Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chichabviswa Pachauya Umambo hwaMwari?

Chii Chichabviswa Pachauya Umambo hwaMwari?

“Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”​—1 JOH. 2:17.

NZIYO: 139, 144

1, 2. (a) Nyika ino ingafananidzwa sei nemusungwa akatongerwa rufu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Vese vanenge vari kudenga nepanyika vachaita sei pachaparadzwa nyika ino yakaipa?

FUNGIDZIRA musungwa achifamba mujeri aine magadhi ari kushevedzera kuti, “Munhu akafa ari kufamba!” Nei magadhi aya ari kudaro? Kunyange zvazvo ari mupenyu uye achiratidza kuti ane utano hwakanaka, musungwa wacho akatongerwa rufu uye ari kutoenda kunourayiwa. Saka zvinoita sekuti akatofa kare. *

2 Nyika ino inogona kufananidzwa nemurume iyeye akatongerwa rufu. Nyika ino yakaipa yakapiwa mutongo wayo kare uye kuparadzwa kwayo kwava pedyo. Bhaibheri rinoti: “Nyika iri kupfuura.” (1 Joh. 2:17) Nyika ino ichatoguma chete. Asi pane musiyano pakati pekuguma kwenyika ino nekwemusungwa anenge atongerwa rufu. Paanenge ava kuda kuurayiwa, vamwe vanhu vanogona kupikisa mutongo wacho vachiti hauna kururama vachitarisira kuti acharega kuurayiwa. Asi nyika ino yakapiwa mutongo wayo naChangamire wezvinhu zvese anotonga zvakarurama. (Dheut. 32:4) Nyika ichaparadzwa panguva chaiyo yaakaronga uye hapana anosara achifunga kuti mutongo wacho wakanga usina kururama. Painenge yaparadzwa, vese vari kudenga nepanyika vachabvuma kuti Jehovha akapa mutongo wakarurama. Pachava nezororo rakakura.

3. Tichakurukura zvinhu zvipi zvina zvichabviswa pachauya Umambo hwaMwari?

3 Zvisinei, zvinhu zvipi zviri ‘munyika iri kupfuura’? Zvinhu zvakawanda zvinofungwa nevanhu kuti zvicharamba zvichiitika munyika ino zvichange zvisisipo. Aya mashoko anosuruvarisa here? Kwete! Asi anotova chikamu ‘chemashoko akanaka oUmambo.’ (Mat. 24:14) Saka ngationgororei zvinhu zvichabviswa pachauya Umambo hwaMwari. Tichakurukura zvinhu zvina zvichabviswa panyika zvinoti: vanhu vakaipa, masangano ane unyengeri, mabasa akaipa, uye zvinhu zvinoshungurudza. Pazvinhu izvi tichaongorora kuti (1) zvinotikanganisa sei mazuva ano, (2) Jehovha achaita sei nazvo, uye (3) achazvitsiva sei nezvinhu zvakanyatsonaka.

VANHU VAKAIPA

4. Vanhu vakaipa vari kutikanganisa sei mazuva ano?

4 Vanhu vakaipa vari kutikanganisa sei mazuva ano? Pashure pekutaura kuti mazuva atiri aizova “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” muapostora Pauro akati: “vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa.” (2 Tim. 3:1-5, 13) Uri kuona here mashoko iwayo euprofita achizadzika? Vakawanda vedu takamboitirwa zvakaipa nevanhu vakaipa. Vamwe vevanhu ivava vanoita zvakaipa pachena asi vamwe vacho vanyengeri vanovanza zvavanoita kuburikidza nekunyepedzera kubatsira vanhu. Kunyange zvazvo tingadaro tisina kumboitirwa zvakaipa nevanhu ivavo, zvavanoita zvinotikanganisa. Tinorwadziwa zvikuru patinonzwa zvinhu zvakashata zvavanoita. Utsinye hwavanoitira vana vadiki, vanhu vakura, uye vaya vasingakwanisi kuzvidzivirira hunoita kuti tigare tichitya. Vanhu vakaipa vanoratidza unhu hunenge hwemhuka kunyange hwemadhimoni. (Jak. 3:15) Zvinofadza kuti Shoko raJehovha rinotipa tariro.

5. (a) Vanhu vakaipa vachiri nemukana wei? (b) Chii chichaitika kuvanhu vakaipa vasingadi kuchinja?

5 Jehovha achaitei? Parizvino Jehovha ari kupa vanhu vakaipa mukana wekuti vachinje. (Isa. 55:7) Semunhu mumwe nemumwe havasati vapiwa mutongo wavo. Nyika ino ndiyo yakatopiwa mutongo wayo kare. Asi chii chichaitika kune vaya vanoramba kuchinja, vanoenderera mberi vachitsigira nyika ino kusvika pachatanga kutambudzika kukuru? Jehovha akavimbisa kuti achabvisa zvachose vanhu vakaipa panyika. (Verenga Pisarema 37:10.) Vakaipa vanogona kufunga kuti havazomboparadzwi. Vakawanda vakadzidza kuvanza zvavanoita, uye munyika ino vanowanzoita sekuti hapana chinovawana. (Job. 21:7, 9) Asi Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Maziso [aMwari] ari panzira dzomunhu, uye anoona nhanho dzake dzose. Hakuna rima kana zarima chero ripi zvaro rokuti vaya vanoita zvinhu zvinokuvadza vavande imomo.” (Job. 34:21, 22) Hapana anogona kuvanda Jehovha Mwari. Hapana munyengeri anogona kumubata kumeso; hapana rima rakasviba zvekuti Mwari haaoni zviri kuitika imomo. Kana Amagedhoni yapera tinogona kubva tatarisa paimbova nevakaipa, asi hatizovaoni. Vachange vabviswa zvachose!​—Pis. 37:12-15.

6. Ndivanaani vachasara pachabviswa vanhu vakaipa, uye nei iwayo ari mashoko akanaka?

6 Ndivanaani vachasara pachabviswa vanhu vakaipa? Jehovha anovimbisa kuti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” MuPisarema iroro tinoverengawo kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pis. 37:11, 29) “Vanyoro” uye “vakarurama” ndivanaani? Vanyoro ndevaya vanobvuma kudzidziswa naJehovha uye kutungamirirwa naye vachizvininipisa; vakarurama ndevaya vanoda kuita zvinonzi naJehovha Mwari zvakanaka. Mazuva ano vanhu vakarurama vashoma chaizvo pane vakaipa. Asi munyika itsva iri kuuya, vanyoro uye vakarurama ndivo vega vachange vari panyika. Ndivo vachaita kuti nyika ive paradhiso.

MASANGANO ANE UNYENGERI

7. Masangano ane unyengeri ari kutikanganisa sei mazuva ano?

7 Masangano ane unyengeri ari kutikanganisa sei mazuva ano? Uipi hwakawanda huri munyika hausi kuitwa nevanhu vanenge vakazvimiririra asi nemasangano. Semuenzaniso, funga nezvemasangano ezvitendero anonyengera mamiriyoni evanhu achivaudza nhema nezvaMwari, nezvekuvimbika kweBhaibheri, nezveramangwana renyika nevanhu uye nezvedzimwewo nyaya dzakawanda. Kana kuti funga nezvehurumende dzinokurudzira hondo uye kurwisana kwemarudzi, dzinodzvinyirira varombo nevasingagoni kuzvidzivirira uye dzinopfuma nekuita zvechizivano nechiokomuhomwe. Zvakadini nemakambani ane makaro ayo anosvibisa nharaunda, anoparadza zviwanikwa, uye anonyengera vanhu kuti upfumi huwanikwe nevashomanana asi mamiriyoni evanhu achitambura? Hapana mubvunzo kuti masangano ane unyengeri ndiwo anonyanya kuita kuti zvinhu zviipe munyika.

8. Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, chii chichaitika kumasangano anoonekwa nevanhu vakawanda seakasimba?

8 Jehovha achaitei? Kutambudzika kukuru kuchatanga vezvematongerwo enyika pavachapandukira masangano ezvitendero zvenhema anomiririrwa nehure rinonzi Bhabhironi Guru. (Zvak. 17:1, 2, 16; 18:1-4) Masangano iwayo ezvitendero achaparadzwa zvachose. Asi zvakadini nemamwe masangano ese ane unyengeri? Bhaibheri rinotaura nezvemakomo nezvitsuwa richireva masangano akawanda anoonekwa nevanhu seakasimba. (Verenga Zvakazarurwa 6:14.) Shoko raMwari rinotaura kuti hurumende nemasangano ese asingatsigiri Umambo hwaMwari zvichabviswa. Kutambudzika kukuru kuchapera nekuparadzwa kwehurumende dzese dzenyika ino uye kwevanhu vese vanodzitsigira vachipikisa Umambo hwaMwari. (Jer. 25:31-33) Pashure paizvozvo, kuchange kusisina zvachose masangano ane unyengeri.

9. Nei tingava nechokwadi chekuti nyika itsva ichange yakanyatsorongeka?

9 Chii chichatsiva masangano ane unyengeri? Pashure peAmagedhoni, pane sangano richange riripo panyika here? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Pet. 3:13) Matenga nenyika zvekare, kureva hurumende dzakaipa nevanhu vari pasi padzo, zvichabviswa. Zvichatsiviwa nechii? Mashoko ekuti “matenga matsva nenyika itsva” anoreva kuti pachava nehurumende itsva nevanhu vachange vachitongwa nehurumende iyoyo. Umambo, uhwo huchange huchitungamirirwa naJesu Kristu, huchanyatsobudisa pachena zvakaita Jehovha Mwari, uyo akarongeka. (1 VaK. 14:33) Saka zvinhu zvichange zvakarongeka ‘munyika itsva.’ Pachange paine varume vakanaka vanenge vachitungamirira zvinhu. (Pis. 45:16) Vachange vachitungamirirwa naKristu pamwe chete nevanhu 144 000 vaachatonga navo. Fungidzira nguva ichabviswa masangano ese ane unyengeri otsiviwa nesangano rimwe chete, rakabatana uye rinoramba rakanaka!

MABASA AKAIPA

10. Ndeapi mabasa akaipa ari kunyanya kuitwa kwaunogara, uye ari kukanganisa sei iwe nemhuri yako?

10 Mabasa akaipa ari kutikanganisa sei mazuva ano? Tiri kurarama munyika yakazara nemabasa akaipa. Unzenza, kusavimbika uye utsinye zvazara munyika ino. Vabereki vanowanzoomerwa nekudzivirira vana vavo pazvinhu izvozvo zvakaipa. Vanoita zvekuvaraidza vanhu vari kuramba vachiwedzera kuva neunyanzvi hwekuita kuti mabasa akaipa aonekwe seakanaka panguva imwe chete vachiita kuti zvinodiwa naJehovha zvishorwe. (Isa. 5:20) VaKristu vechokwadi vanoshanda nesimba kuti vasatevedzera izvozvo zvinoitwa nenyika. Vanorwisa kuti varambe vakaperera kuna Mwari munyika inokurudzira vanhu kuti vasaremekedze zvinodiwa naJehovha.

11. Tinodzidzei pakuparadzwa kwakaitwa Sodhoma neGomora naJehovha?

11 Jehovha achaitei nemabasa akaipa? Funga zvaakaita neuipi hwakanga hwazara muSodhoma neGomora. (Verenga 2 Petro 2:6-8.) Roti, uyo aiva murume akarurama, airwadziwa neuipi hwakanga hwakazara munzvimbo yaaigara nemhuri yake. Jehovha paakaparadza nharaunda yese iyoyo, akanga achibvisa uipi hwakanga hurimo uye akanga “achiisira vanhu vasingadi Mwari muenzaniso wezvinhu zvichauya.” Paachaparadza nyika ino, Jehovha achagumisa mabasa akaipa ari kuitwa mazuva ano sekugumisa kwaakaita unzenza hwese panguva iyoyo.

12. Mabasa api aunotarisira kuzoita kana nyika ino yaparadzwa?

12 Chii chichatsiva mabasa akaipa? Muparadhiso vanhu vachange vachiita mabasa akawanda anofadza. Funga nezvebasa rinofadza rekuita kuti nyika ive paradhiso kana rekuzvivakira dzimba dzedu. Funga nezvetariro yekugamuchira mamiriyoni evanhu vanenge vamutswa uye kuvabatsira kuti vadzidze zvinodiwa naJehovha nezvese zvaakaitira vanhu. (Isa. 65:21, 22; Mab. 24:15) Tichange tiine mabasa akawanda achaita kuti tigare tichifara uye achaita kuti Jehovha arumbidzwe.

ZVINHU ZVINOSHUNGURUDZA

13. Kupanduka kwaSatani, Adhamu uye Evha kwakaita kuti panyika pave nezvinhu zvipi zvinoshungurudza mazuva ano?

13 Zvinhu zvinoshungurudza zviri kutikanganisa sei mazuva ano? Vanhu vakaipa, masangano ane unyengeri uye mabasa akaipa, zvese zvinoita kuti vanhu vashungurudzike panyika. Ndiani wedu angataura kuti haabatwi-batwi nehondo, urombo kana kuti rusaruraganda? Uye zvakadini nekurwara uye kufa? Zvinhu zvakadaro zvinotibata-bata tese zvedu. Zvinhu izvozvo zvakakonzerwa nekupanduka kwaSatani, Adhamu uye Evha. Hapana kana mumwe wedu anogona kunzvenga matambudziko akakonzerwa nekupanduka kwavo.

14. Jehovha achaitei nezvinhu zvinoshungurudza? Taura muenzaniso.

14 Jehovha achaitei nezvinhu zvinoshungurudza vanhu? Funga nezvehondo. Jehovha anovimbisa kuigumisa zvachose. (Verenga Pisarema 46:8, 9.) Zvakadini nezvirwere? Achazvibvisa zvachose. (Isa. 33:24) Ko rufu? Jehovha acharwuparadza nokusingaperi! (Isa. 25:8) Achapedza urombo. (Pisarema 72:12-16) Achabvisawo zvimwe zvinhu zvese zvinoshungurudza zviri kuita kuti upenyu husanakidze mazuva ano. Achabvisa kunyange mafungiro akaipa aSatani nemadhimoni ake.​—VaEf. 2:2.

Fungidzira nyika isina hondo, zvirwere kana rufu! (Ona ndima 15)

15. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinenge zvisisipo zvachose pashure peAmagedhoni?

15 Unogona here kufungidzira nyika isina hondo, zvirwere, kana kuti rufu? Chimbozvifunga—panenge pasisina mauto, zvombo, zvipatara, vanachiremba, manesi uye makuva. Uye kana kuparwa kwemhosva kwabviswa, pachange pasisina makambani emagadhi, maaramu, mapurisa, zvichida nemakiyi kana zvihuri! Zvinhu zvese zvinoita kuti tizvidye mwoyo zvinenge zvisisipo zvachose.

16, 17. (a) Vanhu vachapona paAmagedhoni vachawana zororo rakaita sei? Taura muenzaniso. (b) Tingaita sei kuti tive nechokwadi chekuti tinoramba tiripo nyika ino paichange isisipo?

16 Upenyu huchange hwakadini kana zvinhu zvinoshungurudza zvabviswa? Izvozvo hazvisi nyore kufungidzira. Tagara munyika ino kwenguva yakareba zvekuti tinogona kunge tisingachaoni kushungurudzwa kwatinoitwa nemamiriro ezvinhu ari munyika. Semuenzaniso, vanhu vanogara pedyo nechiteshi chezvitima zvakawanda vangapedzisira vasingachanzwi ruzha rwezvitima, uye vaya vanogara pedyo nepanorasirwa marara vangapedzisira vasingachanzwi kunhuwa kwemarara acho. Asi Jehovha paachabvisa zvinhu zvese izvi zvakaipa, upenyu hunenge hwava kuzorodza zvikuru.

17 Chii chichatsiva kushungurudzika kwatiri kuita mazuva ano? Pisarema 37:11 inopindura kuti: “Vachafara kwazvo norugare rukuru.” Mashoko iwayo haakunyaradzi here? Jehovha anoda kuti uve neupenyu hwakadaro. Saka ita zvese zvaunogona kuti urambe uri pedyo naJehovha Mwari nesangano rake mumazuva ano ekupedzisira anoshungurudza. Koshesa tariro yauinayo, ifungisise, ita kuti ive yechokwadi mupfungwa dzako nemwoyo uye udza vamwe nezvayo. (1 Tim. 4:15, 16; 1 Pet. 3:15) Ukaita izvozvo unogona kuva nechokwadi chekuti hauzopfuuri pamwe chete nenyika ino yakatongerwa kuparadzwa. Asi ucharamba uri mupenyu uchifara nekusingaperi.

^ ndima 1 Ndima iyi iri kurondedzera zvaimboitwa kare mumajeri mune dzimwe nzvimbo dzemuUnited States.