Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaipei Kurara Mose Musati Maroorana?

Zvakaipei Kurara Mose Musati Maroorana?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Zvakaipei Kurara Mose Musati Maroorana?

“Dzimwe nguva zvinombondinetsa kuti kurara nomunhu wandisati ndaroorana naye kwakaipa chaizvo here, kunyanya kana ndichinzwa sendakarasikirwa kuti handisati ndamborara nomusikana.”—Jordon. *

“Ndinonzwa ndichimanikidzwa kuti ndimboedza kurara nomukomana. Ndinofunga kuti tose tinombonzwa saizvozvo,” anodaro Kelly. Anoenderera mberi achiti,“Kwose kwaunoenda unongonzwa nezvekurara pamwe kwevanhu!”

UNOMBONZWA sezvinoita Jordon naKelly here? Pamusoro pazvo, tsika nemararamiro evanhu zvechinyakare zvaimboshora kurara nomunhu musati maroorana zvose zvakatsakatika. (VaHebheru 13:4) Kuongorora kwakaitwa muimwe nyika yokuAsia kwakaratidza kuti vanhurume vazhinji vari pakati pemakore 15 ne24 vaifunga kuti hazvina kungokodzera kurara nomunhu wausati waroorana naye asi zvinototarisirwa kwavari. Hazvishamisi kuti kupota pasi rose vechiduku vakawanda vakamborara nomumwe munhu vasati vasvitsa makore 19.

Panewo vechiduku vanorega kurara nomunhu asi voita miitiro inonzi inotsiva kurara nomunhu, yakadai sokubata-bata nhengo dzokubereka nadzo dzomumwe munhu (kunombonzi kuitisana bonhora). Mushumo wakabudiswa neThe New York Times wakaratidza kuti “kurara nomumwe munhu nomukanwa kwazova chinhu chinowanzoitwa vanhu vasati varara vose, kunoonekwa nevechiduku vakawanda sokusina kufanana nokurara nomumwe munhu uye kusina ngozi zvakanyanya . . . [uye] senzira yokunzvenga nayo kubata pamuviri uye kuchengetedza umhandara hwavo.”

Ko muKristu anofanira kuona sei kurara nomunhu waasati aroorana naye? Uye zvakadini nemiitiro inonzi inotsiva kurara nomumwe munhu? Inotenderwa naMwari here? Haina ngozi here? Uye chaizvoizvo inochengetedza umhandara here?

Chinonzi Ufeve

Musiki wedu—Jehovha Mwari, ndiye bedzi anogona kupa mhinduro yakavimbika yemibvunzo iyi. Uye muShoko rake anotiudza kuti, “tizai ufeve.” (1 VaKorinde 6:18) Izvozvo zvinorevei? Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ufeve” haringorevi kurara nomunhu bedzi asi rinosanganisira miitiro yose isina kuchena younzenza. Saka kana vanhu vaviri vasina kuroorana vakarara vose zvichiitwa nomukanwa kana kubatana-batana nhengo dzokubereka nadzo, vane mhosva yokuita ufeve.

Vangaramba vachionekwa sejaya nemhandara here—mumaziso aMwari? MuBhaibheri shoko rokuti “mhandara” rinoshandiswa sechiratidzo chetsika dzakachena. (2 VaKorinde 11:2-6) Asi rinoshandiswawo kureva umhandara chaihwo. Bhaibheri rinotaura nezvomukadzi wechiduku ainzi Rebheka. Rinoti akanga ari “mhandara isina kumboziviwa nomurume.” (Genesi 24:16) Sezvineiwo, mumutauro wechiHebheru chepakutanga, shoko rinoreva ‘kurara vose’ rinobatanidza mimwe miitiro chaiyo isiri yokurara vose kwomurume nomukadzi. (Genesi 19:5 NW) Saka, mukuwirirana neBhaibheri, kana wechiduku akaita ufeve chero hupi zvahwo, haagoni kuzoonekwa zvakare sejaya kana mhandara.

Bhaibheri rinonyevera vaKristu zvakasimba kuti vatize kwete bedzi ufeve pachahwo asiwo zviito zvose zvomufambiro usina kuchena zvinogona kutungamirira kuufeve. * (VaKorose 3:5) Vamwe vachakunyomba kuti wasarudza kuita izvi. “‘Hauzivi zvauri kurasikirwa nazvo!’ ndizvo zvandaingogara ndichiudzwa nevamwe kuchikoro chandaiva chesekondari,” anodaro muKristu wechiduku anonzi Kelly. Kutaura zvazviri, kurara mose musati maroorana kunongova “kufadzwa nechivi kwenguva duku.” (VaHebheru 11:25) Kunogona kukukuvadza zvechigarire, kukuvhiringidza ndangariro, uye kukutadzisa kunamata.

Zvinotyisa Zvakakomba

Bhaibheri rinotiudza kuti Mambo Soromoni akamboona mumwe murume wechiduku achinyengerwa kuti arare nomukadzi waakanga asina kuroorana naye. Soromoni akaenzanisa murume wacho ne“nzombe inoenda kwainondobayiwa.” Nzombe iri kuenda kunourayiwa inoratidzika sokuti haizivi zvainenge yava kuda kuitwa. Ndizvo zvinowanzoita vechiduku vanorara nomunhu wavasati varoorana naye—vanoita sokuti havazivi kuti zviito zvavo zvinoguma nengozi! Soromoni akati nezvomurume iyeye: “Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.” (Zvirevo 7:22, 23) Kutaura zvazviri, “upenyu” hwako huri pangozi.

Somuenzaniso, gore roga roga mamiriyoni evechiduku anobata chirwere chinotapuriranwa pabonde (STD). “Pandakaziva kuti ndakanga ndava neherpes, ndaida kutiza,” anodaro Lydia. Anozvidemba achiti, “Chirwere chinorwadza chisingazomboperi.” Inopfuura hafu yevose vanotanga kubatwa noutachiona hweHIV pasi pose (6 000 pazuva) inenge iri pakati pevane makore 15 ne24.

Vanhukadzi ndivo vanonyanyova nezvinetso zvakawanda zvinokonzerwa nokurara kwevanhu vasati varoorana. Kutaura zvazviri, njodzi yokutapura STD (kusanganisira HIV) yakanyanya kuvanhukadzi kupfuura kuvanhurume. Kana musikana wechiduku akabata pamuviri, anozviisa iye nomwana wake asati aberekwa paimwe njodzi. Nei? Nokuti muviri womusikana wechiduku uyu ungave usati wakura zvokukwanisa kubereka mwana zvakanaka.

Kunyange kana amai vachiri kuyaruka vakasarwara zvakakomba, vachangotarisana nebasa guru rokuva mubereki. Vasikana vakawanda vanozoona kuti kuzvitarisira ivo nomwana mucheche kwakaoma zvikuru kupfuura zvavaifungidzira.

Zvinovhiringidzawo mupfungwa uye mukunamata. Chivi choupombwe chaMambo Dhavhidhi chakakanganisa ukama hwake naMwari uye chakapotsa chamutadzisa kunamata. (Pisarema 51) Kunyange zvazvo Dhavhidhi akazoramba achinamata, zvakakonzerwa nechivi chake zvakamutambudza kwoupenyu hwake hwose.

Nhasi vechiduku vanogona kutamburawo saizvozvo. Somuenzaniso, paaiva nemakore 17 chete, Cherie akarara nomukomana. Akafunga kuti mukomana wacho aimuda. Pashure pemakore akawanda, achiri kuzvidemba nezvaakaita. Anozvidemba achiti: “Ndakarerutsa chokwadi cheBhaibheri uye ndakazoguma nokutambura. Ndakarasikirwa nenyasha dzaJehovha, uye izvozvo zvakandiodza mwoyo zvikuru.” Musikana wechiduku anonzi Trish anozvidembawo achiti: “Kurara nomukomana wangu ndisati ndaroorana naye ndicho chikanganiso chikuru chandakaita muupenyu hwangu. Ndingaita chero chinhu chipi zvacho kuti ndive mhandarazve.” Kuvhiringidzika mupfungwa kunogona kugara kwemakore, kuchikonzera kuora mwoyo nokurwadziwa.

Kudzidza Kuzvidzora

Musikana anonzi Shanda anobvunza mubvunzo unokosha kwazvo, “Nei Mwari achipa vanhu vaduku chido chokurara nomumwe munhu, achiziva hake kuti havafaniri kuchishandisa kusvikira varoorana?” Ichokwadi kuti kunzwa uchida kurara nomumwe munhu kunogona kuva kwakasimba zvikuru ‘mukuyaruka.’ (1 VaKorinde 7:36) Kutaura zvazviri, vari kuyaruka vanogona kungonzwa vava kuda kurara nomumwe munhu pasina kana chikonzero chaicho. Manzwiro aya haana hawo kuipa. Izvi ndizvo zvinoitika pakukura kwenhengo dzokubereka nadzo. *

Ichokwadiwo kuti Jehovha akaronga kuti murume nomudzimai vanakidzwe nokurara vose. Izvi zvaiwirirana nechinangwa chake chepakutanga chokuti vanhu vazadze nyika. (Genesi 1:28) Kunyange zvakadaro, Mwari akanga asina chinangwa chokuti tishandise zvisizvo masimba edu okubereka. “Mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa,” rinodaro Bhaibheri. (1 VaTesaronika 4:4) Kungoda kurara nomunhu pose paunonzwa chido chacho kungava upenzi sokurova mumwe munhu pose paunogumbuka.

Kurara kwomurume nomukadzi chipo chinobva kuna Mwari, chipo chinofadza munhu panguva yakafanira—paanenge aroora kana kuroorwa. Mwari anonzwa sei patinoedza kurara nomunhu watisina kuroorana naye? Fungidzira kuti watengera shamwari yako chipo. Usati wagona kupa shamwari iyoyo chipo ichi, inobva yachiba! Haungagumbuki here? Zvino, fungidzira kuti Mwari anonzwa sei kana munhu akarara nomunhu waasati aroorana naye, kushandisa zvisizvo chipo chatakapiwa naMwari.

Unofanira kuitei nechido chako chokurara nomumwe munhu? Kutaura zvazviri, dzidza kudzora chido ichocho. Zviyeuchidze kuti Jehovha “hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama.” (Pisarema 84:11) “Pandinotanga kufunga kuti kurara nomusikana wandisina kuroorana naye hakuna kunyanya kuipa,” anodaro wechiduku anonzi Gordon, “Ndinofunga nezvezvakaipa zvinoguma zvaitika pakunamata ndoyeuka kuti hapana chivi chakanaka kuti chiparadze ukama hwangu naJehovha.” Kuzvidzora kungasava nyore. Sezvatinoyeuchidzwa nowechiduku Adrian, “kuzvidzora kunokusiya uine hana yakachena uye une ukama hwakanaka naJehovha, usina kudzikatidzwa kuona zvinhu zvinonyanya kukosha, usina mhaka kana kuzvidemba nokuda kwezvawakaita kare.”—Pisarema 16:11.

Pane zvikonzero zvakanaka zvakawanda zvokuti “urege ufeve” chero hupi zvahwo. (1 VaTesaronika 4:3) Ichokwadi kuti izvi hazvisi nyore nguva dzose. Nyaya ichatevera ichataura nzira dzinoshanda dzaungagona kushandisa kuti u“zvichengete wakachena.”—1 Timoti 5:22.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 11 Nokuda kwemamwe mashoko pamusoro poufeve, kusachena, uye unzenza, ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti. . . ‘Kupfuura ganhuriro’ kusvika papi?” iri muMukai! yaNovember 8, 1993.

^ ndima 20 Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?” iri mumagazini yedu yaApril 8, 1990.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Kana wechiduku akaita ufeve chero hupi zvahwo, angaramba achionekwa sejaya kana mhandara mumaziso aMwari here?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kurara nomunhu wausati waroorana naye kunogona kukuvadza hana yowechiduku anotya Mwari

[Mufananidzo uri papeji 14]

Vanorara vose vasati varoorana vanozviisa pangozi yokutapukirwa nechirwere chinotapuriranwa pabonde