Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hwako Hunokosha Zvakadini?

Upenyu Hwako Hunokosha Zvakadini?

Upenyu Hwako Hunokosha Zvakadini?

VANHU vakawanda pavakanga vachiurayiwa muEurope muHondo Yenyika I, kuedza kwakasimba kuponesa vanhu kwakanga kuri kuitwa mugungwa reAntarctica. Mufambi aiongorora wokuIreland ainzi Ernest Shackleton nevamwe vake vakanangana nedambudziko apo chikepe chavo chainzi Endurance chakarovera padombo rechando chichibva chanyura. Shackleton akakwanisa kuti varume vake vaende panzvimbo yakati chengetekei—paElephant Island iri muSouth Atlantic Ocean. Asi vakanga vachingori pangozi yakakura.

Shackleton aiziva kuti, kuti vapone, vaifanira kutumira shoko rokuti vanunurwe kune imwe nzvimbo inobatwa hove dzinonzi whale iri pachitsuwa cheSouth Georgia. Nzvimbo yacho yaiva makiromita 1 100 kubva pavaiva, uye aingova nechikepe chokununura chakareba mamita 6.7 chaakanga atora muchikepe cheEndurance. Tarisiro yokubudirira yakanga isina kujeka.

Zvisinei, musi waMay 10, 1916, pashure pemazuva 17 vachitambura, Shackleton nevanhu vashomanana vaaiva navo vakasvika kuSouth Georgia, asi mamiriro ezvinhu akaipa mugungwa akaita kuti vasvikire kudivi regungwa risiri iro ravaida. Kuti vasvike kwavaienda, vaifanira kufamba kwemakiromita 30 nomumakomo akavharwa nechando asati ambofambwa. Mumamiriro ezvinhu akanga akaoma—kunze kuchitonhora kwazvo uye vasina zvokushandisa kukwira makomo zvakakodzera—Shackleton nevaaiva navo vakasvika kwavaienda, uye pakupedzisira akanunura varume vake vose vakanga vapererwa nezano. Nei Shackleton akaita basa rakaoma rinonetesa zvakadaro? “Chinangwa chimwe chete chaaiva nacho,” akanyora kudaro munyori wenhoroondo dzoupenyu Roland Huntford, chaiva “chokuti varume vake vose vabude vari vapenyu.”

“Hakuna Chimwe Chinoshayikwa”

Chii chakaita kuti varume vaShackleton vasarasa mwoyo zvachose sezvavakanga vakaungana vakamira vari pa“kanzvimbo kaiodza mwoyo uye kasingasvikiki kaiva nematombo nechando uye kaiva makiromita 30 kubva kwakaitangira kusvikira kwakaiperera”? Kuvimba kwavaiita kuti mutungamiriri wavo aizochengeta vimbiso yake yokuzovanunura.

Nhasi vanhu vari mumamiriro ezvinhu akangofanana neevarume ivavo vakanga vapererwa nezano vari paElephant Island. Vakawanda vanorarama mumamiriro ezvinhu akaoma zvisingatauriki uye vanotamburira kuti vangorarama. Asi, vanogona kuvimba zvakakwana kuti Mwari “unorwira unotambudzika” pakudzvinyirirwa nenhamo. (Jobho 36:15) Ziva kuti Mwari anoona upenyu hwomunhu wose sohunokosha. “Udane kwandiri pazuva rokutambudzika,” anodaro Jehovha Mwari, Musiki, uye “Ini ndichakurwira.”—Pisarema 50:15.

Unoona zvakaoma here kutenda kuti Musiki anokuona iwewe pachako—munhu mumwe chete pamabhiriyoni ari pasi pano—sounokosha? Kana zvakadaro ona zvakanyorwa nomuprofita Isaya maererano nemabhiriyoni enyeredzi ari mumabhiriyoni emapoka enyeredzi ari muchadenga. Tinoverenga kuti: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakuna chimwe chinoshayikwa.”—Isaya 40:26.

Unonzwisisa kuti izvozvo zvinorevei here? Gwara redu Renzou—rinongova bedzi chikamu chenyeredzi dzose—rine nyeredzi dzinenge mabhiriyoni 100. Uye kune mamwe mapoka enyeredzi mangani? Hapana anonyatsoziva, asi vamwe vanofungidzira kuti kune mabhiriyoni 125. Kunofanira kuva nenyeredzi dzakawanda zvinoshamisa kwazvo! Asi, Bhaibheri rinotiudza kuti Musiki wezvose anoziva imwe neimwe yenyeredzi dzacho nemazita adzo.

“Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo Rakaverengwa Rose”

‘Asi,’ vamwe vangadaro, ‘kungoziva mazita emabhiriyoni enyeredzi—kana kuti mabhiriyoni evanhu—hazvirevi kuva nehanya navo somunhu mumwe nomumwe.’ Kombiyuta ine simba ingakwanisa kuchengeta mazita evanhu vanosvika mabhiriyoni. Asi, hapana angataura kuti kombiyuta yacho ine hanya nomumwe wevanhu ivavo. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha Mwari haangozivi mazita emabhiriyoni evanhu chete, asi anewo hanya navo somunhu mumwe nomumwe. “Muchikandira kufunganya kwenyu kwose paari,” akanyora kudaro muapostora Petro “nokuti ane hanya nemi.”—1 Petro 5:7.

Jesu Kristu akati: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari inokosha zvishoma here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Mateu 10:29-31) Ona kuti Jesu haana kuti Mwari anongoziva chete zvinenge zvaitika kushiri duku uye kuvanhu. Akati: “Munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” Nei uchikosha kupfuura shiri duku? Nokuti wakasikwa “nomufananidzo waMwari”—unokwanisa kukudziridza tsika, pfungwa, uye zvinhu zvine chokuita nokunamata zvinoratidza unhu hwaMwari hwakanaka kwazvo.—Genesi 1:26, 27.

“Basa Rakaitwa Noungwaru”

Usavhiringidzwa nezvinotaurwa nevanhu vanoti hakuna Musiki. Maererano navo, simba rokusika risingaoneki, risiri munhu ndiro rakaita kuti uvepo. Vanotaura kuti kusiyana nokusikwa “nomufananidzo waMwari,” hauna kusiyana nedzimwe mhuka dzose dziri pasi pano—kusanganisira shiri duku.

Zvine musoro kwauri here kuti upenyu hwakangoerekana hwavapo? Maererano neimwe nyanzvi yezvinhu zvipenyu Michael J. Behe, makemikari omuviri akaoma kunzwisisa anoita kuti tive vapenyu anoita kuti pfungwa yacho isambova nomusoro zvachose. Anoti, chinhu chikuru chatinoona “pazvinhu zvipenyu zviri pasi pano ndechokuti . . . ibasa rakaitwa noungwaru.”—Darwin’s Black Box—The Biochemical Challenge to Evolution.

Bhaibheri rinotiudza kuti zvipenyu zvose zviri pasi pano ibasa rakaitwa noungwaru. Uye rinotiudza kuti Muridzi webasa rose roungwaru iri ndiJehovha Mwari, Musiki wezvinhu zvose.—Pisarema 36:9; Zvakazarurwa 4:11.

Pfungwa yokuti tinofanira kutsungirira munyika yakazara nokurwadziwa nokutambura ngairege kukutadzisa kutenda kuti kune Musiki uye Mugadziri wepasi nezvipenyu zvose zviri mariri. Ramba uchiyeuka zvinhu zviviri zvechokwadi zvinokosha. Chimwe ndechokuti Mwari haasiriye akaita kuti pave nokusakwana kuripo nhasi. Chimwe chacho ndechokuti Musiki wedu ane zvikonzero zvakanaka zvokumbobvumira kusakwana kwekanguva. Sokutaura kunowanzoita magazini ino, Jehovha Mwari akabvumira zvakaipa kuvapo kwekanguva chetekuitira kuti agadzirise zvachose nyaya dzakamutswa vanhu pavakatanga kuramba uchangamire hwake. *Genesi 3:1-7; Dheuteronomio 32:4, 5; Muparidzi 7:29; 2 Petro 3:8, 9.

“Ucharwira Mushayiwi Kana Achidanidzira”

Zvechokwadi, pasinei nemamiriro ezvinhu asingafadzi ayo vanhu vakawanda vanotambura nawo mazuva ano, upenyu huchingori chipo chinoshamisa. Uye tinoita zvose zvatinokwanisa kuti tihuchengetedze. Upenyu hwomunguva yemberi hunopikirwa naMwari hwakanaka kupfuura kungotamburira kurarama mumamiriro ezvinhu akaoma uye anorwadza—sezvakaita varume vaiva naShackleton paElephant Island. Chinangwa chaMwari ndechokutinunura kubva muupenyu hwatiinahwo nhasi hunorwadza uye husina maturo kuitira kuti ti“batisise upenyu chaihwo” uhwo Mwari akanga akarongera vanhu vake pakutanga.—1 Timoti 6:19.

Mwari achaita zvose izvi nokuti mumwe nomumwe wedu anokosha mumaziso ake. Akaronga kuti Mwanakomana wake, Jesu Kristu, ape chibayiro chorudzikinuro chaidiwa kutisunungura kubva pachivi, kusakwana, uye rufu zvakabva kuvabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha. (Mateu 20:28) “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo,” akadaro Jesu “zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari . . . ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.

Mwari achaitirei vaya vane upenyu hwakazara nokurwadziwa uye kudzvinyirirwa iye zvino? NezvoMwanakomana wake, Shoko raMwari rakafuridzirwa rinotiudza kuti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.” Achazviitirei? Nokuti “ropa ravo [kana kuti, upenyu hwavo] richava chinhu chinokosha pamberi pake.”Pisarema 72:12-14.

Kwemazana emakore, vanhu vave vachiremerwa nomutoro wechivi nokusakwana, vachiita sevari ku“gomera” vachirwadziwa uye kutambura. Mwari akangozvibvumira achiziva kuti aizokwanisa kugadzirisa kukanganisika kwaizoguma kwaitika. (VaRoma 8:18-22) Munguva pfupi inotevera acha‘dzorera zvinhu zvose’ achishandisa hurumende yoUmambo hwake huri mumaoko oMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Mabasa 3:21; Mateu 6:9, 10.

Izvozvo zvinosanganisira kumutswa kwevanhu vakatambura uye vakafa kare. Vachayeukwa naMwari. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Saka vachawana ‘upenyu hwakawanda’—upenyu husingaperi hwakakwana muparadhiso pasi pano pasina kurwadziwa uye kutambura. (Johani 10:10; Zvakazarurwa 21:3-5) Munhu wose mupenyu achanakidzwa noupenyu zvakazara uye achakudziridza unhu hunoshamisa uye kuita zvinhu zvinoratidza kuti akaitwa “nomufananidzo waMwari.”

Uchange uripo kuti unakidzwe noupenyu hunopikirwa naJehovha here? Izvozvo zviri kwauri. Tinokukurudzira kuti uwane urongwa hwakaitwa naMwari kuti aunze zvikomborero zvose izvi. Vanobudisa magazini ino vachafara kukubatsira kuita kudaro.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Kuti uwane kukurukurwa kwepfungwa iyi kwakadzama, ona chitsauko 8 chinoti, “Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?” chiri mubhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Varume vakanga vapererwa nezano vaivimba kuti Shackleton aizochengeta vimbiso yake yokuzovanunura

[Kwazvakatorwa]

© CORBIS

[Mufananidzo uri papeji 6]

“Munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda”