Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muunganidzi akawana “murume mumwe chete pane vane chiuru” asi haana kuwana “mukadzi pane vose ava” mupfungwa ipi?—Muparidzi 7:28.

Kuti tinzwisise zvakarurama mashoko aya akafuridzirwa, tinofanira kutanga tanzwisisa kuti Mwari anoona sei vakadzi. Bhaibheri rinotaura nezvechirikadzi inonzi Rute muroora waNaomi richimuti “mukadzi akanaka kwazvo.” (Rute 3:11) Maererano naZvirevo 31:10, mukadzi akanaka “mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wemaparera.” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Saka zvino, Mambo Soromoni weIsraeri yekare airevei paakati: “Ndakawana murume mumwe chete [“wechokwadi,” Moffat] pakati pechiuru . . . asi handina kuwana mukadzi [“wechokwadi,” Moffat] pakati pevazhinji vakadai”?—Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Ndima yacho inoratidza kuti kuderera kwetsika kunofanira kunge kwakanga kwakapararira pavakadzi vomuzuva raSoromoni. (Muparidzi 7:26) Izvi zvingangodaro zvakakonzerwa nokunyengera kwevakadzi vokumwe vainamata Bhaari. Kunyange Mambo Soromoni akapedzisira atevera zvaidiwa nemadzimai ake akawanda okumwe. Bhaibheri rinoti: “Akava nemadzimai mazana manomwe, machindakadzi, nevarongo mazana matatu; uye madzimai ake akatsausa mwoyo wake zvishoma nezvishoma” kuti anamate vanamwari venhema. (1 Madzimambo 11:1-4) Varumewo vakanga vasisina tsika dzakanaka—zvaitonetsa kuwana kunyange murume mumwe chete pane vane chiuru. Soromoni akagumisa achiti: “Ndakangowana izvi chete, kuti Mwari wechokwadi akaita vanhu vakarurama, asi ivo vakatsvaka mazano mazhinji.” (Muparidzi 7:29) Iyi mhedziso inotaura nezvevanhu—murume achireva vanhu vose zvavo, kwete murume achienzaniswa nomukadzi. Saka mashoko ari pana Muparidzi 7:28 anofanira kunzwisiswa sokuti aitaura nezvetsika dzevanhu vomuzuva raSoromoni.

Zvisinei, ndima iyi ine zvimwe zvainogona kureva. Inogonawo kuva uprofita, nokuti hapana mukadzi akamboteerera Jehovha zvakakwana. Asi pane murume mumwe chete akadaro—Jesu Kristu.—VaRoma 5:15-17.

[Mufananidzo uri papeji 31]

“Murume mumwe chete pane vane chiuru”