Kutaura zvazviri, kuti muve nemhuri inobudirira zvinoda kuziva kuti mhuri yakatangwa naMwari uye kuti ibudirire tinofanira kushandisa mirayiridzo iri muShoko raMwari, Bhaibheri.

Chinoita Kuti Murume Abudirire

3, 4. (a) Chii chinoita kuti Jesu azive nezvemhuri? (b) Mudzimai waJesu wokufananidzira ndiani, uye varume vanofanira kubata sei madzimai avo?

3 Chinhu chinobatsira murume kuti abudirire kudzidza zvakataurwa naJesu uye kutevedzera zvaakaita. Anoziva nezvemhuri zvikuru, nokuti aivapo pakasikwa murume nomukadzi vokutanga uyewo pavakaroorana. Jehovha Mwari akati kwaari: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu.” (Genesisi 1:26) Chokwadi, Mwari akanga ari kutaura nouyo waakasika asati asika chero ani kana chii zvacho uye ‘aiva padivi pake ari mhizha.’ (Zvirevo 8:22-30) Uyu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose.” Ndiye “wokutanga pane zvakasikwa naMwari,” aivapo zvose zvakasikwa zvisati zvavapo.—VaKorose 1:15; Zvakazarurwa 3:14.

4 Jesu anonzi “Gwayana raMwari,” uye nenzira yokufananidzira anonzi murume. Imwe ngirozi yakamboti: “Uya pano, ndichakuratidza mwenga, mudzimai weGwayana.” (Johani 1:29; Zvakazarurwa 21:9) Saka, mwenga iyeye, kana kuti mudzimai uyu ndiani? “Mudzimai weGwayana” anoumbwa nevateveri vaKristu vakatendeka vakazodzwa nomudzimu, vachatonga naye kudenga. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Naizvozvo, mabatiro akaita Jesu nevadzidzi vake paaiva navo pasi pano anoratidza varume muenzaniso wokuti vangabata sei madzimai avo.

5. Jesu muenzaniso kuna ani?

5 Chokwadi, Jesu muBhaibheri anonzi muenzaniso wevateveri vake vose, sezvatinoverenga kuti: “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Asi iye muenzaniso wevarume kunyanya. Bhaibheri rinoti: “Musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinde 11:3) Sezvo Kristu ari musoro womurume, varume vanofanira kutevedzera muenzaniso wake. Saka kuti mhuri ibudirire uye ifare, inofanira kushandisa pfungwa yokuva nomusoro. Kuti vaite izvi, varume vanofanira kubata madzimai avo norudo semabatiro anoita Jesu mudzimai wake wokufananidzira, vadzidzi vake vakazodzwa.

Nzira Yokugadzirisa Nayo Matambudziko Omumhuri

6. Varume vanofanira kugara sei nemadzimai avo?

6 Munyika yanhasi iri kunetseka, varume vanofanira kunyanya kutevedzera muenzaniso waJesu wokushivirira, worudo, uye wokuomerera pakutsigira mitemo yakarurama. (2 Timoti 3:1-5) Nezvomuenzaniso wakasiyiwa naJesu, tinoverenga muBhaibheri kuti: “Imi varume, rambai muchigara nemadzimai enyu saizvozvo maererano nokuziva.” (1 Petro 3:7) Chokwadi, varume vanofanira kugadzirisa matambudziko omumhuri nenzira inoratidza kuti vanoziva, sezvakaita Jesu paakatarisana nematambudziko. Akaedzwa zvikuru kupfuura chero munhu upi zvake, asi aiziva kuti Satani, madhimoni ake, uye nyika ino yakaipa ndivo vaizvikonzera. (Johani 14:30; VaEfeso 6:12) Jesu haana kumboshamiswa nemiedzo, saka vakaroorana havafaniriwo kushamiswa pavanova “nedambudziko munyama yavo.” Bhaibheri rinonyevera kuti vaya vanoroora vangatarisira kuva nedambudziko rakadaro.—1 VaKorinde 7:28.

7, 8. (a) Kugara nemadzimai maererano nokuziva kunosanganisirei? (b) Nei madzimai akakodzera kukudzwa?

7 Bhaibheri rinoti, varume vanofanira kugara nemadzimai avo ‘nokuziva, vachikudza vakadzi sezvavanoita mudziyo usina simba.’ (1 Petro 3:7) Pane kudzvinyirira mudzimai wake, sezvakafanotaurwa neBhaibheri kare kuti varume vakawanda vaizoita, murume anofarirwa naMwari achakudza mudzimai wake. (Genesisi 3:16) Achafanira kumubata somunhu anokosha, asingamboshandisi simba rake kuti amurwadzise. Asi achafungawo manzwiro ake, achigara achimubata noruremekedzo uye norukudzo.

8 Nei varume vachifanira kukudza madzimai avo nenzira yakakodzera? Bhaibheri rinopindura richiti: “Zvamuchagarawo nhaka nyasha dzoupenyu dzisina kukodzera kuwanwa pamwe chete navo, kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7) Varume vanofanira kuziva kuti Jehovha haaoni murume anomunamata sezvinonzi anokosha kupfuura mukadzi anomunamatawo. Vakadzi vanonzi vakakodzera kufarirwa naMwari vachangopiwa mubayiro wakafanana nowevarume woupenyu husingaperi—vakawanda vachatorarama kudenga, kusina “munhurume kana munhukadzi.” (VaGaratiya 3:28) Saka varume vanofanira kuyeuka kuti kutendeka kwomunhu ndiko kunoita kuti akoshe kuna Mwari. Haisi nyaya yokuti munhu wacho munhurume here kana kuti munhukadzi, murume here kana kuti mudzimai, kana kuti kunyange mwana.—1 VaKorinde 4:2.

9. (a) Maererano naPetro, nei varume vachifanira kukudza madzimai avo? (b) Jesu akaratidza sei kuti airemekedza vakadzi?

9 Mashoko okugumisa omuapostora Petro anosimbisa kuti murume anofanira kubata mudzimai wake norukudzo, anoti, “kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” Kana minyengetero yavo ikadziviswa zvingava nengozi zvikuru! Zvingatoita kuti minyengetero yomurume isateererwa, sezvakamboitika kune vamwe vashumiri vaMwari vasina kuteerera. (Mariro 3:43, 44) Nenzira yokuchenjera, varume vechiKristu—vakaroora nevaya vari kufunga zvokuroora—vachadzidza nezvenzira inokudzwa yemabatiro aiita Jesu vakadzi. Akavachingamidza muboka raienda naye muushumiri, uye akavaitira mutsa nokuvaremekedza. Pane imwe nguva, Jesu akatotanga kutaura chimwe chokwadi chinoshamisa kuvakadzi, achivaudza kuti vaudze varume nezvacho!—Mateu 28:1, 8-10; Ruka 8:1-3.

Muenzaniso, Kunyanya Kuvarume

10, 11. (a) Nei varume vachifanira kunyanya kudzidza muenzaniso waJesu? (b) Varume vanofanira kuratidza sei kuti vanoda madzimai avo?

10 Sezvambotaurwa, Bhaibheri rinoenzanisa ukama hwomurume nomudzimai wake nohuya hwaKristu no“mwenga” wake, inova ungano yake yevateveri vakazodzwa. Bhaibheri rinoti: “Murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano, iye zvaari muponesi womuviri uyu.” (VaEfeso 5:23) Mashoko aya anofanira kukurudzira varume kuti vaongorore nzira iyo Jesu aishandisa umusoro hwake kana kuti yaaitungamirira nayo vateveri vake. Varume vanozongokwanisa kunyatsotevera muenzaniso waJesu uye kutungamirira madzimai avo, kuada, uye kuatarisira sezvaiita Jesu ungano yake kana vakaongorora muenzaniso uyu.

11 Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:25) Muchitsauko 4 chaVaEfeso, “ungano” inonzi “muviri waKristu.” Uyu muviri wokufananidzira une nhengo dzakawanda dziri varume nevakadzi, vose vanobatsira kuti muviri wacho ushande zvakanaka. Chokwadi, Jesu ndiye “musoro womuviri, iyo ungano.”—VaEfeso 4:12; VaKorose 1:18; 1 VaKorinde 12:12, 13, 27.

12. Jesu akaratidza sei kuti aida muviri wake wokufananidzira?

12 Jesu akaratidza kuti anoda muviri wake wokufananidzira, “iyo ungano,” kunyanya nokuva nehanya kwaakaratidza pakuita zvaidiwa nevaya vaizova nhengo dzayo. Somuenzaniso, vadzidzi vake pavakanga vaneta, akati: “Uyai, . . . muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.” (Mako 6:31) Achirondedzera zvakaitwa naJesu kwasara maawa mashomanana bedzi kuti aurayiwe, mumwe wevaapostora vake akanyora kuti: “Jesu, zvaakanga ada vake [kureva nhengo dzomuviri wake wokufananidzira] . . . , akavada kusvikira kumugumo.” (Johani 13:1) Muenzaniso wakanaka chaizvo wakasiyirwa varume naJesu wemabatiro avanofanira kuita madzimai avo!

13. Varume vanorayirwa kuti vade madzimai avo sei?

13 Achiramba achishandisa muenzaniso wakasiyirwa varume naJesu, muapostora Pauro akavarayira kuti: “Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida, nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano.” Pauro akawedzera kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita.”—VaEfeso 5:28, 29, 33.

14. Murume anobata sei muviri wake usina kukwana, uye izvi zvinoratidzei nezvemabatiro aanofanira kuita mudzimai wake?

14 Chimbofunga nezvamashoko aPauro. Murume ane pfungwa dzakakwana angambokuvadza muviri wake nemaune here? Murume paanogumburwa chigunwe chake, anochirova here nokuti chamugumburisa? Kwete! Murume anozvinyadzisa here pane shamwari dzake kana kuti kunyeya kukanganisa kwaanoita? Aiwa! Saka nei achifanira kutuka mudzimai wake, kana kuti kumurova, kana achinge akanganisa? Varume havangofaniri kufunga nezvezvavanoda ivo asi nezvezvinodiwawo nemadzimai avo.—1 VaKorinde 10:24; 13:5.

15. (a) Jesu akaitei vadzidzi vake pavakaratidza kuti vakanga vasina kukwana? (b) Tingadzidzei pamuenzaniso wake?

15 Funga kuti Jesu akaratidza sei kuti aiva nehanya nevadzidzi vake usiku hwaakazofa, pavakaratidza kuti vakanga vasina kukwana. Pasinei nokuti akaramba achivakumbira kuti vanyengetere, vakarara katatu mumunda weGetsemane. Pakarepo, varume vaiva nezvombo vakavaunganira. Jesu akabvunza varume vacho kuti: “Muri kutsvaka ani?” Pavakapindura kuti: “Jesu wokuNazareta,” iye akati: “Ndini.” Achiziva kuti ‘awa yakanga yasvika’ yokuti afe, akati: “Zvino, kana ndiri ini wamuri kutsvaka, regai ava vaende.” Jesu nguva dzose aifunga nezvokugara zvakanaka kwevadzidzi vake—chikamu chomwenga wake wokufananidzira—uye akatsvaka nzira yokuti vapone nayo. Nokudzidza mabatiro aiita Jesu vadzidzi vake, varume vachawana zvakawanda zvavangashandisa nezvemabatiro avanofanira kuita madzimai avo.—Johani 18:1-9; Mako 14:34-37, 41.

Rudo rwaJesu Rwaibva Mumwoyo

16. Jesu ainzwa sei pamusoro paMarita, asi iye akamururamisa sei?

16 Bhaibheri rinoti: “Jesu aida Marita nomunun’una wake naRazaro,” avo vaiwanzomugamuchira somueni mumusha mavo. (Johani 11:5) Asi Jesu haana kurega kutsiura Marita paakanyanya kukoshesa zvokudya zvaaigadzirira, zvokuti akasara nenguva shoma yokurayiridzwa naye mune zvokunamata. Akati: “Marita, Marita, unozvidya mwoyo nokushushikana pamusoro pezvinhu zvizhinji. Zvisinei, zvinodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete.” (Ruka 10:41, 42) Hapana mubvunzo kuti kuda kwaaiita Marita kwakaita kuti zvive nyore kuti agamuchire zano rake. Saizvozvowo, varume vanofanira kubata madzimai avo nomutsa, norudo, vachitaura mashoko akanyatsosarudzwa. Asi pavanenge vachida kururamiswa, zvakakodzera kutaura zvakajeka sezvakaitwa naJesu.

17, 18. (a) Petro akatsiura sei Jesu, uye nei Petro aifanira kururamiswa? (b) Murume anofanira kuitei?

17 Pane imwe nguva, Jesu akatsanangurira vaapostora vake kuti aifanira kuenda kuJerusarema, kwaaizotambudzwa ne“varume vakuru nevapristi vakuru nevanyori, ourayiwa, ozomutswa pazuva rechitatu.” Petro anzwa izvi akatora Jesu akaenda naye padivi akatanga kumutsiura achiti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.” Zviri pachena kuti maonero aPetro akanga avhiringidzwa nokunzwira tsitsi. Aifanira kururamiswa. Saka Jesu akati kwaari: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”—Mateu 16:21-23.

18 Jesu akanga achangobva kutaura zvaidiwa naMwari kuti aite—zvokuti aizotambura zvinhu zvakawanda ourayiwa. (Pisarema 16:10; Isaya 53:12) Saka Petro akakanganisa paakatanga kutsiura Jesu. Chokwadi, Petro aifanira kururamiswa zvakasimba, sezvatinongoitwa tose pane dzimwe nguva. Somusoro wemhuri, murume ane simba uye ndiye anofanira kururamisa vomumhuri yake, kusanganisira mudzimai wake. Kunyange zvazvo angafanira kururamisa zvakasimba, anofanira kuita izvi nomutsa uye norudo. Saka sezvo Jesu akabatsira Petro kuti aone zvinhu nemaonero akanaka, dzimwe nguva varume vangafanira kuitawo izvozvo kumadzimai avo. Somuenzaniso, murume angafanira kuudza mudzimai wake nenzira yorudo kuti nei mudzimai wake angada kugadzirisa kana mapfekero ake nokushonga kwake kana kuti kushandisa kwaanoita zvizoro kukatanga kusava nomwero sezvinotaurwa muMagwaro.—1 Petro 3:3-5.

Zvakanaka Kuti Varume Vashivirire

19, 20. (a) Vaapostora vaJesu vakava nedambudziko rei, uye Jesu akarigadzirisa sei? (b) Zvakaitwa naJesu zvakabudirira here?

19 Kana paine chinenge chakanganiswa chingada kugadziriswa, varume havafaniri havo kungofunga kuti zvavanoedza kuita nomwoyo wose kuti vachigadzirise zvichabudirira pakarepo. Jesu aifanira kuramba achigadzirisa maonero evaapostora vake. Somuenzaniso, vakatanga kuitirana nharo zvakare nechokumugumo woushumiri hwaJesu. Vaiitirana nharo dzokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose. (Mako 9:33-37; 10:35-45) Pasina nguva refu zvakadai zvabva kuitika kechipiri, Jesu akaronga kuchengeta Paseka yake yokupedzisira navo vari voga. Panguva iyoyo, hapana kana mumwe wavo akatanga tsika yaiita seyakaderera yokugeza tsoka dzevamwe dzaiva neguruva. Jesu akadzigeza. Zvadaro akati: “Ndakuitirai muenzaniso.”—Johani 13:2-15.

20 Varume vanozvininipisa sezvaiita Jesu vangangoshandira pamwe chete uye vangangotsigirwa nemadzimai avo. Asi zvinoda kushivirira. Pave paya usiku ihwohwo hwePaseka, vaapostora vakaitiranazve nharo nezvokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose. (Ruka 22:24) Kuchinja maonero nemaitiro kunowanzotora nguva refu uye kunoitika zvishoma nezvishoma. Asi zvinofadza chaizvo kana pakava nemigumisiro yakanaka, sezvakaitika kuvaapostora!

21. Pavanotarisana nematambudziko nhasi, varume vanokurudzirwa kuyeukei uye kuitei?

21 Mazuva ano, mhuri dziri kuva nematambudziko akakura kupfuura kare. Vakawanda havachakoshesi mhiko dzavo dzomuchato. Saka varume fungisisai nezvematangiro akaita muchato. Yeukai kuti Mwari wedu ane rudo, Jehovha, ndiye akatanga muchato. Akapa Mwanakomana wake, Jesu, kwete chete kuti ave Mudzikinuri—Muponesi wedu—asiwo kuti ave muenzaniso wokuti varume vatevedzere.—Mateu 20:28; Johani 3:29; 1 Petro 2:21.

Ungapindura Sei?

• Nei zvichikosha kuti tizive matangiro akaita mhuri?

• Varume vanokurudzirwa kuti vade madzimai avo munzira dzipi?

• Mienzaniso ipi yemabatiro aiita Jesu vadzidzi vake inoratidza kuti murume anofanira kushandisa sei kuva musoro kwake kwakaita sokwaKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 14]

Nei varume vachifanira kudzidza mienzaniso yemabatiro aiita Jesu vakadzi?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vadzidzi vake pavakanga vaneta, Jesu akavanzwisisa

[Mufananidzo uri papeji 16]

Varume vanofanira kutsiura madzimai avo nemashoko omutsa, akanyatsosarudzwa