Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubiridzira—Chinetso Chiri Munyika Yose

Kubiridzira—Chinetso Chiri Munyika Yose

Kubiridzira—Chinetso Chiri Munyika Yose

SEZVO Wayne aiva murume aikwezva uye aitaura zvinyoronyoro, airatidzika somurume chaiye aitsvakwa naKaren. “Ndiye murume chaiye wandakanga ndanyengeterera uye wandaitarisira,” anodaro Karen. “Munhu wose aitiona aifunga kuti takanga takanyatsokodzerana. Aindiyemura zvikuru.”

Kunyange zvakadaro, paiva nechinetso. Wayne akaudza Karen kuti aiva pachinzvimbo chechitatu kubva kumukuru mukuru musangano rinonzi Australian Secret Intelligence Organization. Aida kurega, asi vakanga vachimurambidza. Aiziva zvakawanda zvikuru pamusoro pesangano racho. Vaizomuuraya! Vaviri ava vakaruka zano. Vakasarudza kuroorana, kubatanidza pfuma yavo, kubuda muAustralia, vobva vatizira kuCanada. Karen akatengesa imba yake kusanganisira zvinhu zvose zvaaiva nazvo achibva achengetesa Wayne mari yacho.

Vakachata sezvavakanga varonga. Wayne akatiza munyika yacho, Karen akasiyiwamo, atizwa, achingova nemari isingasviki $20 800 mubhangi. Nenguva isipi akazoona kuti akanga abatwa kumeso nenhema dzakanyatsorukirwa kumubiridzira. Sezvinoita mutambi wemitambo, Wayne akanga aedzesera kuva mumwe munhu aizofadza Karen. Kwaakakurira, zvaaifarira, unhu hwake, uye rudo rwake rwokuedzesera kuna Karen dzaiva nhema dzainge dzakarongerwa kuti amuvimbe—kuvimba kwakaita kuti arasikirwe nemari inopfuura $1 040 000 000. Mumwe mupurisa akati: “Akavhiringidzwa zvikuru mupfungwa. Kunyange usingafungi nezvemari yaakabirwa—zvakaoma kufungidzira kuti munhu anogona kuvhiringidzwa pfungwa zvakadini.”

“Pfungwa dzangu dzavhiringidzika zvikuru,” akadaro Karen. “Murume wacho akaedzesera kuva mumwe munhu waasiri.”

Karen anongova mumwe wevasingaverengeki vanobiridzirwa pasi pose. Hazvizivikanwi kuti imarii inobiridzirwa vamwe vanhu, kunyange zvazvo mari yacho ichifungidzirwa kuva mazana emabhiriyoni emadhora uye iri kuramba ichiwedzera gore negore. Pamusoro pokubirwa mari, vanhu vanobiridzirwa vakaita saKaren vanorwadziwa kwazvo mupfungwa pavanoziva kuti mumwe munhu—kazhinji kacho mumwe munhu wavaivimba—akatozoshandisa mukana iwowo.

Kuzvidzivirira Ndiwo Mushonga

Kubiridzira kunotsanangurwa so“urongwa kana kuti kunyengera kwemaune kuti uwane mari nokunyepedzera, nokushandisa mashoko enhema, kana vimbiso.” Zvinotosuruvarisa ndezvokuti vanobiridzira vakawanda havawanzorangwi nokuti kazhinji kacho zvakaoma kunyatsoona kuti kubiridzira kwemaune kwakaitika. Uyezve, vanobiridzira vakawanda vanoziva mutemo uye vanoshandisa mukana wepakaita zinyekenyeke pomutemo—vanoziva kubiridzira vanhu nenzira dzakaoma kana kuti dzisingatongeki. Uyewo, kusungisa munhu anobiridzira zvinodya mari uye nguva yakawanda. Kazhinji vanowanzosungirwa mhosva dzavo ndevaya vakaba mamiriyoni emadhora kana kuti vakaita chimwe chinhu chinorovesa nehana zvokuti chinoguma chava kuzivikanwa nevanhu vakawanda. Kunyange kana munhu anonyengedzera akabatwa orangwa, pamwe anenge atoshandisa kana kuviga mari yaakabiridzira yacho. Somugumisiro, vakabiridzirwa havawanzobhadharwi mari yavanenge varasikirwa nayo.

Muchidimbu, kana ukabiridzirwa, hapana zvaunogona kuita kuti uwane zvawakarasikirwa nazvo. Zvinotova nani ndezvokudzivisa kubiridzirwa pane kutsvaka nzira yokudzora nayo mari yako kana wabiridzirwa. Mumwe murume akachenjera akanyora kare kuti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” (Zvirevo 22:3) Nyaya inotevera ichatsanangura nzira dzaungashandisa kuti uzvidzivirire pakubiridzirwa.