Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MuSamariya Akanaka Womuzuva Ranhasi

MuSamariya Akanaka Womuzuva Ranhasi

MuSamariya Akanaka Womuzuva Ranhasi

NOMUNYORI WEMUKAI! MUMEXICO

Vazhinji vedu takanzwa nyaya yomuBhaibheri pamusoro pomumwe murume aiva nomutsa anowanzonzi muSamariya Akanaka. (Ruka 10:29-37) Mumufananidzo uyu Jesu Kristu akaratidza kuti muSamariya akashanda zvakaoma sei kuti aratidze rudo kumuvakidzani wake akanga awirwa nenhamo. VaSamariya vakanaka kudaro vachiriko here nhasi? Funga nezvenyaya inotevera yokuMexico.

Betuel nemhuri yake vakanga vasarirwa nemakiromita mashomanana kuti vasvike kumba vachibva parwendo pavakaona tsaona yakaipa zvikuru yemotokari mumugwagwa. Vakamira kuti vabatsire. Mumwe wevatyairi vakaita tsaona vacho, chiremba, akavakumbira kuti vaendese mudzimai wake aiva nepamuviri nevanasikana vake vaduku vaviri kuchipatara chaiva pedyo kuti vanorapwa. Vakaita saizvozvo, ndokubva Betuel adzoka pakanga paitikira tsaona yacho kuti azoona kana pane zvimwe zvaaigona kubatsira nazvo.

Betuel anorondedzera kuti: “Mapurisa omumugwagwa akanga asvika, uye chiremba uya aifanira kuchengetwa nemapurisa kuti abvunzurudzwe nokuti pane munhu akanga afa. Chiremba wacho paakandibvunza kuti nei ndakanga ndiri kumubatsira, ndakatsanangura kuti tiri Zvapupu zvaJehovha uye kuti takadzidza muBhaibheri kuti tinofanira kuda muvakidzani wedu. Ndakamuudza kuti aisafanira kunetseka nezvomudzimai wake nevana, nokuti taizovatarisira. Aine misodzi yokufara mumaziso, akabva andipa zvinhu zvake zvaikosha kuti ndichengete.”

Betuel nemhuri yake vakaenda nemhuri yomurume uyu kumba kwavo ndokuitarisira kwemazuva anoverengeka. Betuel akashandisa mukana wacho kuti atange kudzidza navo Bhaibheri. Chiremba uya paakazobudiswa muchitokisi, akaonga zvikuru nokuyemura Zvapupu zvaJehovha. Akavimbisa kuti aizoenderera mberi nechidzidzo cheBhaibheri kwaaigara, uye akati kana mudzimai wake aizobereka mwanakomana, aizomutumidza zita rokuti Betuel. Betuel anoenderera mberi achiti: “Zvino, pashure pemakore maviri, takawana mukana wokuvashanyira. Chakandishamisa ndechokuti vakanga vachidzidza Bhaibheri, uye zita rechikomana chavo rainzi Betuel!”

[Mufananidzo uri papeji 15]

Betuel