Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvidzivirira Kwaungaita Pakubiridzirwa

Kuzvidzivirira Kwaungaita Pakubiridzirwa

Kuzvidzivirira Kwaungaita Pakubiridzirwa

UNGAVE wakambonzwa chirevo chokuti, “Haugoni kubiridzira murume akavimbika.” Kufanana nezvimwe zvirevo zvakawanda, ichi hachisi chokwadi. Zuva nezuva vanhu vakavimbika ndivo vanobiridzirwa; kuvimbika kwoga hakuvadziviriri. Vamwe vanhu vakangwara chaizvo munyika ino vari kuronga nzira dzokubiridzira nadzo vanhu mari yavo. Makore anodarika zana apfuura, mumwe munyori akati: “Kumwe kubiridzira kunonyatsoitwa nounyanzvi, zvokuti hungava upenzi kusanyengerwa.”

Unyengeri hwakabvira kare, hwakatangira mubindu reEdheni. (Genesi 3:1-5) Mazano ekare anoshandiswa nenzira dzakasiyana-siyana, uye matsva ari kugara achirongwa. Saka ungazvidzivirira sei? Haufaniri hako kudzidza nzira dzose dzinoshandiswa nematsotsi kubiridzira vanhu. Zvinhu zvishomanana zvokungwarira zvichakubatsira zvikuru kuti uzvidzivirire pakubiridzirwa.

Chengetedza Zvitupa Zvako

Kana munhu akakubira bhuku rako recheki kana makadhi ako aunotenga nawo zvinhu, anogona kuashandisa kutenga zvinhu. Kana akakubira mashoko eakaundi yako yokubhangi, angakwanisa kuedzesera kuva iwe. Kana izvi zvangoitika, tsotsi racho rinogona kutora mari mumaakaundi ako okubhangi, kubhadhara zvinhu richishandisa makadhi ako okutenga nezvikwereti, uye kuwana zvikwereti muzita rako. * Ungatosungirwa mhosva yausina kupara!

Kuti urege kubiridzirwa nenzira iyi, ngwarira magwaro ako ose, kusanganisira masitatimendi ako okubhangi nemabhuku emacheki, chitupa chokutyaira, uye kadhi reSocial Security kana chitupa chako. Usapa vamwe vanhu mashoko ako avasingafaniri kuziva kana kuti ane chokuita nemari yako kutoti paine chikonzero chaicho chokuti vaazive. Izvi zvinonyanya kukosha kana dziri nhamba dzemakadhi okutenga nezvikwereti uye akaundi dzokubhangi. Unofanira kungopa munhu nhamba dzekadhi rako rokutenga nezvikwereti paya paunenge uchida kutenga chimwe chinhu naro.

Vamwe vanhu vanobiridzira vanoenda kunotsvaka mashoko kumarara. Panzvimbo pokungorasa mapepa ane mashoko pamusoro pako, kuchenjera kuapisa kana kuabvarura. Izvi zvinosanganisira macheki akashandiswa uye masitatimendi okubhangi pamwe nemasitatimendi ekambani ezvokutengesa uyewo makadhi ezvikwereti ekare, zvitupa zvokutyaira, uye mapasipoti. Kuchenjerawo kuparadza tsamba dzokukumbira makadhi ezvikwereti dzawakatambira usina kukumbira, nokuti idzodzi dzine mashoko pamusoro pako ayo angazongoshandiswa zvisizvo.

Shandisa Pfungwa

Chinonyanya kukonzera kubiridzirwa kuvimbiswa purofiti yakawanda iwe wangoshandisa mari shomanana. Chitsotsi chokupfuma nokukurumidza chinonzi chirongwa chepiramidhi. Kunyange zvazvo paine marudzi akasiyana-siyana echitsotsi ichi, chinowanzorongwa nenzira yokuti vanoisa mari vatsvakewo vamwe vanhu vanoisawo mari, zvichiita kuti vaya vanenge vatsvaka vamwe vanhu vawane mubhadharo. * Tsamba dzinotumirwa kuvanhu vakawanda dzinoshandawo saizvozvo dzichikukumbira kuti utumire mari kuvanhu vari pamusoro. Chaunovimbiswa ndechokuti uchagamuchira zviuru zvemadhora zita rako parichazosvika pamusoro.

Zvirongwa zvepiramidhi nguva dzose zvinoparara nokuti hazvibviri kuramba vachingotsvaka vanhu vatsva. Imbofunga nezvemasvomhu anotevera. Kana vanhu vashanu vakatanga chirongwa chepiramidhi uye mumwe nomumwe otsvaka vamwe vashanu, nhamba yevanhu vatsva inobva yava 25. Kana mumwe nomumwe akazotsvaka vakewo 5, zvinozoreva kuti vanenge vava vamwe 125. Kutsvaka vamwe kunozoitwa padanho rechipfumbamwe, vanhu vacho vanenge vava pedyo nokusvika mamiriyoni maviri uye vanenge vachifanira kuzotsvaka vamwe vanopfuura mamiriyoni mapfumbamwe! Vanotanga chirongwa chepiramidhi vanonyatsoziva kuti vanhu vanozosvika pakuwandisa. Kana vakafungidzira kuti nguva iyoyo yava kusvika, vanotora mari votiza. Pamwe ucharasikirwa nemari yako, uye vaya vawakatsvaka vachange vava kuedza kuwana mari yavanenge varasikirwa nayo kubva kwauri. Yeuka, kuti uite mari muchirongwa chepiramidhi, mumwe munhu anofanira kurasikirwa nemari.

Pane munhu ari kuti unogona kuwana mari nenzira iri nyore kana kuti purofiti yakakura nokuda kwemari shomanana here? Mashoko okunyevera ndeaya: Kana zvauri kuvimbiswa zvichiita sezvakanyanya kunaka kuti zvive zvechokwadi, kazhinji ndizvo zvazvinenge zviri. Usakurumidza kubvuma zvinotaurwa mumashoko okushambadza kana kuti mashoko anotaura nezvepurofiti ichawanikwa, uchifunga kuti, “Izvi zvakasiyana.” Yeuka kuti vanhu havaiti bhizimisi kuti vape vanhu mari kana kuti kukuudza zvakavanzika zvichakupfumisa. Kana mumwe munhu achiti anoziva zvinogona kukupfumisa, zvibvunze kuti: ‘Nei asingazvishandisi kuti azvipfumise? Nei ari kupedza nguva yake achiedza kunditengesera?’

Zvakadini kana ukaudzwa kuti wahwinha makwikwi kana kuti mubayiro? Usafara—chingangodaro chiri chitsotsi, icho chakaitirwa vakawanda. Somuenzaniso, mumwe mukadzi kuEngland akagamuchira tsamba yaibva kuCanada ichimuudza kuti akanga ahwinha mubayiro asi kuti aifanira kutumira $125 000 yokuti mubayiro wacho ubude. Atumira mari yacho, akagamuchira runhare kubva kuCanada achiudzwa kuti akanga ahwinha mubayiro wechitatu mumakwikwi emari inosvika $1 274 000 000 asi kuti aifanira kubhadhara chikamu chemari iyoyo seimwe mari yokugadzirisa mubayiro wacho. Akatumira $12 740 000 asi hapana chaakagamuchira. Kana uchifanira kubhara “chipo chepachena” kana kuti mubayiro, pane chitsotsi. Zvibvunze kuti, ‘Pane mukana wakakura sei wokuti ndihwinhe mubayiro mumakwikwi andisina kupinda?’

Ita Bhizimisi Nevanhu Vanozivikanwa Chete

Unobvuma kuti unogona kufungidzira kuti munhu haana kutendeseka here? Ngwarira! Matsotsi anoziva zvaangaita kuti avimbwe nawo. Ane unyanzvi hwokuita kuti vanhu vaanonyengedza vavimbe nawo. Vatengesi vakatendeseka nevasina kutendeseka, vanoziva kuti usati wagona kutengesa chinhu unofanira kutanga wafarirwa. Chokwadi, izvi hazvirevi kuti unofanira kunyumwira munhu wose, asi kakunyumwira kane mwero kanokosha pakuzvidzivirira kubiridzirwa. Pane kuedza kuona kana munhu akatendeka nokuvimba nepfungwa dzako, ngwarira zvinhu zviviri zvinowanzoratidza kuti chitsotsi: Chokutanga, zviri kuvimbiswa zvacho zvinoita sezvakanyanya kunaka zvokuti hazvingagoni kuva zvechokwadi, uye chechipiri, mutengesi wacho ari kuedza kukumanikidza kuita chisarudzo here?

Zvinovimbiswa zvakanyanya kunaka kuti zvive zvechokwadi zvakazara paIndaneti. Kunyange zvazvo Indaneti ichiratidza zvinhu zvechokwadi zvakawanda, inopawo matsotsi mukana wokunyengedza vanhu asingazivikanwi. Une kero yetsamba inotumirwa nomukombiyuta here? Kana zvakadaro, unogona kuona wava kutumirwa tsamba—tsamba dzezvokutengeserana dzaunenge usina kukumbira. Kunyange zvazvo tsamba dzokutengesa dzingave nezvinhu zvakawanda nemabasa, zvizhinji zvacho zvinenge zviri zvoutsotsi. Kana ukapindura tsamba inotumirwa nomukombiyuta yaunenge usina kukumbira nokutumira mari nokuda kwechimwe chigadzirwa kana kuti rimwe basa, zvimwe hapana chaunozowana. Kana ukave nechaunogamuchira, pamwe chinenge chisingawirirani nemari yaunenge wabhadhara. Zano rakanakisisa nderokuti, Usambofa wakatenga chinhu kumunhu anotumira tsamba nomukumbiyuta usina kudzikumbira.

Zvimwe chete izvi zvinoshandawo kune vaya vanokuridzira runhare kuti vakutengesere chimwe chinhu. Kunyange zvazvo kutengesa neparunhare kuzhinji kuchiitwa nevanhu vanotengesa zvechokwadi, chitsotsi chokutengesa neparunhare chinobiridzira vanhu mabhiriyoni emadhora gore negore. Hapana nzira chaiyo yokuziva nayo kana kutengesa kuri kwepamutemo ukangotaura nomumwe munhu anokuridzira runhare. Tsotsi rinogona kuedzesera kuva mumiriri webhanga kana kuti mushandi wevanochengetedza makadhi ezvikwereti. Une chikonzero chakanaka chokunyumwa kana mumwe munhu akakuridzira runhare achiti ndewerimwe bhanga kana kuti imwe kambani yaune akaundi nayo okubvunza mashoko avanofanira kunge vagara vanawo. Kana zvikadaro unogona kukumbira munhu wacho nhamba dzake dzorunhare. Wozomufonera kana waona kuti nhamba yacho ndeyebhangi racho kana kuti kambani yacho zvechokwadi.

Pfungwa yakanaka ndeyokurega kupa nhamba dzekadhi rako rechikwereti kana mamwe mashoko pamusoro pako kune mumwe munhu wausingazivi anenge akuridzira runhare. Kana mumwe munhu akakuridzira runhare achida kukutengesera chimwe chinhu chausingadi, unogona kutaura zvakanaka uchiti, “Ndine urombo, handiiti bhizimisi parunhare nevanhu vandisingazivi.” Wadaro, gadzika runhare pasi. Hapana chikonzero chinokumanikidza kutaura nomunhu wausingazivi angadaro ari kuedza kukubiridzira.

Ita bhizimisi nevanhu uye makambani anozivikanwa chete. Kune makambani epamutemo aunogona kuita nawo bhizimisi parunhare kana paindaneti usingatyiri kuti ucharasikirwa. Kana zvichiita, tsvaka mashoko pamusoro pomunhu anotengesa wacho, kambani yacho, uye mari inoda kuiswa mubhizimisi nokumapoka akazvimirira. Bvunza mashoko pamusoro pemari inoda kuiswa mubhizimisi, uye nyatsoaverenga kuti uve nechokwadi chokuti zviri pamutemo. Usamanikidzwa kukurumidza kuita chisarudzo.

Nyoreranai Pasi

Kubiridzira kwose hakungotangi sokubiridzira. Bhizimisi rakavimbika rinogona kusafamba zvakanaka. Kana izvozvo zvikaitika, vaya vari kuita bhizimisi racho vangavhunduka uye vangatanga kuita zvokubiridzira kuti vadzore zvavanenge varasikirwa nazvo. Hapana mubvunzo kuti wakambonzwa nyaya dzevakuru vakuru vemakambani vakanyepa nezvemari yaipinda mubhizimisi uye purofiti yavaiwana uye pakaparara bhizimisi racho vakasvova nemari yakanga yasara.

Kuti uzvidzivirire pakubirwa nepakusanzwisisana kungavapo, unofanira kunyora mashoko acho ose pasi usati waisa mari yakawanda ichakupa purofiti. Chibvumirano chipi nechipi chaunosayina chinofanira kunge chiine mashoko ose emari yaunoshandisa kuti igokupa purofiti nevimbiso dzinoitwa. Zivawo kuti pasinei nokuti purofiti yaunozowana ingave yakanaka zvakadini, hapana anogona kuva nechokwadi chokuti zvinhu zvichafamba sezvakarongwa. (Muparidzi 9:11) Pamusoro pazvo, hakuna bhizimisi risina mukana wokurasikirwa. Saka, chibvumirano chacho chinofanira kujekesa zvose zvichafanira kuitwa nomunhu mumwe nomumwe kana bhizimisi racho rikakundikana.

Nokuziva uye kushandisa nhungamiro dzinokosha dzatakurukura muchidimbu, zvichaderedza mukana wokubiridzirwa. Chirevo cheBhaibheri chekare chinopa zano rinokosha. Chinoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Mukorovheri anosarudza vari nyore kubira, vaya vangangokurumidza kutenda zvose zvaanotaura. Zvinosuruvarisa kuti kune vanhu vakawanda vasina zvavanoita kuti vangwarire pakubiridzirwa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona Mukai! yeChirungu yaMarch 22, 2001 mapeji 19-21.

^ ndima 9 Chirongwa chepiramidhi chinorondedzerwa se“purogiramu yokutengesa ine zvinhanho zvakawanda inoita kuti vanhu vabhadhare mari yokupinda muchirongwa chacho kuti vawane mukana wokutsvaka vamwe kuti vaite zvimwe chetezvo.” Zvirongwa zvakadaro kazhinji hazvina zvigadzirwa zvazvinobudisa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

Kana zvauri kuvimbiswa zvichiita sezvakanyanya kunaka kuti zvive zvechokwadi, kazhinji ndizvo zvazvinenge zviri

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Mazano Kune Vanenge Vabiridzirwa

Vanenge vabiridzirwa vanowanzokurirwa nokunyara, kunzwa vane mhaka, uye kuzviitira hasha. Usazvishora. Ndiwe wabiridzirwa; munhu wacho akubiridzira ndiye ane mhaka. Kana wakanganisa, bvuma kuti ndizvo zvaitika wosiyana nazvo. Usabva wazviona sokuti uri fuza. Yeuka kuti vakorovheri vanokwanisa kubiridzira vanhu vakangwara zvikuru—vatungamiriri veHurumende, mamaneja emabhangi, vakuru vakuru vemakambani, mamaneja emari, magweta, nevamwe.

Vanenge vabiridzirwa havangobirwi mari yavo nezvinhu zvavo chete asiwo kuzvivimba nokuzviremekedza. Kana ukabiridzirwa ne“shamwari,” panenge pasisina kuvimbana. Kubiridzirwa kunorwadza. Zvipe nguva yokuchema. Zvinowanzobatsira kutaura nhau yacho nomumwe munhu waunovimba. Munyengetero unogona kukunyaradza zvikuru. (VaFiripi 4:6-8) Kunyange zvakadaro, zivawo kuti pane imwe nguva uchakanganwa nyaya yacho. Nei uchifanira kuramba wakasuwa kwenguva refu? Vavarira kuita zvakanaka, uye shanda kuti uzviite.

Ngwarira kutsotswa nevanoti vanogona kukubatsira kuwana zvawakarasikirwa nazvo. Vakorovheri vacharidzira runhare munhu wavakabiridzira kuti vamubatsire kuwana mari yaakabirwa. Chinangwa chavo ndechokubiridzira munhu wacho zvakare.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Chitsotsi Chezvirongwa Zvokutengesa—Nzira Nhanhatu Dzokutengeserana Dzechitsotsi Dzetsamba Dzinotumirwa Nomukombiyuta

1. Zvirongwa zvepiramidhi: Izvi zvinowanzoita semikana yokuita nayo mari yakawanda usina kushanda zvakaoma uye washandisa mari shomanana. Chimwe chirongwa chinoti chinokupa kombiyuta kana kuti mumwewo mudziyo wemagetsi kana ukabhadhara kuti upinde muchikwata chacho uye wotsvaka vamwewo vanopindamo. Imwe nzira ndeyetsamba dzinotumirwa kuvanhu vakawanda kuti vatumirewo vamwe vakawanda. Tsamba idzi dzinenge dzagara dzisingatenderwi nomutemo zvachose. Vazhinji vanoisa mari yavo madziri vanorasikirwa nayo.

2. Zvirongwa Zvokushandira Pamba: Mune rumwe rutivi rwechitsotsi ichi, unopiwa mukana wokugadzira zvinhu zvakaita sezvishongo zvemabwe, matoyi, kana kuti mimwe midziyo inoda kugadzirwa. Unoshandisa mari pazvinhu uye nguva pakugadzira zvigadzirwa, wozongoudzwa kuti zvawakagadzira hazvigoni kutengeserwa vaya vakati vanozvida nemhaka yokuti hazvina kunaka sezvavaitarisira.

3. Chitsotsi mune zvoutano nezvokudya: PaIndaneti pakazara nokuvimbisa kuti zvinhu zvakadai semapiritsi anobatsira okuderedza kufuta pasina kurovedza muviri kana kuti kusadya, anorapa kukundikana kuita zvepabonde muvanhurume, uye mafuta anoderedza kuunduka bvudzi. Vimbiso idzi kazhinji dzinotsigirwa nemashoko okukurudzira anobva kuvatengi vakagutsikana. Mashoko anowanzooneka mukushambadzira uku anosanganisira kutsanangura kwakaita sokuti “kufambira mberi mune zvesayenzi,” “mushonga unoshamisa,” “nzira yakavanzika,” uye “makasanganiswa zvinhu zvekaresa.” Chokwadi ndeichi, zvizhinji zvezvinhu izvi hazvishandi.

4. Mikana yokuti mari iberekane: Zvirongwa izvi zvinowanzonzi zvinobereka mari yakawanda pasitomborina mukana wokurasikirwa kana kuti uri muduku zvikuru. Chakakurumbira chacho ndechokuisa mari mubhangi riri kune imwe nyika. Vanoisa mari vacho vanonyengedzwa nevimbiso dzokuti vaya vari kubata mari dzavo vanhu vanonyatsoziva.

5. Kugadzirisa chikwereti: Zvirongwa izvi zvinovimbisa kubvisa mashoko asingafadzi ari pakadhi rako rechikwereti zvokuti unobva wakwanisa kupiwa zvinhu nechikwereti, kukwereteswa mari yokutenga motokari kana kuwana basa. Pasinei hapo nevimbiso dzacho, varidzi vechirongwa chacho havagoni kuita zvavanovimbisa.

6. Kushambadzwa kwemibayiro yokuenda kuzororo: Unogamuchira tsamba dzepakombiyuta dzichikukorokotedza kuti wahwinha mukana wokuenda kuzororo nemari iri pasi-pasi. Vamwe vangati vanyatsosarudzwa. Yeuka kuti kuzivisa kwakafanana kungadaro kwakatumirwawo kumamwe mamiriyoni uye kuudzwa kuti uchangobhadhara mari shoma yokugara nokuita zvimwe zvose pane yakanga yashambadzwa.

[Kwazvakatorwa]

Kwakabva mashoko: U.S. Federal Trade Commission

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvirongwa zvepiramidhi zvinoparara nguva dzose

[Mufananidzo uri papeji 9]

Chibvumirano chose chaunosayina chinofanira kuva nemashoko ose ane chokuita nemari yauri kuda kuisa mubhizimisi kuti ikupe purofiti uye vimbiso dzinenge dzaitwa