Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Murume Nomukadzi—Mumwe Nomumwe Ane Basa Rinokudzwa

Murume Nomukadzi—Mumwe Nomumwe Ane Basa Rinokudzwa

Murume Nomukadzi—Mumwe Nomumwe Ane Basa Rinokudzwa

JEHOVHA MWARI akatanga kusika Adhamu, kukazotevera Evha. Evha asati asikwa, Adhamu akanga ava kuziva nezvoupenyu. Panguva iyi, Jehovha akamupa mimwe mirayiro. (Genesisi 2:15-20) Achishanda somutauriri waMwari, Adhamu aifanira kuiudza mudzimai wake. Saka zviri pachena kuti aizotungamirira pazvinhu zvose zvine chokuita nokunamata.

Urongwa hwakafanana huripo muungano yechiKristu, uye tinogona kubatsirwa nokumbohuongorora. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Handitenderi mukadzi . . . kuti ave nesimba pamurume, asi kuti anyarare. Nokuti Adhamu akatanga kuumbwa, kukazotevera Evha.” (1 Timoti 2:12, 13) Izvi hazvirevi kuti mukadzi anofanira kubva anyarara zvachose paungano yechiKristu. Anofanira kunyarara mupfungwa yokusaita nharo nomurume, achishora nzvimbo yake yaakapiwa, kana kuti kuedza kudzidzisa ungano. Varume vakapiwa basa rokutungamirira nokudzidzisa ungano, asi vakadzi vanowedzera zvakawanda pamisangano yechiKristu nokuti vane zvavanoitawo zvakasiyana-siyana.

Achiita kuti tinzwisise mabasa anofanira kuitwa nomurume nomukadzi muurongwa hwaMwari, muapostora Pauro akanyora kuti: “Murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume . . . Kunze kwaizvozvo, munaShe hapana mukadzi kana pasina murume uyewo hapana murume kana pasina mukadzi [hapana anozvimiririra]. Nokuti mukadzi zvaanobva kumurume, naizvozvowo murume aripo nomukadzi; asi zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari.”—1 VaKorinde 11:8-12.

Vakadzi Vane Ropafadzo Dzakanaka

MuMutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari, vakadzi vaiva neropafadzo dzakawanda uye vaiva vakasununguka kuita zvavaiona kuti zvinobatsira. Somuenzaniso, Zvirevo 31:10-31 inotaura nezvo“mudzimai anokwanisa” uya anotenga machira akanaka chaizvo ogadzirira mhuri yake nguo dzakanaka. “Anotogadzirawo nguo dzomukati achidzitengesa”! (Ndima 13, 21-24) “Sengarava dzomutengesi,” mukadzi akanaka uyu anowana zvokudya zvakanaka, kunyange kana achifanira kuzviwana kunzvimbo dziri kure. (Ndima 14) “Anofunga nezvomunda outenga,” uye “anodyara munda wemizambiringa.” (Ndima 16) Sezvo “kutengesa kwake kwakanaka,” mabasa ake ane pundutso. (Ndima 18) Kuwedzera paku“tarisira zvinoitwa muimba yake,” mukadzi uyu anotya Jehovha anobatsirawo vamwe zvisina udyire. (Ndima 20, 27) Ndosaka achirumbidzwa!—Ndima 31.

Mitemo yaJehovha yaakapa achishandisa Mosesi yakapa vakadzi mukana wakakwana wokukura mune zvokunamata. Somuenzaniso, pana Joshua 8:35, tinoverenga kuti: “Hapana shoko pane ose akanga arayirwa naMosesi risina kuverengwa zvinonzwika naJoshua pamberi peungano yose yaIsraeri, pamwe chete nevakadzi nevana nevatorwa vaigara imomo vaifamba pakati pavo.” Richitaura nezvomupristi Ezra, Bhaibheri rinoti: “Akauya nebhuku romutemo pamberi peungano yevarume pamwe chete neyevakadzi neyevose vakanga vave kuziva zvokugona kuteerera, pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe. Akaramba achiriverenga zvinonzwika pamberi penzvimbo yaiungana vanhu yaiva pakatarisana neGedhi reMvura, kubvira utonga huchitsvuka kusvikira masikati, ari pamberi pevarume nevakadzi nevamwe vakanga vave kuziva; uye nzeve dzevanhu vose dzakanga dzakateerera bhuku romutemo.” (Nehemiya 8:2, 3) Vakadzi vakabatsirwa nokuverengwa kwakadaro kwoMutemo. Vaichengetawo mitambo yechitendero. (Dheuteronomio 12:12, 18; 16:11, 14) Zvinonyanya kukosha ndezvokuti vakadzi muIsraeri yekare vaigona kuva noukama hwavo pachavo naJehovha Mwari uye vaikwanisa kunyengetera vari voga.—1 Samueri 1:10.

Muzana remakore rokutanga C.E., vakadzi vaitya Mwari vakawana ropafadzo yokushumira Jesu. (Ruka 8:1-3) Mumwe mukadzi akazodza musoro wake nemakumbo pakudya kwemanheru muBhetani. (Mateu 26:6-13; Johani 12:1-7) Vakadzi vaiva vamwe vevaya vakaona Jesu pashure pokunge amutswa. (Mateu 28:1-10; Johani 20:1-18) Jesu akwira kudenga, paboka revanhu vanenge 120 vakanga vakaungana pamwe chete paivawo “nevamwe vakadzi naMariya amai vaJesu.” (Mabasa 1:3-15) Vakawanda kana kuti vakadzi vacho vose pasina mubvunzo vaiva mukamuri repamusoro muJerusarema pazuva rePendekosti ya33 C.E., pakatumirwa mudzimu mutsvene uye vadzidzi vaJesu nenzira inoshamisa vakatanga kutaura nemitauro inoverengeka yakasiyana-siyana.—Mabasa 2:1-12.

Mashoko aJoeri 2:28, 29, akadzokororwa nomuapostora Petro pazuva rePendekosti achiti: “[Ini Jehovha] ndichadurura mumwe mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita . . . Ndichadurura mumwe womudzimu wangu mumazuva iwayo kunyange pavarandarume vangu nevarandakadzi vangu,” akazadzika kuvarume nevakadzi. (Mabasa 2:13-18) Kwenguva yakati pashure pePendekosti ya33 C.E., vakadzi vechiKristu vakapiwa zvipo zvomudzimu. Vakataura mimwe mitauro uye vaiprofita, kwete hazvo zviitiko zvomunguva yemberi asi vaitaura chokwadi chomuMagwaro.

Mutsamba yake yaakanyorera vaKristu vokuRoma, muapostora Pauro anotaura zvakanaka nezva“Febhi hanzvadzi yedu,” achimurumbidza kwavari. Anotaurawo nezvaTrifena naTrifosa achivati “vakadzi vari kushanda zvakaoma munaShe.” (VaRoma 16:1, 2, 12) Kunyange zvazvo vakadzi ava vasina kugadzwa munzvimbo yokutungamirira muungano yechiKristu yekare, ivo nevamwe vakadzi vakawanda vakakomborerwa naMwari pakuti vakasarudzwa kuti vave noMwanakomana wake, Jesu Kristu, muUmambo hwokudenga.—VaRoma 8:16, 17; VaGaratiya 3:28, 29.

Nhasi vakadzi vanotya Mwari vane ropafadzo inokosha uye inokudzwa! “Jehovha pachake anoti; vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru,” inotaura kudaro Pisarema 68:11. Vakadzi vakadaro vanofanira kurumbidzwa. Somuenzaniso, kudzidzisa kwavo kune unyanzvi pavanodzidzisa Bhaibheri pamusha kuri kuita kuti vakawanda vabvume dzidziso dzechokwadi dzinofadza Mwari. Vakadzi vechiKristu vakaroorwa vaya vanobatsira vana vavo kuti vave vatendi uye vanotsigira varume vavo avo vane mabasa akawanda okuita muungano vanofanirawo kurumbidzwa. (Zvirevo 31:10-12, 28) Vakadzi vasina kuroorwa vanewo nzvimbo inoremekedzwa muurongwa hwaMwari, uye varume vechiKristu vanorayirwa kuti ‘varayire vakadzi vakura savanaamai, vakadzi vaduku sehanzvadzi nokuchena kwose.’—1 Timoti 5:1, 2.

Mabasa Akasiyana-siyana Omurume

Murume wechiKristu ane basa raakapiwa naMwari uye anotarisirwa kuriita. Pauro akati: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinde 11:3) Murumewo ane musoro—Kristu. Zvechokwadi, murume anozvidavirira kuna Kristu uye pakupedzisira kuna Mwari. Uye Mwari anotarisira kuti murume ashandise kuva musoro kwake norudo. (VaEfeso 5:25) Izvi zvave zvakadaro kubvira pakasikwa vanhu vokutanga panyika.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akapa murume mabasa anoenderana nenzvimbo yake somusoro. Somuenzaniso, Jehovha akaita kuti murume anonzi Noa avake areka yaizochengetedza upenyu munguva yeMafashamo. (Genesisi 6:9–7:24) Murume anonzi Abrahamu akavimbiswa kuti, mhuri dzose nemarudzi ose epanyika aizozvikomborera nokumwana wake. Airehwa pakuti mwana wake ndiKristu Jesu. (Genesisi 12:3; 22:18; VaGaratiya 3:8-16) Mwari akagadza murume anonzi Mosesi kuti atungamirire vaIsraeri kubuda muIjipiti. (Eksodho 3:9, 10, 12, 18) Jehovha akashandisa Mosesi kuti ape mitemo inozivikanwa sesungano yoMutemo, kana kuti Mutemo waMosesi. (Eksodho 24:1-18) Kunyange vanyori vose veBhaibheri vaiva varume.

Somusoro weungano yechiKristu, Jesu “akapa zvipo zviri varume.” (VaEfeso 1:22; 4:7-13) Paakanyora zvinodiwa kuvatariri, Pauro aireva varume. (1 Timoti 3:1-7; Tito 1:5-9) Saka ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinoshumirwa nevatariri vari vanhurume, kana kuti vakuru, uye nevarume vakagadzwa sevashumiri vanoshumira. (VaFiripi 1:1, 2; 1 Timoti 3:8-10, 12) Varume chete ndivo vanofanira kushanda sevafudzi muungano yechiKristu. (1 Petro 5:1-4) Zvisinei, sezvataurwa kare, vakadzi vane mabasa akanaka chaizvo avakapiwa naMwari.

Vanofara Mumabasa Avo

Kuita mabasa avakapiwa naMwari kunoita kuti vose varume nevakadzi vafare. Varume nemadzimai pavanotevedzera muenzaniso waKristu neungano yake, mhuri dzinofara. Pauro akanyora kuti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo . . . Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita.” (VaEfeso 5:25-33) Saka varume vanosungirwa kuti vashandise kuva kwavo musoro, nenzira yorudo, kwete youdyire. Ungano yaKristu haina kuumbwa nevanhu vakakwana. Asi Jesu anoida uye anoitarisira. Saizvozvowo, murume wechiKristu anofanira kuda uye kutarisira mudzimai wake.

Mukadzi wechiKristu “anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:33) Pane izvi, anogona kutarira kuungano somuenzaniso. VaEfeso 5:21-24 inoti: “Zviisei pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu. Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe, nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano, iye zvaari muponesi womuviri uyu. Chokwadi, ungano zvainozviisa pasi paKristu, madzimai ngaaitewo saizvozvo kuvarume vawo muzvinhu zvose.” Kunyange zvazvo dzimwe nguva mudzimai angaona zvakaoma kuti azviise pasi pomurume wake, izvi “zvakakodzera munaShe.” (VaKorose 3:18) Kuzviisa pasi pomurume wake kunova nyore kana akayeuka kuti izvi zvinofadza Ishe Jesu Kristu.

Kunyange kana murume wake asingatendi, mudzimai wechiKristu anofanira kuzviisa pasi pake. Muapostora Petro anoti: “Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:1, 2) Sara, uyo airemekedza murume wake Abrahamu, akakomborerwa nokubereka Isaka uye akava mbuya vomudzinza raJesu Kristu. (VaHebheru 11:11, 12; 1 Petro 3:5, 6) Madzimai anozvibata sezvakaita Sara ane chokwadi chokuti achakomborerwa naMwari.

Rugare nokubatana zvinowedzera kana varume nevakadzi vakaita mabasa avo avakapiwa naMwari. Izvi zvinoguma nokugutsikana uye mufaro. Uyezve, kuteerera zvinotaurwa neMagwaro kunoita kuti mumwe nomumwe akudzwe zvinoenderana nenzvimbo yake yakaropafadzwa muurongwa hwaMwari.

[Bhokisi riri papeji 7]

Manzwiro Avanoita Nezvebasa Ravo Ravakapiwa naMwari

“Murume wangu anotungamirira nenzira yorudo nomutsa,” anodaro Susan. “Tinowanzokurukura zvatichaita, uye paanosarudza zvichaitwa kana kuti zvisingazoitwi, ndinoziva kuti zvichatibatsira. Urongwa hwaJehovha nokuda kwemadzimai echiKristu hunonyatsoita kuti ndifare uye kuti muchato wedu usimbe. Tinowirirana uye tinoshandira pamwe chete kuti tibudirire muzvinangwa zvedu zvokunamata.”

Mumwe mukadzi anonzi Mindy anoti: “Basa iro Jehovha akapa vanhukadzi vanomushumira ivimbiso yokuti anotida. Ndinoona kuti kukudza nokuremekedza murume wangu uyewo kumutsigira pamabasa ake eungano ndiyo nzira yandinoratidza nayo kuti ndinoonga Jehovha nokuda kwourongwa uhwu.”

[Mifananidzo iri papeji 5]

Maererano nenzvimbo yomurume yokuva musoro, Mwari akapa Noa, Abrahamu, naMosesi mabasa akasiyana-siyana

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru”