Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki—Ivai Muenzaniso Wakanaka Kuvana Venyu

Vabereki—Ivai Muenzaniso Wakanaka Kuvana Venyu

Vabereki—Ivai Muenzaniso Wakanaka Kuvana Venyu

“IYE zvino nyanzvi dzepfungwa dzinogona hadzo kuchirega kutsvaka nzira yakanaka yokurera nayo mwana akanaka kwadzange dzichiita kwemazana emakore—kwete nokuti dzakaiwana asi nokuti hakuna.” Ndizvo zvakataura magazini inonzi Time ichidzokorora zviri mune rimwe bhuku rinotaura nezvokurera mwana. Bhuku racho rinoti vana vanonyanya kutevedzera tsika dzevezera ravo, kwete dzevabereki vavo.

Hazvirambiki kuti kuda kufanana kwepwere nevezera radzo kune simba guru zvikuru. (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33) Munyori wenyaya dzerimwe pepanhau anonzi William Brown akati: “Kana paine chimwe chinhu chinonamatwa nevechiduku munyika, kuda kufanana nevamwe. . . . Kuti vechiduku vave vakasiyana nevamwe chinhu chakaipisisa chinopfuura rufu.” Vabereki pavanotadza kuita kuti upenyu hwepamba hunakidze uye hufarirwe nevana kana kuti pavanotadza kupedza nguva yakakodzera nevana vavo—uye zviviri izvozvo zvinogona kuitika munyika yanhasi mune zvizhinji zvokuita—chaizvoizvo, vari kuvhura mukana wokuti vana vavo vavhiringidzwe nevezera ravo.

Uyezve, muano “mazuva okupedzisira,” kubatana kwemhuri kuri kurwiswa nokuti, sezvakafanotaura Bhabheri, vanhu vave kunyanya kuda mari, mafaro, uye zvinhu zvavanoda ivo pachavo. Saka tinofanira kushamisika here, kuona vana “vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo”?—2 Timoti 3:1-3.

Mashoko okuti “rudo rukuru rwokuzvarwa narwo,” semashandisirwo aanoitwa muBhaibheri, anotsanangura rudo rwomumhuri. Rudo urwu nderwokubatana kwokuzvarwa nakwo runoita kuti vabereki vanzwe vachida kutarisira vana vavo uye kuti vana vati kwati kwati nevabereki vavo. Asi kana vabereki vakasava norudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vana vachatsvaka vamwe vangavatsigira pane zvavanofunga kuita—vanowanzoenda kune vezera ravo, uye vangangopedzisira vatora tsika nemafungiro zvaivavo. Asi kazhinji izvi hazvingaitiki kana vabereki vakatendera kuti mirayiro yeBhaibheri idzore upenyu hwemhuri yavo.—Zvirevo 3:5, 6.

Mhuri—Urongwa Hwakatangwa naMwari

Abatanidza Adhamu naEvha somurume nomudzimai, Mwari akapa murayiro wokuti: “Berekai muwande, muzadze nyika.” Zvadaro, mhuri—baba, amai, uye vana—yakavapo. (Genesisi 1:28; 5:3, 4; VaEfeso 3:14, 15) Kuti abatsire vanhu kurera vana vavo, Jehovha akapa vabereki unhu hunokosha hwokuva mubereki. Sezvo vanhu vakasiyana nemhuka, vanoda rumwe rubatsiro, saka Jehovha akavapa mirayiro yakanyorwa. Munewo mirayiridzo yetsika uye nhau dzine chokuita nokunamata uye dzokuranga vana zvakafanira.—Zvirevo 4:1-4.

Achitaura zvikurukuru kumadzibaba, Mwari akati: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7; Zvirevo 1:8, 9) Ona kuti vabereki vaifanira kutanga kuisa mutemo waMwari mumwoyo yavo pachavo. Nei izvi zvakanga zvichikosha? Nokuti kudzidzisa kunokurudzira vamwe zvechokwadi hakubvi pamuromo asi mumwoyo. Vabereki pavanodzidzisa zvichibva mumwoyo, ndipo bedzi pavanosvika mwoyo yevana vavo. Vabereki vakadaro vachava mienzaniso yakanaka zvikuru kuvana vavo, avo vanokurumidza kuona kuti vari kunyeperwa.—VaRoma 2:21.

Vabereki vechiKristu vanoudzwa kuti vadzidzise vana vavo kubvira vachiri vacheche “kuvarovedza uye kuvaranga uye kuvapa zano nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4, The Amplified Bible; 2 Timoti 3:15) Kubvira vachiri vacheche nhai? Hungu! “Dzimwe nguva isu vabereki hatirumbidzi vana vedu sezvakavakodzera,” vakanyora kudaro vamwe amai. “Tinorerutsa mano avo. Zviripo zvavanogona kuita. Isu vabereki tinofanira kuita kuti vashandise mano avo.” Chokwadi, vana vanoda kudzidza, uye kana vakadzidziswa nevabereki vanonamata Mwari, vachadzidzawo kuva norudo. Vana vakadaro vachanzwa vakachengeteka pane zvavanorayirwa nevabereki vavo. Saka, vabereki vanobudirira vanoedza kuti vave shamwari dzine rudo, vanokurukurirana zvakanaka nevana vavo, uye vadzidzisi vane mwoyo murefu asi vasingatsuduguki, vachiita kuti pave nemamiriro ezvinhu anoita kuti vana vacho vanakidzwe. *

Dzivirira Vana Vako

Mutsamba yakanyorerwa vabereki, mumwe mukuru mukuru wechikoro muGermany akati: “Tinoda kukukurudzirai imi vabereki vanodiwa kuti imi pachenyu mufarire zvikuru kurera vana venyu kwete kuitirwa basa iri neterevhizheni kana kuti neshamwari dzevana dzisina kunaka sezvo riri basa renyu rokuita kuti vave nounhu hwakanaka.”

Kurererwa mwana neterevhizheni kana kuti neshamwari dzavo dzisina kunaka, chokwadi, kwakangofanana nokurererwa mwana nemafungiro enyika. (VaEfeso 2:1, 2) Mukupesana zvakananga nemafungiro aMwari, aya mafungiro enyika, semhepo ine simba, anotakura mbeu dzounhu “hwepanyika, hwemhuka, hwoudhimoni,” uye yodzikandira mupfungwa uye mumwoyo yevasina ruzivo rwokuzviwanira kana kuti yemapenzi. (Jakobho 3:15) Kufunga kwakadai kwakaita semasora kunozokanganisa mwoyo. Jesu akafananidza kukanganisa kunoita zvinodyarwa mumwoyo achiti: “Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake, asi munhu akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yake yakaipa; nokuti muromo wake unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Ruka 6:45) Saka, Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako, nokuti mauri ndimo mune matsime oupenyu.”—Zvirevo 4:23.

Chokwadi, vana vana, uye vamwe vavo vakaoma musoro, kunyange kutova nemisikanzwa. (Genesisi 8:21) Vabereki vangaitei? Bhaibheri rinoti: “Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana; shamhu yokuranga ndiyo ichahubvisira kure naye.” (Zvirevo 22:15) Vamwe vanoona izvi soutsinye uye vanoti hazvichaitwi. Chaizvoizvo, Bhaibheri harikurudziri chisimba uye chero utsinye hupi zvahwo. “Shamhu,” kunyange ingareva kuranga chaikoiko, inoratidza simba rakapiwa mubereki rokutungamirira zvakasimba uye inoratidza zvakakodzera kuti ane hanya noupenyu hweramangwana revana vake.—VaHebheru 12:7-11.

Nakidzwai Nokumbotandara Nevana Venyu

Zvinhu zvinongozivikanwa kuti, kuti vana vakure zvakanaka, vanoda kutamba uye vomboitawo zvimwe zvinhu zvinovanakidza. Vabereki vakachenjera vanoshandisa mukana wakadaro kuti vasimbise ukama nevana vavo nokutandara vachinakidzwa vainavo pose pazvinobvira. Saka, vabereki havangotungamiriri vana vavo kusarudza nhandaro yakanaka bedzi asi vangaratidzawo vana vavo kuti vanokoshesa kuva navo.

Vamwe baba vari Chapupu vanoti vaigara vachitamba bhora nomwanakomana wavo pavainge vadzoka kubasa. Vamwe amai vanoyeuka kuti mutambo wetsoro waifarirwa zvikuru nevana vavo. Mumwe mudzimai anoyeuka kuti mhuri yavo yainakidzwa nokuchovha mabhasikoro pamwe chete. Vana vose ivava vakura iye zvino, asi kuda kwavanoita vabereki vavo—uye kwavanoita Jehovha—hakuna kumbochinja, pamwe kwakatowedzera.

Chokwadi, vabereki vanoratidza neshoko uye zviito kuti vanoda vana vavo uye kuti vanoda kuva navo, kazhinji zvinobatsira vana vavo kwoupenyu hwavo hwose. Somuenzaniso, vakawanda vevakapedza kudzidza veimwe kirasi yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi vakataura kuti chido chavo chokuita ushumiri hwenguva yakazara chingangova chakabva pamuenzaniso uye kukurudzirwa kwavaiitwa nevabereki vavo. Inhaka yakanaka zvikuru yevana uye chikomborero kuvabereki! Chokwadi, havasi vana vose vangakwanisa kuita basa roushumiri hwenguva yakazara pavanenge vakura, asi vose vachanyatsobatsirwa uye vacharemekedza vabereki vanenge vari shamwari dzavo dzapedyo dzine muenzaniso wakanaka.—Zvirevo 22:6; VaEfeso 6:2, 3.

Mubereki Mumwe Chete Anogona Kubudirira

Nhasi, vana vakawanda vanokurira mumisha inenge iine mubereki mumwe chete. Kunyange zvazvo izvi zvingawedzera dambudziko rokurera mwana, vanogona kubudirira. Mubereki mumwe chete anogona kukurudzirwa nomuenzaniso womuBhaibheri waYunisi, mumwe muKristu wechiJudha womuzana remakore rokutanga. Sezvo akanga akaroorwa nomurume asingatendi, zvimwe Yunisi akanga asingatsigirwi nomurume wake mune zvokunamata. Kunyange zvakadaro, aiva nomuenzaniso wakanaka mukudzidzisa Timoti. Zvakanaka zvavaiita nezvaiitwa naambuya vacho Roisi, zvakaita kuti Timoti ave nounhu hwakanaka kubvira paucheche hwake, zvokuti dzimwe pwere dzaisazogona kumufurira.—Mabasa 16:1, 2; 2 Timoti 1:5; 3:15.

Vechiduku vakawanda nhasi vakakurira mumusha mune mubereki asingatendi kana kuti mune mubereki mumwe chete vane unhu hwakanaka zvikuru hwakafanana nohwaiva naTimoti. Somuenzaniso, Ryan, uyo ane makore 22 iye zvino uye mushumiri wenguva yakazara, akakurira mumhuri ine mubereki mumwe chete, iye nomukoma wake uye hanzvadzi yake. Baba vavo vaiva chiradza uye vakasiya mhuri yacho Ryan paakanga aine makore mana. “Amai vakanga vakatsunga kuti mhuri yedu irambe ichishumira Jehovha,” anoyeuka kudaro Ryan, “uye vakazviita nomwoyo wavo wose.”

“Somuenzaniso,” anodaro Ryan, “Amai vaida kunyatsoona kuti isu vana taishamwaridzana nevezera redu vaiva netsika dzakanaka. Vakanga vasingatombotibvumidzi kushamwaridzana nevaya vanotaurwa neBhaibheri seshamwari dzakaipa, vangava vaiva muungano kana kwete. Vakarovererawo matiri kuti tive nemaonero akanaka edzidzo yokuchikoro.” Kunyange zvazvo kazhinji amai vaRyan vaiwanzova nezvizhinji zvokuita uye vainzwa vakaneta vabva kubasa, izvi hazvina kuvatadzisa kuratidza kuti vaida vana vavo. “Vaigara vachida kuva nesu uye vachida kutaura nesu,” akadaro Ryan. “Vaiva mudzidzisi aiva nomwoyo murefu asi asingaregereri zvakaipa, vachiedza nepavaigona napo kuti tidzidze Bhaibheri semhuri nguva dzose. Pazvinhu zvaiva nechokuita nemirayiro yeBhaibheri, vakanga ‘vasingambobvumirani nesu pane zvakaipa.’”

Achifunga nezvepaakanga achiri muduku, Ryan anoyeuka kuti amai vavo vaida Mwari nevana vavo zvepachokwadi ndivo vakaita kuti ave zvaari muupenyu hwake iye nevakoma vake. Saka imi vabereki vechiKristu—makaroora kana kuroorwa kana kuti makafirwa, mune wamakaroorana naye anotenda kana kuti asingatendi—musaora mwoyo kana kuti kumbodzokera shure sezvamunoedza kudzidzisa vana venyu. Padzimwe nguva, vamwe vechiduku, somwanakomana anopambadza, vanogona kusiya chokwadi. Asi pavanoona kuti nyika haina chainacho uye kuti ine utsinye, vanogona kudzoka. Chokwadi, “akarurama anofamba akavimbika. Vanakomana vake vanomutevera vanofara.”—Zvirevo 20:7; 23:24, 25; Ruka 15:11-24.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Kana uchida mamwe mashoko ane chokuita neizvi, ona mapeji 55-9 ebhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 11]

Vabereki vaJesu Vakasarudzwa naMwari

Paakatuma Mwanakomana wake kuti azoberekwa somunhu, Jehovha akanyatsosarudza vabereki vaJesu. Sezvineiwo, akasarudza vakaroorana varombo vaida zvokunamata vasina kujaidza Jesu asi vakamudzidzisa Shoko raMwari uye kukosha kwokushanda nesimba uye kuva munhu akavimbika. (Zvirevo 29:21; Mariro 3:27) Josefa akadzidzisa Jesu basa rokuveza, uye zviri pachena kuti Josefa naMariya vaida kuti Jesu, sedangwe, avabatsire kutarisira vamwe vana vatanhatu.—Mako 6:3.

Unogona kufungidzira uchiona mhuri yaJosefa ichishandira pamwe chete panguva yePaseka kuti igadzirire rwendo rwayaiita gore negore rwokuenda kuJerusarema—rwendo rwemakiromita anenge 200 kuenda nokudzoka pasina zvifambiso zvamazuva ano. Zvechokwadi, mhuri ine vanhu vapfumbamwe kana kupfuura yaizofanira kuva yakarongeka kuti ifambe rwendo rwakareba kudaro. (Ruka 2:39, 41) Pasinei zvapo nematambudziko aivapo, zviri pachena kuti Josefa naMariya vaikoshesa nguva dzakadai, zvimwe vachishandisa mukana wacho kuti vadzidzise vana vavo nezvezviitiko zveBhaibheri zvekare.

Paaigara kumba, Jesu “akaramba achizviisa pasi” pevabereki vake, nguva dzose “achifambira mberi pakuchenjera nokukura mumuviri uye achidiwa naMwari nevanhu.” (Ruka 2:51, 52) Chokwadi, Jehovha akaratidza kuti aivimba naJosefa naMariya. Ivo muenzaniso wakanaka zvikuru wevabereki nhasi!—Pisarema 127:3.