Jobho 34:1-37
34 Saka Erihu akaenderera mberi nemhinduro yake achiti:
2 “Teererai mashoko angu, imi vakachenjera;Ndinzwei, imi vanoziva zvakawanda.
3 Nekuti nzeve inoedza mashoko,Sekungoravidza kunoita rurimi zvekudya.
4 Ngationgororei tega kuti tione kuti zvakarurama ndezvipi;Ngatisarudzei tega kuti tizive kuti zvakanaka ndezvipi.
5 Nekuti Jobho ati, ‘Ndakarurama,+Asi Mwari ari kuramba kunditonga zvakarurama.+
6 Ndingareva nhema nezvemutongo wandinofanira kupiwa here?
Ronda rangu harirapiki, kunyange zvazvo ndisina chandatadza.’+
7 Ndiani mumwe munhu akafanana naJobho,Anonwa kunyombwa semvura?
8 Ari kushamwaridzana nevatadziUye ari kushamwaridzana nevanhu vakaipa.+
9 Nekuti ati, ‘Munhu haabatsirwiNekuedza kwake kufadza Mwari.’+
10 Saka nditeererei, imi varume vanonzwisisa:
Hazviiti zvachose kuti Mwari wechokwadi aite zvakaipa,+Uye kuti Wemasimbaose atadze!+
11 Nekuti achapa munhu mubayiro maererano nezvaanoita+Uye achaita kuti awane zvinoenderana nenzira dzake.
12 Zvechokwadi, Mwari haaiti zvakaipa;+Wemasimbaose haatsaudziri pakutonga.+
13 Ndiani akamugadza kuti atungamirire nyika,Uye ndiani akamugadza panyika yese?*
14 Kana akaisa mwoyo wake pavari,Kana akatora simba ravo reupenyu* nemhepo yavanofema,+
15 Vanhu vese vangaparara* pamwe chete,
Uye vanhu vangadzokera kuguruva.+
16 Saka kana uchinzwisisa, teerera izvi;Nyatsoteerera zvandiri kutaura.
17 Munhu anovenga kutonga zvakarurama angatungamirira here,Kana kuti ungashora here munhu ane simba akarurama?
18 Ungati here kuna mambo, ‘Hamuna zvamunobatsira,’
Kana kuti kuvakuru vakuru, ‘Muri vanhu vakaipa’?+
19 Ariko mumwe asingasaruri machindaUye asingafariri vapfumi kupfuura varombo,*+Nekuti vese zvavo ibasa remaoko ake.+
20 Vanogona kungoerekana vafa+ pakati peusiku;+Vanogwinha-gwinha zvine simba vopfuura;Kunyange vane simba vanobviswa, asi kwete nemaoko emunhu.+
21 Nekuti maziso aMwari ari panzira dzemunhu,+Uye anoona nhanho dzake dzese.
22 Hakuna rima kana zarimaRekuti vatadzi vanogona kuvanda mariri.+
23 Nekuti Mwari haana munhu waakasarudzira nguvaYekuti azomumisa pamberi pake kuti amutonge.
24 Anoputsa vane simba asingafaniri kutanga amboongororaUye anogadza vamwe panzvimbo pavo.+
25 Nekuti anoziva zvavari kuita;+Anovabvisa usiku, vopwanyika.+
26 Anovarovera uipi hwavo,Panzvimbo inoonekwa nevanhu vese,+
27 Nekuti vakasiya kumutevera+Uye havana basa nenzira dzake dzese;+
28 Vanoita kuti varombo vacheme kwaari,Zvekuti anonzwa kuchema kwevasina mubatsiri.+
29 Kana Mwari akaramba akanyarara, ndiani angamupa mhosva?
Kana akavanza chiso chake, ndiani angamuona?
Kana akazviitira imwe nyika kana kuti munhu mumwe chete, magumo acho akangofanana.
30 Haabvumiri munhu asingadi Mwari* kuti atonge+Kana kuti ateye vanhu.
31 Nekuti pane munhu here angati kuna Mwari,‘Ndarangwa, kunyange zvazvo ndisina chandatadza;+
32 Ndiratidzei pandisiri kuona;Kana paine chandatadza, handichachiitazve’?
33 Anofanira kukupa mubayiro sezvaunoda here, asi iwe uchiramba mutongo wake?
Ndiwe unofanira kusarudza, kwete ini.
Saka ndiudze zvaunonyatsoziva.
34 Varume vanonzwisisa vachati kwandiri,Murume wese akachenjera anondinzwa achati:
35 ‘Jobho anotaura zvaasingazivi,+Uye mashoko ake ndeemunhu asina njere.’
36 Jobho ngaaedzwe* kusvikira pakupedzisiraNekuti anopindura sevarume vaya vakaipa!
37 Anowedzera kupanduka pachivi chake;+Anoombera zvekutsvinya ari pamberi peduUye anowanza mashoko ake achipikisana naMwari wechokwadi!”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “panyika yese inogarwa.”
^ Kana kuti “mweya wavo.” Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Nyama yese ingaparara.”
^ Kana kuti “machinda kupfuura vakaderera.”
^ Kana kuti “akatsauka pakutenda.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Jobho ngaaedzwe, baba vangu.”