Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ane Hanya Nevana Zvechokwadi Here?

Mwari Ane Hanya Nevana Zvechokwadi Here?

Zvinotaura Bhaibheri

Mwari Ane Hanya Nevana Zvechokwadi Here?

MAZANA emamiriyoni evana anodzvinyirirwa, anobatwa zvisina kufanira, uye anorwiswa nechisimba gore roga roga. Vakawanda vanoshanda sevaranda mumamiriro ezvinhu ane ngozi. Vamwe vanotorwa nechisimba vomanikidzwa kuti vave varwi kana kuti vave pfambi dzechiduku. Vana vakawanda vakachinywa nehama dzavo dzavaivimba nadzo uye vakabatwa zvisina kufanira nenzira inotyisa.

Zvinonzwisisika kuti vanhu vanoda vana nomwoyo wose vanoshungurudzwa nedambudziko ravo. Kunyange zvazvo vachibvuma kuti makaro evanhu nouori ndizvo zvinhu zvikuru zvinokonzera kuti vana vabatwe zvisina kufanira kudaro, vamwe vangaramba vachiona zvakaoma kubvuma kuti Mwari ane rudo aizobvumira kusaruramisira kwakadaro. Vangafunga kuti Mwari akarasa vana ava uye kuti zvichida haana hanya zvechokwadi. Ichocho ichokwadi here? Kudzvinyirirwa kwevana kunosiririsa nokubatwa zvisina kufanira kwavanowanzoitwa kunoreva here kuti Mwari haana hanya navo? Bhaibheri rinoti chii?

Mwari Anoshora Vanobata Vamwe Zvisina Kufanira

Jehovha Mwari haana kumbobvira ava nechinangwa chokuti vana vadzvinyirirwe nevanhu vakuru vane utsinye. Kubatwa kwevana zvisina kufanira ndomumwe wemigumisiro inosuruvarisa yokupandukira kwevanhu mubindu reEdheni. Kuramba uchangamire hwaMwari ikoko kwakaita kuti vanhu vatange kudzvinyirirwa nevamwe vavo.—Genesi 3:11-13, 16; Muparidzi 8:9.

Mwari anovenga vaya vanodzvinyirira vasina simba uye vasingakwanisi kuzvidzivirira. Marudzi akawanda ekare akanga asingashumiri Jehovha aipira zvibayiro zvevana, asi Jehovha akataura kuti izvi zvakanga ‘zviri zvinhu zvaakanga asina kuvarayira, kana kufunga mumwoyo make.’ (Jeremia 7:31) Mwari akanyevera vanhu vake vekare kuti: “Kana ukatongovatambudza [nherera], vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo; kutsamwa kwangu kuchamuka.”—Eksodho 22:22-24.

Jehovha Anoda Vana

Kuda kunoita Mwari vana kunooneka mumirayiridzo youchenjeri yaanopa vabereki. Vana vanorererwa mumusha wakachengeteka vane mukana mukuru wokukura kuva vanhu vakarovedzwa zvakanaka. Saka, Musiki wedu ndiye akaronga kuroorana kwevanhu, urongwa hwoupenyu hwose apo “murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Genesi 2:24, NW) MuBhaibheri, vanhu vakaroorana bedzi ndivo vanobvumirwa kurara pamwe chete kuitira kuti kana vakaita vana vanogona kutarisirwa munzvimbo yakanaka.—VaHebheru 13:4.

Magwaro anosimbisawo kukosha kwokurovedza kwevabereki. “Vana inhaka inobva kuna Jehovha,” rinodaro Bhaibheri, “chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa. Semiseve muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana voujaya.” (Pisarema 127:3, 4) Vana chipo chinokosha chinobva kuna Mwari, uye anoda kuti vabudirire. Mwari anorayira vabereki kuti vape vana vavo nhungamiro yakanaka muupenyu, sezvinongoita munhu anopfura nomuseve anofanira kutanga ananga asati apfura. “Madzibaba,” Shoko raMwari rinorayira kudaro, “musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4.

Imwe nzira iyo Jehovha akaratidza nayo kuti anoda vana ndeyokudzidzisa vabereki kuti vadzivirire vana vavo pavanhu vane utsinye. MuIsraeri yekare, kunyange “pwere” dzairayirwa kuteerera Mutemo, waisanganisira mirayiro yemiitiro yakakodzera neisina kukodzera yokurara pamwe chete kwevanhu. (Dheuteronomio 31:12; Revhitiko 18:6-24) Mwari anoda kuti vabereki vaite zvose zvavanogona kuti vadzivirire vana vavo pavanhu vangavadzvinyirira kana kuvabata zvisina kufanira.

Tariro Yevana

Kuda kunoita Mwari vana kusingaperi kwakaratidzwa zvakaisvonaka naJesu Kristu, uyo anoratidza zvakakwana unhu hwaBaba vake. (Johani 5:19) Vachiedza kubatsira Jesu nenzira isiri iyo, vaapostora vakarambidza vabereki kuunza vana vaduku kwaari, Jesu akavaruramisa agumbuka. “Regai vana vaduku vauye kwandiri,” akadaro. Uye akabva “afungatira vana mumaoko ake akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” (Mako 10:13-16) Vana vanokosha mumaziso aJehovha Mwari noMwanakomana wake.

Kutaura zvazviri, achishandisa Mambo wake akagadzwa, Jesu Kristu, nokukurumidza Mwari achasunungura vana vari kubatwa zvisina kufanira. Vadzvinyiriri vane makaro uye vanobata vana zvisina kufanira noutsinye venyika ino vachaparadzwa nokusingaperi. (Pisarema 37:10, 11) Kana vari vanyoro vanotsvaka Jehovha, Bhaibheri rinoti: “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Panguva ino, Mwari anoratidza rudo rwake iye zvino nokubatsira mumudzimu uye mupfungwa vose vari kudzvinyirirwa uye vanobatwa zvisina kufanira. “Ndichatsvaka akarasika,” anopikira kudaro, “ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara.” (Ezekieri 34:16) NeShoko rake, mudzimu wake, uye ungano yechiKristu, Jehovha anonyaradza vana vanodzvinyirirwa uye varombo. Zvinofadza kwazvo kuziva kuti iye zvino uye mune ramangwana, “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

© Mikkel Ostergaard/Panos Pictures