Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Hanya Newe Chaizvoizvo

Mwari Ane Hanya Newe Chaizvoizvo

Mwari Ane Hanya Newe Chaizvoizvo

NDEZVOMUSIKIRWO kukumbira kubatsirwa naMwari patinenge tiri panguva yakaoma. Uyewo, iye “mukuru, une simba guru; njere dzake hadziperi.” (Pisarema 147:5) Ndiye anonyatsokwanisa kutibatsira kukurira zvinetso zvedu. Kunze kweizvozvo, Bhaibheri rinotikurudzira ‘kudurura mwoyo yedu’ pamberi pake. (Pisarema 62:8) Saka, nei vakawanda chaizvo vachifunga kuti Mwari haapinduri minyengetero yavo? Izvozvo zvinoreva kuti haana hanya here?

Pane kukurumidza kupomera Mwari kuti anoita seasina hanya nazvo, yeuka nguva yawaiva mwana. Vabereki vako pavaisakupa zvose zvawaikumbira, wakambovati havakudi here? Vana vakawanda vanodaro. Zvisinei, pawakazokura wakaziva kuti rudo runoratidzwa munzira dzakawanda uye kuti kubvuma zvose zvinokumbirwa nomwana chaizvoizvo hakusiri iko kuratidza rudo.

Saizvozvowo, kana Jehovha asingapinduri minyengetero yedu nguva dzose sezvatinoda, hazvirevi kuti haatidi. Chokwadi ndechokuti, Mwari anoratidza kuti ane hanya nesu tose munzira dzakawanda.

“Naye Tine Upenyu”

Kutanga, tinoonga Mwari nokuti “tine upenyu uye tinofamba uye tiripo.” (Mabasa 17:28) Zvechokwadi, kutipa upenyu kunoratidza kuti ane hanya nesu!

Uyezve, Jehovha anotipa zvatinoda kuti tirambe tiri vapenyu. Tinoverenga kuti: “Unomeresa uswa hwezvipfuwo, nemiriwo, inobatsira vanhu; kuti abudise zvokudya pasi.” (Pisarema 104:14) Kutaura zvazviri, Musiki wedu anoita zvinopfuura kungopa zvinotiraramisa. Ane rupo zvokuti anotipa “mvura inobva kudenga nemwaka inobereka zvibereko, achizadza mwoyo [yedu] zvikuru kusvika pakuzara nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17.

Kunyange zvakadaro, vamwe vangashamisika kuti, ‘Kana Mwari achitida zvikuru, nei ari kurega tichitambura?’ Unoziva mhinduro yomubvunzo iwoyo here?

Mwari Ndiye Ane Mhosva Here?

Kutambura kuzhinji kunoita vanhu kunokonzerwa nezviito zvavo. Somuenzaniso, ngozi dzezviito zvinogona kukuvadza nyore nyore dzinozivikanwa zvikuru. Kunyange zvakadaro, vanhu vanoita unzenza, vanonyanya kunwa doro uye kushandisa zvimwe zvinodhaka, vanosvuta fodya, vanotamba mitambo inoisa upenyu mungozi, vanomhanyisa motokari, nezvimwewo. Kana zviito zvakadaro zvikaguma nokutambura, ndiani ane mhosva? NdiMwari here kana kuti iyeye ari kuita nokusachenjera? Shoko raMwari rakafuridzirwa rinoti: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

Uyezve, vanhu vanowanzokuvadzana. Nyika painotanga hondo, zvechokwadi Mwari haasiri iye ane mhosva yokutambura kunoguma kwaitika. Tsotsi parinorwisa mumwe munhu, Mwari ane mhosva here yokukuvara kana kuti kufa kunozoitika? Chokwadi, kwete! Kana mutongi achidzvinyirira, achitambudza, uye achiponda vaya vaanotonga, tinofanira kupa Mwari mhosva here? Izvozvo zvingava zvisina musoro.—Muparidzi 8:9.

Zvisinei, zvakadini nemamiriyoni anorarama muurombo husina tariro kana kuti ari kuziya nenzara? Mwari anofanira kupiwa mhosva here? Aiwa. Musha wedu wepasi unotipa zvokudya zvakawanda kupfuura zvatingada kuti munhu wose adye. (Pisarema 10:2, 3; 145:16) Kuparadzirwa kwezvokudya zvinopiwa naMwari kusina kuenzana kunokonzera kupararira kwenzara nourombo. Uye udyire hwevanhu hunoita kuti chinetso ichi chisagadziriswa.

Chinonyanya Kukonzera

Zvisinei, ndiani ane mhosva kana mumwe munhu akarwara kana kufa nemhaka yokukwegura? Zvingakushamisa here kuziva kuti Mwari haana mhosva kunyange yaizvozvo? Mwari haana kusikira munhu kuti akwegure ndokufa.

Vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, pavakaiswa mumunda weEdheni, Jehovha akavapa tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi. Zvisinei, ainyatsoda kuti pasi rizare nevanhu vaizokoshesa nhaka yavo. Saka, akaita kuti tarisiro yavo youpenyu hweramangwana ivakirwe pachimwe chinhu. Adhamu naEvha vaizogara muParadhiso chero bedzi vaizoramba vachiteerera Musiki wavo ane rudo.—Genesi 2:17; 3:2, 3, 17-23.

Zvinosuruvarisa kuti Adhamu naEvha vakapanduka. Evha akasarudza kuteerera Satani Dhiyabhorosi. Akamunyepera uye akatoti Mwari akanga achimunyima chimwe chinhu chakanaka. Saka Evha akatanga kuzviraramira uye akaedza ‘kuva saMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa.’ Adhamu akabatanawo naye mukupanduka kwacho.—Genesi 3:5, 6.

Pavakaita chivi ichi, Adhamu naEvha vakaratidza kuti vakanga vasisakodzeri kurarama nokusingaperi. Vakatambura migumisiro yakaipa yechivi. Simba ravo nougwinyi zvakapera, uye pakupedzisira vakafa. (Genesi 5:5) Zvisinei, kupanduka kwavo kwakanga kuine migumisiro yakaipa chaizvo. Tichiri kutambura zvakakonzerwa nechivi chaAdhamu naEvha. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Chivi [chakapinda] munyika nemhaka yomunhu mumwe [Adhamu] norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.” (VaRoma 5:12) Chokwadi, nemhaka yokupanduka kwaAdhamu naEvha, chivi norufu zvakapararira kuvanhu vose sechirwere chinouraya.

Uchapupu Hwakasimba Hwokutarisira kwaMwari

Izvozvo zvinoreva here kuti vanhu vakasikwa naMwari vaizoparara zvachose? Aiwa, apa ndipo patinosvika pauchapupu hwakasimba hwokuti Mwari anotitarisira. Achirasikirwa zvikuru, Mwari akapa nzira yokudzikinura nayo vanhu muchivi norufu. Mutengo wacho wokudzikinura hwaiva upenyu hwaJesu hwakakwana, hwaakatipa achizvidira. (VaRoma 3:24) Saka, muapostora Johani akanyora kuti: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Pamusana pechiito ichi chikuru chorudo, tinogonazve kutarisira kurarama nokusingaperi. Pauro akanyorera vaRoma kuti: “Nemhaka yokururamisa kumwe, vanhu vemarudzi ose vanonzi vakarurama nokuda kwoupenyu.”—VaRoma 5:18.

Tinogona kuva nechokwadi chokuti munguva yaMwari yakafanira, Pasi pano pachave pasisina kutambura kana kufa. Asi, mamiriro ezvinhu achatekeshera akafanoonekwa mubhuku raZvakazarurwa rinoti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Ungati, ‘Handizomborarami kuti ndione nguva iyoyo.’ Zvisinei, zviripo ndezvokuti ungangodaro. Uye kunyange kana ukafa, Mwari anogona kukumutsa kubva kune vakafa. (Johani 5:28, 29) Ichocho ndicho chinangwa chaMwari nokuda kwedu, uye ndizvo zvichaitika. Saka chokwadi, inhema chaidzo kutaura kuti Mwari haana hanya nevanhu!

“Swederai Pedyo naMwari”

Zvinonyaradza kuziva kuti Mwari akatanga nzira yokuti achagadzirisa zvechigarire dambudziko rokutambura kwevanhu. Zvisinei, ko iye zvino? Tingaitei kana tikafirwa nomudiwa kana kuti mwana wedu akarwara? Haisati yava nguva yaMwari yokuti abvise urwere norufu. Bhaibheri rinoratidza kuti tichatofanira kumirira kwekanguva kuti izvozvo zviitwe. Asi Mwari haana kutisiya tisina rubatsiro. Mudzidzi Jakobho akati: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Chokwadi, Musiki wedu anotikoka kuti tive noukama hwepedyo naye, uye vaya vanahwo havambotadzi kuona kutsigira kwake kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru.

Tinoswedera pedyo naMwari sei? Mambo Dhavhidhi akabvunza mubvunzo wakafanana zvinenge zviuru zvitatu zvemakore zvakapfuura, achiti: “Jehovha, . . . ndianiko ungagara pagomo renyu dzvene?” (Pisarema 15:1) Dhavhidhi akapindura mubvunzo wake paakaenderera mberi achiti: “Uyo, unofamba asina mhosva, unoita zvakarurama, unotaura zvokwadi mumwoyo make. Iye usina makuhwa parurimi rwake, usingaitiri shamwari yake zvakaipa.” (Pisarema 15:2, 3) Nemamwe mashoko, Jehovha anogamuchira vaya vanotevera nzira yakarambwa naAdhamu naEvha. Anoswedera pedyo nevaya vanoita zvaanoda.—Dheuteronomio 6:24, 25; 1 Johani 5:3.

Tingaita sei zvinodiwa naMwari? Tinofanira kudzidza “zvakanaka kwazvo uye zvinofadza pamberi poMuponesi wedu, Mwari,” tobva tasarudza kuita saizvozvo. (1 Timoti 2:3) Izvozvo zvinosanganisira kuwana zivo yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri. (Johani 17:3; 2 Timoti 3:16, 17) Kungoverenga Bhaibheri zvachero hakuna kukwana. Tinofanira kutevedzera vaJudha vomuzana remakore rokutanga vomuBheriya avo vakanzwa kuparidza kwaPauro. Nezvavo, tinoverenga kuti: “Vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda zvikuru, vachinyatsonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.”—Mabasa 17:11.

Saizvozvowo nhasi, kunyatsodzidza Bhaibheri kunosimbisa kutenda kwedu muna Mwari uye kunotibatsira kuvaka ukama hwepedyo naye. (VaHebheru 11:6) Kunotibatsirawo kunyatsonzwisisa mabatiro anoita Mwari nevanhu—kwete bedzi kuti vabatsirwe kwenguva pfupi asi kwenguva refu yakanakira vose vanoda upenyu.

Ona zvakataurwa nevaKristu vashomanana vane ukama hwepedyo naMwari. “Ndinoda Jehovha zvikuru, uye ndine zvakawanda kwazvo zvokumuonga,” anodaro Danielle ane makore 16. “Akandipa vabereki vane rudo avo vanomuda zvechokwadi uye vakandidzidzisa zviri muShoko rake.” Mumwe muKristu muUruguay anonyora kuti: “Mwoyo wangu wakazara nokuonga, uye ndinokurudzirwa kuonga Jehovha nokuda kwomutsa wake usina kufanirwa uye ushamwari hwake.” Mwari anogamuchira kunyange vaduku-duku. Gabriela ane makore manomwe anoti: “Ndinoda Mwari kupfuura chinhu chose pasi pose! Ndine Bhaibheri rangu. Ndinoda kudzidza pamusoro paMwari noMwanakomana wake.”

Nhasi, mamiriyoni pasi pose anobvumirana nomwoyo wose nomunyori wepisarema, uyo akati: “Kuswedera pedyo [naMwari] ndizvo zvinondifadza.” (Pisarema 73:28) Vakabatsirwa kukurira zvinetso zvavanosangana nazvo iye zvino, uye vane tariro yechokwadi yokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. (1 Timoti 4:8) Unodii kuchiita chinangwa chako ‘kuswedera pedyo naMwari?’ Kutaura zvazviri, tinovimbiswa kuti: ‘Haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Chokwadi, Mwari ane hanya newe chaizvoizvo!

[Mifananidzo iri papeji 5]

Kuva nehanya nesu kwaJehovha kunoonekwa munzira dzakawanda

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kunyange vana vaduku vanogona kuswedera pedyo naMwari

[Mifananidzo iri papeji 7]

Nhasi, Jehovha anotibatsira kutsungirira. Munguva yakafanira, achabvisa urwere norufu