Jobho 36:1-33
36 Erihu akaenderera mberi achiti:
2 “Chimboti mirei nditsanangure,Nekuti ndichiine mashoko ekutaura ndichimiririra Mwari.
3 Ndichanyatsotaura zvese zvandinoziva,Uye ndichataura nezvekururama kweMuiti wangu.+
4 Chokwadi mashoko angu haasi enhema;Uyo ane ruzivo rwakakwana+ ari pano pamberi pako.
5 Chokwadi Mwari ane simba+ uye hapana waanoramba;Ane simba guru rekunzwisisa;
6 Haasi kuzosiya vakaipa vari vapenyu,+Asi anotonga zvakarurama vanhu vanotambudzika.+
7 Haabvisi maziso ake pavanhu vakarurama;+Anovagarisa nemadzimambo,*+ uye vanokwidziridzwa nekusingaperi.
8 Asi kana vakasungwa necheniUye vakabatwa netambo dzekutambudzwa,
9 Anovaratidza zvavakaita,Zvitadzo zvavo zvakakonzerwa nekuzvikudza kwavo.
10 Anovhura nzeve dzavo kuti avaruramise,Ovaudza kuti varege kuita zvakaipa.+
11 Kana vakateerera, vomushumira,Vachararama mazuva avo ese vakagarika,Uye makore avo achange achifadza.+
12 Asi kana vakasateerera, vachaparadzwa nebakatwa*+Uye vachafa vasingazivi.
13 Vaya vasingadi Mwari* mumwoyo mavo vachachengeta chigumbu.
Havachemeri kubatsirwa kunyange paanovasunga.
14 Vanofa* vachiri vadiki,+Vachipedza upenyu hwavo vari pakati pepfambi dzechirume dzepatemberi.+
15 Asi Mwari* anonunura vanotambudzika pavanenge vachitambudzwa;Anovhura nzeve yavo pavanenge vachidzvinyirirwa.
16 Anokununura wava pedyo nekupinda mudambudziko,+Okuendesa kunzvimbo yakafara, isina kumanikidzika,+Uine zvekudya zvakanaka patafura yako, kuti unyaradzwe.+
17 Uchabva wagutswa nemutongo uchapiwa vakaipa,+Panopiwa mutongo uye panokwidziridzwa kururama.
18 Asi ngwarira kuti hasha dzisazoita kuti uite zvinhu zveutsinye,+Uye usatsauswa nechiokomuhomwe chinenge chakakura.
19 Kuchemera kwako kubatsirwaKana kuti zvese zvaunoedza kuita, zvichakubvisa mumatambudziko here?+
20 Usashuva kuti manheru asvike,Vanhu pavanonyangarika panzvimbo dzavo.
21 Ngwarira kuti usatanga kuita zvinhu zvakaipa,Uchisarudza izvozvo pane kutambura.+
22 Ziva kuti Mwari anokudzwa musimba rake;Murayiridzi upi akafanana naye?
23 Ndiani akamuratidza nzira*+Kana kuti akati kwaari, ‘Zvamakaita zvakaipa’?+
24 Yeuka kurumbidza basa rake,+Rakaimbwa nezvaro nevanhu.+
25 Vanhu vese vakariona,Munhu anoritarisa ari nechekure.
26 Chokwadi Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva;+Kuwanda kwemakore ake hakurondedzereki.*+
27 Anokwidza madonhwe emvura kumusoro;+Madonhwe acho anochinja kubva mumhute yake, ova mvura;
28 Makore anobva aidurura pasi;+Oinayisa pasi pane vanhu.
29 Pane anganzwisisa here kupararira kwakaita makore,Mabhanan’ana anobva mutende* rake?+
30 Ona kutambanudza kwaanoita mheni yake*+ pamusoro paroAchifukidza pasi pegungwa.
31 Izvi anozvishandisa kutsigira vanhu;Anovapa zvekudya zvakawanda.+
32 Anofukidza mheni nemaoko ake,Uye anoita kuti iende paanenge achida.+
33 Mabhanan’ana ake anotaura nezvake,Kunyange zvipfuwo zvinoziva kuti ndiani ari* kuuya.
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Anogadza madzimambo.”
^ Kana kuti “nechombo chinoita zvekukandwa.”
^ Kana kuti “vakatsauka pakutenda.”
^ Kana kuti “Mweya yavo inofa.”
^ ChiHeb., “Iye.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “akapikisa nzira yake; akamubvunza nezvenzira yake.”
^ Kana kuti “hakutsvagiki.”
^ ChiHeb., “mudumba.”
^ ChiHeb., “chiedza chake.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “chii chiri.”