Jobho 36:1-33

  • Erihu anorumbidza ukuru hwaMwari husingaenzaniswi (1-33)

    • Vanoteerera vanobudirira; vasingadi Mwari vanorambwa (11-13)

    • ‘Murayiridzi upi akafanana naMwari?’ (22)

    • Jobho anofanira kukudza Mwari (24)

    • “Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva” (26)

    • Mvura uye mheni zviri mumaoko aMwari (27-33)

36  Erihu akaenderera mberi achiti:  “Chimboti mirei nditsanangure,Nekuti ndichiine mashoko ekutaura ndichimiririra Mwari.   Ndichanyatsotaura zvese zvandinoziva,Uye ndichataura nezvekururama kweMuiti wangu.+   Chokwadi mashoko angu haasi enhema;Uyo ane ruzivo rwakakwana+ ari pano pamberi pako.   Chokwadi Mwari ane simba+ uye hapana waanoramba;Ane simba guru rekunzwisisa;   Haasi kuzosiya vakaipa vari vapenyu,+Asi anotonga zvakarurama vanhu vanotambudzika.+   Haabvisi maziso ake pavanhu vakarurama;+Anovagarisa nemadzimambo,*+ uye vanokwidziridzwa nekusingaperi.   Asi kana vakasungwa necheniUye vakabatwa netambo dzekutambudzwa,   Anovaratidza zvavakaita,Zvitadzo zvavo zvakakonzerwa nekuzvikudza kwavo. 10  Anovhura nzeve dzavo kuti avaruramise,Ovaudza kuti varege kuita zvakaipa.+ 11  Kana vakateerera, vomushumira,Vachararama mazuva avo ese vakagarika,Uye makore avo achange achifadza.+ 12  Asi kana vakasateerera, vachaparadzwa nebakatwa*+Uye vachafa vasingazivi. 13  Vaya vasingadi Mwari* mumwoyo mavo vachachengeta chigumbu. Havachemeri kubatsirwa kunyange paanovasunga. 14  Vanofa* vachiri vadiki,+Vachipedza upenyu hwavo vari pakati pepfambi dzechirume dzepatemberi.+ 15  Asi Mwari* anonunura vanotambudzika pavanenge vachitambudzwa;Anovhura nzeve yavo pavanenge vachidzvinyirirwa. 16  Anokununura wava pedyo nekupinda mudambudziko,+Okuendesa kunzvimbo yakafara, isina kumanikidzika,+Uine zvekudya zvakanaka patafura yako, kuti unyaradzwe.+ 17  Uchabva wagutswa nemutongo uchapiwa vakaipa,+Panopiwa mutongo uye panokwidziridzwa kururama. 18  Asi ngwarira kuti hasha dzisazoita kuti uite zvinhu zveutsinye,+Uye usatsauswa nechiokomuhomwe chinenge chakakura. 19  Kuchemera kwako kubatsirwaKana kuti zvese zvaunoedza kuita, zvichakubvisa mumatambudziko here?+ 20  Usashuva kuti manheru asvike,Vanhu pavanonyangarika panzvimbo dzavo. 21  Ngwarira kuti usatanga kuita zvinhu zvakaipa,Uchisarudza izvozvo pane kutambura.+ 22  Ziva kuti Mwari anokudzwa musimba rake;Murayiridzi upi akafanana naye? 23  Ndiani akamuratidza nzira*+Kana kuti akati kwaari, ‘Zvamakaita zvakaipa’?+ 24  Yeuka kurumbidza basa rake,+Rakaimbwa nezvaro nevanhu.+ 25  Vanhu vese vakariona,Munhu anoritarisa ari nechekure. 26  Chokwadi Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva;+Kuwanda kwemakore ake hakurondedzereki.*+ 27  Anokwidza madonhwe emvura kumusoro;+Madonhwe acho anochinja kubva mumhute yake, ova mvura; 28  Makore anobva aidurura pasi;+Oinayisa pasi pane vanhu. 29  Pane anganzwisisa here kupararira kwakaita makore,Mabhanan’ana anobva mutende* rake?+ 30  Ona kutambanudza kwaanoita mheni yake*+ pamusoro paroAchifukidza pasi pegungwa. 31  Izvi anozvishandisa kutsigira vanhu;Anovapa zvekudya zvakawanda.+ 32  Anofukidza mheni nemaoko ake,Uye anoita kuti iende paanenge achida.+ 33  Mabhanan’ana ake anotaura nezvake,Kunyange zvipfuwo zvinoziva kuti ndiani ari* kuuya.

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadza madzimambo.”
Kana kuti “nechombo chinoita zvekukandwa.”
Kana kuti “vakatsauka pakutenda.”
Kana kuti “Mweya yavo inofa.”
ChiHeb., “Iye.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akapikisa nzira yake; akamubvunza nezvenzira yake.”
Kana kuti “hakutsvagiki.”
ChiHeb., “mudumba.”
ChiHeb., “chiedza chake.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “chii chiri.”