Zvirevo 23:1-35
23 Kana ukagara pasi kuti udye namambo,Nyatsofungisisa zviri pamberi pako;
2 Isa banga pahuro pako*Kana uri munhu anodyisa.*
3 Usachiva machikichori ake,Nekuti zvekudya zvacho ndezvekunyengera.
4 Usazvifondotsa kuti uwane pfuma.+
Mira uratidze kuti unonzwisisa.*
5 Paunokanda maziso ako pairi, inenge isisipo,+Nekuti chokwadi ichamera mapapiro segondo yobhururuka mudenga.+
6 Usadya zvekudya zvemunhu akaomera;*Usachiva machikichori ake,
7 Nekuti iye akaita semunhu ari kunyora pasi kuti wadya zvakadii.*
Anokuudza kuti, “Idya, inwa,” asi iye asiri kurevesa.*
8 Ucharutsa zvaunenge wadyaUye uchange watambisa mashoko ako uchimutenda.
9 Usataura benzi richinzwa,+Nekuti richashora uchenjeri huri mumashoko ako.+
10 Usabvisa chiratidzo chekare chinoratidza pane muganhu+Kana kupinda mumunda wenherera.
11 Nekuti Mudziviriri* wadzo ane simba;Achavarwira pane zvauri kuvaitira.+
12 Mwoyo wako ngauteerere kana uchirayirwa*Uye nzeve yako ngainzwe mashoko eruzivo.
13 Usarega kuranga* mwana.*+
Kana ukamurova neshamhu, haambofi.
14 Unofanira kumurova neshamhu,Kuti umuponese* paGuva.*
15 Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako ukachenjera,Mwoyo wangu uchabva wafara.+
16 Mukatikati mangu muchava nemufaro*Miromo yako painotaura zvakarurama.
17 Mwoyo wako ngaurege kuitira shanje vatadzi,+Asi itya Jehovha zuva rese,+
18 Nekuti kana ukadaro uchava neramangwana rakanaka+Uye tariro yako haizoparadzwi.
19 Teerera, mwanakomana wangu, uve akachenjera,Uye tungamirira mwoyo wako munzira yakarurama.
20 Usava pakati pevaya vanonwisa waini,+Pakati pevaya vanodyisa nyama,+
21 Nekuti chidhakwa nemunhu anokara vachava varombo,+Uye hope dzichapfekedza munhu mamvemve.
22 Teerera baba vako vakaita kuti uberekwe,Uye usazvidza amai vako nekuti vakwegura.+
23 Tenga* chokwadi uye usambochitengesa,+Tengawo* uchenjeri nekurayirwa nekunzwisisa.+
24 Baba vemunhu akarurama vachafara zvechokwadi;Munhu wese anobereka mwanakomana akachenjera achafadzwa naye.
25 Baba vako naamai vako vachafara,Uye amai vakakubereka vachafara.
26 Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako,Uye maziso ako ngaafarire nzira dzangu.+
27 Nekuti pfambi igomba rakadzika,Uye mukadzi nzenza* itsime rakamanikana.+
28 Anohwandira segororo;+Anowedzera uwandu hwevarume vasina kutendeka.
29 Ndiani ane nhamo? Ndiani asina kugadzikana?
Ndiani anokakavara? Ndiani ari kugunun’una?
Ndiani ane maronda pasina chikonzero? Ndiani ane maziso asiri kunyatsoona?
30 Ndevaya vanogarisa pawaini;+Vaya vanotsvaga* waini yakasanganiswa.
31 Usatarisa kutsvuka kunenge kwakaita wainiIchivaima iri mumukombe, uye ichidzika zvinyoronyoro,
32 Nekuti pakupedzisira inoruma senyoka,Uye inobudisa uturu sechiva.
33 Maziso ako achaona zvinhu zvisipo,Uye mwoyo wako uchataura zvinhu zvisina basa.+
34 Uye uchaita sewakarara pakati pegungwa,Sewakarara pamusoro pebango rengarava rakaenda mudenga.
35 Uchati: “Vakandirova, asi handina kuzvinzwa.*
Vakandirova, asi handina kuzviziva.
Ndichamuka riiniko?+
Ndiri kuda kunwa imwe.”*
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Zvidzore.”
^ Kana kuti “munhu ane mweya une makaro.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Rega kuvimba nekunzwisisa kwako.”
^ Kana kuti “zvemunhu ane ziso rakaipa.”
^ Kana kuti “ari kuverenga mumweya wake.”
^ ChiHeb., “mwoyo wake hausi pauri.”
^ ChiHeb., “Mudzikinuri.”
^ Kana kuti “uchirangwa.”
^ Kana kuti “kurayira.”
^ Kana kuti “mukomana; wechidiki.”
^ Kana kuti “uponese mweya wake.”
^ Kana kuti “paSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “Itsvo dzangu dzichafara.”
^ Kana kuti “Wanawo.”
^ Kana kuti “Wana.”
^ Kana kuti “vanoungana kuti varavidze.”
^ Kana kuti “kurwadziwa.”
^ Kana kuti “Ndichaitsvagazve.”